Vanyajambwa kana kuti Vafiri Kutendeka—Chii Chiri Musiano?
MUNHAU yose, utsinye hworudzi rwomunhu kumurume, mukadzi, uye mwana hwakaparira kutambura kusingagumi uye hwakaguma namamirioni avanyajambwa. Kungave kuri nokuda kwezvikonzero zvezvamatongerwe enyika, zvorudzi, zvedzinza, kana kuti zvorudzidziso, ropa risina mhaka rave richiteurwa uye riri kuteurwa. Ruvengo runokurira rudo uye kunzwisisa. Kufungira mano akaipa kunokurira kushivirira. Uye kuuraya kunopfuurira.
Munguva yakapfuura, hondo yakarwisanisa uto neuto, uye kubatanidzwa kwavanhu vasiri varwi kwakanga kuri kuduku zvikuru. Muzana redu ramakore rechi 20, nokusvika kwokubhomba kwendege, pfuti huru dzinopfura kudaro refu uye mabhomba anokandwa, vanokuvadzwa vavasiri varwi vave vachiwedzera zvikuru zvokuti imwe nzvero yakati: “Vasati vari varwi zvino vanopfuura nomwero mukuru vanyajambwa chaivo muhondo. Muzana rino ramakore vamwe vasati vari varwi vakawanda vasina kushongedzerwa vanopfuura varwi vanoripirwa mari vakafira muhondo.” Vanhu vasina mhaka vane upenyu hwakarangarirwa kuva hwoukoshi huduku vakaurawa muhondo dzakatangwa navatungamiriri vezvamatongerwe enyika. Muzana redu ramakore roga, chiverengero chavanyajambwa vehondo chakawedzera, navanopfuura mamirioni zana vakafa uye mazana amamirioni akarwadzwa nekuvadziko nokurasikirwa navadiwa.
Mukuwedzera kuna vanyajambwa verwisano dzomuzuva razvino uno, kwavewo kuna vafiri kutendeka.a Chii chiri musiano? Mamirioni—amaJudha, maSlav, maGypsie, uye vanovatana vane mitezo yakafanana yokubereka nayo, uye vamwe—vakafa savanyajambwa muNazi Germany nemhaka bedzi yeizvo vaiva. Vakanga vasina kwokutendeukira, vasina kwokuenda. Mutsika iyeyo yakashata, rufu rwavo rwakanga rusingachinjiki. Pane rumwe rutivi, vamwe vaisatofanira kufa. Vakanga vane nzira yokudzivisa nayo rufu, asi, nemhaka yenheyo dzavo, vakasarudza havo kusakudzivisa.
Mumwe muenzaniso wakatanhamara wakanga uri uya womuprista weKaturike Maximilian Kolbe, uyo akabetsera vapoteri vechiJudha muHondo yeNyika II. Muna 1941 akaendeswa ku[musasa wechibharo weNazi ku]Auschwitz, uko iye akapira upenyu hwake panzvimbo pomugarinaye biyake Franciszek Gajowniczek. Pakutanga iye akaitwa kuti arumwe nenzara, dzokonokei pakupedzisira iye akabaiwa jekiseni rephenol ndokupiswa.” (Encyclopædia Britannica) Iye akava mufiri kutendeka anozvibaira—chinhu chechienzi kune zvenguva dzose pakureva nezvorudzidziso rwechiPurotesitendi norweKaturike.
Munhambo yeNazi muGermany (1933-45), Zvapupu zvaJehovha zvakatambura chitambudzo chakaipa nokuda kwokutsunga kuramba zvisingatori rutivi uye nokuda kwokuramba kubatira nhamburiko yehondo yaHitler. Zviuru zvakaendeswa kumisasa yechibharo inotyiwa, uko zvizhinji zvakaurawa uye zvimwe zvakafa nokubatwa zvisina kufanira. Bva, zvaisafanira kutambura ndokufa. Zvakanga zvine chisarudzo. Zvakapiwa nzira yokubuda nayo. Kudai zvaizongosaina bedzi pepa rokuramba kutenda kwazvo, zvaigona kusunungurwa. Voruzhinjisa vakasarudza kusasaina ndokuva vasati vachingova bedzi vanyajambwa vetyisidziro yeNazi asiwo vafiri kutendeka. Nokudaro, nepo vafiri kutendeka vose vari vanyajambwa, vanyajambwa vashomanene bedzi vaigona uye vakasarudza chose kuva vafiri kutendeka. Vakakurira mukunangana norufu.
Chipupuriro chokusasarura chinobva kuna vazhinji vasiri Zvapupu chinobvumikisa iri idi. “Mufundisi weSwiss Bruppacher akataura muna 1939 kuti ‘Nepo vanhu vanozvidana vamene kuti maKristu vakakundikana mumiedzo yakakomba, izvi zvapupu zvisingazivikanwi zvaJehovha, savafiri kutendeka vechiKristu, zviri kuchengeta chishoro chenguva dzose murwisano nenyengetedzo yehana uye kunamata zvifananidzo kwechihedheni . . . Zvinotambudzwa uye kunyange kufa nemhaka yokuti, sezvapupu zvaJehovha uye vanoda Umambo hwaKristu, zvinoramba kunamatwa kwaHitler uye Swastika.’”
Zvisinei, hamusati muri muNazi Germany bedzi umo Zvapupu zvaJehovha zvakachengeta perero yazvo mukunangana norufu. Zvaitofanira kuratidzira ushingi hwazvo mukunangana nechiKomonizimu, Fascism, namamwe marudzi oushushi hwezvamatongerwe enyika, pamwe chete nechishoro chorudzidziso. Kunyange mudzinonzi nyika dzehurumende yokusarudza kwavoruzhinji dzokuMadokero, Zvapupu zvakanangana namasimba masimba. Nyaya yedu inotevera icharondedzera muudzame zvimwe zvezvinoitika zvakabatanidza Zvapupu zvakawana rukundo mukunangana norufu.
[Mashoko Omuzasi]
a Nyajambwa anorondedzerwa so“uyo anokuvadzwa kana kuti kuurawa nomumwe . . . Uyo anokuvadzwa kana kuti anoitwa kuti atambure nechiito chakati, chinoitika, sangano, kana kuti mugariro.” Pane rumwe rutivi, mufiri kutendeka ndi“uyo anosarudza kufa panzvimbo pokuramba nheyo dzake dzorudzidziso. . . . Uyo anoita kuzvibaira kukuru kana kuti kutambura zvikuru nokuda kwokupfuuridzira chitendero chakati, donzo, kana kuti nheyo.”—The American Heritage Dictionary of the English Language, Third Edition.
[Mufananidzo uri papeji 3]
Pashure peHondo yeNyika II, matare eEast Germany akawanira mhaka zvenhema Zvapupu zvaJehovha setsori dzeAmerica
[Kwazvakatorwa]
Neue Berliner Illustrierte