RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 11/14 pp. 8-11
  • Basa Ranyanya Kukuwandira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Basa Ranyanya Kukuwandira Here?
  • Mukai!—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • 1. ZIVA ZVINONYANYA KUKOSHA.
  • 2. USAZVIWANZIRA ZVOKUITA.
  • 3. DZIDZA KURAMBA KANA WAVA KUGARA UCHIWANDIRWA NEBASA.
  • 4. ITA ZVINHU ZVINOKUZORODZA.
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisarukutika?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Kushanda Zvakaoma—Kune Ngozi Kuutano Hwako Here?
    Mukai!—1993
  • Zvekuita Zviri Kukuwandira Here?
    Mukai!—2017
Ona Zvimwe
Mukai!—2014
g 11/14 pp. 8-11

Basa Ranyanya Kukuwandira Here?

Anil, akakunda dambudziko rokuwandirwa nezvokuita kubasa
Anil, akakunda dambudziko rokuwandirwa nezvokuita kubasa

ANIL akanga ava kugara akaparara zvisingaiti. Pane basa idzva repamusoro raakanga awana uye raiva nemari yakawanda. Asi iye zvino akanga ava kushanda kusvika pakati pousiku, uye dzimwe nguva neSvondo neSvondo. “Basa racho rakanga risina kurongeka uye munhu wose aindibvunza zvokuita nemhaka yechinzvimbo chandakanga ndava nacho. Ndainetseka kuti: ‘Chandakabvira kwandaiva chii? Ndikaramba ndiri pano chokwadi ndinofa.’” Anil akanga asingachawani nguva yokuzorora.

Dambudziko rakasangana naAnil kwaisangova kungonetawo nebasa kana kuti kuwandirwa naro. Dambudziko iri rinosanganisira kugara wakaneta kwenguva refu uye kusanakidzwa nebasa racho zvachose. Izvi zvinoita kuti usava neshungu nebasa wopedzisira wava kungoita zvemasiyandaita. Ongororo dzinoitwa dzinoratidza kuti dambudziko iri rinoita kuti munhu apedzisire ava kutorwara.

Chii chinoita kuti munhu azova nedambudziko iri? Kazhinji kacho kuwandirwa nebasa. Nokuoma kweupenyu, vamwe vashandi vari kumanikidzwa kushanda kwemaawa akawanda, dzimwe nguva vachitopiwa mari shoma. Nekuwanda kwaita mafoni nemakombiyuta, basa rinogona kukutevera nokumba chaiko. Kutya kuti basa rinopera, kutarisirwa pasi nevamwe uye kuvhiringana nevamwe kubasa kunogonawo kukonzera kuti unyanye kunetseka.

Dzimwe nguva dambudziko iri mazvokuda. Vamwe vanoshanda zvokufa nemhaka yokuda mbiri kana kuti mari yakawanda, vopedzisira vava kuremerwa nebasa vasingachanakidzwi naro.

Ungaitei kana uinewo dambudziko rokugara wakarukutika uye uchiona sokuti basa rakuwandira? Zvingaita sokuti hazvifi zvakachinja kana uchitarisa zvakaita basa rako. Asi imbofunga nezvezvinhu 4 zviri pamapeji anotevera zvinogona kukubatsira. Unogona kutoona kuti une zvakawanda zvaunogona kuita kugadzirisa dambudziko racho.

1. ZIVA ZVINONYANYA KUKOSHA.

Mhuri iri kufara
Mhuri iri kufara

Zvii zvinonyanya kukosha kwauri? Vakawanda vanoti chinokosha imhuri inofara uye kuva noutano. Zvinhu izvi unogona kutadza kuzviwana kana uchiwandirwa nezvokuita.

Kuziva kuti zvinokosha ndezvipi muupenyu kunobatsira kuti uzive zvokuita nezvekusaita. Basa rako rinogona kunge richikuwandira uye richikusiya warukutika. Asi wofunga kuti, ‘Hazviiti kuti ndisiye basa kana kutsvaka rimwe; Ndiri kuda mari!’ Ichokwadi kuti munhu wose anoda mari asi woda mari kudarika mhuri neutano hwako here?

Ngwarira kutora zvinangwa zvevamwe wozviita zvako. Zvinangwa zvomunhu waunoshandira zvakasiyana nezvako. Vamwe vanokoshesa zvakanyanya basa asi hazvirevi kuti newewe ibva waita izvozvo.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “KUNYANGE KANA MUNHU AINE ZVIZHINJI UPENYU HWAKE HAHUBVI PAZVINHU ZVAAINAZVO.”​—RUKA 12:15

2. USAZVIWANZIRA ZVOKUITA.

Zvokudya zvisingashamisiri
Zvokudya zvisingashamisiri

Kuti uwane nguva yokuita zvinhu zvinonyanya kukosha, unogona kutaura nomunhu waunoshandira kuti akuderedzere nguva yaunoshanda, kana kuti kutotsvaka rimwe basa. Chero zvauchasarudza kuita, uchatofanira kurarama zvinoenderana nemari shoma yaunenge wava kuwana. Kana ukazviedza uchaona kuti zvinoita uye hazvina kuoma sezvaungafunga.

Vanhu vanotengesa zvinhu vanoita kuti vanhu vafunge kuti mufaro unobva pakuti une mari yakawanda sei uye une zvinhu zvakaita sei. Asi chokwadi ndechokuti mufaro wechokwadi haubvi pazvinhu izvozvo. Kurarama upenyu husina twakawanda-wanda kunoita kuti usanyanya kunetseka uye ugutsikane. Tanga nokuderedza zvinhu zvinokubudisira mari uye wosungirira inenge yasara. Edza kusaita zvikwereti zvakawanda. Gara pasi nemhuri yako motaura nyaya iyi, wokumbira kuti mubatsirane pane zvamuchasarudza kuita.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “KANA TIINE ZVOKUDYA NEZVOKUPFEKA NEPOKUGARA, TICHAGUTSIKANA NEZVINHU IZVI.”​—1 TIMOTI 6:8

3. DZIDZA KURAMBA KANA WAVA KUGARA UCHIWANDIRWA NEBASA.

Kana uchigara uchiwandirwa nebasa kana kuti uine dambudziko kubasa riri kuenderera mberi, taura newaunoshandira. Kana zvichiita, muudze zvaunofunga kuti ungaita kuti ugadzirise dambudziko racho asiwo basa richifamba. Muudze kuti ucharamba wakazvipira kubasa rako, womutsanangurira maitiro auchaita. Pakutsanangura nyatsotaura zvakajeka uye mubudire pachena uchimuudza zvausingagoni kuzoita.

Murume ari kunongedza wachi yake
Murume ari kunongedza wachi yake

Ziva kuti kana ukasarudza kushanda maawa mashoma unogona kuderedzerwa peyi. Gara waziva kuti mukuru webasa anogona kukutyisidzira achiti basa rinopera uye ziva mapinduriro aungamuita. Yeuka kuti kuwana rimwe basa kuri nyore kana uri pane rimwe.

Kunyange kana mukawirirana nomukuru webasa, gara waziva kuti kana basa rikawanda anogona kukuti uwedzere nguva yauri kushanda. Kana akadaro ungaita sei? Usachinja zvamakawirirana. Kuita izvi kuchabatsira waunoshandira kuziva kuti basa rake richaramba richifamba sokuwirirana kwamakaita.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “SHOKO RENYU ROKUTI HUNGU NGARINGOVA HUNGU, AIWA WENYU, AIWA.”​—MATEU 5:37

4. ITA ZVINHU ZVINOKUZORODZA.

Kunyange kana basa rako risingakupi matambudziko, panogona kunge pane vanhu vanokushayisa mufaro kana zvimwewo zvinoitika kubasa zvinobhowa. Unofanira kuwana nguva yakakwana yokuzorora uye kuita zvinhu zvokuti umbofurwa nemhepo. Zvaunoita hazvifaniri kunge zvichidhura uye ngazviite kuti iwe nemhuri yako musazosara maparara.

Mukadzi ari kuzorora achiverenga bhuku
Mukadzi ari kuzorora achiverenga bhuku

Iva nevaunoshamwaridzana navo musingapinzi nyaya dzebasa uye vanhu ngavakuone sezvauri kwete kuti unoshandepi kana kuti unoita basa rei. Nei? Bhuku rinonzi Your Money or Your Life rinoti: “Chinonyanya kukosha unhu hwako kwete kuti unoita basa rei.” Kana uchida kuzivikanwa nebasa raunoita, zvichakuomera kuisa zvinhu zvinonyanya kukosha pokutanga.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “ZVIRI NANI KUZORORA ZVISHOMA PANE KUSHANDA ZVAKAOMA ZVAKAPETWA KAVIRI ASI UCHIDZINGANA NEMHEPO.”​—MUPARIDZI 4:6

Ungakwanisa kuchinja zvinhu here kuti urerukirwe? Ehe unogona. Anil, watataura nezvake ndizvo zvaakaita. Anoti: “Ndakataura newandaimboshandira ndichikumbira kudzoka, uye akabvuma. Ndakanyara kutarisana nevandaimboshanda navo vandakanga ndaudza kuti ndava kuenda kumafuro manyoro. Mari yandakanga ndava kuwana yakanga yava shoma chaizvo. Asi ndakanga ndava kufurwa nemhepo uye ndava nenguva yakawanda yokuva nemhuri yangu uye yokuita zvinhu zvinonyanya kukosha.”

MAKUNDIRO ATAKAITA DAMBUDZIKO ROKUZVIWANZIRA ZVOKUITA

Wayne naMarie murume nomudzimai vane makore okuma30 uye vanogara kuUnited States.

Zvakafamba sei kuti muzova nedambudziko iri?

Wayne: Takanga tiine mabhizinesi akawanda uye takanga tanyura muzvikwereti. Ndakanga ndiine shungu dzokuti bhizinesi redu ribudirire ndova noupenyu hwakanaka uye ndisingachanyanyi kushanda. Ndaiti ndiko kuti ndisava nezvinondinetsa asi handizvo zvakazoitika.

Mabhizinesi aya akakukanganisai sei?

Wayne: Takaona kuti zvinhu zvataiti tinoda zvakadai sehembe dzakanaka, imba yakakura uye kuenda kumahoridheyi anodhura zvose zvakanga zvisiri kuita kuti tifare. Ndainyatsonzwa kuti ndiri kushandira mahara.

Marie: Ndakatanga kurwara. Nemurume wangu takanga tisingachawirirani.

Makazogadzirisa sei dambudziko racho?

Wayne: Takanyatsoongorora kuti ndezvipi zvainyanya kukosha. Takaderedza zvinhu zvaitibudisira mari. Ndakatanga kushandisa hofisi yakanga isiri yemaoresa. Ndakachinja mota yandanga ndichifarira. Ndakanga ndava kuzvishandira uye ndaida kuti bhizinesi racho rirambe riri duku.

Marie: Kuita izvi kwakanga kuri nyore kudarika zvandaifunga. Nguva yakawanda tava kuzvibikira pane kunodyira kuresitorendi. Dzimwe nguva tinofamba netsoka panzvimbo pokudhiraivha uye zvinotibatsira pautano. Tava kushanda mazuva mashoma pavhiki uye tava nenguva yakawanda yokuita basa rokuparidzira vamwe Shoko raMwari.

Iye zvino zviri kufamba sei?

Marie: Upenyu hwedu hahusisiri hwokutsvaka mari. Tava kuita zvinonyanya kukosha uye nomurume wangu tava kuwirirana.

Wayne: Iye zvino tava kufara.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe