Chinetso Chokubvisa Mimba—Kuuraya Kune Mamirioni 60 Ndiko Chigadzikiso Here?
AKANGAIDZIKA, atyisidzirwa, achichema, mumwe musikana wezera ramakore 15 anotarira mukomana wake achienda mukunyangadzwa. Akamuidza kuti fuza nokuda kwokuva nemimba. Aifunga kuti vaidanana.
Mumwe mukadzi anozadzwa nokupererwa nezano rose apo anoziva kuti ari kukarira mwana wake wechitanhatu. Murume wake haasiri kushanda, uye vana vanondorara nenzara usiku huri hwose. Vanogona sei kutarisira mumwe mwana?
“Mimba yaisagona kuva yakanambwa panguva yakaipisisa,” anotsanangura kudaro mumwe mukadzi akapfeka nomutoo wakatsvinda kuna chiremba wake. Pakupedzisira akawana dhigirii rake rouinjiniya uye odokuvamba basa rake idzva. Murume wake akabatikana chose chose mubasa rake segweta. Vaizowana kupi nguva nokuda kwomumwe mwana?
Ava vanhu vanosiana zvikuru mumararamire avo uye vanonangana nezvinetso zvakasiana-siana, asi vanosarudza chinopedza chakafanana: kubvisa mimba.
Kubvisa mimba ndiimwe yenhau dzinowedzera zvikurusa dzegumi ramakore, kuchimutsa kakavaro dzamasimba masimba mumativi ezvamatongerwe enyika, enzanga, ezvokurapa, uye mune zvoruzivo rwaMwari. MuUnited States, vashori kubvisa mimba kwakanyoreswa pamutemo vanofora nokuda kwamaruramiro avasati vaberekwa. Boka ravanoda kubvisa mimba kwakanyoreswa pamutemo rinomira pazvikonzero zvorusununguko namaruramiro omukadzi okusarudza kana angabvisa mimba. Vanoshora kubvisa mimba kwakanyoreswa pamutemo vanoshora varwiri rusununguko musarudzo, mumatare, mumachechi, kunyange mumigwagwa.
Mamirioni anobatwa mumakakatanwa, vasakadzwa nokuitirana nharo kwakakasharara kworutivi rumwe norumwe. Mashoko amene okuti “vanoda kubvisa mimba kwakanyoreswa pamutemo” uye “vanoshora kubvisa mimba kwakanyoreswa pamutemo” akasarudzwa nomutoo wokungwarira kuti atape vachigere kuita chisarudzo. Muzera rino umo rusununguko runonamatwa sechidhori, ndiani hake aisazoda chisarudzo? Asika ipapo zvakare, ndiani hake angasada upenyu? Mapoka anoda kubvisa mimba kwakanyoreswa pamutemo anoratidza makotihenga kuratidzira nzufu dzavakadzi vanodzvinyirirwa vanotambura kubvisa mimba kusakakotsekana kusiri kwapamutemo. Varevereri vavanoshora kubvisa mimba kwakanyoreswa pamutemo vanosimudza zvirongo zvavana vasati vakwana vakabviswa sechiyeuchidzo chakakomba chamamirioni asati aberekwa vakafa.
Iyi ngwavaira yose inouraya inorondedzerwa nomutoo wakakodzera mubhuku raLaurence H. Tribe rinonzi Abortion: The Clash of Absolutes. “Vazhinji vanogona kuziva nenzira iri nyore kuti mwana asati akwana munhu chaiyeiye, avo vanomukoshesa zvikurusa uye vanochema, vanoona bedzi mukadzi anomutakura nomugariro wake wohunhu. . . . Vamwe vazhinji, vanogona bedzi kuona nyore nyore chikotsa uye muviri wacho, vanochemera maruramiro acho okudzora mugumo wacho, vanoona bedzi mwana asati akwana ari mumukadzi iyeyo uye havafungidziri sohuri chaihwoihwo upenyu hwaangave akabvumirwa kurarama.”
Nepo iyi hondo yetsika ichipfuurira, kubvisa mimba kuvambira pamamirioni 50 kusvikira kumamirioni 60 kuchaitwa gore rino apo vanhu vanoitirana nharo pamusoro pokuti maruramiro aani anotora nzvimbo yokutanga.
Umire papi pane iyi nhau yomurangariro? Waizopindura sei iyi mibvunzo inokosha? Maruramiro anokosha omukadzi here kuti asarudze? Kubvisa mimba kunoruramiswa mumigariro ipi neipi here? Upenyu hunovamba rini? Uye mubvunzo wokupedzisira, kunyange zvazvo usingawanzobvunzwi: Musiki woupenyu nokuberekwa kwavana anorangarira sei kubvisa mimba?
Kubvisa mimba kune nhau refu. MuGirisi yekare neRoma, kubvisa mimba kwakanga kuri muitiro unozivikanwa navose. MuEurope mukati meMiddle Ages uye Kuberekwa Kutsva, kwakanga kuchirangarirwa kuva kunobvumirwa kutozosvikira mwana asati akwana anopfakanyika, ndiko kuti, apo amai vanganzwa upenyu mumimba. Chinjo yevatano yakauya nomuuyo—mamirioni emimba dzisingadikanwi.
Ma 1960 akaratidza kumuka kwesangano ravakadzi, iro rinonzi maruramiro aro okubereka ndiwo ibwe renheyo. Vamwe vanochemera maruramiro okubvisa mimba nokuda kwavanyajambwa vemimba vokubatwa chibharo kana kuti vatano yehama dzokunyama kana kuti apo utano hwaamai hunenge huri pangozi. Ruzivo rwezvokurapa rwakaita kuti kubvire kuona mimba kuwana mhinganidzo dzokubereka dzinobvira norudzi rwomwana. Mimba dzinogumiswa pahwaro hwokudeya kuziva kwokusava netariro kwachiremba. Vakadzi vane makore anopfuura 40 ezera vangava vanofunganya pamusoro pohurema.
Munyika dzakarovanywa nourombo, vakadzi vazhinji avo vane kusvika kwakaganhurirwa kumbinjiri vanonzwa kuti havagoni kugovera nokuda kwavana vakawanda. Uye vachikudziridza rondedzero yokurwira rusununguko rwokubvisa mimba kwakanyoreswa pamutemo kusvikira kuganhuriro yako, vamwe vakadzi vane mimba vanosarudza havo kubvisa mwana asati akwana nemhaka yokuti vanonzwa kuti nguva yavava nemimba haina kururama chaizvo kana kuti nemhaka yokuti vanoziva rudzi rwomwana asati aberekwa uye havadi mwana worudzi irworwo chairwo.
Kukakavadzana kuzhinji kunoratidzirwa mune iyi rwisano kunobata nenhau yeapo upenyu hunovamba. Vanhu vashomanene vanopanikira pfundo rokuti sero rezai rakaberekeswa ibenyu. Mubvunzo ndouyu, ibenyu sechii? Zai rakaberekeswa chiumbwawo zvacho here? Kana kuti zai rakaberekeswa munhu here? Muti womuacorn muti womuoak here? Ipapoka, mwana asati akwana munhu here? Ane maruramiro avagari vemo here? Kupokanidzana pamusoro pamashoko hakuperi. Kunosetsa sei kuti muchipatara chimwe chetecho, vana chiremba vangashanda nesimba rokuti vaponese upenyu hwomwana anoberekwa nguva isati yasvika bva vachigumisa upenyu hwomwana asati akwana wezera rimwe chetero! Mutemo ungavabvumira kuuraya mwana ari mumimba, asi kuuraya kana mwana ari kunze kwemimba.
Kuda kukurusa kubvisa mimba kwakanyoreswa pamutemo kunobva ku“vanorwira maruramiro echikadzi” avo vane kusvika kusina ganhuriro kumitoo yokudzivisa kuva nemimba pakutanga. Vanotaura nesimba chimwe chinhu chinonzi maruramiro okubereka, nepo chaizvoizvo vakatoshandisa simba ravo rokunamba ndokubereka. Icho vanoda zvomenemene ndiwo maruramiro okudzivisa kubereka ikoko. Kururamisa here? “Muviri wangu!” Asika ndizvo zvomenemene here?
Abortion—A Citizens’ Guide to the Issues inoti mumavhiki 12 okutanga emimba, “ukuru huduku hwechiumbwa chiri mumugariro unoti rembu-rembu huri nyore kubvisa zvikuru.” Kubvisa mimba kunogona kurangarirwa nomutoo wakarurama so“kubvisa chiumbwa” here kana kuti “kugumisa muuyo wokunamba”? Kana kuti aya mashoko akaitwa kuti afadze akarongedzererwa kuita kuti zvokwadi isingafadzi ifadze ndokuzorodza hana dzinotambudzika here?
Chiumbwa ichecho chisingadikanwi upenyu hunokura, hunobudirira, hwakakwana hune gadziriro yahwo hwoga yamachromosome. Senhau yomunhu yokuzvinyorera youporofita, chinozivisa nhau ine udzame yomunhu ari oga ari kuumbika. Purofesa akakurumbira wenzvero woruzivo rwokurapa mwana asati akwana muchibereko A. W. Liley anotsanangura, kuti: “Mukuwirirana noupenyu, hapana nhambo patinogona kutsigira murangariro wokuti mwana asati akwana chiumbwawo hacho chaamai. Mukuwirirana nemitemo yamavara anogarwa nhaka, amai nomwana vanhu vakaparadzana kubvira pakunamba.”
Kuzvibata Kwokusangwarira
Hunyanguvezvo, nokusvika kuri nyore kukubvisa mimba, vazhinji vakanzwa pasina dikanwo inogombedzera yokudzivisa kunamba kusingadikanwi. Vanoda havo kushandisa muitiro wokubvisa mimba sechisarudzo chokudzivisa “mimba dzisina kurongwa” dzipi nedzipi dzinganambwa.
Zviverengero zvinoratidza kuyaruka kunoitika muzera rouduku muzana rino ramakore. Nokudaro, vana vaduku vanokwanisa kubereka vana. Vanodzidziswa here mutoro wakakomba unovapo pamwe chete neropafadzo iyeyo? MuAmericawo zvake anorasikirwa noumhandara hwake paanosvika zera ramakore 16, uye 1 muvane 5 asati asvika makore 13 ezera. Chikamu chimwe chezvitatu chavarume vakaroora navakadzi vanoita vatano kana kuti vakaita kudaro munguva yakapfuura. Muitiro wokubvisa mimba unokwezva vashandisi vanodisa pakati pavanoita madiro. Kunofanana zvikurusa nokukumbira panhambo nenhambo kunyoresa uhure nokuda kwokudzivisa kupararira kweAIDS, kunyoreswa pamutemo kwokubvisa mimba kungave kwakaita kuti muitiro wokubvisa mimba uve wakati kotsekanei zvikuru mune zvokurapa, asika wakaita zvakawanda kuparira mhoteredzo yakaorera umo hosha inogona kutekeshera uye iri kudaro.
Vanyajambwa Vamasimba Masimba Kana kuti Vomugariro
Nomutoo unofadza, fundo dzinoratidza kuti mimba inoparirwa nokubatwa chibharo haiwanzowaniki zvikuru. Kumwe kunzverwa kwemhaka kwavanyajambwa vanotevedzana vokubatwa chibharo vane 3 500 muMinneapolis, U.S.A., hakuna kubudisa mhaka imwe zvayo yemimba. Pakubvisa mimba kune 86 000 mune yaichimbova Czechoslovakia, 22 bedzi dzaiva dzokubatwa chibharo. Nokudaro, mwero muduku bedzi muzana waavo vanotsvaka kubvisa mimba unoita kudaro nokuda kweizvi zvikonzero.
Zvakadiniko nezvekudeya kutaura kuya kunotyisidzira kwavana vakaremara zvikuru nekuvadziko dzisingachinjiki dzokubereka? Pachiratidzo chokutanga chechinetso,vamwe vanachiremba vanokurumidza kukurudzira kubvisa mimba. Vanogona kuva nechokwadi chaichoicho chokunzvera here? Vabereki vazhinji vanogona kupupurira kuti huporofita hwakadaro hwakakomba hahuna chokwadi, uye vane vana vanofara, vane utano vokukubvumikisa. Vamwe vane vana vakarangarirwa kuva vakaremera vanofarawo kuva vabereki. Zvamazvirokwazvo, 1 muzanawo zvayo yaavo vanotsvaka kubvisa mimba muUnited States vanoita kudaro nemhaka yokuti vanoziviswa nezveurema hunobvira mumwana asati akwana.
Hunyanguvezvo, munguva yakwakutorera kuti urave iyi nyaya, vana vasati vaberekwa vafa mumazana. Kuri kuitika kupiko? Uye upenyu hwaavo vanobatanidzwa hunotapurwa sei?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 25]
Amai: “Muviri wangu!”
Mwana: “Aiwa! Muviri wangu!”