Chechi yeAngirikeni yeAustralia Imba Yakakamukana
Yakanyorwa nomunyori waMukai! muAustralia
KURUKURIRANO yokuti vakadzi vanofanira kugadzwa savaprista here muChechi yeAngirikeni haisati ichitongova itsva. Asika nhau yacho pamisi ichangobva kupfuura iyi yakava nhau huru muAustralia.
Muna January 1992 bhishopi weCanberra neGoulburn akazivisa rongedzero dzokugadza chiverengero chakati chamadhikoni avakadzi savaprista veChechi yeAngirikeni. Haasati aizomirira dare rechechi rinotevera. Kutaura idi, dare rakanga ratosarudza mukurwisana negadzwo dzakadaro katatu.
Sezvo kwakaitika pakupedzisira, mukuvamba maMarch vakadzi gumi vakagadzwa savaprista veAngirikeni muPerth, Australia, pasinei hapo nechishoro. Hakushamisi, ipapoka, kuti ngwariro huru yakarereudzirwa padare rinouya rechechi. Rusando rwaJuly haruna kupa chisarudzo chokupedzisira, naizvozvo “rusando rwechienzi” rwakarongwa nokuda kwaNovember 21, 1992.
Rinongotipfuurei haro vhiki rimwe, Dare Rose reChurch of England rakavhota nokuda kwegadzwo yavakadzi. Vakawanda vaikarira ichi chisarudzo kuva nomuuyo une pesvedzero muAustralia. Apo dare reAustralia rakasangana, rimwe pepanhau rakatsinhira, kuti: “Kurukurirano nokuitirana nharo yakapinza padzimwe nguva zuva rakazara nokusagadzikana.” Pamberi pokuzivisa muuyo wevhoti, purezidhendi wedare akakumbira kuti chiziviso chiitwe norunyararo. Apo kwakaziviswa kuti kugadzwa kwavakadzi kwakanga kwabvumirwa, vamwe vaiva muvateereri vakakundikana kudzora mirangariro yavo. Apo mashoko akapararira kunze, kupururudza kwakamuka, uye tumicheka twakakandirwa mumhepo.
Kunyanduka kwakadaro kwakanga kuri kure nebvumirano. The Sydney Morning Herald rakanokora mashoko bhishopi mukuru weSydney achiti: “Hatisati tichizokwanisa kugara pamwe chete nomufaro . . . Kuchava namasangano maviri muChechi yeAngirikeni imwe cheteyo.” Mumwe mufundisi akataura zvikuru kuti kugadzwa kwavakadzi savaprista kwakaratidzira kuti “Chechi yeAngirikeni muAustralia iri kuvamba kumwandamuka.”
Bhaibheri rinopa hwaro hwakanaka hwokuitira hanya kwakadaro. Jesu Kristu amene akati: “Umambo huri hwose hunozvikamuranisa humene hunoparara; uye hakuna taundi, hakuna imba, inozvikamuranisa imene inogona kumira.”—Mateo 12:25, The New English Bible.
Ikoku kunomutsa mubvunzo unoratidzika kuve wakarasika mukurwisana kose kwechechi, Bhaibheri rinotii pamusoro pebasa ravakadzi muungano? Nepo richisimbisa kuti Jehovha Mwari anokoshesa varume navakadzi vakazvitsaurira nomutoo wakaenzana, kunyanguvezvo rinogovera varume navakadzi mabasa akasiana-siana muungano. (VaGaratia 3:28) Kunotaurwa neiyi nzira muna 1 VaKorinte 11:3 (NW), kuti: “Apo murume ari wose anaKristu nokuda kwoMusoro wake, musoro womukadzi murume, sezvo Musoro waKristu ari Mwari.” (NEB) Nokudaro, pamusoro pomurairidzo wenguva dzose pamberi peungano, Pauro akafuridzirwa nomutoo woumwari kunyora kuti: “Mukadzi anofanira kuva mudzidzi, anoteerera nomutoo wokunyarara uye nokuzviisa pasi kwakafanira. Handitenderi mukadzi kuti ave mudzidzisi, uyewo mukadzi haafaniri kudzora murume.”—1 Timotio 2:11, 12, NEB.
Zvisinei, ikoku hakusati kuchifanira kuva chisakiso chokukangaidzika kuvakadzi vechiKristu nokuti vakasununguka kudzidzisa muushumiri hwapachena sezvakaita vakadzi vakadai saRoisi, Juniki, Yuodhia, uye Sintike munguva dzapakuvamba dzechiKristu.—VaFiripi 4:2, 3; 2 Timotio 1:5.