RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 7/8 pp. 24-26
  • Nyika Inoda “Kuparidzirwa Kutsva kweEvhangeri” Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Inoda “Kuparidzirwa Kutsva kweEvhangeri” Here?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Kutsva” Mupfungwai?
  • Chikonzero Nei Wakava Unoodza Mwoyo
  • Kuparidzirwa kweEvhangeri—Nzira yeBhaibheri
  • Chechi yeAngirikeni yeAustralia Imba Yakakamukana
    Mukai!—1993
  • Neiko Chechi Iri Kurasikirwa Nepesvedzero?
    Mukai!—1996
  • Zvinhu Zviri Kuvandudzika Chaizvoizvo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Chii Chinonzi Mashoko Akanaka?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Mukai!—1992
g92 7/8 pp. 24-26

Murangariro weBhaibheri

Nyika Inoda “Kuparidzirwa Kutsva kweEvhangeri” Here?

Yakanyorwa nomunyori waMukai! muItaly

MHEPO dzechinjo yezvamatongerwe enyika idzo dzave dzichivhuvhuta dzichipfuura nomuEastern Europe dzakakukura kunyandurwazve kworudzidziso. Nokuda kwokubetserwa neiri banza romudzimu, Gungano Chairo reEurope roMusangano wamaBhishopi rakaitwa paVatican kuvambira pana November 28 kusvikira December 14, 1991. “Vanababa voMusangano” vose vane 137, avo vari vatsigiri vakabudirira veboka rinodzora ramabhishopi eKaturike yeEurope, vakasangana nenharidzano yo“kuparidzirwa kutsva kweevhangeri.”

Kubvira panguva apo musangano wacho wakaziviswa pana April 22, 1990, paVelehrad, Czechoslovakia, wakaziviswa sechinoitika chenhau. Zvisinei, kwakaoma kufunga nezvomusangano wacho sebudiriro inonyandura, sezvo RAI, nhepfenyuro yeterevhizheni yomunyika yeItaly, yakazivisa pana December 14, 1991, kuti: “Musangano wokuodzwa mwoyo wasvika pamugumo wawo.”

Neiko musangano wacho wakanga uri unoodza mwoyo? Uye Europe, kana kuti nyika kana toreva nezvaikoko, inoda “kuparidzirwa kutsva kweevhangeri” here?

“Kutsva” Mupfungwai?

Boka rinodzora ramabhishopi eKaturike rinofunga kuti kuparidzirwa kutsva kweevhangeri kuri madikanwa nemhaka yokuti mugariro worudzidziso mutsva. Achizarura musangano wacho, mukuru mukuru Camillo Ruini akapeta nzira yaanoona nayo zviri kuitika muEurope. Iye akataura kuti muMabvazuva “mamirioni akawanda haana kunyange kubhapatidzwa uye anofuratira zvokwadi dzapakuvamba zvikurusa dzokutenda kwechiKristu.” Nokuda kwechikonzero ichochi “kuwa kwehurumende dzechiKomonisiti kunozarurira Chechi banza guru rokuparidzirwa kweevhangeri.” Pane rumwe rutivi, chiono muEurope yokuMadokero chinoratidzirwa nokwaanodana kuti “kusadavira muna Mwari kunoshanda.” Shoko reChechi yeKaturike harichisiri kugamuchirwazve sezvokwadi inobva kuna Mwari.

Kunyandurwazve kworudzidziso makuri kumene kunopa imwe denho nokuda kwamabhishopi. Munzirai? Vose vari vaviri mabhishopi okuEurope neokuLatin America anonetseka pamusoro pokubudirira kwamamwe masangano orudzidziso. Neiko? Sezviri pachena nemhaka yokuti chechi yakarasikirwa nenzvimbo zhinji dzakaropafadzwa dzayaichimbova nadzo, uye zvino inozviona imene “ichityisidzirwa navakwikwidzi vane ngozi.” Chinyorwa chinobuda panhambo nenhambo cheJesuit chinonzi La Civiltà Cattolica chakanongedzera kuZvapupu zvaJehovha somumwe mukwikwidzi akadaro nemhaka ye“chiverengero chikuru chavaKaturike namaPurotesitendi chavanobudirira kukwezva.”

Mashoko e“Ziviso” yokugumisa yomusangano wacho anotaura kuti kuparidzirwa kutsva kweevhangeri isundo yo“kuwanazve mavambo ako umene echiKristu.” Neiko vaEurope vachifanira kuwanazve “mavambo [avo] echiKristu”? Mabhishopi akataura kuti mipimo yechiKristu haichisiri kurangarirwa seinoshanda. “Kana toreva nezvevaEurope vazhinji vakabhapatidzwa,” rinodaro La Civiltà Cattolica, rudzidziso “nderwoucheche, ngano yakanaka yavana iyo vabva zera vasingagoni zvamazvirokwazvo kurangarira zvakakomba, sokunge rwuri chimwe chinhu icho chingashandisa pesvedzero paupenyu hwavo. . . . Vamwe vaEurope vanoona rudzidziso rwechiKristu segamuchidzanwawo zvaro, rwakatemerwa naizvozvo kutsakatika sezvo pepuko inofambira mberi . . . Vamwezve vaEurope vanorangarira rudzidziso rwechiKristu kuva runokuvadza.”

Nokuda kwezvikonzero izvozvi mabhishopi anoona dikanwo yo“kuparidzirwa kutsva kweevhangeri.”

Chikonzero Nei Wakava Unoodza Mwoyo

Kuti vabudirire mu“kuparidzirwa kutsva kweevhangeri” kweNyika Yakare, boka guru ravashandi raizodikanwa. Bva, chimwe chezvinetso zvikurusa chave chichitapura chechi muEurope ndecheperevedzo yavaprista. Mumwe wamabhishopi akataura kuti mumakore 13 akapfuura, mukuwirirana nefungidziro dzemisi ichangobva kupfuura iyi dzeEurope, vafundisi vakaderera muchiverengero ne 9 muzana.

Vazhinji vakarangarira musangano wacho kuva unoodza mwoyo nemhaka yokuti kwaiva namapfundo mashomanene anoshanda pamusoro penzira yokuita nayo kuti “kuitwazve yechiKristu” kweEurope kushande. Bhishopi weFrance Joseph Duval akapangira gungano romusangano, kuti: “Tinofanira kudzivisa hurukuro dzenhema pamusoro pokuparidzirwa kweevhangeri . . . Tose zvedu tinotaura zvikuru kwazvo kufanana namagweta. Shoko redu ngarivezve shoko rine kupfaviswa kweevhangeri nechimiro.”

Mabhishopi mashomanene bedzi akadudza mitoo yavaapostora yokuparidzira vanhu evhangeri. Somuenzaniso, Bhishopi František Tondra weSpiš, Federal Republic yeCzech neSlovak, akati: “Nokuda kwokuparidzirwa kutsva kweevhangeri kweEurope, tinofanira kudzokera kuchimiro chapakuvamba chokuparidzirwa kweevhangeri. . . . MaKristu okutanga, pashure chaipo pokunge abhapatidzwa, ainzwa uri musengwa wawo kuparadzira Evhangeri.”

Kuparidzirwa kweEvhangeri—Nzira yeBhaibheri

MaKristu ose omuzana rokutanga ramakore aiva vaparidziri veevhangeri here? Hungu! Bhuku rinonzi Evangelism in the Early Church, rakanyorwa naMichael Green, Oxford, England, rinoti: “Rimwe ramativi anoshamisa zvikurusa mukuparidzirwa kweevhangeri mumazuva apakuvamba vakanga vari vanhu vaipinda makuri. . . . Kuparidzirwa kweevhangeri kwakanga kuri maruramiro nomusengwa zvomutezo uri wose weChechi. . . . ChiKristu chakanga chiri zvikurukuru sanganowo zvaro, rakaparadzirwa navafundisi vasina kudzidza.”

Shoko rokuti “muparidziri weevhangeri” rinoreva “muparidziri wamashoko akanaka,” uye izvo Kristu Jesu akataura pamusoro pokuparidzira evhangeri zvakanzi zvinofanira kushanda kuvateveri vake vose, zvokuti: “Aya mashoko akanaka [evhangeri] oumambo achaziviswa kunyika yose soufakazi kumarudzi. Uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:14, The New Jerusalem Bible) Nokudaro, basa gurusa rokuparidzira evhangeri richigere kuitwa rinofanira kuitwa mu“nguva yomugumo.”—Dhanieri 12:4.

Gore rakapfuura, Zvapupu zvaJehovha, zvinopfuura mamirioni mana, zvakapedzera maawa ane bhirioni imwe mubasa rokuparidzira evhangeri munyika 211, kubatanidza Eastern Europe. Mashokoi akanaka azvave zvichiparidzira? Mashoko akanaka oUmambo hwaMwari neoruponeso kupfurikidza nokutenda muna Jesu Kristu. (2 Timotio 1:9, 10) Iri shoko ndiro iro nyika inoda zvino—mugumo usati wasvika.—Mateo 24:3, 14.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]

Jesu Achiparidzira paGungwa reGarirea, wakanyorwa naGustave Doré

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe