RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 11/8 p. 3
  • Hondo Inouraya Vaduku

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hondo Inouraya Vaduku
  • Mukai!—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Hondo Yachinja Mazuva Ano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Kusiyana-siyana Kwevanofa Muhondo
    Mukai!—2000
  • Nguva Yemberi Yakajeka Yevana Vedu
    Mukai!—1997
  • Hondo Hadzidzivisiki Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 11/8 p. 3

Hondo Inouraya Vaduku

UDUKU hunofanira kuva nguva inofadza. Nguva yokudiwa, yokudzivirirwa. Nguva yokusagona kunyengera. Vaduku vanokarirwa kutamba, kudzidza, uye kutanga mavara achavabatsira kuva vakuru vanoziva mutoro wavo. Vana havafaniri kuurawa, uye zvirokwazvo havafaniri kuva vaurayi. Munguva dzehondo, zvisinei, zvinhu zvakawanda zvisingafaniri kuitika zvinoitika.

Nenzira inosuruvarisa, hondo dzakawanda pamwero wenyika yose, uye dzinouraya vaduku, dzichiparadza zvose zviri zviviri vana nouduku. Muna 1993, hondo huru dzakapararira zvisingadzoreki munyika 42 apo masimba masimba ezvematongerwe enyika akatanga mune dzimwe 37. Vaigara mune imwe neimwe yeidzi nyika 79 vaiva vana.

Vanhu vaduku vakawanda nhasi havatombozivi rugare. Pamagumo a1995, kwakanga kwava kune kurwa muAngola kwamakore anopfuura 30, muAfghanistan kwamakore 17, muSri Lanka kwamakore 11, uye muSomalia kwamakore manomwe. Munzvimbo dzakawanda, vezvematongerwe enyika vakataura nechivimbo nezve“nzira yokutsvaka rugare,” asi hondo dzine utsinye dzisingaperi dzakapfuurira kuparadza upenyu hwavanhu.

Hondo nguva dzose yakakuvadza vana, asi kuchinja kwokurwiwa kwehondo munguva pfupi yapfuura kwakaguma navasiri varwi vakawanda vanourawa, kubatanidza vana. Mukati mokurwisana kwezana ramakore rechi 18 nerechi 19 nomukati mamavambo ezana rino ramakore, inenge hafu yavanyajambwa vehondo vaiva vasiri varwi. MuHondo Yenyika II, yakavamba muna 1939 kusvika kuna 1945, nzufu dzavasiri varwi dzakawedzera kusvika kuzvikamu zviviri muzvitatu zvavakafa nehondo, pamwe pacho nemhaka yokubhomba maguta kwakaipisisa.

Pakupera kwama1980, vanyajambwa vasiri varwi muhondo vakanga vakwira kusvika kuinoda kuva 90 muzana! Chimwe chikonzero chaizvozvi ndechokuti hondo dzava dzakarongwa zvakaoma zvikuru. Mauto haacharwisani panhandare yehondo chete. Hondo zhinjisa nhasi, hadzisi pakati penyika, asi ndedzevagari vomunyika. Uyezve, kurwa kunoitika mumisha kana kuti mumaguta, uye imomo, mukati moutsinye nokufungirana, vaurayi vanosiyanisa zvishoma pakati pomuvengi neasina chokuita nazvo.

Mugumisiro wacho pavana wave uri mukuru. Kunofungidzirwa kuti mumakore gumi apfuura oga, maererano neUnited Nations Children’s Fund, hondo dzakauraya vana vane mamiriyoni maviri ndokuremadza vamwe vane mamiriyoni mana kusvika kumashanu. Hondo yakaparira vana vanopfuura miriyoni imwe kuva nherera uye yakasiya mamiriyoni 12 asina misha. Nemhaka yehondo, vana vane mamiriyoni gumi vakakuvadzwa ndangariro.

Maraibhurari akazadzwa nemabhuku pamusoro pehondo. Iwaya anotsanangura kuti hondo dzakarwiwa sei uye nei; anorondedzera zvombo nemitoo yakashandiswa; anorangarira vakuru vehondo vakatungamirira kuuraya kwacho. Mafirimu anosimbisa kunakidzwa uye anoderedza kutambura kunoparirwa nehondo. Mabhuku akadaro nemafirimu anotaura zvishoma pamusoro pavanyajambwa vasina mhaka. Nyaya dzinotevera dzinorangarira kuti vana vakashandiswa sei zvisina kururama savarwi, kuti vakava sei vari nyore zvikurusa vavanyajambwa vose, uye nei tichitaura kuti nhasi vana vonogona kufarikanya nguva yemberi yakajeka zvechokwadi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe