RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 8/8 pp. 5-7
  • Tsika Dziri Kunanga Kupi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsika Dziri Kunanga Kupi?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinhu Chiri Chose Chine Mwero Here?
  • Kunzvenga Mhaka
  • Pwere—Hadzina Ratidziro Yetsika
  • Machechi Anogona Kugumisa Ushati Hwetsika Here?
  • Kuva Netsika Dzakanaka
    Mukai!—2019
  • Kuvhiringidzika Netsika Dziri Kuchinja-chinja
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Nhungamiro Yakakwana Yetsika
    Mukai!—1993
  • Tsika Padzakaderera Zvinooneka
    Mukai!—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 8/8 pp. 5-7

Tsika Dziri Kunanga Kupi?

KWAMAZANA amakore Bhaibheri harina kupanikirwa somupimo wetsika munyika zhinji. Nepo asati ari munhu ari wose akararama mukuwirirana nenheyo dzaro dzakakwirira, Bhaibheri rakapa chaunga chakariziva mutauro wavose wetsika, mupimo nokuda kwokusarudza mufambiro. Asi purezidhendi weyunivhesiti yeJesuit Joseph O’Hare akati: “Takava nechirongwa chemagamuchidzanwa chemipimo iyo yakadenhwa ndokuwana ichiperevedza kana kuti ichisirizve yazvino. Zvino hakusi kutongoratidzika kuva kune zvinoitika zvechinjo.”

Chii chakaparira tsika dzakavakirwa paBhaibheri kurasikirwa nenyasha? Rimwe pfundo rine simba rakanga riri kugamuchirwa kunopararira kwerondedzero yemhindumupindu. Bhuku rinonzi American Values: Opposing Viewpoints rinoti: “Nokuda kwepepuko yose inozivikanwa, vanhu vakadavira munyika mbiri: imwe iyo waigona kuona, uye imwe iyo yakanga isingaoneki. . . . Nyika isingaoneki yaigovera hwaro hwerevo noukoshi . . . Yakanga iri manyuko ebatano nokuda kwechaunga chavo. Zvisinei, panenge pakati pezana ramakore rokupedzisira, vanhu vakavamba kuudzwa kuti kwakanga kusina nyika isingaoneki. Yakanga isiko uye haina kutongovapo.” Zvikurukuru kuvambira panguva iyoyo zvichienda mberi, pakanga pane denho dzisingaenzaniswi paBhaibheri netsika dzaro. Inodanwa kunzi kutsoropodzwa kwamanyoro eBhaibheri nokubudiswa kwebhuku raDarwin rinonzi Origin of Species zvakanga zviri pakati peidzi denho dzouzivi.a

Mhindumupindu nokudaro yakaderedza chiremera cheBhaibheri mundangariro dzavazhinji. Sokutaura kwakaita imwe nyaya yomuHarvard Magazine, Bhaibheri zvino rakaoneka serisati riri chimwe chinhu kunze kwe“nhau yengano.” Simba retsika rakanga richiparadza. Mhindumupindu yakava icho wezvesayenzi anosanozivikanwa Fred Hoyle akadana kuti “rezinesi rakazaruka nokuda kwechimiro chipi nechipi chomufambiro unoshandisa banza ripi neripi pasinei hapo netsika.”

Chokwadika, mhindumupindu inongova bedzi rutivi rwechinoitika chacho. Hondo mbiri dzenyika dzakawedzerazve kuodzwa mwoyo kwakapararira norudzidziso. Chinjo mumabasa okugadzirwa kwezvinhu yakaparira chinjo dzenzanga—uye dzetsika. Uyezve, kukura kunokurumidza kwezvinobudisa mashoko zvine simba kwakakuita kuti kubvirire kuratidza vanhu kutsika dzakashata pamwero mukuru.

Chinhu Chiri Chose Chine Mwero Here?

Hakushamisi, ipapoka, kuti vanhu vazhinji havana murangariro wetsika. Vari kukukurwa kufanana nengarava isina chidzoreso. Vazhinji, somuenzaniso, vanovambirana nechimiro chendangariro chakapararira chokuva nomwero mutsika, murangariro wokuti “zvokwadi dzetsika dzinotsamira pavanhu namapoka anadzo.” Mukuwirirana nouhu uzivi, hakuna kusava nomwero kwetsika—chinhu chiri chose chine mwero. ‘Chisina kururama nokuda kwako chingava chakarurama nokuda kwomumwe munhuwo hake,’ vanozivisa kudaro vezvomwero. Nemhaka yokuti ratidziro yavo yetsika inonongedzera kunenge kunzvimbo ipi neipi, vanokurumidza kukoshesa runodokuva rudzi rupi norupi rwomufambiro sorunogamuchirika.

Nokudaro, chiito icho pakuvamba chaizodai chakarondedzerwa se“chivi” kana kuti “chisina kururama” zvino changovawo hacho “upenzi.” Chiito chacho chingapembedzwa sokuva “chinonyangadza” asi kwete kushurikidzwa so“uipi.” Munhu anoyeuchidzwa nezvamazuva omuporofita wekare Isaya apo kwakanga kune avo “vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka kuti ndizvo zvakaipa, . . . vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima.”—Isaya 5:20.

Kunzvenga Mhaka

Imwe kombamiro yetsika ndeyokunzvenga mhaka. Adama akapomera mhaka Evha, uye Evha, akapomerawo nyoka. Vapari mhaka vanhasi nenzira yakafanana vanoteerera mutemo wokunzvenga mutoro, uye kazhinji kazhinji vanobetserwa kuita kudaro neboka rapamutemo rezvoruzivo rwokurapwa kwendangariro. Imwe nyaya yomuU.S.News & World Report yakanyomba nzanga yoruzivo rwokurapwa kwendangariro nokuda kwoku“tanga chirwere chitsva icho chinopinza vapari mhaka mubasa ravanyajambwa vasingabetseri.” Somuenzaniso, American Psychiatric Association sezvinoshumwa yakarangarira zvakakomba kududza vabati chibharo savanyajambwa vechirwere chinofungidzirwa kunzi “paraphilic rapism.” Vamwe vakanzwa kuti ikoku kwaizodai kwakapa tendero yapamutemo yokubata chibharo vachihesvurwa pachirango. “Vakadzi vakaramba zvakasimba kwazvo zvokuti kubatwa chibharo kwakakurumidza kuwanwa kuti hakutongovi chirwere.”

Ikoku hakusati kuri kuramba idi riri pachena rokuti nhamo dzouduku dzinogona kuva nomuuyo wakashata pamunhu somunhu akura. Asi hakuna kururama kutaura kuti kuvadziko dzoumwana dzekare dzinopembedza mufambiro wamasimba masimba kana kuti woutere wavanhu vakura.

Pwere—Hadzina Ratidziro Yetsika

Nyongano yetsika yenyika yakasiya chiratidzo chayo zvikurukuru papwere dzinopesvedzerwa nyore nyore. Munzveri Robert Coles weHarvard University akawana kuti hakuna chirongwa chimwe chikuru chefungidziro chinotungamirira upenyu hwetsika dzavana veAmerica. Vanotungamirirwa nemhatsa yeratidziro dzetsika negadziriro dzemipimo. Inodokuva 60 muzana yeboka repwere dzezera rechikoro yakanzverwa yakataura kuti vaitungamirirwa nechinovaendesa mberi kana kuti chinovaita kuti vanzwe zvakanaka.

Padzimwe nguva zvikoro zvinobetsera kunyongano yakadaro yetsika. Rangarira purogiramu inopesvedzera yakadudzwa kuti “kujekeswa kwemipimo,” iyo yakatangwa makore mashomanene akapfuura muzvikoro zveU.S. Chii chiri dzidziso dzayo huru? Vana vanofanira kusununguka kusarudza mipimo yavo vamene yetsika.

Kusava netsika kwechimiro chakadaro kunooneka muchinoitika chomumwe mudzidzi wapachikoro chomuNew York City uyo akasarudza kupinza chikwama chaakawana chaiva neZ$6 000. Chii chakanga chiri kuita kwavadzidzi biyake vomukirasi yetsika nemipimo? Akasekwa nokunyombwa nokuda kwokuita kudaro! Zvakatoipisisa, hakuna mudzidzi mumwe kana kuti mukuru mukuru wechikoro akarumbidza mufambiro wake wokutendeseka. Mumwe mudzidzisi akapembedza uku kusava chose chose nerumbidzo kupfurikidza nokuti: “Kana ndichibva muchimiro chechakarurama nechisina kururama, ipapo handisi mupi zano wavo.”

Machechi Anogona Kugumisa Ushati Hwetsika Here?

Nenzira isingashamisi, mugariro wenyika unosiririsa wetsika wakaparira kudzokera shure. Vazhinji zvino vanochemera kudzokera kumipimo yegamuchidzanwa, kunoreva nokuda kwavamwe kudzokera kurudzidziso. Zvisinei, machechi ane chinyorwa chakashata mukugovera nhungamiro yetsika. General Assembly yePresbyterian Church (U.S.) yakabvuma, kuti: “Tiri kutarisana nenhamo yakaipisisa mumwero yayo nerevo.” Ndorupi rudzi rweiyi nhamo? “Pakati pe 10 ne 23 muzana yavafundisi murudzi rwose yakapinda mumufambiro wevatano kana kuti vatano navaendi kuchechi, vatengi, vashandi, zvichingodaro.”

Kuodzwa mwoyo kwakapararira norudzidziso nokudaro kunopararira. Purezidhendi weU.S. Business and Industrial Council akakupeta apo akazivisa, kuti: “Masangano orudzidziso akakundikana kupfuudzira mipimo yawo yenhau, uye muzvinoitika zvizhinji, akava rutivi rwechinetso [chetsika], achikudziridza pfungwa yorusununguko nemirangariro isiri yechisarudzo yomufambiro wohunhu.”

Kwakajeka, ipapoka, kuti hana yomunhu isina kurairidzwa haina kuringanira kutungamirira rudzi rwomunhu. Tsika dzanhasi dziri kukukurirwa kuchisati chiri chimwe chinhu kunze kwokukuputsika kwachose chose kwetsika. Tinoda nhungamiro inobva kune mumwe munhu akakwirira zvikuru kupfuura isu timene.—Enzanisa naZvirevo 14:12; Jeremia 10:23.

Nhungamiro yakadaro iripo. Inowanika kuna vose vanoida.

[Mashoko Omuzasi]

a Ufakazi hunopwisa nokuda kwechisiko hunopiwa muchinyorwa chaLife—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation?, chakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Kudavira mhindumupindu kwakanga kuri chikonzero mukuparira tsika dzakavakirwa paBhaibheri kuputsika munyasha

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

‘Pakati pe 10 ne 23 muzana yavafundisi yakapinda muvatano navaendi kuchechi, vatengi, vashandi, zvichingodaro’

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vafundisi vakakudziridza gadziriro yetsika yakavakirwa pauchenjeri hwavanhu panzvimbo peBhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe