Kupa Vana Zvavanoda
ZVIRI pachena kuti, vana vaduku vanoda kuitirwa hanya kwazvo, uye zvinooneka kuti, vakawanda havasi kuwana zvavanoda. Zvakaita vaduku vanhasi zvinoratidza izvozvi chaizvo. “Hazvina kumbobvira zvaitika kuti vaduku vedu vasave pedyo kwazvo nemhuri dzavo zvakadai, kutorerwa ruzivo runoshanda nouchenjeri zvakadaro,” akachema-chema kudaro mumwe mutsvakurudzi ane mashoko ari mupepanhau reGlobe and Mail reToronto, Canada.
Chii chakakanganisika? Kuti chinetso chacho chingadaro chichikonzerwawo nokutadza kuona kukosha kwokuva nehanya nevana pavanenge vachiri vaduku zvikuru here? “Tose tinofanira kudzidza unyanzvi hwokuva vabereki,” inotsanangura kudaro imwe nyanzvi yepfungwa inobatsira vakadzi vanotambira mari shoma kudzidza kutarisira vana vavo vachangozvarwa. “Uye tinofanira kuziva kuti nguva yatinopedza nevana vedu zvino ichazodzoka kwatiri nezvikomborero zvakawanda kwazvo.”
Kunyange vacheche vanoda kurayiridzwa nguva dzose. Kwete maminitsi mashomanana chete epano neapo asi nguva dzose—chokwadi, zuva rose. Nguva yaunopedza nevaduku kubvira paucheche hwavo inokosha kuti vakure zvakanaka.
Zvinoda Kugadzirira
Kuti vaite mutoro wavo unorema, vabereki vanofanira kugadzirira kuuya kwomucheche wavo. Vangadzidza panhungamiro yakataurwa naJesu Kristu pamusoro pokukosha kwokufanoronga. Akati: “Ndiani wenyu anoti kana achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi overenga zvinodiwa?” (Ruka 14:28) Kurera mwana—kunowanzonzi basa remakore 20—kwakatooma kwazvo kudarika kuvaka shongwe. Saka kuti ubudirire kurera mwana zvinoda kuti uite soune purani yebasa racho.
Kutanga, kugadzirira pfungwa uye zvokunamata pakuita mabasa omubereki kunokosha. Kuongororwa kwevakadzi 2 000 vaiva nepamuviri muGermany kwakaratidza kuti vana vevanaamai vaitarisira kuva nemhuri vaiva noutano huri nani—mupfungwa nomumuviri—kudarika vana vevanaamai vakanga vasingadi vana vavo. Ukuwo, mumwe mutsvakurudzi akafungidzira kuti mukadzi anogara achirohwa nomurume pasina zvaangaita ane mukana we237 muzana wokuva nomucheche akakanganisika mupfungwa kana mumuviri kudarika mukadzi ari kugarisana nomurume wake zvakanaka.
Saka, zviri pachena kuti vanababa vanokosha pakukura zvakanaka kwomwana. Dr. Thomas Verny akati: “Zvinhu zvishoma zvine ngozi kumwana mupfungwa nomumuviri, kudarika baba vanorova kana kuregeredza mudzimai wavo ane pamuviri.” Chokwadi, zvinowanzonzi chipo chakanaka kwazvo chingagamuchirwa nomwana ndibaba vanoda amai vake.
Mahormone ane chokuita nokufunganya uye kuora mwoyo, anopinzwa mutsinga dzeropa raamai, anogona kuvhiringidza mwana ari mudumbu. Zvisinei, uchapupu hunoratidza kuti kufunganya kwakakomba kana kwenguva refu kwete kufunganya panhambo nenhambo kana kuti zviitiko zvinoodza mwoyo, ndiko kune ngozi kumunhu ane nhumbu. Chinonyanya kukosha ndechokuti amai vari kutarisira kuva nemwana vanofunga sei nezvomwana asati azvarwa.a
Zvakadini kana uine pamuviri uye murume wako asingakutsigiri, kana kuti iwe pachako usingafariri kuzova amai? Zvinowanzoitika kuti mamiriro ezvinhu angaita kuti mukadzi anzwe akaora mwoyo nenhumbu yake. Asi, nguva dzose yeuka kuti mwana wako haana mhosva. Saka ungaramba sei uine pfungwa dzakadzikama pasinei nemamiriro ezvinhu asina kunaka?
Nhungamiro youchenjeri inopiwa neShoko raMwari, Bhaibheri, yave ichibatsira mamiriyoni. Inoti: “Muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.” Uchashamisika kuti kurarama nemashoko iwayo kunogona kukubatsira sei kutevera zano iri: “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu.” (VaFiripi 4:6, 7) Uchanzwa kutsigira nokutarisira kwoMusiki, uyo anogona kukutarisira.—1 Petro 5:7.
Zvinhu Zvinowanzoitika
Muvhiki shomanana dzokutanga pashure pokusununguka, vamwe vanaamai vechiduku vanonzwa kungosuruvara pasina chikonzero uye kuneta. Kunyange vakadzi vaifarira kuva nomwana vanogona kutanga kungokwindimara. Zvinyamusi zvakadaro zvinowanzoitika. Izvi zvinokonzerwa nokuti pashure pokusununguka, uwandu hwemahormone evakadzi hunogona kuchinja zvikuru. Zvinowanzoitikawo kuti amai vatsva vatye pavanofunga nezvebasa rinofanira kuitwa naamai—kudyisa, kuchinja manapukeni, uye kutarisira mucheche, uyo asingamiriri nguva yakakodzera yokuti aitirwe zvaanoda.
Vamwe amai vainzwa sokuti mucheche wavo aichema kuti angovanetsa. Ndosaka imwe nyanzvi yokurerwa kwevana muJapan yakati: “Hakuna asingaodzwi mwoyo nokurera vana.” Maererano nenyanzvi iyi, “chinhu chinokosha kwazvo ndechokuti amai vasambozviparadzanisa nevamwe.”
Kunyange kana amai vachinzwa kuora mwoyo dzimwe nguva, vanogona kudzivirira mwana wavo kuti asakanganiswe nezvinyamusi zvavo. Magazini inonzi Time yakati: “Vanaamai vakaora mwoyo vakakwanisa kukunda kuora mwoyo kwavo, vairatidza hanya zvikuru kuvacheche vavo uye vaitamba mitambo, vana vavo vaiva nouropi hwairatidza kuti vanofara zvikuru.”b
Kubatsira Kungaita Baba
Kazhinji kacho baba vomwana ndivo munhu angatonyatsobatsira nokutsigira. Mucheche paanochema pakati pousiku, kakawanda baba vanogona kutarisira zvinodiwa nomwana kuitira kuti amai vagone kurara. Bhaibheri rinoti: “Nguva dzose madzibaba anofanira kubata madzimai avo nokuziva muupenyu hwavo pamwe chete.”—1 Petro 3:7, The Jerusalem Bible.
Jesu Kristu akasiyira varume muenzaniso wakakwana wokutevedzera. Akatopa upenyu hwake nokuda kwevateveri vake. (VaEfeso 5:28-30; 1 Petro 2:21-24) Saka, madzibaba nokutevedzera Kristu anobvuma kurasikirwa nezvaizoanakidza kuti abatsire kurera mwana. Zvechokwadi, kurera vana ibasa romushandirapamwe, wevabereki vose vari vaviri.
Basa Romushandirapamwe
“Somurume nomudzimai, takakurukura zvose maererano nezvataifanira kuita pakurera mwanasikana wedu,” anodaro Yoichiro, baba vomusikana ane makore maviri. “Nguva yose panomuka chinetso, tinokurukura zvatinofanira kuita.” Yoichiro anoziva kuti mudzimai wake anoda kuzorora, uye anowanzofamba nomwanasikana wake paanombobuda achienda pedyo.
Munguva dzekare, mhuri padzaiwanzova huru uye dziri pedyo nepedyo, vabereki vaibatsirwa kutarisira vana nevana vainge vati kurei nehama. Saka hazvishamisi kuti mushandi wepaChild-Rearing Support Center muKawasaki, Japan, anoti: “Muzviitiko zvakawanda, vanaamai vachazorodzwa kana vakataurira vamwe nhau yacho. Nokubatsirwa zvishomanana chete, vanaamai vakawanda vave vachikwanisa kukunda pavanotarisana nezvipingamupinyi.”
Magazini inonzi Parents inotaura kuti vabereki “vanoda boka revanhu ravanogona kuudzawo zvinetso zvavo.” Boka iroro ringawanika kupi? Nokuva nepfungwa dzakavhurika uye kuteerera vabereki vavo kana vangava vomurume kana vomudzimai, vanaamai vatsva navanababa vanogona kubatsirwa kwazvo. Zvechokwadi, vanaambuya navanasekuru vanofanira kuziva kuti zvisarudzo zvokupedzisira zvinosarira mumaoko emhuri yacho duku.c
Vabereki vechiduku vanowanzowana mamwe mashoko kune vavanonamata navo. Muungano yeZvapupu zvaJehovha zvomunharaunda yako, ungawana vanhu vane makore akawanda okurera vana uye vanoda kuteerera zvinetso zvako. Vanogona kukuudza mazano anobatsira. Kakawanda unogona kukumbira kubatsirwa ne“vakadzi vakura”—sematauriro anoita Bhaibheri vaya vane makore akawanda vachirarama sevaKristu—avo vanoda kubatsira vakadzi vaduku.—Tito 2:3-5.
Chokwadi, vabereki havafaniri kutevedzera zvose zvose pavanoteerera pfungwa dzevamwe. “Nenguva isipi, vanhu vaiva vakatipota vakava nyanzvi dzokudzidzisa zvevana,” anodaro Yoichiro. Mudzimai wake, Takako, anobvuma kuti: “Pakutanga, ndakavhiringika nemazano ataipiwa nevamwe, sezvo ndaifunga kuti vakanga vachitsoropodza ruzivo rwangu rushoma somubereki.” Asi, nokudzidza kune vamwe, varume nemadzimai akawanda vakabatsirwa kuva nemaonero akanaka okupa zvinodiwa nevana vavo.
Rubatsiro Rwakanakisisa Ruripo
Kunyange kana pachiita sepasina munhu anogona kukubatsira, kune munhu mumwe chete akavimbika anopa simba. NdiJehovha Mwari, uyo akatisika, ane ziso rinogona kuona ‘muviri usati wakwaniswa’ wevaya vanozvarwa panyika. (Pisarema 139:16) Jehovha akamboudza vanhu vake venguva dzekare, sokunyorwa kwazvakaitwa muShoko rake Bhaibheri kuti: “Ko mukadzi ungakanganwa mwana wake waanomwisa, akasava netsitsi nomwanakomana wechizvaro chake here? Zvirokwazvo ava vangakanganwa, asi ini handingakukanganwi.”—Isaya 49:15; Pisarema 27:10.
Kwete, Jehovha haakanganwi vabereki. MuBhaibheri, akavapa mazano akanaka kwazvo okurera vana. Somuenzaniso, makore anenge 3 500 adarika, Mosesi muprofita waMwari akanyora kuti: “Ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose.” Mosesi akabva ati: “Mashoko awa [kusanganisira okukurudzira kuda nokushumira Jehovha] andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.”—Dheuteronomio 6:5-7.
Unofunga pfungwa iri kubudiswa nezano iri reShoko raMwari ndeipi? Haisi here yokuti unofanira kurayiridza vana vako nguva dzose, uchiramba uchidaro zuva roga roga? Chaizvoizvo, hazvina kukwana kungoronga purogiramu iyo inonzi nevamwe nguva kwayo nokuda kwevaduku venyu pano nepapo. Sezvo kukurukurirana kunokosha kuchiwanzoerekana kwaitika, unofanira kuva nevana vako nguva dzose. Kuita izvozvo kuchaita kuti uzadzise murayiro weBhaibheri unoti: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo.”—Zvirevo 22:6.
Kurovedza vaduku zvakakodzera kunosanganisira kuvaverengera zvinonzwika. Bhaibheri rinotiudza kuti mudzidzi womuzana remakore rokutanga Timoti ‘aiziva zvinyorwa zvitsvene kubvira paucheche.’ Saka zviri pachena kuti amai vake Yunisi, naambuya vake Roisi vaimuverengera zvinonzwika paakanga achiri mucheche. (2 Timoti 1:5; 3:14, 15) Zvakanaka kuita izvi nokukurumidza pamunongotanga kutaura nomucheche wenyu. Asi chii chamungamuverengera, uye mungadzidzisa sei zvakanakisisa kunyange ari mucheche?
Mwana wenyu ngaanzwe muchiverenga Bhaibheri. Zviri pachena kuti ndiro raiverengerwa Timoti. Mabhuku anoita kuti vana vazive Bhaibheri kuburikidza nemapikicha ane mavara akanaka zvikuru aripowo. Iwaya anobatsira mwana kuona chaizvoizvo zvinhu zvinenge zvichidzidziswa neBhaibheri. Somuenzaniso, kune Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri uye Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Nemabhuku akadaro, mamiriyoni evaduku akarovererwa dzidziso dzeBhaibheri mupfungwa dzavo nemwoyo.
Sokutaura kunoita Bhaibheri kuti, “vana inhaka inobva kuna Jehovha; chibereko chechizvaro ndiwo mubayiro waanopa.” (Pisarema 127:3) Musiki wako akakupa “nhaka,” mucheche anodiwa, waunogona kudada naye uye anogona kukufadza. Kurera vana, zvikurukuru kuti vazova varumbidzi voMusiki wavo, chokwadi ibasa rinofadza!
[Mashoko Omuzasi]
a Mahormone okuora mwoyo haasi iwo oga asiwo nicotine, doro, uye zvimwe zvinodhaka zvingava nemigumisiro inokuvadza pamwana asati azvarwa. Vanaamai vanenge vaine pamuviri havafaniri kushandisa zvinhu zvipi nezvipi zvinokuvadza. Uyezve, zvinokosha kubvunza chiremba kuti kurapwa kwaamai hakukuvadzi mwana ari mudumbu here.
b Kana amai vachinzwa kusuruvara zvikuru nokushaya tariro uyewo kunzwa vasingafariri mucheche wavo nenyika yose, vangave vachinzwa kuora mwoyo kunovapo pashure pokusununguka. Kana zvakadaro, vanofanira kuona nyamukuta. Tapota ona Mukai!, yaAugust 8, 2002, mapeji 14-18 neyeChirungu yaJune 8, 2003, mapeji 21-3.
c Tapota verenga nyaya inoti “Vanambuya Navanasekuru—Mufaro Nezvinetso Zvavo” iri mumagazini yeMukai! yaApril 8, 1999.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Mafungiro aamai nezvomwana wavo asati azvarwa anokosha kwazvo
[Mufananidzo uri papeji 25]
Kunyange zvazvo amai vatsva vangava nezvinyamusi pashure pokusununguka, pane zvakawanda zvavanogona kuita kuti mucheche wavo anzwe kudiwa uye kuchengeteka
[Mufananidzo uri papeji 26]
Vanababa vane basa rokubatsirawo kutarisira mwana
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kuverengera mwana kunofanira kutanga achiri mucheche