Kushanda Zvakaoma—Kune Ngozi Kuutano Hwako Here?
ACHIWIRA pamotokari yake, serezimani weinishuwarenzi wezera rapakati napakati akarutsa ndokudonha. Akanga achakabata bhirifukesi yake, chiratidzo chebasa rake. Achishanda pasi peziviso yekambani yake yokuti, “Zvino inhambo yakakomba. Shandisa simba rako kusvikira ku 150 muzana yesimba raro,” iye akanga afukidza makiromita 3 000 mumotokari yake mukati momwedzi waakadonha. Mazuva mana gare gare, iye akafa.
Ichi hachisati chiri chinoitika chiri choga. “Vatungamiriri vebhizimisi,” sezvo vanodanwa kudaro muJapan, vanonetswa nguva dzose nechinoitika chakaipa chekaroshi, kana kuti kufa nokunyanyoshanda. Rimwe gweta rinotarisira nhau dzakadaro bedzi bedzi rinofungidzira kuti kune “vanyajambwa vanenge 30 000 vekaroshi muJapan gore riri rose.” Hakushamisi kuti vanopfuura 40 muzana vavashandi vomuhofisi vokuJapan vakanzverwa misi ichangobva kupfuura iyi vaitya kufa kunobvira nokunyanyoshanda.
Kunyange zvazvo kungave kwakaoma kubvumikisa batano iri pakati pokunyanyoshanda nezvinetso zvoutano, mhuri dzavanyajambwa dzine panikiro shomanene. Kutaura idi, chitsama chamashoko chokuti “kufa nokunyanyoshanda” chakavambwa mukurairwa kwokuripirwa kwakaendeswa kudare nemhuri dzakafirwa. “Mumurangariro wezvokurapa,” anodaro Tetsunojo Uehata weInstitute of Public Health muJapan, “kunonongedzera kukufa kana kuti kuremadzwa necerebral apoplexy, myocardial infarction, kana kuti hosha yomwoyo yakakomba somuuyo webasa rinorema rinowedzera hypertension kana kuti arteriosclerosis.” Mushumo wemisi ichangobva kupfuura iyi wakapiwa neBato reJapan Routano Negarikano unonyevera kuti basa renguva yomuraudzo renguva dzose rinotorera mumwe hope uye pakupedzisira rinoparira utano hwakashata nokurwara.
Bva, kungofanana navasvuti vanovenga kubvuma ngozi dziri mukusvuta, uye zvidhakwa zvinovenga kubvuma ngozi dziri mukushandiswa zvisina kufanira kwezvinwiwa zvinodhaka, vakapindwa muropa nokushanda havadi kubvuma ngozi dzamaawa akawanda nenzira isina mufungo ebasa. Uye rufu harusati ruri ngozi bedzi.
Kuneta Nokuora Mwoyo
Nepo vamwe vakapindwa muropa nokushanda vachiva nyajambwa vokuremara kana kuti rufu, vamwe vanotera kukuneta. “Kuneta hakuna rondedzero chaiyoiyo yezvokurapa,” inotsanangura kudaro magazini yeFortune, “asi zviratidzo zvinowanzogamuchirwa zvinobatanidza kupera simba, usimbe, kusaenda kubasa, zvinetso zvinowedzerwa zvoutano, uye kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo kana kuti kwedoro.” Vamwe vanyajambwa vanova vane utsinye, nepo vamwe vachitanga kuita mhosho dzokusangwarira. Kunyanguvezvo, vanhu vanova seiko vanyajambwa vokuneta nebasa?
Kazhinji kazhinji, havasati vari vasina kurovedzana nemigariro yavo kana kuti vakavhiringidzwa mumurangariro vanodaro. Kazhinji kazhinji ndivo vanhu vanoitira hanya zvikuru pamusoro pebasa ravo. Vangave vari kutamburira kuti vapukunyuke makwikwi anotyisa kana kuti kurwira kuti vave nenzvimbo yebasa yakakwirira. Vanoshanda zvakaoma kwamaawa akawanda, vachiedza kutarisira basa ravo zvakazara. Asi apo kuzvipira kusingazununguki nebasa rokusamira zvisingapariri gutsikano inokarirwa netuso, vanoodzwa mwoyo, vanonzwa vaneta, uye vanova vanyajambwa vokuneta nebasa.
Ndeipi iri miuyo yacho? MuTokyo runhare runonzi Life Line, rwakatangwa kubetsera vaizova vanyajambwa vokuzviuraya, rwuri kuridzwa kakawanda zvikuru navashandi vomuhofisi vezera rapakati napakati navakura vapererwa nezano rose. Pavanyajambwa vokuzviuraya vanopfuura 25 000 muJapan muna 1986, 40 muzana inoshamisa vakanga vari mumakore avo omuma 40 nomuma 50, uye 70 muzana vaivava vakanga vari vanhurume. “Imhaka yokuti kuora mwoyo pakati pavanotambira mari vezera rapakati napakati kuri kuwedzera,” anochema kudaro Hiroshi Inamura, purofesa wezvokurapwa kwezvirwere zvendangariro.
Ipapo kune yakanzi holiday neurosis. Zviratidzo zvacho? Kunetseka pamazororo nokusaita chinhu chipi nechipi. Ichisundwa nesundo yokushanda, hana yomunhu akazvipira kushanda inomunetsa pamazuva okusashanda. Asingakwanisi kuwana rugare rwendangariro, iye anotenderera-tenderera mukamuri rake duku kungofanana nemhuka iri mudanga rakapfigwa. Apo Muvhuro unosvika, iye anoenda kuhofisi, azorodzwa.
Rudzi rwakatanhamara rwokuora mwoyo zvino rwuri kuendesa vashandi vezera rapakati napakati kuna chiremba ndiyo inonzi home-phobia syndrome. Vashandi vakaneta vanofamba-famba muzvitoro zvinotengeswa zvokudya namabhawa pashure pebasa. Pakupedzisira, vanorega kuenda kumusha zvachose. Neiko vachitya kudzokera kumusha? Kunyange zvazvo vakwanyina vasinganzwiri urombo vangave chisakiso, “vakawanda vakanga vave vachishanda zvakanyanyooma ndokurasikirwa nokukwanisa kwavo kuchinjira kunze kwemhoteredzo yokubasa, kunyange muzvinoitika zvakawanda kumhuri yavo vamene,” anodaro Dr. Toru Sekiya, uyo anogovera “Night Hospital System” nokuda kwavarwere vakadaro.
Upenyu Hwemhuri Hunodzvinyirirwa
Akapindwa muropa nokushanda angasava uyo anotambura zvikurusa. Kupindwa muropa nokushanda “kunowanzova zvikuru chinetso nokuda kwavanhu vanogoverana upenyu hwavo neakapindwa muropa nokushanda,” inodaro magazini inonzi Entrepreneur. Upenyu hwomukwanyina weroorano hunogona kuitwa kuti huve chinoitika chisingafadzi. Akapindwa muropa nokushanda “akatowana chinodiwa muupenyu hwake,” inodaro magazini inonzi The Bulletin yeSydney, Australia, “uye kugamuchira nzvimbo yechipiri hakusati kuri nyore nguva dzose.” Chii chinoitika muroorano yakadaro?
Rangarira chinoitika chaLarry, wokuAmerica uyo anoshandira sangano reJapan muUnited States. Iye aishanda maawa akawanda enguva yomuraudzo asingaripirwi nokuda kwayo, achiwedzera zvinogadzirwa zvefekitari ne 234 muzana. Budiriro nomufarwa here? “Anopenga!” akadaro mudzimai wake mudare sezvo aimuchatanura.
Akatoshata zvikuru akanga ari mukuru mukuru webhizimisi weJapan uyo aienda kubasa panguva yechishanu mangwanani mamwe namamwe uye aisauya kumusha pamberi penguva yechipfumbamwe usiku. Mudzimai wake akavamba kunyanyonwisa doro. Rimwe zuva, vachikakavadzana pamusoro pokunwa kwake, murume akadzipa mudzimai wake. Mutongi akamuti ane mhaka yokuuraya ndokuti: “Wakazvipira chose chose kubasa, hauna kuziva ukata hwomudzimai wako uye hauna kuita nhamburiko yakakwana kuti umupe zvikonzero zvokufarikanya upenyu.”
Kudzipa mukwanyina wako muuyo wakaipisisa, asi kunyanyoshanda kunogona kugumisa upenyu hwemhuri mudzimwe nzira. Apo murume anenge ari pamusha misi yeSvondo, iye angangogara pamberi peterevhizheni yakavhurwa kupurogiramu yaanodisisa yemitambo ndokuvarairwa masikati ose. Varume ivava havazivi kuti vazova sei vasingazivi mamwe mativi oupenyu. Vakurirwa nebasa ravo, vanoregeredza chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu, mhuri yavo. Vachifuratira kudikanwa kwekurukurirano yemhuri, vari kuronda kuva noukata pakurega basa.
Akura asi Asingagutsikani
Bhuku rinonzi At Work rakazivisa nyevero musumo yaro, kuti: “Munzanga yedu, . . . kubatana pakati pebasa, kuzvirumbidza nenzvimbo yomunzanga kwakasimba kwazvo zvokuti, pakurega basa, vamwe vanokuwana kwakaoma zvikuru kuchinjira kuupenyu husina dzaichimbova nzvimbo dzavo dzebasa.” Avo vanonangidzira upenyu hwavo pabasa vanofanira kuzvibvunza vamene uyu mubvunzo, kuti: ‘Chii chandinenge ndinacho chasara kana basa rangu rikatorwa?’ Yeuka, apo munhu anorega basa, upenyu hwake hungatenderera pamhuri yake nenzanga.
Avo vakaregeredza kudikanwa kwekurukurirano nemhuri yavo navavakidzani pashure pokurega basa havana chokwadi chokuziva zvokutaura pamusoro pazvo navo. “Vari kuwana miuyo yokuramba kurangarira chinhu chipi nechipi kunze kwebasa, havasi here?” anodaro mupi zano ane ruzivo rwokuzviwanira wavakaroorana vezera rapakati napakati muJapan. “Upenyu hwavo hwakanga husina rutivi rwohunhu, uye vairerutsa chinhu chiri chose nemhaka chete yokuti vakanga vari vanoriritira mhuri. Apo vanorega basa, zvisinei, mugariro wacho unochinja.”
Makore 30 kana kuti 40 iwayo ebasa rakaoma, anonzi ndeemhuri, anogona kuva nemiuyo yakashata. Kunosuruvarisa sei kana pashure pamakore ebasa rakaoma, vaichimbova variritiri vemhuri vachirangarirwa sa“marara omunzvimbo dzamabasa okugadzira zvinhu” uye nureochiba (mashizha manyoro akadonha) nemhuri dzavo. Shoko rapedzisira kududzwa rinoshandiswa muJapan kurondedzera varume vakarega basa avo vasina chinhu chokuita kunze kwokutenderera—tenderera navadzimai vavo zuva rose. Nokudaro vanofananidzwa namashizha manyoro akadonha ayo anonamatira kumutsvairo uye haagoni kuzunzwa, haasi chinhu kunze kwechinonyangadza.
Tichirangarira ngozi dzose dzinobatanidzwa, ndokwemuzvarirwo kubvunza kuti, Kushanda zvakaoma kunogona sei kuva kwakanaka zvirokwazvo? Kune basa rinounza gutsikano chaiyoiyo here? Nyaya yedu inotevera muiyi nhevedzano icharangarira iyi mibvunzo.
[Bhokisi riri papeji 22]
Nyevero Yakakodzera Nguva
“Kana murume wako achirasikirwa nokunzwa kwake achida kudya, achitambura kusarara, achiramba kutaura, ipapo iye ari kuratidza zviratidzo zvenhamo. Muudze kuti awane mufaro muchimwe chinhu kunze kwebasa uye kuedza kusangana navanhu vasati vari vekambani.”—Dr. Toru Sekiya, Sekiya Neurology Clinic, Tokyo, Japan.
“Ndinoda kushanda maawa akawanda, asi kana uchifanira kurasikirwa nomurume wako kana kuti mhuri mumuitiro wacho, uri kuita zvinhu nenzira isina kururama. Hakufadzi kusava nomunhu wokugoverana naye pfuma yako.”—Mary Kay Ash, sachigaro weMary Kay Cosmetics.
[Mufananidzo uri papeji 21]
Kuneta nebasa pane dzimwe nguva kunotungamirira kuzvinetso zvakakomba