Nzira Yokudzivisa Nayo Chepfu Yomutobvu
PASINEI hapo nenhau dzose dzakashata pamusoro pechepfu yomutobvu, mugariro wacho hausi usina tariro chose chose. Kusafanana nezvakawanda kwazvo zvezvirwere izvo zvatisingagoni kudzora, iyi ndeimwe tyisidziro youtano iyo vezvoutano vanotaura kuti tinogona zvomenemene kuita chimwe chinhu.
“Chepfu yomutobvu inodzivisika chose chose,” Newsweek inoshuma Secretary of Health and Human Services weU.S seanotaura kudaro. Ngozi yechepfu yomutobvu “inogona kubviswa nokusingaperi,” yakazivisa kudaro imwe nyanzvi yechepfu yakakurumbira yapayunivhesiti. “Zvakawanda zvino zvinozivikanwa pamusoro pamanyuko nenzira dzokuratidzirwa kwomutobvu uye pamusoro penzira dzokudzivisa nadzo uku kuratidzirwa kuvamba nhamburiko dzokubvisa kwechigarire ichi chirwere,” inoshuma kudaro CDC (U.S. Centers for Disease Control). Uye pakupedzisira, U.S. Department of Health and Human Services inowedzera murangariro wayo, ichiti: “Tinonzwisisa zvisakiso zvechepfu yomutobvu youhwana uye, zvinokosha zvikurusa, nzira yokuzvibvisa nayo. Nhamburiko yenzanga yebatira pamwe ingagona kuva inodokubvisa ichi chirwere mumakore 20.”
Chaunogona Kuita
Ikoku kunogona sei kuitwa? Kutanga, nyanzvi dzinobvuma kuti pendi nemvura ndizvo zvipfuro zvikuru. Somuenzaniso, nyanzvi yechepfu yadudzwa pamusoro apa inotaura kuti chinodikanwa chikuru nokuda kwokubvisa muchetura womutobvu ndechokuti varidzi vedzimba navanotarisira dzimba vaite nhano dzokukurumidza kutsiva pendi yekare nepombi dzemvura. Varidzi vedzimba, naizvozvo, vangada kuziva kana misha yavo yakakotsekana pakushatiswa.
“Asi usavhunduka,” inonyora kudaro magazini inonzi In Health. “Pendi ichakanaka haisati iri ngozi, kunyange zvazvo pendi inofunuka uye huruva yependi zvichidaro. . . . Nzvera musha wako mukati nokunze nokuda kwokufunuka, uchitarisa zvikurukuru makapoteredza masuo ematanda namafuremu amafafitera, umo mugariro wokunze uye kukweshana zvinokombamira kukwiza nokukwatanura madziro akapendwa.” Bato renyu rezvoutano renyika yako kana kuti rehurumende ringakwanisa kukubatsira mukuona kana musha wako uri mungozi, zvimwe kukunongedzera kumarabhoritari akarovedzwa mukuongorora mutobvu nokubvisa. Shoko renyevero: Usaedza kubvisa iwe umene. Vana vangakuvadzwa nechepfu yomutobvu apo vabereki vavo vanopara uye kukwesha nesendipepa pendi yekare pamadziro ndokuchechetedza, vachizadza mhepo nehuruva yakazadzwa nomutobvu.
Mvura, Mvura Pose Pose
Nokuda kwedzimba dzakawanda umo mvura iri chisakiso, chinetso chingavamba mupombi dzemvura dzinobatanidza imba namanyuko emvura. Imba yakare ingava nepombi dzakagadzirwa nomutobvu, manyuko ari pachena okushatisa. Kunyange pombi dzendarira kana kuti simbi dzingabatanidzwa nebhureza romutobvu. Mune dzimwe nyika kungava kunobetsera kuongorora mitemo yokuvaka kuti uzive pamusoro pemitemo yokuisa pombi dzemvura munharaunda yenyu. Kana une chikonzero chokudavira kuti mvura yenyu yakashatiswa, ungasarudza kuita kuti iongororwe. Munyika zhinjisa mune marabhoritari akashongodzerwa kuita ikoku nokuda kwemari yakati kuti.
Zvakadiniko kana mvura yenyu ine mwero womutobvu usina kukotsekana? Chii chaunogona kuita pamusoro pako? Pashure pokurangarira zvose, haasati ari munhu wose angakwanisa kuita chiito chakakomba, zvakadai sokubvisa pombi dzacho dzemvura. Vakuru vakuru vezvoutano vanogovera mitoo mishomanene yakapfava yokuderedza mwero womutobvu. Musati machera mvura mupombi, bvumirai mvura yakatonhora kubuda kweminiti imwe kana kuti maviri zvikurukuru kana pombi yacho yave yakavharwa kwaanopfuura maawa matanhatu. Ikoku kuchabetsera kubudisa mvura ipi neipi yakashatiswa. Uye usatongoshandisa mvura inopisa yomupombi nokuda kwokunwa nokubika. Mungava nomutobvu wakawanda mumvura yomupombi inopisa kupfuura mumvura yomupombi inotonhora.
Kana uchinwa kubva mumigodhi inoshandisa magetsi kuchikoro, kuhofisi kana kuti kufakitori, mvura yacho inofanira kubvumirwa kubuda kwamasekondi mashomanene pamberi pokushandiswa kuri kwose. Mimwe migodhi ine pombi dzakabatanidzwa nebhureza yomutobvu.
Mutobvu Muzvokudya Nezvokunwa
Food and Drug Administration (FDA) yeAmerica yakagovera rumbidzo pakushandiswa kwemidziyo yamagirazi akagadzirwa namabwe omutobvu. Magazini yeGood Housekeeping yakashuma, kuti: “Nepo pasina munhu ari kukarakadza kuti urege kuishandisa chose chose, FDA inokarakadza kudzivisa kushandiswa kwemidziyo yakagadzirwa namabwe omutobvu kuchengetera zvokudya nezvokunwa kwenhambo yakarebeswa yenguva, zvikurukuru pakuchengeta zvokudya zvine acid (muto wamatomasi; maranjisi, domasi, uye muto wemimwe michero; waini; uye vhinega) . . . FDA inorumbidzawo kuti vaduku navana vasatongodyiswa namabhodhoro avana akagadzirwa namabwe omutobvu . . . kana kuti mimwe midziyo ipi neipi yakagadzirwa namabwe omutobvu.”
Zvakadiniko namabhodhoro iwayo ewaini akavharwa pamusoro nepepa romutobvu? Dzimwe nyanzvi dzoutano dzinorumbidza kubvisa pepa racho chose chose uye, pashure pokubvisa chivharo, kunyorovesa mucheka namadonhwe mashomanene ewaini uye ipapo kupukuta muromo webhodhoro nawo.
Vanamai namadzimai apamba, munoshandisa mashandisazve nguva dzose mapepa epurasitiki echingwa nokuda kwokuchengetera zvokudya here? Vanzveri vakawana mwero yakakwirira yomutobvu muingi inoshandiswa kutsikirira mapepa, iyo inogona kupinda mune zvimwe zvokudya. Mutobvu wacho haupindi nomupepa repurasitiki ndokushatisa chingwa chiri mukati; zvisinei, apo anoshandisa anopindura pepa racho achiisa kunze mukati, ingi ine mutobvu inogona kuparira kushatiswa. Kana pepa racho rikashandiswazve, ivai nechokwadi chokuti zvakanyorwa hazvitongogumani nezvokudya.
Pakupedzisira, magazini yeDiscover inogovera aya mashoko enyevero: “Vashanyi vemhiri kwamakungwa, zvikurukuru muNyika Dzakabudirira, vanofanira kungwarira midziyo yokudyira yomunyakwe; kukwenenzverwa nomutobvu kwayo kungasava kwakapiswa pamwero unopisa zvikuru unodikanwa kudzivisa kutsemuka, kupfupfunyuka, kumarika, uye kupinda kwezvimedu zvomutobvu muzvokudya.”
Iva Nomufungo
Imwe nhungamiro inokosha yokuyeuka pakurangarira ikoku kana kuti pazvinenge zvinetso zvipi nezvipi zvinovhiringidza zvemhoteredzo yanhasi: Iva nomufungo. Kuri nyore zvikuru kuvhunduka, uye kuvhunduka hakutongobetseri. Idi rinosuruvarisa nderokuti mhoteredzo yedu yakashatiswa nokushatisa kwakawanda kusingaverengeki kunze kwomutobvu. Kurarama upenyu husina kushatiswa chose chose, tingatofanira zvimwe kundogara kune imwe nzvimbo iri yoga chose chose. Asi ndiani anoda kurarama sazindoga kuti angodzivisa bedzi kushatiswa kwokunze? Kuita kwakadzikama bedzi kuzvinetso zvakadaro kuita ngwariro dzipi nedzipi dzine mufungo dziri madikanwa kuzvidzivirira timene navana vedu mungozi yakakomba. Dziviriro yakazara pakushandisa kwomunhu zvisina kunaka pfuma yenyika ino inofanira kuuya gare gare.
Uye ichauya! Waiziva here kuti Musiki wepasi rino anopikira nguva apo rudzi rwomunhu ruchashandisa nhamburiko pakurichinja kuva paradhiso? Munhu haachazotongoparadzira kushatisa kunouraya kwechepfu kunzvimbo ipi neipi. Uye Isaya 11:9 inowedzera ichi chipikirwa, ichiti: “Hazvingakuvadzi [rudzi rwomunhu] kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” Pasina panikiro “kuziva Jehovha” ikoko kuchabatanidza kunzwisiswa kwamashandisirwe epfuma yakawanda yepasi rino munzira isingakuvadzi kuvana kana kuti kuvakura—kumunhu upi noupiwo zvake.