Upenyu—Chipo Chinofanira Kukosheswa
APO Jehovha Mwari akapa ropafadzo yokubereka vana pamhuri yomunhu, chakanga chiri chipo chakadini! Mwana akaisvonaka aizosvika kuti agamuchirwe namaoko akamirira avaviri vakaroorana vanofara vaidanana uye vakanga vakagadzirira kutarisira uye kuchengeta ichi chibereko chiduku chomubatanidzwa wavo weroorano. Mufaro bedzi waizomirira mhuri sezvo upenyu hwomwana hwaiwadzanyurika.
Asi chivi chaAdhama naEvha chakaunza miuyo ine ngwavaira kuvana vakaberekerwa mudzinza romunhu. Somuuyo wechivi, amai vedu vokutanga vakashurikidzwa nenhamo uye marwadzo omumuviri sezvo vaibereka vana. Uye mhoteredzo yechivi umo vana vavo vaiberekerwa yakaita kuti kubereka vana kuve denho inotyisa. Nokudaro, munyika yanhasi yakaoma, hakusati kuchishamisa kuti kunambwa kwomwana hakuwanzosanganwa nako nomufaro. Bva, chii chiri murangariro woMusiki womwana asati aberekwa? Wakachinja here nekombamiro dzinochinja dzetsika? Zvirokwazvo kwete. Murangariro wake uye kuitira hanya vana vasati vaberekwa venyika unoramba usingachinji.
Magwaro anojekesa kuti mukati maamai munhu ari oga akasiana ari kukura. Upenyu hunovamba pakunamba. Kuberekerwa munyika kunongowadzanyura bedzi kumunhu mwana uyo Mwari akatoona. Ezekieri anotaura nezve “[mwana, NW] anotanga kuzarura chizvaro.” (Ezekieri 20:26) Jobho anorondedzera “mikova yemimba yamai vangu,” uye anoidza vanosunungukwa nguva isina kusvika kuti “vacheche vasina kutongoona chiedza.”—Jobho 3:10:16.
Cherekedza kurangarira kukuru kwaJehovha Mwari upenyu huduku sezvahunokura mumimba. Akati kuna Jeremia: “Ndakakuziva ndisati ndakuumba mudumbu ramai, ndakakuita mutsvene usati wabuda muchizvaro chamai.” (Jeremia 1:5) Davhidhi akati: “Mafupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuri, panguva yandakaitwa pakavanda, pakuumbwa kwangu nenjere panzvimbo dzezasi dzapasi. Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kukwaniswa.” (Pisarema 139:15, 16) Jobho anoidza Mwari kuti “Wakandiita mudumbu ramai,” uyo akapfuurira ku“tiumba isu tose mudumbu ramai.”—Jobho 31:15.
Asika zvakadiniko nokuitira hanya kwaMwari amai vane mimba vapererwa nezano rose zvaro vasati vachida mwana? Kupfuura vanhu vose, Musiki anoziva mitoro yakakomba youbereki. Kana amai vane mimba, kunyange zvazvo vari mumigariro yakaoma, vakasarudza kuchengeta mwana wavo nemhaka yoruremekedzo nokuda kwezvinodikanwa zvoumwari, aisazokomborera chisarudzo chavo here? Mubereki angagona uye anofanira kunyengeterera nomutoo wakarurama betsero yake mukurera mwana anofara. Mumapeji eShoko rake, Mwari akatopa pangiro yakaisvonakisisa inowanika pamusoro pokurera vana. Kushandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwemhuri kuchabereka miuyo yakakomborerwa. Mifaro netuso zvokurera vana voumwari inopfuura kuzvibaira kupi nokupi kunoitwa muna ikoku, sezvinogona kupupurira mubereki upi noupi anodada.
Jehovha anorangarira nhau nomutoo wakatongosiana here kana mwana wacho akanga ari chibereko chokubatwa chibharo kana kuti wevatano yehama dzokunyama? Kunyange zvazvo chiito mukurwisana naamai chakanga chiri choubhinya, mwana haana mhaka. Kugumisa upenyu hwake kwaizodzivisa bedzi chiito chimwe chamasimba masimba nechimwe. Zvamazvirokwazvo Jehovha anoziva kuvadziko yendangariro iyo vanyajambwa vakadaro vanowana uye anogona kubetsera amai nomwana kugonana nomuuyo wapashure munzira yakadzikama.
Zvakadiniko kana chiremba akazivisa mukadzi ane mimba kuti kutakura mwana wake munhambo izere kungapinza upenyu hwake mungozi? Dr. Alan Guttmacher akati: “Nhasi kunobvirira anenge murwere upi noupi kuponeswa mukuva nemimba, kutoti akatambura chirwere chinouraya chakadai segomarara kana kuti leukemia, uye kana kukadaro, kurebesa kubvisa mimba kwaizova kusingabviri, kungatova kusingabviri kuponesa upenyu.” The Encyclopedia Americana inoti: “Sezvo vakadzi vazhinjisa vachigona kuponeswa zvakakotsekana mukuva nemimba kunyange vaine zvinetso zvakakomba zvokurapwa, kubvisa mimba kushomanene kunofanira kuitwa kuchengeta utano hwaamai. Kubvisa mimba kuzhinjisa kunoitwa kudzivisa kuva nomwana.” Naizvozvo migariro yakadaro haiwanzoitika zvikuru. Zvisinei, kana kukaitika panguva yokusununguka, ipapo vabereki vanofanira kuita chisarudzo pakati poupenyu hwaamai nouhwo hwomwana. Chisarudzo chavo.
Kunotongoshamisa here kuti Musiki woupenyu akaisa nhungamiro dzakajeka pakushandiswa kwamasimba edu okubereka? Mumeso ake, kuita upenyu uhwo mumwe asati achirangarira kutarisira chivi, kungofanana sezvo kuuraya kuri chivi.
Kutaura chokwadi, kuitirana nharo kuchapfuurira kutozosvikira mugumo wetsika ino. Asi kana ari Musiki woupenyu, Jehovha Mwari, pamwe chete naavo vanokoshesa mitemo yake, hapatongorina kuitirana nharo. Upenyu hunokosha—chipo chinofanira kutarisirwa nokukosheswa kubvira pamavambo acho pamene.
[Bhokisi riri papeji 32]
Kurangarira Kubvisa Mimba Munzira yaMwari
ZVAKADINIKO nezvomusikana muduku anonamba mwana kunze kweroorano uye asina kugadzirira chose chose nokuda kwoumai? Anofanira kubvumirwa kuberekera mwana munyika here? Mirangariro yaMwari kumwana haina kuchinja nemhaka bedzi yokuti amai vakaita nenzira yokusachenjera uye neyoutere. Kuberekwa kwomwana zvamazvirokwazvo kungabetsera amai vake kuziva miuyo yomuzvarirwo youtere hwavo nokudaro ndokuroverera pavari uchenjeri hwemitemo yaMwari. Kubvisa muuyo wechiito chake chevatano isingatenderwi kungamusiya aine marwadzo okuva nemhaka, kana kuti kungamukurudzirira kune zvimwezve zviito zvoutere.
Kana pasina baba vokugoverana mutoro, kurera mwana hakuvi nyore. Asi ukama hwakasimba naBaba vedu vokudenga hunogona kugovera amai simba retsika nerendangariro, tsigiro, uye nhungamiro yokuita kudaro. Akagoverawo ungano yechiKristu kuti ibetsere kurerutsa mutoro wavabereki vamwe.