Nhungamiro Yakakwana Yetsika
MUFAMBISI wengarava anoda mapu dzinotsamirika nezvishandiswa kuti afambe munzira yakadzikama. Munzira yakafanana, vanhu vanoda nhungamiro inotsamirika kuti vaite zvisarudzo zvetsika zvavanonangana nazvo zuva nezuva. Nhungamiro yetsika yefungidziro kana kuti isina nhevedzano haisati ichizoita, uyewo nhungamiro inoshanda bedzi mutsika dzakati kana kuti munzanga. Nhungamiro yetsika yakakwana inofanira kupfuura rudzi netsika.
Kunosetsa kuti Bhaibheri—bhuku rimene rakarambwa namamirioni, bhuku iro rakadanwa navamwe kuti rondedzerowo hayo yakanaka, bhuku iro rakaratidzirwa kukutsoropodza kuzhinji kupfuura rimwe bhuku ripi neripi munhau—ndiro nhungamiro iyoyo yakakwana yetsika. Bhaibheri rinozvizivisa rimene kuva nhungamiro yetsika yoMusiki yavanhu, “mwenje” unogona kuvhenekera nzira yedu mu“nzira dzokururama.”—Pisarema 23:3; 119:105.
Pane ufakazi hupi nohupi hwokutsigira kutaura kwakatanhamara kwakadaro here? Pane ufakazi hwokuti kurarama mukuwirirana nemipimo yeBhaibheri kwakakwirira kupfuura kurarama mukuwirirana nemipimo yakaitwa navanhu here?
Bhaibheri Netsika Dzevatano
Rangarira nhau yetsika dzevatano. Bhaibheri rinoraira kurega vatano iri kunze kweroorano, richiti: “Tizai utere hwevatano.” (1 VaKorinte 6:18, New International Version; VaEfeso 5:5) Rinopa zano vanyakuroorana, kuti: “Roorano ngaive inokudzwa pakati pavose, uye huvato hweroorano ngahuve husina kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” (VaHebheru 13:4, NW) Bhaibheri rinoratidzazve kuti munhu asingateereri uyu murairo anozvikuvadza amene uye anoputsa maruramiro omumwe.—Zvirevo 6:28-35; 1 VaTesaronika 4:3-6.
Zvinetso zvinoparadza zvemimba dzavachiri kukura, tyisidziro yeAIDS, herpes, njovhera uye zvimwe zvirwere zvinopfuudzwa muvatano, uye mwero wechatanuro unowedzera zvose chibvumikiso chokuti iyi pangiro ichiri yakakodzera nokuda kwoupenyu muma 1990. Munhu anoomerera kutsika dzeBhaibheri anodzivisa kuputsika mwoyo kuzhinji nokurwadziwa kukuru. Chinokosha zvikuru, anochengetedza hana yakanaka. (1 Petro 3:16) “Ndinozviremekedza uye kugutsikana kwokuita zviri zvakarurama pamberi paMwari,” anodaro Jonathan ane makore 24 okukura. Iye mumwe weZvapupu zvaJehovha. “Navanhu vaduku vazhinji vari kufa neAIDS, kuramba ndakachena mutsika chaizvoizvo kungaponesa upenyu hwangu.”
Vanyakuroorana vanotya Mwari vakawana kuti kutevera tsika dzeBhaibheri kwakava nomuuyo wakanaka paroorano yavo. Mumwe mudzimai wamakore 23 okukura anoti: “Murume wangu neni takanga tiri vakachena apo takaroorana. Ndinonzwa kuti taiva nechimwe chinhu chinokosha zvikuru chokugoverana pamwe chete, chimwe chinhu icho vanhu vaduku vashomanene vanogona kugoverana nomukwanyina mazuva ano. Ndinoziva kuti ikoku kwakasimbisa chisungo chorudo pakati pedu.”
Bhaibheri neBhizimisi
Bhaibheri rinewo bumbiro romutemo raro rimene retsika dzebhizimisi. Nepo richibvuma kuti vanhu vasina kutendeseka vangaratidzika kuva vari kubudirira, rinotikurudzirazve kuramba takatendeseka. (Pisarema 73:1-28) “Zviidzo zvakasiana, [chakarurama nokuda kwokutenga uye chisina kururama, chokusatendeseka nokuda kwokutengesa] nezviyero zvakasiana, izvozvi zvose zvinonyangadza Jehovha.” (Zvirevo 20:10) Zvapupu zvaJehovha nokudaro zvinodzivisa miitiro yebhizimisi yokusatendeseka.
Chokwadika, muKristu anganangana nezvinonetsa mukuita kudaro. Kungava kwakamuomera kuti akwikwidzane navezvebhizimisi vakatendeseka zvishoma. Vamwe vangafunga kutendeseka kwake kuva kwechienzi, kunyange kwoupenzi, asi iye anochengeta hana yakanaka—chimwe chinhu chinokosha zvikuru kupfuura mari. Ane rugare rwendangariro uye anogona kufarikanya hope dzousiku. Haatambudzwi norutyo runopfuurira rwokubatwa ndokurangwa nokuda kwokusatendeseka.—Enzanisa naZvirevo 3:21-26.
Kupfuurirazve, Zvapupu zvizhinji zvakawana kuti mumwe anogona kutsigira tsika dzeBhaibheri ndokuita zvakanaka mune zvemari. Munhu akatendeseka kazhinji kazhinji anowana chivimbo chavashandi vake, vatengi, vagoveri, uye vakweretesi. Ikoku kunogona kumubetsera.
Vabozi Vachengeti Here?
Sezvatacherekedza pakuvamba, chimiro chendangariro chokuti “vabozi vachengeti” chakaita mbavha muvanhu vane bviro yokuva vakatendeseka. Bhaibheri, kunyanguvezvo, rakaudza vanhu vaMwari munguva dzekare, kuti: “Apo unoona nzombe kana kuti gwai romunhu biyako richirasika, usarifuratira asi ridzorere kwaari. Kana muridzi asiri muvakidzani wapedyo uye usingazivi kuti iye ndiani, pinza chipfuyo chacho muimba yako umene ndokuchichengeta kusvikira iye achitsvaka, uye ipapo chidzorere kwaari. Ita zvimwe chetezvo nembongoro yake kana kuti nguwo yake kana kuti chinhu chipi nechipiwo zvacho icho munhu biyako akarasa, kana ukachiwana.”—Dheuteronomio 22:1-3, The New English Bible.
Zvapupu zvaJehovha zvinopfuurira kutevera iyi nheyo nhasi. Chimwe Chapupu muBrooklyn, New York, chakawana homwe yaiva neZ$125 000 iri mumugwagwa. Mukati metsaona duku, yakanga yadonha isina kucherekedzwa mumotokari inotakura mari inoperekedzwa navarindi vakashonga zvombo. Kunyange zvazvo mari yacho yakanga iri yamapeka akashandiswa muukoshihuduku—nokudaro isingabviri kutsvakwa—akaendesa mari yacho kumapurisa. Vashandi biyake vakamutuka nokuda kwechisarudzo chake. Nenzira inoshamisa, mapurisa akamunyomba nokuda kwokutendeseka kwake. Asi uyu murume wechiKristu anotsanangura, kuti: “Ndinoedza kuchengeta dzidziso dzeBhaibheri muupenyu hwangu hwezuva nezuva.” Bhaibheri rinoti pana VaHebheru 13:18: “Tinyengetererei; nokuti tinoziva kwazvo kuti tine hana yakanaka, zvatinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.”
Chikumbiro Chechisiko Chose!
Bhaibheri rinopawo nhungamiro dzakanaka padzimwe nhau dzetsika. Rinokurudzira mutsa, mwero, ruramisiro, zvokwadi, rukudzo, dzikamo, pfungwa yomutoro, uye itiro hanya yomutsa nokuda kwavamwe. Pangiro yaro yetsika inopetwa muKandiro Kanoenda Kunobva Kamwe: “Zvinhu zvose, naizvozvo, zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanirawo kuvaitira nenzira yakafanana.”—Mateo 7:12, NW.
Dzichiwirirana naManyuko adzo, nhungamiro dzetsika dzeBhaibheri dzinobudirira munyika ipi neipi kana kuti tsika. Mubhuku rinonzi Christianity’s Contributions to Civilization, Charles D. Eldridge anonyora kuti: “Mabhuku akanyorwa munyika imwe anova akakurumbira zvishoma mune dzimwe nyika; akafanana nemiti isingagoni kutsungirira nhamo yokusimwazve . . . Bhaibheri harina kudaro: rakasimwazve kuivhu riri rose pasi pezuva pasina kurasikirwa kwakakomba kwesimba nokufadza.”
Nenzira yechienzi, ipapoka, Bhaibheri rinokwezva vanhu vose, rinopfuura mutauro, tsika, uye rudzi. Mumwe munyori weBhaibheri akakutaura neiyi nzira: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runoshanda nokuda kwokudzidzisa kutenda nokururamisa chikanganiso, nokuda kwokugadzwazve kwoupenyu hwomunhu uye kumurovedza mukugara kwakanaka.” (2 Timotio 3:16, Phillips) Chokwadika, pane dzimwe nguva Bhaibheri rakaoma kunzwisisa. Munguva dzekare mumwe muravi anoshingaira weBhaibheri akabvunzwa kana aiziva icho akanga achirava. Iye akapindura, kuti: “Ndingagona seiko, kana mumwe asingandidudziri?”—Mabasa 8:29-35.
Murume iyeyo akagamuchira betsero yomunhu oga mukunzwisisa Bhaibheri. Nhasi, rubatsiro rwakadaro rwomunhu oga runowanika kupfurikidza nebasa redzidzo yeBhaibheri reZvapupu zvaJehovha. Nechekare zvakabetsera mamirioni avanhu munyika dzinopfuura 200 kusvika pazivo yeShoko raMwari. Uye zvinokukokawo kuva akarovedzana zviri nani neBhuku Dzvene kupfurikidza nokushanyira Horo yoUmambo iri pedyo newe.
Nenzira inofadza, kwakataurwa kuti mufambiro wetsika “unogona kudzidzwa kupfurikidza nomuenzaniso wakanaka, . . . kana kuti ‘kuva [chete] na’vanhu vetsika.” Ichi ndechimwezve chikonzero chine simba chokusvika pakurovedzana naavo vari kupinda paHoro yoUmambo yenyu yomunzvimbomo yenyu. Hakusati kuri kuti Zvapupu zvaJehovha zviri nani nenzira yomuzvarirwo kupfuura vamwe vanhu, asi budiriro yavo yetsika ufakazi kusimba reShoko raMwari.—2 VaKorinte 4:7.
Tsika dzenyika dzichapfuurira kukukurwa. Bhaibheri rinodeya kutaura, kuti: “Asi vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa.” (2 Timotio 3:13) Zvisinei, haufaniri kukukurwa neiyi mhepo inoparadza. Mwari akagovera ratidziro inotsamirika, nhungamiriro isingatongokanganisi. Uchaitevera here?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]
Bhaibheri rinozvizivisa rimene kuva nhungamiro yetsika yoMusiki yomunhu, “mwenje” unogona kuvhenekeranzira yedu
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]
Nhungamiro dzetsika dzeBhaibheri dzinoshandamunyika ipi neipikana kuti tsika
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]
“Zvinhu zvose, naizvozvo, zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanirawo kuvaitira nenzira yakafanana.”—Mateo 7:12, NW
[Mufananidzo uri papeji 9]
Vanyakuroorana vanotya Mwari vakawana kuti kutevera tsika dzeBhaibheri kune muuyo wakanaka paroorano yavo