RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 3/1 pp. 12-14
  • Bhaibheri Rinorambidza Zvokubheja Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinorambidza Zvokubheja Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Musungo Wemhanza
  • Mahwinhirwo Anoitwa Mibayiro Yacho
  • “Musungo” Unofanira Kudziviswa
  • Kubhejera NdokwavaKristu Here?
    Mukai!—1994
  • Chii Chakaipa Nokubhejera?
    Mukai!—2002
  • Dzivisa Musungo Wokubhejera
    Mukai!—2002
  • Mwari Anoti Kudii Panyaya Yekubheja?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 3/1 pp. 12-14

Bhaibheri Rinorambidza Zvokubheja Here?

MAFIRIMU akakurumbira uye mamwe mapurogiramu omuterevhizheni anowanzoratidza kubheja kunoitwa mumacasino somutambo wakanaka unovaraidza mbozha uye vechizvinozvino. Asi kazhinji vakawanda vanozoona kuti inhema dzoga kana kuti zvinhu zvemumafirimu.

Chiripo ndechokuti nhamba yevanhu vanotamba rotari, yevanobheja panotambwa mitambo uyewo yevanobheja paIndaneti inokwikwidzana neyevanotamba mumacasino. Rimwe bhuku rinonzi Internet Gambling rakati kubheja “idambudziko riri kupararira munyika yose sezvinoita mavivi omoto.” Somuenzaniso paterevhizheni nepaIndaneti, kutamba makasi kuri kuratidzwa somutambo unodiwa nevakawanda. Rimwe pepanhau rakati munguva pfupi yapfuura vanoongorora nyaya dzokubheja vakaongorora vanhu vanotamba makasi muUnited States uye kwapera mwedzi 18 vakazoona kuti nhamba yacho yakawedzera nekaviri.

Kubheja kunonzi kuisirana mari vanhu vachiita mapitse, mumwe achiti zvichaitika ndezvizvi mumwe achiramba. Vakawanda vanoti handiti ndinobheja nemari yangu, uye chero ndikasangopindwa muropa nokubheja hapana chakaipa. New Catholic Encyclopedia inoti kubheja “hakunganzi chivi kunze kwokunge kwava kutokutadzisa kuita zvimwe zvaunofanira kuita.” Asi hapana Magwaro anotaurwamo kuti atsigire pfungwa iyoyo. Saka muKristu anofanira kuona sei nyaya iyi? Bhaibheri rinobvumira kana kurambidza kubheja here?

Magwaro Matsvene haana paanonyatsotaura nezvokubheja. Asi ane zvaanotaura zvinotibatsira kuziva zvokuita panyaya iyi. Bhaibheri hariiti zvokutidonongodzera mitemo asi rinotikurudzira kuti “rambai muchinzwisisa kuti zvinodiwa naJehovha ndezvipi.” (VaEfeso 5:17) Imwe nyanzvi yeBhaibheri inonzi E. W. Bullinger inoti shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “muchinzwisisa” rinoreva “kushandisa pfungwa dzako, uye kufungisisa nezvenyaya yacho kusvikira wava kuziva zvaunofanira kuita.” Saka muKristu anogona kuziva zvinodiwa naMwari panyaya yokubheja kana akaongorora zvinotaurwa neBhaibheri obva azvifungisisa. Pauchaverenga magwaro ari munyaya ino, ungazvibvunza kuti: ‘Kubheja kunoenderana here nezviri murugwaro rwuno? Shoko raMwari rinoratidza kuti Mwari anoda kuti tiite sei panyaya iyi?’

Musungo Wemhanza

Sezvo kubheja kuchisanganisira kuita zvinhu zvausina chokwadi nazvo, pfungwa yokuva nemhanza yakadzika midzi, kunyanya kana iri mari iri kubhejwa. Somuenzaniso, nhamba dzinoratidza kuti pane mukana wokuhwinha ndidzo dzinosarudzwa pamatikiti erotari; vaya vanotenda mashura vane mashoko avanoti haafaniri kutaurwa panenge pachitambwa mutambo; uye vasati vakanda zvavanenge vachishandisa vanotanga vazvifuridza. Vanenge vachizviitirei? Vanowanzofunga kuti mhanza ndiyo ichaita kuti vahwinhe kana kuruza.

Pane chakaipa here nokutenda kuti munhu anogona kuita mhanza? Kare vamwe vaIsraeri ndizvo zvavakafunga. Vakafunga kuti mhanza yaizoita kuti vabudirire. Asi Jehovha Mwari akaona sei nyaya yacho? Mwari akashandisa muprofita wake Isaya kuti avaudze kuti: “Imi muri vaya vanosiya Jehovha, vaya vanokanganwa gomo rangu dzvene, vaya vanogadzirira mwari weMhanza Yakanaka tafura yezvokudya uye vaya vanodirira waini yakavhenganiswa mwari Anofanosarudza Zvichaitika.” (Isaya 65:11) Kuna Mwari, pfungwa yokuita mhanza kutonamata zvidhori uye haienderani nokunamata kwechokwadi. Inoratidza kuti munhu anovimba nesimba rinoita zvokufungidzirwa pane kuvimba naMwari wechokwadi. Hapana chingaita kuti tifunge kuti Mwari achinja maonero aanoita nyaya iyi.

Mahwinhirwo Anoitwa Mibayiro Yacho

Pasinei nokuti vanhu vanoita zvokubheja paIndaneti, zvokutenga matikiti erotari, zvokubheja panyaya dzemitambo, kana kuti kubheja mumacasino, kazhinji havambofungi nezvokunobva mubayiro wavanenge vachifiririra kuti vahwinhe. Kubheja kwakasiyana nokutenga chimwe chinhu kana kuti kuita bhizimisi nokuti mutambi anenge achida kuhwinha mari asi vamwe vake vachirasikirwa nayo.a Chipatara chinonzi Canada’s Centre for Addiction and Mental Health chinoti, “Pose panohwinha munhu mazakwatira emari parotari, panewo mamwe mamiriyoni evanhu anenge arasikirwa nemari yawo!” Zvii zvinotaurwa neBhaibheri zvingabatsira muKristu kuti anzwisise maonero anoita Mwari nyaya iyi?

PaMitemo ine Gumi yakapiwa vaIsraeri, wokupedzisira waiti: “Usachiva mudzimai wowokwako, kana murandarume wake kana murandasikana wake, kana nzombe yake kana mbongoro yake, kana chero chinhu chipi zvacho chowokwako.” (Eksodho 20:17) Kuchiva zvinhu zvomumwe munhu, zvakadai sepfuma nemari, kwainzi chivi chakakomba chakafanana nokuchiva mudzimai wake. Kwapera mazana emakore, muapostora Pauro akadzokorora murayiro uyu kuvaKristu, achiti: “Usachochora.” (VaRoma 7:7) MuKristu anoda kuhwinha asi vamwe vachirasikirwa angava nemhosva yokuchochora here?

Mupepeti werimwe pepanhau anonzi J. Phillip Vogel akati: “[Vakawanda vanoita zvokubheja] vangazvibvuma havo kana kuzviramba, asi chiripo ndechokuti vasati vabheja nechomumwoyo vanenge vachingoti dai mari yavo ikavaberekera yakawanda, kunyange vangava vaine mari shoma-shoma.” Vanoita zvokubheja ava vanoti dai vakangomuka vapfuma. Zviri pachena kuti izvi hazvienderani nezano rinopiwa muKristu neBhaibheri rokuti anofanira ‘kushanda nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake, kuti ave nechimwe chinhu chokupa mumwe munhu anoshayiwa.’ (VaEfeso 4:28) Uye muapostora Pauro akanyatsotaura kuti: “Kana paine munhu asingadi kushanda, ngaaregewo kudya.” Akawedzera kuti: “Vadye zvokudya zvavanozvishandira.” (2 VaTesaronika 3:10, 12) Zvino kubheja kunganzi kushanda here?

Kunyange zvazvo kubheja uri mutambo unoda kushandisa pfungwa, mari yose yaunowana inenge yaita zvokuhwinhwa, kwete kuti unenge waishandira. Pakubheja, kuhwinha kwacho ndekwemasanga, uye munhu anenge aine tarisiro yokuti zvinhu zvichanaka nokukurumidza kana kuti pave paya. Saka tingati, munhu anoita zvokubheja anoda kuwana zvinhu pasina chaaita. Asi vaKristu vechokwadi vanokurudzirwa kuti vawane mari nenzira dzakati twasu. Mambo akachenjera Soromoni akanyora kuti: “Kumunhu hapana chinhu chiri nani kupfuura kuti adye, anwe, aite kuti mweya wake ufadzwe nezvakanaka pabasa rake rakaoma.” Akazowedzera kuti: Izvi “zvinobva paruoko rwaMwari wechokwadi.” (Muparidzi 2:24) Saka, vashumiri vaMwari havafaniri kuisa tariro yavo pazvinhu zvokungofungidzira kana kuti kutsvaka nzira dziri nyore dzokuwana mari asi vanofanira kutarira kuna Mwari kuti vafare uye vakomborerwe.

“Musungo” Unofanira Kudziviswa

Kunyange zvikaitika kuti munhu anobheja ahwinha, zvinganaka kana akasangofunga mufaro waachawana panguva iyoyo asiwo anofanira kufunga zvingaguma zvaitika nokufamba kwenguva. “Nhaka inowanikwa nemakaro pakutanga,” inodaro Zvirevo 20:21, “asi ramangwana rayo harizokomborerwi.” Vakawanda vakahwinha rotari nevamwe vanoita zvokubheja vakazozvidemba pashure pokunge vaona kuti pfuma yavakahwinha haina kuita kuti vafare. Chokwadi zviri nani kuteerera zano reBhaibheri rokuti tisaisa tariro yedu “papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari, anotipa zvinhu zvose kwazvo kuti tifare.”—1 Timoti 6:17.

Kunze kwokungohwinha kana kudyiwa, pane zvimwewo zvakaipira kubheja. “Vaya vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo nomukuchiva zvinhu zvizhinji zvoupenzi nezvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa,” rinodaro Shoko raMwari. (1 Timoti 6:9) Musungo unoteyerwa kuti upiringishe chimwe chinhu. Vanhu vakawandisa vaiti vanoda kungobheja kamari kashoma kana kuti kungoedza raki ravo pakubheja zvishoma vakaguma vabatwa mumusungo wacho, vatopindwa muropa nokubheja. Kubheja kwakaita kuti vanhu vapererwe nemabasa, varwadzise hama dzavo, uye kwakaparadza dzimba.

Kubva pane zvatakurukura mumagwaro akawanda ane chokuita nenyaya yokubheja, wanzwisisa here zvinodiwa naMwari panyaya iyi? Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vaainamata navo kuti: “Regai kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino, asi shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu, kuti muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.” (VaRoma 12:2) Kuda kwaMwari ndiko kunofanira kutungamirira upenyu hwomuKristu, kwete maonero anoita vanhu. Jehovha zvaari “Mwari anofara,” anoda kuti tinakidzwe noupenyu, tisina matambudziko anokonzerwa nomusungo wokubheja.—1 Timoti 1:11.

[Mashoko Omuzasi]

a Awake! yaOctober 8, 2000, mapeji 25-27, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, yakatsanangura kusiyana kwakaita kuita zvebhizimisi nokubheja.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

Vashumiri vaMwari vanowana mari nokushanda nenzira dzakati twasu

[Bhokisi riri papeji 13]

Kufarira Kuhwinha

Kubheja itsika inopinda muropa nyore nyore here? Pakaitwa ongororo yezvinoitwa nevanobheja kana vahwinha kana kuruza, mumwe chiremba anonzi Dr. Hans Breiter akati: “Zvinoita uropi hwomunhu anenge anzi ahwinha mari pakubheja zvakangofanana nezvahunoita kana munhu akapindwa muropa nedhiragi rinonzi cocaine akarifembedza.”

[Mufananidzo uri papeji 13]

Vanhu vanoita zvokubheja vanenge vachitarisira kuhwinha mari yaani?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe