Kushanda Zvakaoma—Ndeipi Iri Miuyo Yacho?
Yakanyorwa nomunyori waMukai! muJapan
“‘ZVINWIWA zvinowedzera simba’ zvazova zvakatanhamara zvikuru, namarudzi anopfuura 200 anowanika uye hwerengedzo yokutengwa yemayen ane mamirioni 900 pagore,” inoshuma kudaro Mainichi Daily News, pepanhau guru reJapan. Kukurumbira kweizvi zvinogadzirwa, izvo zvinotaurwa kuva zvinogovera kuwedzerwa kwesimba kwapakarepo nokuda kwavashandi vaneta, “kunopupurira kusundwa kwamaJapan kushanda pabasa pasinei zvapo nenhamo, kusarara nomugariro wokunze wezhizha unokachidza,” unopfuurira kudaro mushumo wacho.
Pane rumwe rutivi rwePacific, “anodokuva wokuAmerica mumwe muvasere akashuma achishanda maawa 60 kana kuti anopfuura pavhiki,” mukuwirirana neU.S. Bureau of Labor Statistics. Avo vane nzvimbo dzoutarisiri hwapakati napakati vanokuwana kuri madikanwa kupa yakawanda kwazvo yenguva yavo nesimba kubasa zvokuti basa ravo pane dzimwe nguva rinova chinhu chinodzora muupenyu hwavo.
Muinodokuva tsika iri yose, vanhu vanobishaira, vanongwarira, uye vanoshanda zvakaoma vanorumbidzwa sevakanaka. Kunyange munyori wakare weBhaibheri akati: “Hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake. Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari.” (Muparidzi 2:24) Zvikurukuru, vanhu kunzvimbo iri yose vachiri kudavira mipimo yakadaro. Kana vachikurangarira kuva kwakarurama kana kuti kwete, vanhu vazhinjisa vanoshanda kubvira mangwanani kutozosvikira usiku, mazuva mashanu, matanhatu, kana kuti kunyange manomwe pavhiki.
Kunyanguvezvo, basa rose irori rakaoma rakapedzei? Munyika dzakadai seJapan neGermany, “manenji” ezvemari akaparirwa chifo chokuguma kweHondo yeNyika II anoitirwa shanje nenyika dziri kubudirira. Nyika dzose dziri mbiri dzakabva mukukurirwa kukuva masimba ezvemari ayo nyika yose inofanira kurangarira. Zvisinei, kuzvipira kubasa kwakaitei kuvanhu vakawanda?
Kunyange zvazvo mupimo wokurarama muJapan wakati kwirirei, Mainichi Daily News inoshuma kuti, maJapan mazhinjisa “achiri kukuwana kwakaoma kunzwa pfungwa chaiyoiyo ipi neipi yokubudirira muupenyu hwavo hwezuva nezuva.” Zvakatoipisisazve, mukuronda kwavo kwokusaneta hunonzi upenyu hwakanaka, vakawanda vari kurwara kana kuti kutofa nebasa rakanyanyisa nenhamo. Nenzira yakafanana, muimwe fundo muUnited States, chikamu chimwe chezvitatu chavatarisiri vane mazana matatu vakanzverwa vainzwa kuti vanoshanda zvakanyanyooma, vaineta, uye vaisagona kuwana mbavarira nokuda kwebasa ravo.
Vakadzi vanoshanda vari kuratidzawo kutambura. Kunzvera kweItaly kwakazivisa kuti vakadzi vanoshanda munyika iyoyo vanoshanda avhareji yamaawa 30 kupfuura vakwanyina vavo vhiki rimwe nerimwe. Mukuwedzera kukupedza maawa akawanda muhofisi kana kuti fekitari, vanofanira kutarisira mabasa apamba apo vanodzokera kumusha. Mumwe mushandi munhukadzi akabvuma kumagazini inonzi Europeo, kuti: “Upenyu hwangu hwoushamwaridzani hwodokuva husiko. Handina nguva yangu ndimene. Handichazvidi.”
Zvakadiniko noupenyu hwemhuri? “Mukuronda pfungwa yokuenzana kwavanhu vose, tiri kuzvibaira nemhuri nokuda kwemari nesimba,” anodaro Herbert Freudenberger, nyanzvi yokuNew York mukubata nokuneta nebasa. Somuuyo wokuva vakabatikana mubasa kwavarume vavo, vamwe vadzimai vevezvebhizimisi vokuBritain avo vanoshanda kunyika dzokumwe vanoshumwa kuva vanonzwa vane ukata uye vasingafari. Asi muna ikoku havasati vatongori ivo voga.
Rangarira miuyo kuupenyu hwemhuri muJapan, uko isingasviki hafu yavashandi vose vomuhofisi vari pazera rapakati napakati vanosvika kumusha pamberi penguva yechisere mumanheru. Vamwe vadzimai vakatorega kurangarira varume vavo savakwanyina chaivoivo veroorano; havachavadizve pamusha nguva yakawanda kupfuura yavaripo. Chiziviso chomuterevhizheni chezvokutengeserana chinopeta kutsamwa kwavadzimai, chichiti: “Varume vane utano hwakanakisisa uye havasi pamusha.”
Kubva mune zvatotaurwa, kwakajeka kuti kushanda zvakaoma kune zvose zviri zviviri rutivi rwakanaka norutivi rwakaipa. Apo kunoitwa zvakanyanyisa, kunogona kuva kunokuvadza. Naizvozvo kushanda zvakaoma kunogona sei kuva, kwete mutwaro, asi kunobetsera chaizvoizvo namanyuko omufarwa?
Pane rumwe rutivi, kwakakomba sei chaizvo apo vanhu vanoisa basa pamberi pezvimwe zvose kana kuti kupfuurira pasinei zvapo nemiuyo? Ngationgororei mativi iwaya okushanda zvakaoma.