Chii Chiri Dzinza?
DZINZA! Shoko iroro rinokufungisa chii? Nokuda kwavamwe vanhu rinoreva kusarura nokudzvinyirira. Nokuda kwavamwe, rinoreva ruvengo, zvimurenga, uye kunyange kuponda.
Kubvira pazvimurenga zvedzinza muUnited States kusvikira kukusaruraganda muSouth Africa, kubvira kuhondo pakati pamapoka endudzi muEastern Europe kusvikira kurwisano munzvimbo dzakadai seSri Lanka nePakistan—dzinza razova chisakiso chikuru chokutambura kwakawanda nokuparadzanywa kwavanhu.
Asi neiko ikoku kwakadaro? Kunyange munyika umo vanhu vanoratidzika kuva vanoshivirira chinenge chinhu chiri chosewo zvacho, neiko udzinza huri nhau inobata ngwariro yakadaro? Chii chinoita kuti dzinza rive simba rinoparira nyongano huru nokusaruramisira? Kukataurwa nenzira yakapfava, neiko vanhu vamadzinza akasiana-siana vasingagoni kuwirirana?
Kuti tipindure iyi mibvunzo, tinodikanirwa kuziva zvakawanda zvinopfuura chiri dzinza uye munzira idzo madzinza anosiana nadzo. Tinofanirawo kunzwisisa basa rinoitwa nenhau muukama hwamadzinza hwazvino uno. Kutanga, kunyange zvakadaro, ngatinzverei icho sayenzi inogona kutiudza pamusoro penhau yacho.
Chinetso Chokukamuranisa Vanhu
Vanhu vanogara mumativi akasiana-siana enyika vane mavara okunyama akasiana. Iwaya anobatanidza ruvara rweganda, maumbirwe amativi echiso, kuomarara kwebvudzi, uye zvichingodaro. Misiano yakadaro yomuviri inosianisa dzinza rimwe nerimwe.
Nokudaro, vanhu vanowanzotaura nezvavachena navatema, vachipa ngwariro kuruvara rweganda. Asi vanhu vanotaurawo nezvevaHispanic, vaAsia, vaScandinavia, vaJudha, uye vaRussia. Idzi zivikanwo dzapashure dzinonongedzera zvishoma kumavara omuviri kupfuura kumisiano yomugariro wapasi, rudzi, kana kuti tsika. Naizvozvo kuvanhu vazhinjisa, dzinza rinosarudzwa kwete bedzi kupfurikidza namavara omuviri asiwo kupfurikidza nemiitiro, mutauro, tsika, rudzidziso, uye rudzi.
Nenzira inofadza, kunyange zvakadaro, vamwe vanyori pamusoro penhau yacho vanozengurira kushandisa shoko rokuti “dzinza” chose chose; vanoisa shoko racho muzviratidzo zvokunokora mashoko nguva imwe neimwe yarinooneka. Vamwe vanodzivisa shoko racho zvachose ndokushandisa panzvimbo paro kutaura kwakadai sokuti “mapoka amarudzi,” “mapoka,” “zviverengero zvavagari vemo,” uye “misiano.” Chikonzero nei? Nemhaka yokuti shoko rokuti “dzinza,” sokunzwisiswa kwarinowanzoitwa, rakazadzwa namashoko nerevo zvokuti kushandiswa kwaro, pasina kujekesa kwakafanira, kazhinji kazhinji kunodzikatidza pfundo rekurukurirano.
Kuvazivi vezvinhu zvipenyu navazivi vamarudzi avanhu, dzinza rinowanzorondedzerwawo zvaro se“chikamu chiduku chamarudzi anogara nhaka mavara ohunhu anoatsauranisa nezvimwe zviverengero zvavagari vemo zvamarudzi.” Mubvunzo, zvisinei, ndowokuti, Mavara api anogona kushandiswa kurondedzera mapoka akasiana-siana ari mumarudzi avanhu?
Zvinhu zvakadai soruvara rweganda, ruvara rwebvudzi nokuomarara kwaro, kuumbika kwamaziso nemhino, ukuru hwouropi, uye rudzi rweropa zvakakarakadzwa, asi hapana nechimwe chaizvozvi chakabvumikisa kuva chinogutsa chose chose sechikamuraniso chamarudzi akasiana-siana. Ikoku imhaka yokuti hakuna boka ravanhu rinovapo nenzira yomuzvarirwo iro mitezo yose yakafanana zvikuru mumativi akadaro.
Rangarira ruvara rweganda. Vanhu vazhinjisa vanodavira kuti rudzi rwomunhu runogona nenzira iri nyore kukamuraniswa mumadzinza mashanu kupfurikidza noruvara rweganda: vachena, vatema, vashava, vashore, uye vakatsvukuruka. Dzinza ravachena kazhinji kazhinji rinozivikanwa sorune ganda jena, bvudzi rine ruvara rwakachenuruka, uye maziso ebhuruu. Bva, zvomenemene, kune mhatsa huru muruvara rwebvudzi, ruvara rwamaziso, uye ruvara rweganda pakati pemitezo yerinonzi dzinza ravachena. Bhuku rinonzi The Human Species rinoshuma, kuti: “Hakusati kuchingova bedzi kusina zviverengero zvavagari vemo muEurope nhasi izvo mitezo mizhinjisa iri yorudzi rumwe; hakuna kutongova navagari vemo vakadaro.”
Zvamazvirokwazvo, kukamuranisa marudzi avanhu kwakaoma, sokutaura kunoita bhuku rinonzi The Kinds of Mankind: “Zvose zvatinoratidzika kuva tinokwanisa kutaura ndeizvi: nepo vasati vari vanhu vose vanoratidzika savakafanana navamwe vanhu vose, uye kunyange zvazvo tichigona kuona zvakajeka nzira dzakawanda umo vanhu vanoratidzika kuva vakasiana, masayendisiti achiri asingabvumirani pahuwandu chaihwo hwamarudzi amarudzi avanhu aripo. Havana kunyange kusarudza kuti chitemeso chipi chatinogona kushandisa kuti tigovere vanhu kune rimwe dzinza kana kuti kune rimwe. Mamwe masayendisiti angangoda hawo kurega kunzvera ndokutaura kuti chinetso chacho chakanyanyooma—kuti hakuna chigadzikiso!”
Kose ikoku kungaratidzika kuva kunokangaidza. Mukurangarira idi rokuti masayendisiti sezvinooneka ane chinetso chiduku mukuronga mhuka nezvirimwa mumapoka, marudzi, uye mhatsa, neiko vane chinetso chakadaro mukukamuranisa rudzi rwomunhu mumadzinza?
“Ngano Ine Ngozi Zvikurusa Yomunhu”
Mukuwirirana nomuzivi wamarudzi avanhu Ashley Montagu, vanhu vazhinji vanodavira kuti “mavara omuviri neendangariro akabatana, kuti misiano yomumuviri yakabatanidzwa neinonzi misiano mundangariro, uye kuti iyi misiano inoyerwa nenzvero dzeIQ uye zviwanwa zvetsika zveizvi zviverengero zvavagari vemo.”
Nokudaro, vazhinji vanodavira kuti nemhaka yokuti madzinza ane mavara omuviri akasiana, madzinza akati akakwirira muungwaru uye mamwe akaderera. Zvisinei, Montagu anoidza kufunga kwakadaro kuti “ngano ine ngozi zvikurusa yomunhu.” Dzimwe nyanzvi dzinobvuma.
Morton Klass naHal Hellman vanotsanangura mubhuku rinonzi The Kinds of Mankind, kuti: “Vanhu vamwe navamwe vanosiana; muvanhu vose mune vanhu vane ruzivo zvikuru navasina kungwara. Asi, pashure pokunzvera kose, nyanzvi dzine mutoro hadzina kuona ufakazi hwadzinogona kugamuchira semisiano yamavara orutodzano pakati pavanhu pakureva nezvoungwaru kana kuti mano.”
Neiko, kunyange zvakadaro, vazhinji zvikuru vachipfuurira kudavira kuti misiano mikuru yomumuviri inoreva kuti marudzi akasiana zvikuru? Zvomenemene, dzinza rakava sei nhau yakadaro? Ticharangarira idzi nhau munyaya inotevera.