RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 7/8 pp. 18-20
  • Ndinogona Sei Kuva Noushingi Hwokuva Akasiana?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kuva Noushingi Hwokuva Akasiana?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Manyuko Oushingi Hwechokwadi
  • Pwere Dzine Ushingi Dzomunguva Yapakuvamba
  • “Shinga”
  • Ndinogona Sei Kugonana Nedzvinyiriro Yevezera Rangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Neiko Ndichifanira Kuva Akasiana?
    Mukai!—1992
  • Pwere, Fambai Zvakafanira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kutaurirei Pamusoro paMwari?
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 7/8 pp. 18-20

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinogona Sei Kuva Noushingi Hwokuva Akasiana?

“Padzimwe nguva dzvinyiriro yavezera rangu inondiita ndiite chandinorangarira kuti chakaipa, asi sezvo kuri kusanyanyofanana navezera rangu kusachiita, ndinongoti hangu hungu.”—John.

“DZVINYIRIRO yavezera rimwe chetero inovhojokera rutivi rwuri rwose rwoupenyu hwedu.” Anodaro munyori Lesley Jane Nonkin. Vezera rimwe chetero vanoedza kuraira mapfekere aunoita. Vanogadza mitemo yamafambire aunoita, mataurire aunoita, uye makamire aunoita bvudzi rako. Kusiana neboka hakushivirirwi. Wirirana—kana kuti ukasadaro unotambura kurambwa!

Zvisinei, pwere dzechiKristu hadzisiri varanda vewirirano. Dzichitevera mutemo wakagadzwa naJesu pana Johane 15:19, idzo “hadzisati dziri rutivi rwenyika” yavanhu vasina umwari.a Kuva munyika asi usati uri rutivi rwayo kunodenha, kunyange zvakadaro. Kwakafanana nokukwasva igwa pagungwa rakabvongodzwa. Uri mumvura uye wakakomberedzwa nemvura, asi kuti urambe uri mupenyu unoedza kuita kuti yakawanda yayo seinobvira irambe iri kunze kweigwa rako! Nomutoo wakafanana, pwere dziri pakati peZvapupu zvaJehovha dzinovavarira kudzivisa kusava noumwari kwenyika kupinda muupenyu hwadzo.

Zvisinei, ikoku hakusi nyore nguva dzose. Rangarira Chapupu chiduku chomuJapan chinonzi Eiichiro. Dzvinyiriro yokuwirirana yakasimba zvikuru munyika iyeyo, pakati pepwere pamwe chete navakura. Eiichiro anoyeuka, kuti: “Muchikoro handisati ndaigona kutora rutivi mukutungamirirwa nehana muzvinoitika zvinobatanidza zviratidzo zvorudzi nenziyo. Kupfuurirazve, handisati ndaigona kudzidza mitambo yokurwa, sezvo iyoyi yakanga ichirwisana nenheyo dzeBhaibheri.” (Ona Eksodho 20:4, 5 naRuka 4:8; Isaya 2:4 uye Ruka 10:27.) Ikoku kwakaita kuti Eiichiro ave akachachamara—zvimwe nomutoo unokwenudza kudaro—pakati pavezera rake.

Pwere dzeZvapupu munyika yose dzinonangana nemigariro yakafanana. “Mahoridhe ndiwo akaomesesa,” inodaro imwe pwere yechiKristu. “Pwere dzose dzinobvunza kuti, ‘Neiko usiri kuchengeta?’” Kumumwe musikana achiri kuyaruka nhau yakaomesesa iri “kana angaronga misi yokuvhakacha navakomana.” Bva mumwe achiri kuyaruka wechiKristu anonyunyuta nezvedzvinyiriro yokufambidzana. Anoti: “Vanhu vanokubvunza nguva yose kuti, ‘Hausiri kuenda kupati here?’” Dzimwe pwere dzeZvapupu dzakasekwa nokuda kwokuramba kukundikana kupinda makirasi echikoro kana kuti kubira pabvunzo. Ipapoka, kuri nyore kuona kuti kuva akasiana kunoda ushingi chaihwo, uye hadzisi pwere dzose dzinonzwa dzinahwo.

Imwe pwere yakanyora, kuti: “Ini ndiri kurarama upenyu huviri—humwe kuchikoro uye humwe pamusha. Kuchikoro ndinosonganirana nepwere dzokunyika. Asi idzi pwere dzinoshandisa mutauro wakashata nguva iri yose yadzinotaura, uye ndiri kuva akafanana chaizvo nadzo. Ndinofanira kuiteiko?” Mhinduro yakajeka: Wana ushingi hwokuva akasiana! Asi seiko?

Manyuko Oushingi Hwechokwadi

Ushingi isimba rendangariro kana kuti tsika rokudzivisa ngozi, rutyo, kana kuti nhamo. Handi vose vanaro, bva rinogona kuwanwa. “Mwari akatipa usati uri mudzimu woumbwende,” anotsanangura kudaro muapostora Pauro, “asi uyo wesimba uye worudo nokunaka kwendangariro.” (2 Timotio 1:7, NW) Hungu, Mwari anogona kukugovera simba rinodikanwa kunangana noushingi navezera rimwe chetero vako.—VaFiripi 4:13.

Asi unowana sei iri simba? Imwe nzira iri kupfurikidza nokungorikumbira bedzi. “Kumbirai uye muchawana,” akapikira kudaro Jesu pana Johane 16:24, (NW). Zvikurukuru apo unonangana nomuedzo wokubvumirana pane zvisina kufanira munyengetero unofanira kuva pamiromo yako. “Ndinonyengetera kuna Jehovha kuti ndiwane udzori hwendangariro yangu nomwoyo,” inodaro imwe pwere yechiKristu.

Pwere Dzine Ushingi Dzomunguva Yapakuvamba

Kurava nokufungisisa pamusoro penhauro dzeBhaibheri dzinozivisa pamusoro pavabatiri vane ushingi vaMwari ndiimwe nzira yokukubetsera kukudziridza kusava norutyo. Somuenzaniso, unonyara here pamusoro pokuita kuti vamwe vazive kuti iwe uri mumwe weZvapupu zvaJehovha? Ipapo funda nhauro iri pana 2 Madzimambo 5:1-5. Inotiudza nezvomusikana wechiIsraeri akanyerudzwa uyo noushingi akaratidzira kutenda kwake pamberi pavamwe. Imwe nhauro inofadza yakanyorwa pana Mabasa 4:20, (NW). Ipapo vaapostora nomutoo woushingi vakaudza vashori, kuti: “Isu hatingagoni kurega kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.” Kufunda idzi nhau kungakukuchidzira kuratidzira ushingi hwakafanana mukutaura.

Imwe nhau inofadza ndeiya yaDhanieri neshamwari dzake nhatu dzichiri kuyaruka, Shadreki, Meshaki, uye Abhedhinego. Pwere idzi dzaiva pakati pechiverengero chepwere dzakasarudzwa dzechiJudha idzo dzakatapwa ndokuunzwa kuBhabhironi. Mambo weBhabhironi akanga achirangarira kurovedza idzi pwere nokuda kwenzvimbo dzomutoro muhurumende. Kubetsera kudzipinza mumararamire eBhabhironi, pwere dzakachinjwa mazita adzo echiJudha ndokudzidziswa mutauro nenzira zvavaBhabhironi. Vatapi vadzo vakaedzazve kuvabvisa pamuitiro wechiJudha kupfurikidza nokuvadyisa “zvokudya zvamambo.”—Dhanieri 1:7, 8.

Kundangariro yavaBhabhironi, zvokudya zvakadaro zvakanga zviri zvokudya zvinofadza zvomukari. Kuna vaJudha vanotya Mwari, zvokudya zvavaBhabhironi zvakanga zvichisembura murudzidziso. Bva, zhinjisa dzepwere dzakatapwa sezvinooneka dzakakurirwa nomuedzo—dzose kunze kwaDhanieri neshamwari dzake. Fungidzira dzvinyiriro yavangave vakawana kuna vezera rimwe chetero vavo vechiJudha! Ko idzi pwere dzakaita sei kudzvinyiriro dzakadaro? Zviravire umene nhauro inosimbisa kutenda iri muna Dhanieri ganhuro 1. Zvimwe ichakubetsera kuva noushingi hwokuramba kana mumwe munhu akamboedza kukugovera mirimo isiri yapamutemo kana kuti chinwiwa chinodhakisa!

“Shinga”

Kungorava bedzi pamusoro poushingi hakuna kukwana. Kuti ukudziridze ushingi huchakubetsera kudzivisa dzvinyiriro yavezera rimwe chetero, unofanira kutevera zuva nezuva pangiro yakapiwa naPauro kuvarume navakadzi vomuungano yeKorinte, inoti: “Garai makasimba mukutenda; shingai uye ivai vakasimba.”—1 VaKorinte 16:13, The Jerusalem Bible.

Somuenzaniso, paunenge usiri kuonekwa navabereki vako nemitezo yeungano yechiKristu, unochinja mupfekero wako kana kuti magadzirirwe ebvudzi kuti ukodzerane nepwere dzenyika here? Kana kuti nomutoo wokusabvumirana pane zvisina kufanira unonamatira kumipimo yechiKristu here? “Ndinoramba kutevera chitayera chiri chose chinobuda,” anodaro mumwe musikana akashinga wechiKristu.

Mumwe mubvunzo: Wakashinga zvakaringanira kuita kuti vomukirasi biyako vazive kuti iwe uri mumwe weZvapupu zvaJehovha here? Kana chikoro chako chichikubvumidza kuita kudaro, unoenda neBhaibheri rako namabhuku eBhaibheri here? Kana nhau dzinobatanidza mhindumupindu, zvinoitika zvokuvimbika kunyika yokwako, kana kuti kuisirwa ropa dzikamuka mukirasi, uno“ita dziviriro pamberi pomunhu ari wose here anoda kwauri chikonzero chetariro iri mauri”? (1 Petro 3:15, NW) Kana kuti unogara hako pachibhariro chako mukunyarara kwokufunganya? Jesu Kristu akati: ‘Upi kana upi unonyadziswa neni namashoko angu, ini ndichanyadziswawo naye.’—Marko 8:38, NW.

Mukusatongonyadziswa, muKristu akashinga anozvitutumadza pamusoro petariro yake yakavakirwa paBhaibheri! (Enzanisa naVaHebheru 3:6.) Eiichiro, pwere yeJapan yanokorwa mashoko pakuvamba, yakadzidza kuita kudaro. Kazhinji kazhinji aibvunzwa chikonzero nei asina kutora rutivi muzvinoitika zvokuvimbika kunyika yokwako kana kuti mitambo yokurwa. Haana here kusabetserwa nokuda kwokuva akasiana? “Nyangwe,” anodaro, “ndakasvika pakurangarira ikoku kose sedenho. Onaika, ndaitofanira kugadzirira mhinduro dzokudzivirira zviito zvangu uye ndaitofanira kuvimba nebetsero yaJehovha. Naizvozvo pakupedzisira, kusabetserekana kwakava betsero.”

Dzidzawo kutaura nenzwi guru paunenge wanangana nomuedzo. Zvirevo 1:10-15 (NW), inoti: “Mwanakomana wangu, kana vaiti vezvivi vakaedza kukunyengedza, usabvumira. Kana vakaramba vachiti: ‘Handei tose . . . ’ mwanakomana wangu, usapinda munzira pamwe chete navo. Dzora rutsoka rwako pagwara ravo.” Chokwadika, ikoku hakusati hakwo kuchireva kuparidza mharidzo. Mubhuku rake rinonzi How to Say No and Keep Your Friends, mupi zano Sharon Scott anocherekedza kuti padzimwe nguva ungangoda hako kubva, kuramba kokero—kana kuti kungoifuratira bedzi. Asi padzimwe nguva, ungava usina chisarudzo kunze kwokutaura nenzwi guru ndokuita kuti vamwe vazive chikonzero nei usingagoni kuvakumbanira. Mupi zano Scott anorumbidza kuti iwe uve akatsiga: “Usaratidzika kuva akanyarara . . . Chengeta ziso reonano. . . . Taura nenzwi rakasimba uye rakatsiga.”

Ungaedzwazve kana kuti kusekwa nokuda kwechimiro chako. Bva, vazhinji vachakuyemura neshanje. Mike, mumwe achiri kuyaruka, anoti: “Vakomana vazhinji vanoziva kuti ini ndiri Chapupu, uye vanondiremekedza. Kana vachizokurukura chimwe chinhu chakashata, vachati, ‘Mike, tagadzirira kutaura, naizvozvo kana uchida hako kubva, chibva wabva.’” Hadzisi pwere dzose dzichakupa ruremekedzo rwakadaro. Asi Mwari achafadzwa zvamazvirokwazvo nenzira yako. (1 Petro 4:3-6) Imwe pwere yechiKristu nokudaro inoti: “Usazvidya mwoyo pamusoro peizvo dzimwe pwere dzinofunga pamusoro pako!” Mufungo waMwari ndiwo unokosha. Uye iye achakukomborera nokuda kwokuva noushingi hwokuva akasiana.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Neiko Ndichifanira Kuva Akasiana?” iri muchinyorwa chedu chaJune 8, 1992.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Apo mabanza okutsanangura kutenda kwako anomuka, unotaura nenzwi guru here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe