“Muvengi Wokupedzisira” Achakurirwa!
APO wakanga uri mwana, ungave waitya rima. Nhau dzinotyisa uye kunyange ngano zvingave zvakakuzadza nefunganyo. Kwakanga kuchinyaradza sei apo amai vako kana kuti baba vaisiya rambi rakabatidzwa apo waiedza kuvata!
Rufu nenzira yakafanana runotyisidzira vazhinji. Bva, harufaniri kudaro. Neiko? Nemhaka yeizvo rufu rwuri chaizvoizvo.
Ziva Muvengi Wako
Mambo akachenjera Soromoni waIsraeri wakare akazivisa, kuti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Mukuwirirana nouyu mufungo wakafuridzirwa nenzira youmwari unowanwa muBhaibheri rako umene, rufu runongova zvarwo musiano woupenyu. Vakafa havana chavanoziva.
Achinongedzera kurufu munzira yokuenzanisira, muapostora wechiKristu Pauro anonyora, kuti: “Iwe rufu, kukunda kwako kuripiko? Iwe rufu, rumborera rwako ruripiko?” Chii chiri rumborera runoparira rufu? Pauro anoti: “Rumborera rworufu ndizvo zvivi.” (1 VaKorinte 15:55, 56; Hosea 13:14) Chii, ipapoka, chiri mavambo ourwu rumborera runouraya? Pane imwe nzvimbo muMagwaro, Pauro anoti: “Kupfurikidza nomunhu mumwe chivi chakapinda munyika uye rufu kupfurikidza nechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nemhaka yokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12, NW) Muapostora haasiyi panikiro pamusoro pokuzivikanwa kwo“munhu mumwe” iyeyo apo anoti: “Vose vanofa muna Adhama.” (1 VaKorinte 15:22, NW) Hungu, kupfurikidza nokusateerera kwasekuru vedu vokutanga, Adhama, tose zvedu tinotapurwa norumborera rworufu.—Genesi 3:1-19.
Noutano hwakanaka nemhuri ine rudo mumhoteredzo dzinofadza, hapana nomumwe wedu aizosarudza kufa. Sezvinoratidza Bhaibheri, zvisinei, “nguva nechinoitika chisingadeyi kuonwa” zvingatibira upenyu. (Muparidzi 9:11, NW) Kutaura idi, hatizivi chichaitika kuupenyu hwedu mangwana. (Jakobho 4:14) Chinhu chimwe chine chokwadi—tose zvedu takagara nhaka chivi norufu. Naizvozvo, rufu runotinyangira uye runorova somuvengi.
Kugonana Norufu Rwomudiwa
Rufu muvengi zvikurukuru apo runorova mudiwa. “Kuchakuipirai zvikuru,” akadaro mumwe mudzimai airwara zvokufa kumurume wake sezvo airangarira rufu. Neiko aigona kutaura izvozvo? Nemhaka yokuti Bhaibheri rinoti: “Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori [guva ravose rorudzi rwomunhu] kwaunoenda.” (Muparidzi 9:10) Vakafa havatamburizve. Asi mutwaro wenhamo unowira pahama dzokunyama mhenyu neshamwari. Chinhu chipi nechipi chinogona kuitwa here pamusoro pokutambura kwakadaro?
Mapeji eShoko raMwari, Bhaibheri, ane mashoko akawanda enyaradzo. Somuenzaniso, kurava nokufungisisa mapisarema zvirokwazvo manyuko mamwe enyaradzo. Anonyaradza, zvamazvirokwazvo, mashoko akadai saaya: “[Jehovha, NW] ngaaongwe, iye unotakura mitoro yedu zuva rimwe nerimwe, iye Mwari muponesi wedu.”—Pisarema 68:19.
Mamwe manyuko enyaradzo iungano yechiKristu. Muzana rokutanga ramakore N.V., muapostora Pauro akanyora, kuti: “Kudza chirikadzi, dziri chirikadzi chaidzo. Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru [vanoitarisira mune zvokunyama], ngavatange ivo kudzidza kunamata Mwari paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari. Chirikadzi ngairege kunyorwa zita, asi kana yasvika makore makumi matanhatu, yaiva mukadzi womurume mumwe chete, inorumbidzwa pamusoro pamabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yaifarira vaeni, kana yaishambidza tsoka dzavatsvene, kana yaibatsira vari munjodzi, kana yaishingairira mabasa ose akanaka.” (1 Timotio 5:3, 4, 9, 10) Zvapupu zvaJehovha nhasi nenzira yakafanana zvinobetsera ndokunyaradza vatendi biyazvo vakadaro.
Kazhinji kazhinji chinjo hurusa iyo vafirwi vanofanira kuita ndeyemirangariro. “Ndaida mudzimai wangu zvikuru,” akanyora kudaro mumwe murume ane mukwanyina akafa makore maviri pamberi pezvo. “Ichi ndichinoitika chinosuruvarisa zvikurusa muupenyu hwangu, uye ndinochiwanwa chakaoma kutsungirira.” Munhu ave akaroora kwenguva yakati akagoverana upenyu hwake muhwapedyosa hwoukama hwavanhu. Apo mukwanyina weroorano anofa, mukwanyina mupenyu nenzira yomuzvarirwo anonzwa rasikirwo huru. Ndikunaani kunogona kutendeukira iyeyo nokuda kwebetsero?
Mumigariro yakadaro, vasonganiri vechiKristu vakanaka vanogona kuva vanovaka. “Shamwari inoda nguva dzose; hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika,” chinodaro chirevo chokuchenjera. (Zvirevo 17:17) Chirikadzi kana kuti pfunda inoda betsero—shamwari dzinopa tsigiro chaiyoiyo. Shamwari dzakachenjera dzinokurudzira anochema kutaura, kunyange kana kuita saizvozvo kuchiunza misodzi. Zvichida muKristu akatotambura marwadzo nechitambudzo chokurasikirwa nomukwanyina anogona kupa betsero yakati yomutsa. “Mutaure nenzira inonyaradza kuvakaora mwoyo,” rinopa zano kudaro Bhaibheri. (1 VaTesaronika 5:14, NW) Asi yeuka kuti chirikadzi nepfunda vanorasikirwa navakwanyina vavo veroorano. Naizvozvo, vafirwi vanofanira kutaurira vamwe nechivimbo bedzi mumigariro inogonesa vose kuchengeta mufambiro wakachena.—1 Petro 2:12.
Mushonga wakanakisisa wamarwadzo ayo rufu runoparira kuramba wakabatikana uchibetsera vamwe—denho chose nokuda kwaavo vanodavira kuti ndivo vanoda betsero! Pano ndipo panoshanda kusava noudyire. Kuitira vamwe zvinhu nenzira isina udyire kunobetsera kutandanisa rusuruvaro nenhamo, nokuti Jesu akati: “Kupa kuno mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.
Rukundo Parufu
Rumborera rwenyuchi runogona kuva runorwadza zvikuru, kunyange runouraya. Kazhinji kazhinji, kunyanguvezvo, kubviswa kworumborera rwechipembenene rwuri muganda rako kuchabetsera kuunza rusununguko. Asi ikariroi dziripo dzorusununguko murumborera runoparira rufu?
Pashure pokutsanangura kuti chivi ndirwo rumborera runoparira rufu, Pauro anoti: “Zvino Mwari ngaongwe, uyo unotipa kukunda, naShe wedu, Jesu Kristu!” (1 VaKorinte 15:57) Rukundo parufu runobatanidzwa sei naKristu? Jesu akaratidza kuti ikoku kwakadaro apo akati pamusoro pake amene: “Mwanakomana womunhu akauya, kwete kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake sorudzikinuro mutsinhano navazhinji.” (Mateo 20:28, NW) Hungu, nokuda kwaavo vanoshandisa kutenda muMwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uye chibairo chorudzikinuro icho Jehovha akagovera kupfurikidza naye, rufu rwakagarwa nhaka kuna Adhama harwusati ruchizoguma nokusavapo kwechigarire.—Johane 3:16.
Anofadza zvamazvirokwazvo ndiwo mashoko aJesu, anoti: “Nguva inouya, nayo vose vari mumabwiro vachanzwa inzwi rake, vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwoupenyu, avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokutongwa.”—Johane 5:28, 29.
Mazana amakore pamberi pezvi, muporofita waMwari Isaya akanga adeya kutaura, kuti: “Iye [Jehovha Mwari] achaparadza zvomenemene rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta zvamazvirokwazvo misodzi pazviso zvose.” (Isaya 25:8, NW) Zvakare, pana Zvakazarurwa 21:4, Bhaibheri rinopa iyi kariro inoshamisa: “[Mwari] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.” Vasimbiswa neiyi tariro yeBhaibheri yaavo vakavata murufu, vakafirwa havafaniri “kuchema savamwe vasine tariro.”—1 VaTesaronika 4:13.
Edza kuisa muchiono izvo Mwari akachengetera rudzi rwomunhu, sezvinoziviswa muBhaibheri. “Dambudziko guru” rava pedyo rinoreva jambwa nokuda kwetsika yakaipa yazvino yezvinhu. (Zvakazarurwa 7:14, NW) Avo vanoshandisa rudzidziso rwenhema vanoparadzwa. Aenda masangano ane makaro ezvamatongerwe enyika neezvokutengeserana ayo anoparira nzara nehondo. Jesu Kristu anopfuurira kuisa mugomba rakadzika-dzika Satani Dhiabhorosi, uyo akaparira rufu rwavanhu rwakawanda kwazvo. Ipapo Kristu anovamba Kutonga kwake kweMireniyumu, mukati mako iye anoshandisa ukoshi hwechibairo chake chorudzikinuro kurudzi rwomunhu. Vakafa vanodzokera murumuko rwunokarirwa, uye chiedza chinobva muShoko raMwari chinopenya zvakajeka kwazvo zvokuti mirangariro yokutenda mashura pamusoro porufu, muvengi worudzi rwomunhu, haisati ichiripo. Vose vapenyu panguva iyeyo vane banza rokudzidza nzira dzaMwari ndokuwirirana nemipimo yake yakarurama.—Zvirevo 4:18; Mabasa 24:15; VaHebheru 2:14, 15; Zvakazarurwa 18:4-8; 19:19-21; 20:1-3.
‘Tevere, mugumo,’ anodaro Pauro, ‘apo Kristu Jesu anopa umambo kuna Mwari wake naBaba. Nokuti iye anotonga samambo kusvikira Mwari aisa vavengi vose pasi petsoka dzake. Somuvengi wokupedzisira, rufu rwunoparadzwa.’ (1 VaKorinte 15:24-26) Urema huri hwose hunobva muchivi chaAdhama hwapera. Muedzo wokupedzisira unoitika, uye vadi vaMwari vanobuda mauri mukutendeka. (Zvakazarurwa 20:4-10) Vadzorerwa kukukwana, ava vanhu vanoteerera vanorarama, kwete kwamakore makumi matanhatu chete negumi kana kuti kunyange kwamakore ane zana rimwe negumi, asi nokusingaperi. Chipo chakadini chinobva kuna Mwari kupfurikidza noMwanakomana wake anodiwa!—VaRoma 6:23.
Naizvozvo, ipapoka, unogona kurarama kwenguva yakareba sei? Nduramo yako inogona kutambanukira kukusingagumi kwose. Sezvo unorarama mu“nguva yomugumo” yenyika ino, ungasatongofa. (Dhanieri 12:4; Johane 11:25, 26; 17:3) Kana uchiita kuda kwoumwari, ungararama ndokupinda chaizvo munyika itsva yakapikirwa yaMwari.—2 Petro 3:13.
Kana iwe wakwegura zvikuru, zvisinei, unofanira kurangarira zvapachokwadi kubvira kwokufa. Zvirokwazvo, tariro yorumuko inounza mufaro. Asi ungashamisika kuti Jehovha acharonga sei upenyu hwemhuri mutsika itsva iyoyo yezvinhu. Usarega zvinhu zvakadaro zvichikunetsa, nokuti Jehovha achava nechokwadi chomufarwa usingagumi waavo vakatendeka nokusingaperi kwaari.
Sezvo aya “mazuva okupedzisira” anotambudza etsika yakaipa yaSatani anofambira mberi kumugumo wawo, usarega kutya rufu kuchikubira ropafadzo yokubatira Jehovha iko zvino. (2 Timotio 3:1) Kana ukarasikirwa nomudiwa murufu, zvinyaradze umene norudzi rwechinguvana rwokubata kwarwo. (Zvakazarurwa 20:13, 14) Vimba netariro yorumuko. Ipapo, kana ukapinda munyika itsva kupfurikidza nokupukunyuka dambudziko guru kana kuti kupfurikidza norumuko, nyaradzwa nevimbiso yakafuridzirwa yokuti rufu, muvengi wokupedzisira, ruchaparadzwa.—Zvakazarurwa 7:9, 14.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Vasonganiri vakanaka vechiKristu vanogona kuvaka vafirwi mumudzimu
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kuramba wakabatikanauchibetsera vamwe kunoderedzanhamo inoparirwa norufu rwomudiwa