Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Kufungidzira Kwakaipa Here?
Chinhu chokupedzisira chaunoyeuka chakanga chiri kunzwika kwomudzidzisi wako achiita mahon’era pamusoro peequation dzealgebra, asi hauchisirizve mukirasi; ndangariro yako yaenda kumhenderekedzo yegungwa uko mhuri yenyu yakashanyira zhizha rakapfuura. Unogona kunzwa jecha rinopisa nezuva rinodziya. Unogona kunzwa kunzwika kwamafungu achirovera kumhenderekedzo yegungwa, kunzwika kwavana vachitamba, kunzwikwa . . . kwevomukirasi biyako vachigegedza here? Hungu, fungidziro yako inofadza yanyangarika uye panzvimbo payo panomira mudzidzisi akatsamwa, akabata muchiuno, achiraira mhinduro kumubvunzo wausina kunzwa.
KUFUNGIDZIRA—kunozivikanwa kwazvo navose pakati pamarudzi ose avanhu, vaduku navakura, zvokuti mumwe munzveri akatanhamara akakudana kuti “rumwe rwamativi makuru oupenyu hwohunhu.” Vamwe vanodavira kuti kusvikira kuchikamu chimwe chezvitatu chamaawa edu okusvinura anobatikaniswa nokufungidzira muchimiro chakati kuti. Vezvesayenzi havana chokwadi chaizvoizvo chokuti mifungo yechinguvana inoumbwa sei nechikonzero nei, uyewo havabvumirani vose pamusoro pechiri chaizvoizvo kufungidzira. Rimwe duramashoko rinorondedzera kufungidzira se“chiono chinofadza . . . kuvambwa kwefungidziro.” Zvisinei, vanzveri vakawanda vanokurondedzera zvakafara kuva kunobatanidza runodokuva rudzi rupi norupi rwefungidziro yokusvinura kana kuti mufungo wokusaziva—ungave unofadza kana kuti usingafadzi. Munyaya ino, tichashandisa shoko racho mupfungwa yaro imene yakafara zvikurusa, kubatanidza kwete bedzi kufungidzira kwokusaziva asiwo kwamaune zvikuru.
Hakusati kuri kufungidzira kwose, ipapoka, kuri kufungidzira kwechienzi, kunofadza. Kwakawanda kuhwirudzurwa bedzi kunofadza kwezvinoitika zvenguva yakapfuura yomumwe. Muimwe nyaya mumagazini inonzi Parents, Dr. James Comer anodudza chinoitika chake amene nokufungidzira—zvakadai sepakuchaira motokari achienda kumba pashure penguva yakaoma kuhofisi, mifungo yake ingadzokera kukuyeukwa kwokukunda kwake mumutambo womunhandare webasketball sewechiduku. “Chingasava chinhu chinokosha chokufunga pamusoro pacho, asi chichiri chinondibetsera kunzwa zvakanaka,” iye anotsinhira kudaro. Bva vamwe vanoshandisa kufungidzira kubetsera kuronga nguva yavo yemberi. “Ndaifungidzira zvikuru pamusoro pokuva muimbi anozivikanwa mumarudzi ose,” anoyeuka kudaro mumwe murume uyo, zvamazvirokwazvo, akava muimbi nomurongi akakurumbira wejazz.
Kufungidzira kuzhinjisa, kunyanguvezvo, kunoratidzika kuva kunonangidzira ngwariro pazvinoitikawo hazvo zvezuva riri rose—chikoro, kuungana kwoushamwari, basa rinoitirwa kumba. Padzimwe nguva vanhu vangafungidzira namaune mifungo yakadaro kuti vagumise kufinha kwechidzidzo chisingafadzi chechikoro kana kuti kunetesa kwebasa rapamba. Kumwe kufungidzira kunouya vasingazivi. Shoko, kutinhira, kana kuti chiono chinovayeuchidza kamwe kamwe nezvechinetso chazvino uno, mumwe mufaro womunguva yakapfuura, kana kuti basa romunguva yemberi, uye ndangariro yavo inotanga kudzungaira. Bhaibheri rinoti: “Nokuti kurota kunouya namabasa mazhinji.” (Muparidzi 5:3) Zvamazvirokwazvo, munhu akazadzwa mundangariro nezvinetso zvomunhu oga negwinyiro angadokuva anopedzwa nokufungidzira kwokudisa zvenyika.
Kunyanguvezvo, kunyange zvazvo kufungidzira kwenguva yamasikati kuchigona kuva kunofadza, kunogonawo kubonderana nokupa ngwariro kwako pamisangano yechiKristu, kuchikoro, kana kuti pabasa. Kumwe kufungidzira kungatova kusina kukodzera—kana kuti kunokuvadza. Naizvozvo kufungidzira itsika yaunofanira kugumisa here?
Kune Ngozi Kuutano Hwako Hwendangariro Here?
Munguva dzakapfuura, kufungidzira kwairangarirwa noruzvidzo navashandi voutano hwendangariro, vanachiremba, uye vadzidzisi. Naizvozvo rimwe jaya rakaudzwa nenyanzvi yezvokurapwa kwendangariro, kuti: “Tinofanira kukubetsera kurega kufungidzira.” Mukuwirirana nomunzveri Dr. Eric Klinger, zano rakadaro zvikurukuru rakanga rakavakirwa parondedzero dzeanonzi baba vokunzverwa kwendangariro, Sigmund Freud, uyo airangarira kufungidzira sekwoucheche nokuvhiringidzika kwendangariro. Rimwe bhuku rinofundwa rokudzidzwa kwendangariro rakadarozvo kutaura, kuti: “Kufungidzira kazhinji kazhinji muuyo wokukundikana kana kuti kushaikwa kwefariro mumhoteredzo yazvino yomunhu, uye zvamazvirokwazvo kunzvenga maidi.” Chimwe chizvarwa chavadzidzisi navashandi voutano hwendangariro vakadzidziswa kuti kufungidzira kwose kunofanira kudziviswa. Kutaura kwakaitwa kwokuti kufungidzira kwakanyanya kungagona kutoguma neschizophrenia.
Rondedzero dzaFreud dzakatera kumaidi okunzvera kukuru, zvisinei. Mubhuku rake rinonzi Daydreaming, Dr. Eric Klinger anonyora kuti pakati pezvimwe zvinhu, vanzveri vanotaura kuti:
Kufungidzira mubato unozivikanwa navose newomuzvarirwo.
Paavhareji, vanhu vanofungidzira kazhinji kazhinji vanosanogadziridzika mundangariro saavo vasingadaro.
Kufungidzira hakusati kuchitungamirira kukurotomoka.
Kufungidzira hakusati kuchitungamirira ku“schizophrenia”. Vane “schizophrenia” havasati vachifungidzira kupfuura mumwe munhu upi noupi.
Kushandisa Kufungidzira Kwako Nenzira Inobetsera
Nenzira isingashamisi, ipapoka, Bhaibheri hapana parinoshurikidza kushandiswa kwakanaka kwokufungidzira kwomunhu. Zvamazvirokwazvo, mano endangariro dzedu okuisa muchiono nokufungidzira ufakazi hwokuti isu, mumashoko owezvamapisarema, taka“itwa nomutoo unotyisa, unoshamisa.” (Pisarema 139:14) Achishandiswa nenzira inobudirira, aya mano anogona kuva chokushandisa chinokosha. MaKristu anoudzwa kuti a“tarire, kwete zvinhu zvinooneka, asi zvinhu zvisingaoneki.” (2 VaKorinte 4:18, NW) Ikoku kungagona kubatanidza kuedza kuisa muchiono nyika itsva yakarurama yaMwari. Rondedzero dzeBhaibheri dzeiyi Paradhiso yomunguva yemberi yenyika yose dzinonyandura kufungidzira kwedu muna ikoku!—Isaya 35:5-7; 65:21-25; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Kufungidzira kwako kungabvumikisawo kuva kunobetsera kana une basa rakaoma rokuita. Somuenzaniso, pwere pakati peZvapupu zvaJehovha kazhinji kazhinji dzinogoverwa kupa hurukuro dzokutaura paChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Kunze kwokurovedza uchitaura zvinonzwika, edza kuhwirudzura hurukuro yako mundangariro. Isa muchiono vateereri vachiita chiito kumashoko ako nokukurukura. Ikoku kunogona kukubetsera kuita gadziridzo dzinodikanwa muhurukuro yako ndokukupa chimwe chivimbo.
Unogonawo kuhwirudzura mundangariro kutarisirwa kwemigariro yakaoma. Zvichida unoziva kuti muKristu biyako ane chigumbu newe, uye unoda kukurukura chinetso chacho. (Mateo 5:23, 24) Panzvimbo pokusvika munhu wacho usina kugadzirira, unogona kuhwirudzura chinoitika chacho mundangariro, uchiedza kusvika kwakasiana-siana kuchinetso chacho. Ikoku kwaizotsinhirana nenheyo yeBhaibheri, inoti: “Mwoyo wowakarurama unombofunga chaangapindura.”—Zvirevo 15:28.
Mumwe munhu akakugumbura here kana kuti kukutsamwisa? Cherekedza zano rinopiwa paPisarema 4:4, kuti: “Ityai, murege kutadza; tauriranai nemwoyo yenyu panhovo dzenyu, muti nwii.” Ikoku hakusati kuchireva kudzokorora kasingaperi zviono zvinokuvadza mundangariro mako, uyewo hakurevi kufungisisa nzira yokukunda nayo mumwe munhu mukutaura nemhinduro dzokuchenjera. Pashure pokurangarira zvose, Jesu akanyevera kuti “unotsamwira hama yake, uchapara mhosva ingatongwa,” sezvichaita “unoti kuhama yake: Raka.” (Mateo 5:22) Asi kuhwirudzura mundangariro zvisarudzo zvako—izvo zvingabatanidza kungokanganwira mugumburi—kungakubetsera kupedza nhau naye nomutoo wakaterama, une mufungo.
Kufungidzira kungaitawo rutivi runokosha mukupedza zvinetso. Dr. Klinger anoti: “Kufungidzira iko kumene inzira yokuwana nayo zvigadzikiso zvounyanzvi zvezvinetso. Vanhu vanofungidzira nenzira yokufungidzira pane dzimwe nguva vanogona kuwana zvigadzikiso izvo vaisazofunga nezvazvo kudai vaizoshanda pazvinetso zvacho vachiziva.”
Kunotova noufakazi hwokuti kurota kunogona kukubetsera kuvandudza nzira yaunoita nayo mabasa. Mumwe murairidzi weski, somuenzaniso, anoudza vari kudzidzira kuti vaumbe chiono cheski run iri kuuya, vachizvifungidzira vamene vachifamba kona riri rose namateru enzira yacho. Vanzveri vanodavira kuti kuita saizvozvo kunonyandura zvomenemene rutivi rwouropi urwo runodzora tsandanyama, kuchihunyandura nokuda kwechiito. Chokwadika, hakuna chinotsiva rovedzo chaiyoiyo, asi kuhwirudzura kwomumurangariro kungakubetsera kuvandudza mano ako okuridza chiridzwa chamarimba kana kuti kutaipa. “Mukupfupikisa,” anodaro Dr. James Comer, “kufungidzira hakusati kuri kupambadzwa kwenguva asi panzvimbo pezvo kuzorodzwa kunodikanwa kuti kutibetsere kushanda zviri nani.”
Ngozi Dzacho
Kunyanguvezvo, “chinhu chimwe nechimwe chine musi wacho.” (Muparidzi 3:1) Nepo kufungidzira kungava kwakaisvonaka apo unenge wakafaranuka mukamuri rako, kune nhambo apo kuita saizvozvo kungava kusina kukodzera kana kuti kunotova nengozi. Uri kutyaira motokari here? Ipapo unofanira kuva akangwarira zvikuru neakasvinura kungozi. Zvakadiniko kana uri kuva nebvunzo kana kuti kuteerera kuhurukuro yeBhaibheri? Ipapo unofanira kuva ne“mano akajeka okufunga.”—2 Petro 3:1, NW.
Bhaibheri rinotipawo nyevero pamusoro pokufungisisa nenzira isiri madikanwa mifungo yakaipa. Ndokwemuzvarirwo bedzi kuva nefunganyo duku pakunangana nebvunzo yakakosha kana kuti bvunzurudzo yebasa, asi unoita zvishomanene kupfurikidza nokuvamba zviono zvinotyisa zvokukurirwa nokurambwa. (Enzanisa naMuparidzi 11:4.) “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza,” inonyevera kudaro Zvirevo 12:25. Jesu Kristu akapangira vateereri vake kuti: “Naizvozvo musafunganya pamusoro pezvamangwana; nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo; zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo yaro.”—Mateo 6:34.
Nenzira inofadza, kufungidzira kwakanyanya kana kuti kusina kukodzera kunogona kuparira dzimwe ngozi. Dzimwe pwere, somuenzaniso, dzinochengeta fungidziro dzevatano. Dzimwe dzinowana kuti kufungidzira kuri kubonderana nokupa ngwariro kwadzo. Nyaya yedu inotevera muiyi nhevedzano ichapa zvikarakadzo zvakati zvokukubetsera kubata nezvinetso zvakadaro.
[Mifananidzo iri papeji 17]
Kuhwirudzura mundangariro kunogona kuvandudza kuita chaikoiko kwomunhu