RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 9/15 pp. 10-11
  • Kana Mukomana Nemusikana Vakarambana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kana Mukomana Nemusikana Vakarambana
  • Mukai!—2015
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DAMBUDZIKO
  • Ndingaita Sei Kuti Ndinzwe Zviri Nani Kana Ndarambana Nemumwe Munhu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndingaita Sei Kuti Ndipore Kana Ndarambwa?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndinogona Sei Kugonana Norudo Rwakakundikana?
    Mukai!—1993
  • Munhu Uyu Ndiye Akandikodzera Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Mukai!—2015
g 9/15 pp. 10-11
Mukomana ari kufunga nezvemusikana waakarambana naye

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | VECHIDUKU

Kana Mukomana Nemusikana Vakarambana

DAMBUDZIKO

“Ndaifunga kuti ndakanga ndawana mukomana anonyatsoita. Ndaizviudza kuti, ‘Uyu ndichatofa naye chete.’ Asi pashure pemwedzi miviri tichidanana, ndakazorambana naye. Chakandinetsa ndechekuti tainyatsodanana asi zvakazongoerekana zvapera!”—Anna.a

“Taiita sekuti taipindirana pane zvakawanda zvekuti mupfungwa dzangu ndaitoona setatochata. Asi nekufamba kwenguva ndakatanga kuona kuti hatinyatsoti gedye. Ndakaona kuti ndikaramba ndichidanana naye mangwana ndaizochema, saka ndakabva ndarambana naye.”—Elaine.

Izvi zvakamboitikawo kwauri here? Kana zvakaitika, nyaya ino ichakubatsira.

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Kurambana kunorwadza, kunyange uriwe wamuramba. Mumwe musikana anonzi Sarah akarambana nemukomana wake pashure pemwedzi 6 vachidanana uye anoti, “Zvakandirwadza chaizvo! Ndaiona sokuti zvinhu zvakanga zvichifamba tiri tese, ndichifunga kuti taizoramba tiri tese asi zvakangoerekana zvachinja. Ndaimbonzwa mimhanzi yataiteerera tese, ndotanga kufunga kunakidzwa kwataimboitwa. Ndaimboenda kunzvimbo dzataienda tese, uye zvaindirwadza kuti ndasara ndega. Zvese izvi zvaindirwadza kunyange zvazvo ndirini ndakanga ndamuramba!”

Kurambana kunorwadza, asi dzimwe nguva kwakanaka. Elaine anoti, “Unenge usingadi kurwadzisa mumwe wako, asi unozoona kuti kana mukaramba muchidanana mangwana munozozvidemba.” Sarah anobvumiranawo nazvo achiti, “Ndinofunga kuti kana usiri kufara nemunhu waunenge uchidanana naye musati maroorana, kashoma kuti uzofara kana maroorana, saka zviri nani kuti musiyane.”

Kurambana hakurevi kuti uri munhu akaipa. Chinangwa chekupfimbana ndechekuti muone kuti munonyatsopindirana here. Pauviri hwenyu kana muine zvinhu zvakawanda zvamunoona kuti hamusi kunyatsopindirana zviri nani kuti musiyane. Kana mukarambana hazvirevi kuti uri munhu akaipa. Unogona kuenderera mberi neupenyu! Sei?

ZVAUNGAITA

Bvuma kuti zvinorwadza. Elaine ambotaurwa kwekutanga akati, “Ndakarasikirwa nemunhu wandaiti ndiyewo shamwari yangu yepamwoyo.” Kana ukarambana nemunhu wawaida chaizvo, zvinotombotora kanguva uchirwadziwa. Mumwe mukomana anonzi Adam anoti, “Kurambana kunorwadza chaizvo kunyange muchiziva kuti kusiyana kwamaita kune zvakwakanakira.” Unogona kunzwa sezvakaita Mambo Dhavhidhi paairwadziwa achibva anyora kuti, “Ndinozadza mubhedha wangu nemisodzi.” (Pisarema 6:6) Usanyepedzere kuzvishingisa, bvuma kuti zvinorwadza. Kuita izvozvo kunogona kukubatsira kuti usaramba uchinyanya kurwadziwa.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Pisarema 4:4.

Shamwaridzana nevanhu vanokuda. Chokwadi ndechekuti dzimwe nguva hazvisi nyore. Anna ambotaurwa kwekutanga anoti, “Pakutanga ndakanga ndisingadi kuona kana munhu. Ndaida nguva yekumbofunga kuti zvii zvakanyatsoitika.” Nekufamba kwenguva, Anna akazoona chazvakanakira kuti ashamwaridzane nevanhu vaikwanisa kumunyaradza. Anoti, “Iye zvino ndava kunzwa zviri nani, uye handichanyanyi kurwadziwa sezvandaiita mazuva ekutanga.”—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 17:17.

Dzidza kubva pane zvakaitika. Zvibvunze kuti: ‘Nezvakaitika izvi, ndepapi pandingagadzirisa? Ndikazodanana nemumwe munhu ndepapi pandingada kuzogadzirisa?’ Mumwe musikana anonzi Marcia akati, “Ndakazokwanisa kunyatsonzwisisa zvakaitika papera kanguva, zvekuti ndakanga ndava kufungawo zvakati twasu.” Ndizvo zvakaitikawo kuna Adam ambotaurwa. Akati: “Zvakanditorera gore kuti ndizozvigamuchira. Zvakatonditorera nguva yakareba kuti ndione pandaifanira kugadzirisa. Zvandakasangana nazvo zvakandibatsira kuti ndinyatsonzwisisa zvandiri, zvakaita vasikana, uye zvinoitika pakudanana. Iye zvino handichanyanyi kurwadziwa sezvandaiita pakutanga.”

Udza Mwari zviri kukunetsa. Bhaibheri rinoti Mwari “anoporesa vakaora mwoyo, uye anosunga panovarwadza.” (Pisarema 147:3) Mwari haarongi kuti nhingi nanhingi vachadanana, saka hatingamupi mhosva vanhu pavanorambana. Chatinoziva ndechekuti anotida. Muudze zviri mumwoyo mako.—Zvinotaurwa neBhaibheri: 1 Petro 5:7.

a Mamwe mazita ari munyaya ino haasi avo chaiwo.

MAGWARO ANOKOSHA

  • ‘Dederai nehasha, taurai mumwoyo menyu, muri pamibhedha yenyu.’—Pisarema 4:4.

  • “Shamwari yechokwadi . . . inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

  • ‘Kandai kuzvidya mwoyo kwenyu kwose pana Mwari, nokuti iye ane hanya nemi.’—1 Petro 5:7.

“KURWADZIWA KUNOPERA”

“Pandakarambwa nemukomana wangu ndaizvipa mhosva, ndaivhiringidzika, ndaisurukirwa uye ndichiona sendisingakoshi. Kurambwa nemunhu wawanga uchida kunorwadza. Mwari anoda kuti vanhu vanakidzwe pavanenge vachidanana. Saka kunyange kana vakarambana kurwadziwa kwacho kunozopera. Sezvo zvichitora nguva kuti uzosvika pakudanana nemunhu, zvinotorawo nguva kuti kurwadziwa kwaunoita kana marambana kuzopera. Asi kurwadziwa kwacho kunozopera.”—Marcia.

Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvenyaya iyi, ona chitsauko 31 chebhuku rinonzi “Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda,” Bhuku 1. Tarisa pakanzi MABHUKU > MABHUKU UYE MABHUROCHA.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe