RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 5/8 pp. 26-28
  • Ndinogona Sei Kugonana Norudo Rwakakundikana?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kugonana Norudo Rwakakundikana?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Kwakaoma Zvikuru?
  • Uchiri Anodiwa
  • Apo Kuparadzana Kuri Zvomenemene Chikomborero
  • Kugonana Nokunzwa
  • Nguva Dzakajeka Zvikuru Dziri Mberi
  • Kana Mukomana Nemusikana Vakarambana
    Mukai!—2015
  • Ndingaita Sei Kuti Ndinzwe Zviri Nani Kana Ndarambana Nemumwe Munhu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndingaita Sei Kuti Ndipore Kana Ndarambwa?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndinoziva Sei Kana Ruri Rudo Chairwoirwo?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 5/8 pp. 26-28

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinogona Sei Kugonana Norudo Rwakakundikana?

“AKANDIITA kuti ndinzwe ndiri munhu anokosha zvikuru. Ndakava nokunzwa kwandisina kutongonzwa nakare kose. Asi ipapo akati akanga achifunga kuti hazvaizobudirira. Ndakafunga kuti upenyu hwangu hwakanga hwaguma. Ndakachema zuva rose nousiku hwose. Handina kudya, handina kurara, ndakarasikirwa na[makirogiramu 15] mumwedzi yakati kuti, uye ndakatova nechirwere chamapapu. Upenyu hwakanga husina revo kwandiri.”—Renee.

Kana wakarwadziwa noukama hworudo hwakakundikana, uku kuchema kunganzwika sekwakarovedzeka. Unosanoziva chakunoreva kunzwa zvakadzama nokuda kwomumwe munhu, kuzongoona bedzi tariro dzako dzichiparadzwa. Kunzwa kwokurambwa kukuru, kunonyadzisa. Sezvaunotambura kukurira marwadzo, ungabvunza, kuti, ‘Neiko ndisingaregi hangu kufunga pamusoro pako—kukanganwa nezvemunhu wacho uye ndokupfuurira noupenyu hwangu?’ Hakuwanzovi nyore zvakadaro.

Nei Kwakaoma Zvikuru?

Imwe nzvero yakaratidza kuti sungano yechidakadaka chorudo inogona kuva yakasimba. Yakatoenzaniswa nesungano yomubereki nomwana. Nepo pasina panikiro kungatora nguva refu kuti rudo rwenyengano rukure zvakasimba kudaro, zvisinei, mirangariro inganzwiwa zvakadzama pakuvamba chaipo. Haugoni kungoidzivisa sokuvhura nokuvhara kwaungaita siwichi yamagetsi. Uye kana uri muicho Bhaibheri rinodana kuti ku“kura kwazvo,” kutanga kwechishuvo chevatano kunogona kuva kunokurira zvikurusa. (1 VaKorinte 7:36) Ikoko kunoita kuti kurasikirwa nomukomana kana kuti musikana kuve kwakaoma zvikuru chaizvo kutsungirira.

Kombamiro yokufungidzira ingaita rutivi zvakare. Kumwe kunzvera kwakaitwa navanzveri kunotsanangura kuti vachiri kukura “vakazarukira zvikuru kukurasikirwa nemhaka yokuti pavanopinda muukama hworudo, vane kombamiro yokufungidzira pamusoro penguva yemberi neshamwari yavo. Iyi fungidziro ingabatanidza kurota kupinda muroorano, kuva navana, uye kuva pamwe chete upenyu hwavo hwose.” Fungidziro dzakadaro dzinogona kuva dzakaoma kusiya, kunyange padzinenge dziine hwaro hudukusa chaizvoizvo.

Uchiri Anodiwa

Nzvero imwe cheteyo nokudaro inotaura kuti “kurasikirwa neshamwari yorudo . . . kunogona kutungamirira kumirangariro yekundikano yomunhu oga uye kusakwana.” Jeanette anoyeuka, kuti: “Unonzwa waodzwa mwoyo, sokunge kuti hauna mumwe munhu wokukupa tsigiro yomurangariro. Hauchaitiri hanyazve. Unonzwa warambwa.” Kufanana naye, vazhinji vanonzwa vaodzwa mwoyo, mhaka, kusabetsera, vasingakwanisi kusanopa ngwariro. Vamwe vakatozviuraya.

Naizvozvo iyi inogona kuva nguva ine ngozi kwauri. Yeuka, kunyanguvezvo, zano raJesu roku“da wokwako sezvaunozvida iwe.” (Marko 12:31) Mwero wokuzvida umene unodikanwa uye wakafanira. Idi rokuti munhu mumwe chete akundikana kudzosera rudo rwako rwenyengano harirevi kuti haudikanwi, rinodaro here? Haugoni kufungidzira chaizvoizvo kuti hapanazve mumwe achazombofa akakuwana kuva anoshuviwa kana kuti anokwezva, unogona here? Hauna mitezo yemhuri neshamwari dzinokuda here?

Chinokosha zvikuru, Mwari anonzwa sei pamusoro pako? Rea, mukadzi akararama munguva dzeBhaibheri, anofanira kuva akanzwa marwadzo okurambwa nenzira yakaoma zvikuru. Aisanoziva kuti murume wake, Jakobho, akanga anyengedzwa mukumuroora, uye kuti aida munun’una wake Rakeri zvikuru. Hakushamisi kuti akanzwa “asingadikanwi,” sokunge zvakadaro, uye anonzwisa urombo. Bva, Mwari akawana zvakanaka zvizhinji muna Rea. Akamukomborera navana vakawanda, uye zvose zviri zviviri mutsara wouprista waIsraeri nomutsara woumambo—uyo wakabereka Mesia—zvakauya kupfurikidza naye, kwete kupfurikidza naRakeri.—Genesi 29:30-35.

Hapana ukuru hwokurambwa hunogona kuchinja uchokwadi hwechikomborero chaMwari norudo. Yeuka, Musiki wechisiko chapose pose anokuda zvikuru zvokuti akabvumira Mwanakomana wake kutambura ndokukufira. (Johane 3:16) Hausi asingadikanwi, uye zvamazvirokwazvo hausi asingakoshi.

Apo Kuparadzana Kuri Zvomenemene Chikomborero

Unganzwa kuti uku kuparadzana ndicho chimwe chezvinhu zvakaipisisa zvati zvamboitika kwauri, asi kungangova musiano bedzi. Sokuoma kwakungava kwakaita kudavira, kuri zvikurukuru sezvingabvira kuti kuguma kworudo rwenyu chikomborero. Kunodaro sei? Ukama uzhinji hworudo hwavachiri kuyaruka haupi vimbiso chaiyo yebudiriro. Vechiduku vachiri kukura nokuchinja; vane kombamiro yezvishuvo zvinopfuura norudo rwakakanganisika. Kunyanguvezvo, gore riri rose zviuru zvavachiri kuyaruka zvinoroora, kuzongoziva kwava kunyanyononoka kuti kuita kudaro chaiva chikanganiso. Mumwe mukuru wepepanhau akataura pashure pokurambana kwake, kuti: “Chaiva chikanganiso chaicho kuroorwa ndichiri muduku zvikuru. Ndakanga ndisinganzwisisi chaizvoizvo kuti taiva nezvinokosha zvakasiyana zvikuru uye migariro yekare.”

Roorano dzavachiri kuyaruka dzine mwero wokukundikana mukurusa. Nokudaro sokunzwa kwakaipa kwaunganzwa iko zvino, simbisirwa chinhu chimwe—waizonzwa zvakaipa zvikuru kubatwa muroorano isingafadzi. Zvibvunze umene kana wakanga wagadzirira chaizvoizvo nokuda kweroorano youpenyu hwose, nemitoro yayo yose, kubatanidza kurera vana. Uye uyo wawaida akanga akagadzirira chaizvoizvo naabve zera here? Yeuka, kuparara kwenyengano kunorwadza zvishoma zvikuru kupfuura kuparara kweroorano.

Kuparadzana kwacho kwakanga kuri chikomborero zvikurukuru kana wakaita chikanganiso chokubatanidzwa nomumwe munhu asingaremekedzi nheyo dzoumwari nemipimo yetsika. (2 VaKorinte 6:14) Shana anoyeuka ngozi dzetsika dzokuva nomukomana wokunyika, anoti: “Nguva dzose aitaura kuti aindida. Asi ipapo aizondikumbira kuti ndivatane naye. Ndaiti aiwa. Ndakakucherechedza kuti kwakanga kwakaipa. Pashure penguva yakati, akamira kundidana. Ndaichema usiku hwose—kwakanga kwakaoma kurasikirwa naye!” Sezviri pachena, kunyange zvakadaro, uku kuparadzana kwakadzivirira Shana mungozi yomudzimu.

Naizvozvo ungakwanisa kurangarira kuparadzana kwacho sechinoitika chokudzidza. Seizvo Zvirevo 22:3 inotaura, kuti “munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.” Ichi chinoitika chichakuita uve akachenjera zvikuru, zvokuti udzivise chinetso munguva yemberi here?

Kugonana Nokunzwa

Zvisinei, kunyange zvazvo kuparadzana chakanga chiri chinhu chakanakisisa nokuda kwako, ikoko hakusati kuchikuita kusingarwadzi. Unogona sei kubata nokunzwa uko kungaratidzika sokusingaperi? Kutanga, hakusati kuchizobetsera kuedzesera kuti hapana chaunonzwa. Seizvo magazini ye’Teen yakataura misi ichangobva kupfuura panhau iyoyi, kuti “kunzwa hazvisi zvinhu zvaunogona kutiza kana kuti kuvanda. Pakupedzisira, zvichakuwana.”

Ndokwomuzvarirwo chaizvo kuti iwe unzwe wadenhwa, wakangaidzika zvikuru pamusoro paikoku. Asi usakudzvinyirira, uchienda kunorara wakasuruvara usiku nousiku. Tevera zano rokuchenjera reBhaibheri, rokuti: “Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa.” (VaEfeso 4:26) Taura neshamwari inovimbwa nayo kana kuti akarovedzeka. “Pasingaranganwi mano anokona,” inodaro Zvirevo 15:22. Vabereki vako kana kuti vakuru vechiKristu vanogona kuva vanobetsera zvikuru mumigariro iyoyi. Ungawana kuti vakapfuura nomuzvinoitika zvinorwadza zvakafanana pavaiva vaduku.

Imwe yamuro mukugonana nokunzwa kwako kuramba wakabatikana. Ungava anokombamira kurega, kuzviparadzanisa umene, kurota masikati, uye kurasikirwa nefariro muupenyu. Jeanette anoyeuka, kuti: “Haunzwi uchida kuita chinhu chipi nechipi. Unongorara chete kakawanda.” Asi seizvo Zvirevo 18:1 inonyevera, “unozviparadzanisa navamwe, unongotsvaka kuda kwake, unorwa nouchenjeri hwose kwahwo.” Naizvozvo panzvimbo pezvo, ramba wakabatikana. Dzokera musonganirano yeboka naavo vanokukurudzira munzira yakanaka.

Nzira yakaisvonakisisa yokunangidzira masimba ako kuzvinyudza umene muushumiri hwechiKristu. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Saka, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba, murege kuzununguswa, mubatire Ishe zvikuru nguva dzose, muchiziva kuti kubata kwenyu hakungavi pasina munaShe.” (1 VaKorinte 15:58) Upenyu hwako haudikanirwi kunzwa husina chinhu kana kuti husina revo. Kugoverana mashoko akanaka navamwe kunounza mufaro negutsikano.—Mabasa 20:35.

Yeukawo kuti kwenguva yakati uchava namazuva akanaka namazuva akaipa. Pamazuva akaipa unganzwa kuti iwaya hausati uchizomboakurira. Asi chokwadi ndechokuti, uchaita zviri nani. Kupodza ronda—ronda ripi neripi—kunotora nguva. Usanonotsa muitiro wacho kupfurikidza nokunyura zvakadzama murudo kana kuti nziyo dzemirangariro yorudo kana kuti kurota masikati pamusoro porudo rwako rwakarasika. Tsamira pana Jehovha nokuda kwesimba. Anoziva chaizvoizvo zviri kuitika kwauri uye kuti unonzwa sei. “Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mwoyo yakapwanyika.”—Pisarema 34:18.

Nguva Dzakajeka Zvikuru Dziri Mberi

Sepwere, chimwe chezvikomborero zvako zvikuru inguva. Pane nguva yakawanda zvikuru mberi kwako yokudzidza nokuwana ruzivo rwokuzviwanira. Naizvozvo shandisa uyu mudziyo unokosha nenzira yokuchenjera; kudziridza mavara achakubetsera kuva mukuru akatsiga naakachengeteka. Nenzira iyoyo uchakwanisa kuita zvisarudzo zvouchenjeri pamusoro penyengano neroorano munguva yemberi.

Sokuoma kwayakaita, iyi nhambo inorwadza ichapfuura, uye ungangova akachenjera zvikuru pashure payo. Renee, anokorwa mashoko pakuvamba, anoti: “Ndinokwanisa kubata nokunzwa kwangu zviri nani zvikuru zvino. Ndakadzidza zvakawanda kwazvo. Ndakadzidza kuti kupfurikidza nokuita zvinhu nenzira yaJehovha bedzi zvinhu zvichafamba zvakanaka.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe