RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 8/8 pp. 14-16
  • Ndinogona Sei Kurega Kufungidzira Kwakanyanyisa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kurega Kufungidzira Kwakanyanyisa?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kugumisa Fungidziro
  • Fungidziro Dzevatano
  • Usabvumira Ndangariro Yako Kudzungaira
  • Kufungidzira Kwakaipa Here?
    Mukai!—1993
  • Neiko Kwakaoma Zvikuru Kurega Kufunga Pamusoro Peane Mutezo Wakasiyana Wokubereka Nawo?
    Mukai!—1994
  • Ndinogona Sei Kurega Kufunga Pamusoro Peane Mutezo Wakasiyana Wokubereka Nawo?
    Mukai!—1994
  • Ndinogona Sei Kukurira Rudo Rwokuhunguka?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 8/8 pp. 14-16

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinogona Sei Kurega Kufungidzira Kwakanyanyisa?

“NDINE chinetso chakakomba,” yakabvuma kudaro imwe pwere inonzi Jonathan. “Ndinofungidzira ndiri pabasa, apo ndinenge ndichifamba, ndisati ndaenda kunorara, uye kunyange paHoro yoUmambo. Kazhinji kazhinji ndechimwe chinhu pamusoro pavasikana, vatano, kana kuti kuva nyanzvi yakakurumbira zvikuru kana kuti gamba.”

Kufungidzira kwakarovedzeka pakati pavanhu vaduku navakuru. Kukaitwa nenzira ine mwero, kunogona kuva mubato womuzvarirwo, wakanaka.a Zvisinei, zvakanyanyisa kunyange zvechinhu chakanaka zvinogona kukuvadza. (Enzanisa naZvirevo 25:16.) Zvikurukuru ikoku kunodaro kana fungidziro dzacho dziri dzorudzi rusina kururama.

Ngatitii, somuenzaniso, dzimwe nguva unozvifungidzira umene uri muimbi wako waunodisa. Pakutanga ungapedzera nguva shoma bedzi zuva rimwe nerimwe uchizvifungidzira umene uri pachikuva uchigamuchira rumbidzo yeboka. Asi sezvo mavhiki anopfuura, unovamba kupedzera nguva yakawanda zvikuru mufungidziro yako munyika yekonzati, yenziyo, bvunzurudzo, marusando okurekodha. Fungidziro yacho inokuunzira mufarwa mukuru, uye haugoni kuuita kuti umire.

‘Naizvozvo, chii chakashata nokuedzesera?’ unobvunza kudaro. Chikonzero chimwe ndechokuti, nyanzvi dzinotaura kuti vafungidziri vanomanikidzirwa kazhinji kazhinji “havagoni . . . kushanda zvakanaka munyika chaiyoiyo.” (The Parents’ Guide to Teenagers) Kurarama munyika yefungidziro kunononotsa muitiro wokukura; unonamatira kumiitiro youhwana, panzvimbo pokuibvisa. (1 VaKorinte 13:11) Unokudziridza mirangariro yorudo, panzvimbo peyechokwadi, youpenyu. Panzvimbo pokukudziridza “masimba [ako] okunzwisisa” kupfurikidza nokupedza chinetso, unoadzivisa kupfurikidza nokupinda munyika yefungidziro. (VaHebheru 5:14, NW) Kufungidzira nokudaro kunodzora upenyu hwako, kukukuvadzwa kwoukama chaihwo nezvokutanga zvoupenyu.

Bhuku rinonzi Daydreaming, rakanyorwa naDr. Eric Klinger, rinonongedzera kune chingava ngozi hurusa, ndiko kuti “kufungisisa chimwe chinhu chaunoda asi usingafaniri kuva nacho kungaita kuti kukuomere zvikuru kudzivisa kuchironda.” Bhaibheri rinokutaura neiyi nzira: “Munhu mumwe nomumwe unoidzwa kana achikwehwa nokuchiva kwake achinyengerwa.” (Jakobho 1:14) Chiito chinotangirwa nomufungo. Uye nepo usati uchizova nyanzvi yerock yakapindwa muropa nemirimo nemhaka bedzi yokuti dzimwe nguva unofungidzira pamusoro pokuva muimbi akakurumbira, ungasakurira chishuvo chisina kunaka nokuda “kwokuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso.”—1 Johane 2:16.

Kugumisa Fungidziro

Unogona sei, ipapoka, kugumisa musungo weiyi fungidziro? Kutanga, kungabetsera kuzvibvunza umene chikonzero nei iyi fungidziro ichifadza zvikuru kwauri.b Imhaka yokuti unoda kuti vamwe vakude here? Unowana mufarwa mukufungidzira kuti une runako kana kuti chipo chakaita kuti iyi nyanzvi ikurumbire here? Kana kuti zvimwe unongochiva zvako mararamire omunhu anoratidzika kuva akasununguka. Imwe nyanzvi yendangariro yakati nezvomuimbi akakurumbira Madonna: “Mundangariro dzavayemuri iye akasununguka pakufunganya pamusoro pemari, basa rechikoro, ushoma.” Vamwe naizvozvo vangafungidzira nezvokuva vakafanana naye.

Chinoitika chechokwadi, kunyange zvakadaro, chinogona kuita zvakawanda kugumisa fungidziro yakadaro. Shandisa nheyo iri pana VaFiripi 4:8, apo tinoudzwa kufungisisa pazvinhu zviri zvechokwadi nezvinorumbidzwa. Ndokwechokwadi zvomenemene here kuti vanhu vakakurumbira vanofarikanya upenyu hwakasununguka? Tsika dzavo kazhinji kazhinji dzinorumbidzwa here? Zvomenemene, upenyu hwokusangwarira hwakasiya vazhinji vavo varemadzwa mumuviri nomundangariro. Pasinei zvapo nepfuma, vanhu vakakurumbira vazhinji vanotambura nhamo dzemari. Vashomanene vanofarikanya roorano dzakatsiga. Unoda kufungisisa pamusoro pokurarama upenyu hwakadaro here?

Chokwadika, ndekwenguva dzose bedzi kuda kudiwa nokuyemurwa. Olivia wamakore gumi namatanhatu okukura ane fungidziro yenguva dzose umo iye anozvifungidzira amene kuva “mumwe munhu anokosha uyo munhu ari wose anoda.” Asi kufungidzira—zvisinei kuti kwakasimba kana kuti ndokwechokwadi zvakadini—hakugoni kugutsa zvomenemene zvishuvo izvozvo sezvo kufungidzira pamusoro pokudya kusingagoni kuzadza dumbu rako. (Isaya 29:8) Kupfuurirazve, Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Unogara achicherekedza mhepo haangakushi.” (Muparidzi 11:4) Naizvozvo panzvimbo pokufungidzira pamusoro pokudiwa, shandira kuzviita umene anodikanwa.—Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndinogona Sei Kuita Kuti Vanhu Vandide?” muchinyorwa chedu chechiNgezi chaNovember 22, 1988.

Fungidziro Dzevatano

Mukati mamakore ake okuyaruka, Alan (harisi zita rake chairo) akanga ane fungidziro dzorumwe rudzi. Iye “akadzidza kuumba mifungo yorudo rwevatano” uye aizopedzera yakawanda yenguva yake achiita kudaro. Gare gare, iye akatsaurira upenyu hwake kuna Mwari somuKristu. “Ikoko hakuna kuchinja chinhu chipi nechipi,” anobvuma kudaro Alan. “Fungidziro dzevatano dzakapfuurira kuva mararamire angu.”

Iwe nenzira yakafanana unotambudzwa nefungidziro dzinonyandura vatano here?c Ikoku kungasava kusiri kwomuzvarirwo kana wa“tokura kwazvo,” apo zvishuvo zvevatano zvinoshanda nesimba. (1 VaKorinte 7:36) Kunyanguvezvo, unozvikuvadza umene kana ukakudziridza noune mifungo yevatano. Bhaibheri rinotaura pana VaKorose 3:5, kuti: “Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: upombwe, netsvina, nokushumba.” Kufungisisa fungidziro dzevatano kunowedzera zvishuvo zvakashata. Kunogona kutungamirira kukuita bonhora—kana kuti utere chaihwo hwevatano.

Unogona sei kurega muitiro wefungidziro dzoutere? Alan anoyeuka, kuti: “Ndakasarudza kubata nako kupfurikidza nokutsiva nechakanaka. Ndaisagona kupa ngwariro pavatano chero bedzi ndakanga ndakabatikana pane chimwe chinhuwo zvacho.” Alan nokudaro akadzidza kuzviranga amene. (1 VaKorinte 9:27) Iye akafungisisa pazvinhu zvinovaka uye akadzidza kudzinga nokukurumidza mifungo ipi neipi youtere. (Pisarema 77:12) “Kwakabudirira!” anoyeuka kudaro Alan.

Nenzira inofadza, vanzveri vakawana kuti tinofungidzira kazhinjisa apo tinenge tine zvishoma zvokuita. Naizvozvo kuva nezvakawanda zvokuita, zvikurukuru “mubasa raShe,” ndeimwezve nzira yokudzivisa nayo mifungo yakashata kuva yakasimba.—1 VaKorinte 15:58.

Usabvumira Ndangariro Yako Kudzungaira

Nokuda kwepwere dzakawanda chinetso hachisi, zvakawanda zviri mufungidziro dzadzo, asi nzira iyo idzodzi dzinopinda nayo pabasa rechikoro nefundo. “Handigoni kupa ngwariro,” anonyunyuta kudaro Karine wamakore 16 okukura. “Handitongogoni kuchengeta ndangariro yangu iri pachinhu chimwe.” Unogona sei kupa ngwariro kune chauri kunzwa? (Enzanisa naMarko 4:24.) Vamwe vanzveri vanodavira kuti kungabetsera kana ukangozviita umene akangwarira pamusoro pokufungidzira kwaunoita. Zvichida ungagona kungoita bedzi chiratidzo pakapepa nguva iri yose yaunozviwana umene uchidzungaira mukirasi. Apo vadzidzi mune kumwe kunzvera vakaita ikoku, kufungidzira kwakaderera zvikurusa.

Uyewo edza kusakurira fariro mune zvauri kudzidza. Kana wakafunga kuti masvomhu anofinha uye kuti nhau haifadzi, uchava nenguva yakaoma yokupa ngwariro. Fundo dzako dzichava dzinofadza zvikuru, kunyange zvakadaro, kana ukazviyeuchidza umene nezvenzira yaunogona kubetserekana nayo namashoko acho. Zvisinei, kufunda kungakubetsera kukudziridza “mano okufunga.” (Zvirevo 1:4, NW) Unogonawo kudzidza unyanzvi hunokosha. Masvomhu, somuenzaniso, achakubetsera zvikuru pabasa rokunyika, mukutarisirwa kwemhuri, uye mukubata mitoro yakati yechiKristu. Zivo yakati yenhau inogona kukubetsera kunzwisisa vanhu nezvinoitika zvazvino. Daniel wamakore gumi namana, mumwe weZvapupu zvaJehovha, anoti: “Nguva dzose ndinoedza kuona kuti basa rangu rinoitirwa kumba rinowirirana sei neBhaibheri uye kuti ndinogona sei kushandisa mashoko acho mubasa rokuparidzira. Ikoko kunochengeta ndangariro yangu isiri pakudzungaira uye handisi muchimbichimbi zvikuru yokupedza mugove wacho.” Hungu, kana ukaisa ukoshi hukuru pane chaunodzidza, uchasundwa zvikuru kutsvaka zivo nokushingaira.—Enzanisa naZvirevo 2:4.

Kwakaoma zvikuru kupa ngwariro apo unenge uchiita chimwe chinhu chakarongwa, zvakadai sokubika, kuchenesa, kana kuti kurongedza. Kuri nyore sei kupinda mukufungidzira! Kunyanguvezvo, Bhaibheri rinoratidza kuti gutsikano huru inobva mukuita basa zvakanaka. (Muparidzi 2:24) Rinotikurudzirazve ‘kuita zvinhu zvose sokuna Jehovha.’ (VaKorose 3:23) Chimiro chakanaka chakadaro chinogona kukubetsera kupa ngwariro. “Apo ndinochengeta ndangariro yangu pane zvandiri kuita,” anodaro Samuel wamakore 12 okukura, “basa rinoitika nokukurumidza.”

Kufungidzira kungava kunofadza, asi hakusati kuchitsiva zvomene. Usakubvumira kudzora upenyu hwako. Ranga ndangariro yako. Ichengete yakanangidzirwa pazvinhu zvinokosha. Neiyi nzira, hausati uchizongorega bedzi kufungidzira zvakanyanyisa asi ucha“batisisa paupenyu chaihwoihwo.”—1 Timotio 6:19, NW.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Kufungidzira Kwakaipa Here?” iri muchinyorwa chedu chaJuly 8, 1993.

b Pane dzimwe nguva kupinda mufungidziro kunoratidzira kuti zvinetso zvakakomba zviripo. Nzvero dzavanhu vakura vanokombamira kufungidzira dzinoratidzira kuti chiverengero chikuru chakabatwa zvisina kufanira mumuviri kana muvatano savana. Fungidziro yakabatira somudziyo wokukurira nawo. Pwere iri mumugariro wokubatwa zvisina kufanira inoda kuvimba nomunhu akura anovimbwa ndokuwana betsero.

c Nzvero dzinoratidzira kuti fungidziro dzevatano kazhinji kazhinji dzinoumba chiverengero chiduku bedzi cheavhareji yemifungo yokusvinura yomunhu. Asi bhuku rinonzi Daydreaming, rakanyorwa naDr. Eric Klinger rinoti: “Tinokombamira kuyeuka nenzira yakasimba zvikurusa zvinhu zvakatinyandura mundangariro. Nemhaka yokuti fungidziro dzevatano kazhinji kazhinji dzinonyandura zvikuru, zvimwe tinodziyeuka kazhinji kazhinji zvikuru kupfuura dzimwe fungidziro.”

[Mifananidzo iri papeji 15]

Panzvimbo pokungofungidzira bedzi pamusoro pokuva anodiwa, shandira pakuzviita umene anodikanwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe