Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndakapindwa Muropa! Ndinogona Sei Kurega Kubhejera?
“NDAKATANGA kutamba michina ine [mwena] yamabhora apo ndakanga ndine makore 13,” anobvuma kudaro David. “Ndakasvika panhano yokuti ndaisagona kupfuura nzvimbo ine zvitoro zvine michina yokubhejera pasina kupinda kuti ndibhejere pamuchina.” Mumwe achimbova mubhejeri anonzi Thomasi, anobvuma, kuti: “Ndakatobira shamwari, mhuri, uye vandaishanda navo kuti nditsigire muitiro wangu. Ndaibhejera chinenge chinhu chipi nechipi.”
Vose vari vaviri David naThomas vakarerwa samaKristu. Vose vakapindwa muropa nokubhejera—vakabatwa nesundo inouraya. Vanzveri vanotaura kuti zviverengero zvinokatyamadza zvepwere zvakava vanyajambwa kuzvinhu zvamanomano zvinobata ngwariro izvo zvinokwevera vanhu vaduku mukubhejera. Magazini yeTime inotaura, kuti: “Vanzveri vokubhejera vanotaura kuti pavabhejeri vomuitiro vanokarakadzwa kuva mamirioni 8 muAmerica, mirioni imwe ndovachiri kuyaruka.” Vamwe vanodavira kuti muUnited States, kubvira pa 4 kusvikira ku 6 muzana yavachiri kuyaruka vose vabhejeri vane vhiringidziko yendangariro.
Pwere dzinoronda zvimiro zvizhinji zvakasiana-siana zvouyu muitiro wakashata. MuJapan, pasinei zvapo nemitemo yorumano inorambidza vaduku kubhejera, pwere “dzazova dzakatanhamara nokuda kwokuvapo kwadzo kunowedzera savabhejeri pose pari paviri [panzvimbo yenhangemutange] napazvivako zvokubhejera zvisiri zvenhangemutange, munzira inowedzera inovhiringidza,” mukuwirirana neMainichi Daily News. Kubhejera rotari kubhejera pazvinoitika zvemitambo, uye kutamba makasa inzira dzakakurumbirawo pakati pepwere dzinotera kusundo yokubhejera.
Kupindwa Muropa Nokubhejera—Miuyo Yacho
Gordon Moody, wesangano reGamblers Anonymous, akati: “Pakutanga [kubhejera] ndichinoitika chitsva chinoshamisa, kufanana nokuita kuwana kukuru kana kuti kudanana nomumwe . . . Kutamba nebanza kunofadza zvikuru uye kunokwezva.” (Quit Compulsive Gambling) Hungu, kuvanhu vakawanda kunofadza kuva nechinoitika chokuwina uye nesundo inokurumidza yeadrenaline. Asi haugoni kukunda nebanzawo zvaro nokusingaperi. Pakupedzisira, mubhejeri anorasikirwa. Uye chikwereti nokuparadzwa kwemari ndizvo bedzi mavambo ezvinetso zvake.
Nguva yakapfuura yokupindwa muropa, kufanana nechinhu chakapindwa muropa, inogona kuita kuvadziko huru yomudzimu, yendangariro uye yetsika. Inogona kutanga mauri icho Gordon Moody anodana kuti “kuvhiringidzika uko . . . pakupedzisira, kuchakuita muranda.” Tinoyeuchidzwa nezvemashoko omuapostora Pauro, anoti: “Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera?” (VaRoma 6:16) Shanduro yaJ. B. Phillips inoshandura ndima yacho neiyi nzira: “Imi muri vesimba ramunosarudza kuteerera.” Fungidzira, kuva pasi pedzvinyiriro yomuitiro wausingagoni kudzora!
Nemhaka yokuti pwere kazhinji kazhinji inotendeukira kukureva nhema, kuvhiringidza, uye kuba kuti itsigire muitiro wayo, ukama hwake hwemhuri hune chokwadi chokutamburawo. Magazini yeBritain inonzi Young People Now inotaura, kuti: “Apo unoona kuti wava mbavha, murevi wenhema, uye musengwa, kuvanhu vaunoda uye vanokuda, kuzviremekedza kwako kunoderera.” Nenzira isingashamisi, The Harvard Mental Health Letter inoshuma kuti vabhejeri vomuitiro vanokombamira ku“kuora mwoyo kwakakomba, vhiringidziko dzokufunganya,” uye chiverengero chezvinetso zvomuviri, zvakadai se “zvinetso zvomudumbu, kusarara zvakakwana, kutemwa nomusoro, kufamba kweropa kunokurumidza, kusakwanisa kufema zvakanaka, marwadzo omusana, uye marwadzo echipfuva.”
Muuyo unoparadza zvikurusa kupfuura yose, zvisinei, ikuvadziko youmudzimu hwomunhu. Bhaibheri rinoshurikidza makaro norudo rwemari. (1 VaKorinte 5:10, 11; 1 Timotio 6:10) Kufanana nokupindwa muropa kupi nokupi, kubhejera kwomuitiro “kusvibiswa kwenyama nomudzimu.” (2 VaKorinte 7:1, NW) Kana ukanyanya kubhejera, uchanyanyawo kukuvadza hana yako noukama hwako naMwari.—Enzanisa na 1 Timotio 4:2.
Chido Chokurega
Unogona sei kurega kubata kwakafanana nevhaisi kwouyu muitiro? Kutanga, unofanira kuda zvomenemene kurega. “Hakuna kupinda muropa kungatongogona kukurirwa kutoti mupindwi muropa achida zvomenemene kuchinja,” anodaro Liz Hodgkinson mubhuku rake rinonzi Addictions. Ikoku kunoreva kudzidza “kuvenga chiri chakashata,” kusema kubhejera. (Pisarema 97:10, NW) Seiko? Kupfurikidza nokufunga pamusoro, kwete pemifarwa yakwo, asi miuyo yakwo. Ko “mufarwa wechinguvana wechivi”—mufaro wokuwina mumutambo—wakafanirwa nokurasikirwa noupenyu husingaperi here? (VaHebheru 11:25) Kufunga neiyi nzira kunogona kukubetsera kutanga kutsunga kurega.
Munzveri Liz Hodgkinson anoti, zvisinei: “Kupindwa muropa kworudzi rupi norupi kunogona kuva kwakasimba zvikuru zvokuti kukubvisa kwakati fananei nokudimbura gumbo.” Asi Jesu akati: “Kana ziso rako rorudyi richikugumbusa, uribvise, urirashire kure kwauri; nokuti zviri nani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.” (Mateo 5:29) Chinhu chipi nechipi chinokuvadza ukama hwako naMwari chinofanira kubviswa muupenyu hwako!
Ikoku kunoreva kusakurira kuzvidzora. Muapostora Pauro akanga ane zvishuvo zvairamba zvichivapo izvo aigona kuve akabvumira kumukurira, asi akaramba kuva muranda wezvishuvo zvake. Iye akati: “Ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda.” (1 VaKorinte 9:27) Iwewo unofanira kudzidza kuzviomesera umene, kwete kubvumira zvishuvo zvako kukudzora.
Kusvika Panotangira Chinetso
Kuwina uku kurwa, zvisinei, kuchada rinopfuura simbawo zvaro. Vakapindwa muropa kazhinji kazhinji vanoratidzira zvimwezve zvinetso zvikuru. Mubhejeri womuitiro anonzi Dick, anoti: “Uhwana hwangu hwakanga huri hwakasiana zvikuru. Makanga musitongorina rudo mumhuri yangu. . . . Nguva dzose ndaininipiswa. Ndaiva nechisarudzo chiduku zvikuru changu ndimene.” Somuuyo wedzvinyiriro yakadaro, nzira yake yokubuda nayo yakanga iri kubhejera.
Vazhinji vari munzvimbo youtano hwendangariro zvino vanobatanidza kupindwa muropa kwakasiana-siana nekuvadziko yendangariro yokubatwa zvisina kufanira kwavana nokuregeredzwa. Chipi kana chipi chiri mugariro wacho, kusvika panotangira chinetso chako kungakubetsera kuchikurira. Wezvamapisarema akanyengetera, kuti: “Ndinzverei, Mwari, muzive mwoyo wangu; ndiidzei muzive ndangariro dzangu; mutarire kana pane nzira yakaipa mandiri, mundifambise munzira isingaperi.” (Pisarema 139:23, 24) Kukurukura mifungo yako inokusuruvarisa nomuKristu akakura mumudzimu, zvichida mukuru muungano, kunogona kukubetsera zvikuru kunzwisisa chikonzero nei uchibhejera nezvaunofanira kuita kuti uchinje kufunga kwako nemitoo yomufambiro.a
“Chimwe Chinhu Chiri Nani”
Mukuwirirana nebhuku rinonzi Quit Compulsive Gambling, kurega “ndiyo bedzi [nhano] yokutanga mukurwisana nechinetso chacho.” Chinjo huru mumararamire ako dzichafanirawo kuitwa. Kudzivisa kudzokerazve, unofanira kudzivisa dzaichimbova shamwari dzokubhejera nadzo uye unofanira kuramba uri kure nenzvimbo dzokutandarira dzakare dzokubhejera, zvakadai sezvivako zvavose zvine michina yokubhejera, nzvimbo dzokubhejera, uye nezvimwe zvakafanana. (Zvirevo 13:20) Ikoku hakusati kuchireva kuzviparadzanisa umene. (Zvirevo 18:1) Shandira kutanga ukama hwakanaka, hune tsigiro mukati meungano yechiKristu. Ramba uchizvibatikanisa umene nebasa rine miuyo, mibato yomudzimu, uye nhandaro inovaka.
Hodgkinson anotiyeuchidza, kunyange zvakadaro, kuti akapindwa muropa achawina mukurwa kwake kana bedzi “achiziva kuti kune chimwe chinhu chiri nani—kuti upenyu hune zvakawanda zvokugovera kupfuura kuedza kugutsa kupindwa muropa.” Eya, chii chingava chiri nani kupfuura tariro iyo Bhaibheri rinogovera?
Murume anonzi Roddy akawana ikoku kuva kwechokwadi. Anozvirondedzera amene saaiva “mubhejeri akapindwa muropa zvizere” kwamakore 25, kuvambira apo akanga achiri kuyaruka. Roddy akaedza runenge rudzi ruri rwose rwokubhejera—mijaho yamabhiza, mijaho yembwa, kubhejera mitambo yenhabvu, michina yokubhejera. Asi ipapo akavamba kushandisa zvokwadi dzomuShoko raMwari dzaakadzidza kuZvapupu zvaJehovha. “Mumwedzi mitatu bedzi,” anodaro Roddy, “kuchinja kunoshamisa kwakaitika.” Iye akarega kubhejera, uye nhasi anobatira somukuru muungano yechiKristu.
Zvichida, kunyange zvakadaro, unotova nezivo yakati yedzidziso dzeBhaibheri. Kufanana naDavid naThomas, vadudzwa pakutanga, kusvikira zvino ungave wakakundikana kuita kuti zvokwadi dzeBhaibheri dzive dzako umene. Kana zvakadaro, kuregererei ‘kuzvibvumikisira umene kuda kwakanaka nokwakakwana kwaMwari’ kupfurikidza nokuita fundo yakakomba yeBhaibheri? (VaRoma 12:2) Apo David naThomas vakangotanga kushandisa zvavakanga vadzidza ndokukudziridza kutenda chaikoiko nokupwiswa, vakanga vachikwanisa kukurira kubhejera kwomuitiro. Iwewo unogona!
Kuzvishandisa umene kukufunda Bhaibheri kuchaita kuti tariro yeBhaibheri nokuda kwenguva yemberi—chimwe chiri nani kupfuura kubhejera—ive chaiyoiyo zvikuru kwauri. Panguva imwe cheteyo, kuchakubetsera kukudziridza ukama hwomunhu oga naMwari. Nokudaro uchanzwa wakasununguka “kunyengetera nguva dzose” kwaari nokuda kwebetsero, une chivimbo chokuti anonzwisisa kunzwa kwako. (1 VaTesaronika 5:17, NW; Pisarema 103:14) Achatusa nhamburiko dzako dzokushingaira kupfurikidza nokukupa simba rinodikanwa kuti ukunde hondo yokurwisana nokubhejera kwomuitiro.—VaGaratia 6:9; VaFiripi 4:13.
[Mashoko Omuzasi]
a Vazhinji vari munzvimbo youtano hwendangariro vanodavira kuti kupiwa zano kwounyanzvi kunodikanwa kuti ugumise kubata kwomufambiro wokupindwa muropa. Kana muKristu akasarudza kurapa kusati kuchirwisana nenheyo dzeBhaibheri, ikoku chaizvoizvo chisarudzo chomunhu oga.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vabhejeri kazhinji kazhinji vanomanikidzirwa kutendeukira kukureva nhema nokuba kuti vatsigire muitiro wavo wokubhejera