Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Neiko Ndichifanira Kuva Akasiana?
“KUVA akasiana kwakaoma.” Yakadaro imwe pwere yechiKristu. Kana iwe umene uri muKristu, pasina panikiro unonzwisisa chaizvoizvo manzwire aanoita. Sepwere zhinjisa, unoda kudiwa uye kugamuchirwa navamwe. Chinetso ndeichi, kuva anogamuchirwa kunowanzoreva kuwirirana—kutaura, kupfeka, uye kuita savezera rako. Pwere inotsunga hayo kuva yakasiana inokumbira kufuratirwa mufambidzano uye kunyombwa.
Pwere dziri pakati peZvapupu zvaJehovha naizvozvo dzinonangana nomugariro wakaoma. Kuchitaurwa nomutoo wakapfava, samaKristu, dzakasiana nedzimwe pwere. Ikoku hakusati kuri nemhaka yokuti dzine chimiro chendangariro chakakwirira kana kuti dzinofunga kuti dziri nani zvikuru kupinda vamwe vanhu. Panzvimbo pezvo, nokuda kwerovedzwo yadzo yeBhaibheri, hadziwanzobvumirana navezera radzo pakunouya kutsika. Mirangariro yadzo pazvinoitika zvokuvimbika, kuchengetwa kwamahoridhe orudzidziso, uye kuronga misi yokuvhakacha nenzira yakafanana kungadziita dzinocherekedzwa ndokuparira vamwe kunyangadzwa pakati pavezera radzo.a
Imwe pwere iri Chapupu inoidza kuva akasiana kuti “rutivi rwakaomesesa rwokuva muKristu.” Imwe inoti: “Pwere dzinokuzvidza. Ini ndakanzi mbwende uye dera kazhinji.” Vabereki vako vechiKristu vanoomererazve pakuti iwe uve akasiana kwete bedzi mumufambiro wetsika asiwo munhau dzakadai somupfekero, kushambidzika, uye kuda nziyo.
Vanhu vaMwari Vakasiana!
‘Chii chakashata zvikuru pakuva akafanana nedzimwe pwere?’ ungabvunza kudaro. Eya, kuva akasiana kwakaratidzira vanhu vaMwari kubvira pamavambo pamene. Pane imwe nguva, Mwari akasarudza Israeri wakare kuva “pfuma [yake] chaiyo.” (Eksodho 19:5) Ikoko kwakareva kuva akasiana namamwe marudzi ose. Pana Revhitiko 18:3, Mwari akaraira, kuti: “Imi hamufaniri kuita nenzira inoita nayo nyika yeEgipita, iyo imi makagara mairi; uye hamufaniri kuita nenzira inoita nayo nyika yeKanani, iyo ini ndiri kukupinzai mairi, uye hamufaniri kufamba mutsika dzavo.”
VaEgipita vekare vakanga vakanyura mukunamatwa kwakashata kwemhuka. Chitendero mukusafa kwomweya kwakashatsa upenyu hwavo. Vatano pakati pehama yakanga iri yavose. Nomutoo wakafanana, Kanani yakanga iri nyika yakatekesherwa nokunamatwa kwezvifananidzo, kushatiswa kwevatano, kuteurwa kweropa, kubayirwa kwavana, uye uhure. “Musazviita mumene vasina kuchena kupfurikidza nechipi nechipi cheizvi zvinhu,” naizvozvo Mwari akanyevera kudaro. “Hamufaniri kuita chipi nechipi cheizvi zvinhu zvinonyangadza.”—Revhitiko 18:24-26, NW.
Jehovha akatsigira uku kuraira nebumbiro reMitemo yaidzora chose chose rutivi rwuri rwose rwoupenyu hwavo: zvokudya zvavo (Revhitiko 11), miitiro yavo youtsanana (Dheuteronomio 23:12, 13), miitiro yavo yevatano (Revhitiko 18:6-23). Mutemo wakatodzora mupfekero wavo neshambidziko! “Ivo vanofanira kuzviitira vamene masa mipendero yenguvo dzavo muzvizvarwa zvavo zvose,” akadaro Jehovha, “uye vanofanira kuisa rwonzi rutema pamusoro wenguvo.” (Numeri 15:38) Varume vaidikanirwa kuva nendebvu uye vairambidzwa kugurira “nhivi dzendebvu” dzavo. (Revhitiko 19:27; 21:5) Uyu mutemo waifanira kutetekerwa kunyange kana muJudha akanga asingadi nguvo dzine mipendero kana kuti kuda chitarisiko chakanaka chakavevurwa.
Zvino, fungidzira hako kuva anoudzwa kuti unofanira kuva nendebvu uye zvipfeko zvakati. Haungashatirirwi ikoku sokuputswa kwamaruramiro ako omunhu oga here? Bva, mitemo yaMwari yakabatira donzo rinokosha nerinobetsera. Jehovha akatsanangura, kuti: “Donzo nderokuti mugoyeuka uye mugoita zvomenemene mirairo yangu yose uye zvamazvirokwazvo ndokubvumikisa kuva vatsvene kuna Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.” (Numeri 15:38-41, NW) Bumbiro remitemo yomupfekero rakabatira sechiyeuchidzo chine simba chokuona kuti vaJudha vakanga vakasiana—rudzi rwakatsaurwa sorutsvene kuna Jehovha. Ganhuriro dzokudya hadzina kungotaviridzira bedzi utano hwavo asi dzakabetsera kuvataviridzira pakuva vanobatanidzwa munzanga kana kuti murudzidziso navasati vari vaJudha. Chokwadika, kwakanga kusingabviri chose chose kusonganirana navahedheni pasina kuputswa kworutivi rwakati rwoMutemo waMwari. Mutemo waMosesi nokudaro wakabatira so“rusvingo” rwaiita kuti vanhu Vake varambe vakaparadzana namamwe marudzi.—Enzanisa naVaEfeso 2:14.
MaKristu Anofanira Kuva Akasiana
MaKristu nhasi “akasunungurwa paMutemo” waMosesi uye anofarikanya rusununguko rwakati munhau dzechisarudzo chomunhu oga. (VaRoma 7:6) Kunyanguvezvo, Jesu Kristu akaudza vateveri vake, kuti: “Imi hamusati muri rutivi rwenyika . . . Ini ndakakusarudzai munyika, [uye] nokuda kwaikoku nyika inokuvengai.” (Johane 15:19, NW) Jesu akanga asiri kutaura kuti maKristu aitofanira kubva panyika yaPasi. (Enzanisa na 1 VaKorinte 5:10.) Akangoreva bedzi kuti iwo anofanira kuva akaparadzana ne“nyika”—rutivi rworudzi rwomunhu rwakaparadzana naMwari. Nemhaka yeiko? Nemhaka yokuti sokutaura kwakaita muapostora Johane gare gare, “nyika yose iri musimba rowakaipa.”—1 Johane 5:19, NW.
Zvino chirangarira dzimwe dzepwere dzaunoziva muchikoro. Zvakadiniko nokufunga kwadzo, mufambiro wadzo, kutaura kwadzo, kuda kwadzo nziyo kana kuti zvipfeko? Kunoratidzika here kwauri kuti pwere dzakadaro dzinotungamirirwa nemipimo youmwari—kana kuti dzinotungamirirwa nemirau yakagadzwa na“mwari wetsika ino yezvinhu,” Satani Dhiabhorosi? (2 VaKorinte 4:4, NW) Kana kwapashure kuri kwechokwadi, mugariro wakadini waunozvipinza umene mauri kana iwe uchiita, uchitaura, kana kuti kunyange kuratidzika usina kushambidzika saivo! Chinhu chiduku chinokuvadza chingaitika, chinonetesa kutaura kwako kwokuva Chapupu chaJehovha. Zvakatoipisisa, ungatozviwana umene uchikurirwa nepesvedzero dzakashata.
“Shamwari dzako dzinotapura chaizvoizvo mufambiro wako,” anobvuma kudaro mumwe mukadzi muduku anonzi Kim. “Pandaiveri muchikoro, ndakanga ndisina kusimba zvikuru muzvokwadi ye[chiKristu], nokudaro ndakanga ndine shamwari dzakawanda dzokunyika. Asi ikoko kwakanga kusina kunaka nokuti ndakabatanidzwa muzvinhu zvakawanda zvakashata.” Bva haudikanirwi kubatanidzwa muchiito chakashata chakakomba kuti ukuvadze ukama hwako naMwari. Sanocherekedza icho Bhaibheri rinotaura pana Jakobho 4:4 (NW), kuti: “Hamuzivi here kuti ushamwaridzani nenyika ruvengano naMwari? Naizvozvo, upi kana upi anoda kuva shamwari yenyika anozviita amene muvengi waMwari.”
Unoda zvomenemene here kupinda mungozi yokuva muvengi waMwari? Chokwadika nyangwe! Ipapoka jekesa kuti hausati uri rutivi rwenyika. Zvisinei, ikoku kunoreva zvinopfuura kungodzivisa bedzi mirimo noutere hwevatano.
Nzira Yokuva Akasiana
Somuenzaniso, rangarira kuda kwako zvipfeko. Zvaunopfeka zvinotaura shoko pamusoro pezvauri, chaunomirira, chaunodavira. Mukusafanana negadziriro yechiJudha, kunyange zvakadaro, chiKristu chinokubvumira nzvimbo hurusa nokuda kwechimiro chomunhu nechisarudzo chomunhu oga. Asi ikoko kunoreva here kubatanidzwa mufashoni iri yose yomupfekero inovapo?
Mumwe musikana wechiKristu aida kutevera muitiro waidiwa panguva iyeyo wokupfeka majini akabvaruka achienda kuchikoro. Nomutoo womuzvarirwo, hakuna munhu anoda kuratidzika kunyanyova akasiana. Asi vabereki vako vakachenjera, zvisinei, mukugadza ganhuriro dzisingakubvumiri kupfeka zvitayera zviri zvoupfende, zvisina kufanira, zvechienzi, kana kuti zvinogumbura. Kudai waizopfeka nenzira dzakadaro, waizopa murangariro wakadini kuna vamwe? Mumwe musikana muduku anonzi Jeffie akakuwana apo iye akaita kuti bvudzi rake rigerwe nomutoo wechitayera. “Ndakafunga kuti kunoratidzika ‘kwakasiana,’” anoyeuka kudaro. “Asi vanhu vakatanga kundibvunza kuti, ‘Iwe zvomenemene uri mumwe weZvapupu zvaJehovha here?’ uye ikoko kwakanga kuchikwenudza.”
Pangiro yakadzikama inopiwa pana 1 Timotio 2:9 (NW), apo maKristu anokurudzirwa kupfeka “zvine mwero nokunaka kwendangariro.” Unogona nguva dzose kuva ane mwero pasina kuratidzira sowechinyakare nomutoo wakatanhamara. Chokwadi, kupfeka nomutoo une mwero sezvinobvira kuchakuita kuti uve munhu asingadiwi zvikurusa, asi kuchakubetsera kuva akasiana chose chose—uye ikoko ndiko chimwe chinhu chingakuwanira tendero yaMwari!
Zvakadiniko nokuda kwako nziyo? Nziyo dzinozadza awa riri rose rokusvinura repwere zhinji. Padzinoitwa kuti dzirambe dziri mudzikamo, nziyo dzinogona kuva dzinofarikanyika uye dzinovaka. Eksodho 32:17-22, zvisinei, inoratidza kuti nziyo dzinogonawo kunyandura ndangariro dzehwaro nechishuvo chakasimba. Uye zhinji dzenziyo dzanhasi hadzimbokodzeri nzeve dzomuKristu. Rudzi rwenziyo dzeroki dzine mitinhimira inodzokororwa yenziyo, somuenzaniso, dzakakurumbira, asi dzakawanda—kana dzisiri zvizhinjisa—dzadzo dzakavakirwa pautere hwevatano, rupandukiro, masimba masimba, kana kuti kunyange kurukurirano nemidzimu. Unoita izvo vachiri kuyaruka vanoita here muchisarudzo chavo chenziyo, kana kuti une ushingi hwokuva anosarudza?
Hungu, kunoda ushingi kuti uve akasiana. Apo unoramba kuita kuti shamwari navaunofunda navo varaire chisarudzo chako chevaraidzo, kutaura, kana kuti mupfekero, kune chokwadi chokumutsa chiito. Jesu akanyevera, kuti: “Nemhaka yokuti imi hamusati muri rutivi rwenyika, . . . nyika inokuvengai.” (Johane 15:19, NW) Kuva akasiana naizvozvo kungava chimwe chezvinhu zvakaomesesa zvawati wambofanira kuita—asi hachisiri chisingabviri. Ndiyo nzira inotsigira mipimo yaMwari. Inokuvigira kuzviremekedza nehana yakachena. Mubvunzo ndouyu, Unogona sei kuwana ushingi hwokuva akasiana? Chinyorwa chedu chinotevera chichakurukura mubvunzo iwoyo.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwoudzame pamusoro penhau dzakadaro, ona bhurocha rinonzi School and Jehovah’s Witnesses, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Pwere inokundikana kuva yakasiana navezera rayo inonetesa kutaura kwayo kwokuva muKristu