RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 2/8 pp. 15-17
  • Ndinogona Sei Kurega Kunwa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kurega Kunwa?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukurira Kuzvinyengedza
  • Kudziridza Kutsunga Kurega
  • Wana Betsero
  • Wana Shamwari Itsva
  • Unogona Kunaya!
  • Kunwa Doro Zvine Mwero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Tungamirirwa Nemaonero aMwari Panyaya Yedoro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Kunwa Kunogona Kundiita Zvomenemene Anopindwa Muropa Here?
    Mukai!—1993
  • MuKristu Anofanira Kuona Sei Nyaya Yekunwa?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 2/8 pp. 15-17

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinogona Sei Kurega Kunwa?

“Ndaigaronzwa zvisina kunaka zuva rinotevera, mose muri muviri mundangariro nomumudzimu!”—Bob.

“Nguva dzose ndaiva munhamo pamusha, kuchikoro, neshamwari uye namapurisa!”—Jerome.

BOB naJerome vose vari vaviri vakabhadhara mutengo nokuda kwokunyanyonwa zvinodhakisa uye kazhinjisa zvikuru. Vose vari vaviri vakava vanopindwa muropa nezvinodhakisa. Uye nepo Bob pakupedzisira akanga achikwanisa kurega kunwa chose chose, Jerome achiri kuedza kukurira kunwa zvinodhakisa.

Kupindwa muropa nezvinodhakisa chinetso chinokura pakati pavanhu vaduku mumativi mazhinji enyika. Vamwe vanokarakadza kuti muUnited States moga, dzinenge pwere dzina mamirioni mashanu dzine chinetso chakakomba chokunwa. Kana iwe uri pwere yechiKristu, kunyange zvakadaro, pasina panikiro wakadzivisa kuedza kunwa zvinodhakisa, zvikurukuru kana kunwa kwavachikuyaruka kuchirwisana nomutemo womunzanga menyu. Kunyanguvezvo, mashoko anotevera anogona kubatira kusimbaradza kutsunga kwako kwokusabatanidzwa nokunwa pakutanga—zvimwe kutozosvikira wakura uye washongedzerwa zviri nani zvikuru kukutarisira. Asi kana uri mumwe akatopindwa muropa nezvinodhakisa, tinokarira kuti aya mashoko achakubetsera kurwisa ichi chinetso. Kupfurikidza nenhamburiko chaiyo yako umene nebetsero yaJehovha Mwari, kurega kunobvira.

Kukurira Kuzvinyengedza

Nhano yokutanga neinonetsa zvikurusa yaunofanira kuita ndeyokukurira kuzvinyengedza. Zvidhakwa zvinoramba chose chose kudavira kuti zvine rudzi rupi norupi rwechinetso nokunwa. ‘Ndinogona kukutarisira,’ ndiko kuganza kunosuruvarisa kwechidhakwa. Rangarira, somuenzaniso, wamakore 15 okukura uyo akati: “Ini handisiri munwi anonetsa. Ndinongonwa bedzi kireti yamabhodhoro matanhatu edoro pamadekwana.” Tinoyeuchidzwa nezverondedzero yeBhaibheri yomunhu uyo “akanyanyoita nomutoo wokunyengera kwaari amene mumeso ake amene kuti awane chikanganiso chake kuti achivenge.”—Pisarema 36:2, NW.

Hungu, kuzvinyengedza kunouraya. Naizvozvo kana une chinetso nokunwa, unofanira kubvuma zvokwadi inorwadza iyeyo kwauri umene.a Usafuratira shamwari, varumudzani, kana kuti vabereki vanokuudza kuti uri kunyanyonwa. Havasiri vavengi vako nokuti vanokuudza zvokwadi. (Enzanisa naVaGaratia 4:16.) Bob (adudzwa pakutanga) aichimbonwa zvikurusa pakupera kwevhiki kumwe nokumwe. Apo shamwari yakamusvika pamusoro pako, Bob akaramba mufungo upi noupi wokuti iye akanga ane chinetso chokunwa, uye akagumisa kurukurirano yacho. Asi zvinodhakisa zvakanga zvichitapura sei upenyu hwaBob? “Ndakanga ndine shungu zvikurusa kana ndisina kunwa uye ndakanga ndisingadzoreki pandaidaro,” anobvuma kudaro Bob. “Upenyu hwangu hwemhuri hwakakamukana—sezvakanga zvakaita ukama hwangu naMwari.”

Pane imwe nhambo, Bob akarega dziviriro yake uye akabvuma kushamwari yake kuti iye zvamazvirokwazvo aikara zvinodhakisa. Aputsa rusvingo rwokuzvinyengedza, Bob akanga achikwanisa kuvamba kunaya kwake.

Kudziridza Kutsunga Kurega

Purofesa George Vaillant anonyora kuti “kukara zvinodhakisa . . . kunorapwa zvikuru, asi . . . kuchada mutoro mukuru kumurwere.” Ikoko kunobatanidza kuva kwako akatsunga kurega kunwa zvinodhakisa. Shaiko yokutsunga inogona kureva kurarama—uye kufa—sechidhakwa. Chii chinogona kubetsera? Kurereudzira ngwariro pakuparadza kwokukara zvinodhakisa kunogona kukubetsera ku“venga chiri chakashata” uye kunogona kusimbaradza kutsunga kwako kurega kunwa kwechigarire.—Pisarema 97:10, NW.

Somuenzaniso, ungafunga zvikuru kuvadziko huru inoparirwa nokukara zvinodhakisa mumuviri, mundangariro, uye mutsika. Sezvinobvumwa, kunwa kungaratidzika kuva kunopodza kurwadza kwomudumbu mako kana kuti kunzwa kwokusava namaturo kwechinguvana. Asi pamugumo, kutsamira pazvinodhakisa kunongobatira bedzi kuparira zvinetso zvakawanda; ushamwari hunoputsika, uye ukama hwemhuri hunova hunonetsa. Kupfuurirazve, nokuti zvinodhakisa zvinoderedza dziviriro dzako, zvinogona nyore nyore “kubvisa sundo yakanaka” ndokukupinza mumufambiro usakanaka wakakomba.—Hosea 4:11.

Rangarirawo icho mwero mikuru yezvinodhakisa inogona kuita kumuviri wako, pashoma napashoma inokuvadza mitezo yako inokosha. Nokudaro Bhaibheri rinoti kunyanyonwisa kunoguma nezvinopfuura ‘nhamo, rusuruvaro, kakavaro, funganyo, uye mavanga.’ (Zvirevo 23:29, 30, The New English Bible) Ko mufaro upi noupi wechinguvana waunowana unokodzera uyu mubairo here?

Kungabetserawo kuzviyeuchidza umene kuti haudi zvinodhakisa kuti ufare. Kana kuti unoda kunzwa mufaro nomufarwa kuti uve nokuzviremekedza, utano hwakanaka, shamwari dzakavimbika, uye mhuri ine rudo. Rubudiriro mune aya mativi oupenyu runouya kupfurikidza nokushandisa Shoko raMwari. (Pisarema 1:1-3) Shoko iroro rinokupawo tariro yenguva yemberi yakajeka zvikuru—upenyu husingagumi husina marwadzo endangariro kana kuti muviri! (Zvakazarurwa 21:3, 4) Kuva netariro yakadaro kunokupazve chimwe chikonzero chokurega zvinodhakisa.—Enzanisa na 1 VaKorinte 6:9, 10.

Wana Betsero

Kungova bedzi nechishuvo chokunaya kazhinji kazhinji hakuna kukwana, kunyange zvakadaro. Uchadawo tsigiro nebetsero zvavamwe. “Vaviri vari nani kupfuura mumwe,” akadaro Mambo Soromoni. “Nokuti kana mumwe wavo akawa, mumwe anogona kumutsa mubiyake.” (Muparidzi 4:9, 10, NW) Kuvimba nomumwe munhu kuti akubetsere pachinetso chako hakusati kuchizova nyore. Asi chidhakwa chakapindwa muropa chinonzi Katy chinopa iyi pangiro, kuti: “Dzidza kuvimba navanhu, zvikurukuru mhuri yako.” Hungu, mune zvinoitika zvizhinjisa mhuri yako inokwanisa zvikurusa kukupa rudo netsigiro zvaunoda.

Chokwadi, mugariro wako wemhuri ungave wakaparira kuva kwako wakabatanidzwa nokunwa pakutanga. Asi kana vabereki vako vakaitwa kuti vasvinurire mugariro wako, vangasaona kudikanwa kwokuvandudza zvinhu pamusha here? Naizvozvo kuregererei kuedza kusvika vabereki vako, uchivazivisa kuti une chinetso chakakomba? Panzvimbo pokuisa pomero yose pavari, kumbira betsero yavo netsigiro. Kuva akajeka naakatendeseka kuvabereki vako kuchabetsera mhuri yenyu kuva “yakabatanidzwa pamwe chete nomutoo unotsinhirana” seizvo imba yaMwari yakaita. (VaEfeso 4:16, NW) Neiyi nzira imi mose munogona kuvamba kushanda pamwe chete nokuda kwokunaya kunobudirira.

Kana tsigiro yemhuri isingawaniki, vamwe vanogona kubetsera.b (Zvirevo 17:17) Bob akashamwaridzana nomukuru wechiKristu aisangana naye vhiki riri rose kwenhambo yemwedzi inoverengeka kuti atarisire enderero mberi yake. Anodaro Bob: “Fariro yake neitiro hanya zvakandipa kuzviremekedza kwandaida kuti ndirege muitiro wangu wakashata.”—Jakobho 5:13, 14.

Kupfuura zvose, ziva kuti unoda betsero yaJehovha Mwari. Tsamira paari nokuda kwesimba. Hungu, kupfurikidza nebetsero yaMwari “vane mwoyo yakaputsika” vanogona kuwana ‘kuporeswa nokusungwa kwamavanga avo anorwadza.’—Pisarema 147:3; onawo Pisarema 145:14.

Wana Shamwari Itsva

Kunzvera muNew Zealand kwakashuma kuti shamwari ndidzo pesvedzero huru papwere dzinoshandisa zvisina kufanira zvinodhakisa. Naizvozvo uchakuona kwakaoma kurega kunwa kana uchisonganirana navanwi. Nokuda kweichi chikonzero Bhaibheri rinoraira, kuti: “Usava pakati pavanonwa zvikuru.” (Zvirevo 23:20, NW) Tanga shamwari itsva, dzakanaka. Sezvo kuri kwechokwadi kuti “songaniro dzakashata dzinoshatsa tsika dzinobetsera,” vazivikanwi vakanaka ipesvedzero yakanaka.—1 VaKorinte 15:33, NW.

Kim akawana ikoku kuva kwechokwadi. “Kwakanga kwakashata,” anobvuma kudaro, “asi ndaitofanira kuchinja shamwari dzangu . . . Handina kuda kuva pane zvinodhakisa kana kuti mirimo.” Sezvinobvumwa, shamwari dzisinganwi dzingava dzinoratidzika kuva dzakaoma kuwana. Kunyange zvakadaro, uchawana kuti pwere dzomuenzanisiro pakati peZvapupu zvaJehovha hadzipindi mukunwa kusiri pamutemo. Uyewo hadzitsamiri pazvinodhakisa samanyuko enhandaro kana kuti chipukunyuso. Naizvozvo dzinogona kubetsera—kwete kudzivisa—nhamburiko dzako dzo“pfekenura hunhu hwekare nemiitiro yahwo.”—VaKorose 3:9.

Unogona Kunaya!

Kurarama usina zvinodhakisa kuchava hondo inopfuurira kwauri. Padzimwe nguva kurega kungava kwakaoma zvikuru. “Ndichine gombedzero [yokunwa] yakasimba zvomenemene,” akabvuma kudaro Ana, “zvikurukuru pandinenge ndakatsamwa, ndakakangaidzika, ndakapera mwoyo kana kuti ndakuvadzwa.” Nokudaro hakusi kwechienzi kuti chidhakwa chitangezve kunwa, kuchitungamirira kukunzwa kunokurira kwokuva nemhaka. Kana ikoko kukaitika, yeuka kuti “tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji.” (Jakobho 3:2) Yeukawo kuti Jehovha ndiMwari wengoni uyo anonzwisisa utera hwako.—Pisarema 103:14.

Kunyanguvezvo, unangwarira kusashandisa zvisina kufanira mutsa waMwari. Dzidza muchikanganiso chako, uye iva akatsunga zvikuru kupfuura nakare kose kusanwazve. Kupfurikidza nokuratidza kutsunga kwakadaro, Bob akakwanisa kurega kunwa. Chifo chaipapo, ave achikwanisa kufarikanya ukama hune rugare navose vari vaviri mhuri yake uye naMwari. Upenyu hwake hunofadza zvino hunobatanidza basa somushumiri wenguva yakazara. Mufaro norugare zvendangariro ngazvive mugariro wakowo, kana ukakunda hondo yokurwisana nezvinodhakisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Kunwa Kungandiita Zvomenemene Anopindwa Muropa Here?” (Mukai! waJanuary 8, 1993) inogona kukubetsera kusarudza kana une chinetso muna ikoku.

b Vazhinji vakabetserekana nebetsero yavanachiremba navapi zano vakarovedzwa kubata nokupindwa muropa nezvinodhakisa. Nyanzvi dzakati dzinodavira kuti kutozosvikira muitiro umene wokupindwa muropa waregwa, kushandira pamamwe mativi okunaya hakungangogoni kubudirira. Nokuda kweichi chikonzero nezvimwe, vamwe vanorumbidza kuti zvidhakwa zvakapindwa muropa zvipinde purogiramu yokubvisa zvinodhakisa muropa muchipatara kana kuti kiriniki.

[Mufananidzo uri papeji 16]

Zvidhakwa zvakapindwa muropa zvechiduku zvinokombamira kukuramba kuti zvine chinetso

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe