Kurwadza Kworufu Kunobviswa
HAKUSATI kuri kwechienzi kurava nezvorufu serwomuzvarirwo kana kuti rwenguva dzose. Zvomenemene, harusati rwuri, mukuwirirana nenhauro yeBhaibheri. Rufu muvengi akabva muchivi. “Kupfurikidza nomunhu mumwe chivi chakapinda munyika norufu kupfurikidza nechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nemhaka yokuti vose vakanga vatadza,” rinotaura kudaro Bhaibheri pana VaRoma 5:12, NW.
Sezvo rufu rwakanga rusati rwuri kuda kwaMwari nokuda kworudzi rwomunhu, iye norudo akaita nzira yokubuda nayo. Mukubvumira Mwanakomana wake kutifira, iye akagovera rudzikinuro runowirirana kuripira chirango chorufu. (Mateo 20:28; 1 Johane 2:2) Iye akapikirawo paradhiso yapasi ine hurumende itsva chose chose kuti itonge rudzi rwose rwomunhu. Hurumende iyoyo ichabvisa chose chose miuyo yechivi norufu. (Ruka 18:30) Bhaibheri rinotaura pana Zvakazarurwa 21:3, 4 (NW), kuti: “Mwari amene achava navo. Uye achapukuta musodzi uri wose mumeso avo, uye rufu haruchazotongovipozve, uyewo kuchema kana kurira kana kurwadziwa hazvichazovipozve. Zvinhu zvapakuvamba zvapfuura.” Asi zvakadiniko naavo vakatofa?
Vane tariro yorumuko—kariro yokuraramazve savanhu muParadhiso yapasi iyoyo, nemiviri nendangariro zvine utano nomutoo wakakwana. Hungu, “nguva inouya iyo vose avo vari muhwiro hweyeuko vachanzwa inzwi rake ndokubuda.” (Johane 5:28, 29, NW) Uyo akatumwa naMwari kuti adzikinure rudzi rwomunhu, Jesu Kristu, anotivimbisazve, kuti: “Kuda kwaBaba vangu ndiko, kuti mumwe nomumwe, unotarira Mwanakomana, nokutenda kwaari, ave noupenyu husingaperi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.”—Johane 6:40.
Ndiyo tariro iyoyi yorumuko iyo inotsigira vakawanda vakarasikirwa nomudikanwi murufu. Vanoziva kuti vadikanwi vavo vakango“vata[wo zvavo] murufu,” uye naizvozvo ha“vasati vachichema kufanana navamwe vanhu vose, avo vasina tariro.” (1 VaTesaronika 4:13, The New English Bible) Vanotarisira mberi kukufarikanya songanirano navo zvakare mutsika itsva iyoyo yezvinhu yakapikirwa naMwari. Vane kutenda muna Mwari uyo anopa nyaradzo netariro.—VaRoma 15:4, 13; 2 VaKorinte 1:3; 2 VaTesaronika 2:16.
Ndicho chikonzero nei mariro eZvapupu zvaJehovha akatanhamara seakasiana namamwe. Kuti zvifanirwe nenyasha dzaMwari, Zvapupu zvinodzivisa miitiro ipi neipi iyo inopesana neShoko rake, Bhaibheri. Tsika nezvishongo izvo zvine hwaro hwazvo muzvitendero zvisingadzidziswi muBhaibheri zvinodziviswa. Sezvazvinonamata Mwari bedzi wechokwadi, Jehovha, zvinoramba kupa rukudzo rwokunamata rwakadaro kuvakafa vazvo. Uye hazviiti ratidziro ipi neipi yokuzvitutumadza yepfuma kana kuti mugariro, sezvo zvichiziva kuti ikoko hakufadzi Mwari. (1 Johane 2:16) Mariro azvo akapfava uye anokudzwa uye anobetsera kunyaradza mwoyo yaavo vanofirwa. Hurukuro inopiwa mukuyeukwa kwanyakufa, ichiratidza tariro inowanwa muBhaibheri. Zvinochema, asi kwete nokunyanyisa.
Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti nokukurumidza “muvengi wokupedzisira . . . ndirwo rufu,” achabviswa. Ipapo mashoko akadeya kutaurwa achava echokwadi, anoti: “Rufu rwakamedzwa nokukunda. Iwe rufu, rukunda kwako kuripiko? Iwe rufu, rumborera rwako ruripiko?”—1 VaKorinte 15:26, 54, 55.