Zvapupu zvaJehovha Zvakarevererwa Murwisano Yamaruramiro Okuchengeta Vana
INGRID HOFFMANN ave achirwisa kuchengeta maruramiro okuchengeta vana vake vaviri chifo chapakati pegumi ramakore rapfuura. Mumwe mukadzi weAustria, akaberekwa ndokurerwa somuRoma Katurike. Akaroorana nomuKaturike biyake, uye akabereka mwanakomana muna 1980 uye mwanasikana muna 1982. Asi muna 1983 varoorani vakachatanura; vabereki vose vari vaviri vakatsvaka maruramiro okuchengeta vana. Baba vakapomera kuti rudzidziso rwaamai—vakanga vava mumwe weZvapupu zvaJehovha—rwaizokuvadza vana, kuvanyima kurerwa kwenguva dzose, kwakanaka. Vakadudza nhau dzakadai sokuramba kweZvapupu kuchengeta mazororo akati akarovedzeka munyika yavo uye kurega kwazvo kuisirwa ropa.—Mabasa 15:28, 29.
Idzi kakavadzano dzisina mufungo dzakakundikana kupwisa. Ose ari maviri dare renzanga nedare rokukwirira kutonga akaramba mikumbiro yababa uye akapa maruramiro okuchengeta kuna amai. Zvisinei, muna September 1986, Dare Rapamusoro reAustria rakachinja kutonga kwedare repasi. Rakadudza kuti izvi zvisarudzo zvakanga zvaputsa Austrian Religious Education Act, mutemo unoda kuti vana vanozvarwa navaKuturike vadzidziswe savaKaturike. Dare racho rakatongawo kuti kwaisazova mufariro dzakanakisisa dzavana kuvabvumira kuti varerwe seZvapupu zvaJehovha!
Chiitoi chitsva icho Ingrid Hoffmann akava nacho mukurwisana nokufungira mano kwakaipa kwakadaro kworudzidziso? Muna February 1987 nhau yake yakasvitswa kuEuropean Commission of Human Rights. Pana April 13, 1992, iri dare, rinoumbwa namagweta anomirira mitezo yamarudzi akasiana-siana eDare reEurope, rakapfuudza nhau yacho nokuda kwokutonga kuzere pemberi peEuropean Court of Human Rights.
Dare racho rakatonga pana June 23, 1993. Rakadudza, kuti: “Dare reEurope naizvozvo rinogamuchira kuti kwave kune musiano mukubata uye kuti musiano iwoyo wakanga wakavakirwa pahwaro hworudzidziso; iyi mhedziso inotsigirwa nokurangarira kweDare Rapamusoro re[Austria] pamusoro pemiuyo inoshanda yorudzidziso rwomukwiriri. Musiano wakadaro mukubata isaruro.” [Kutsveyamiswa kwamashoko ndokwedu.] Rakadudzazve kuti Dare Rapamusoro “rakarangarira maidi zvakasiana namatare maduku, ayo kurangarira kwawo kwaitsigirwazve nomurangariro wenyanzvi dzendangariro. Zvisinei nekakavadzano dzipi nedzipi dzinobvira kumusiano, musiano wakavakirwa zvikurukuru pamusiano murudzidziso rwoga haugamuchirwi.”
Kupfurikidza nokuvhota kwavashanu kuvana, vatongi vakatongera zvakanaka Ingrid Hoffmann uye mukurwisana neAustria, vachidudza, chaizvoizvo, kuti Austria yakanga yasarura mukurwisana naye pahwaro hworudzidziso rwake uye yakanga yarwisa maruramiro ake okurera mhuri yake. Kupfuurirazve, kupfurikidza nokuvhota kwavasere kumumwe, vatongi vakamupa kuvadziko dzake dzemari.
Urwu rukundo runoshamisa nokuda kworusununguko rworudzidziso rwakauya mwedzi bedzi pashure porumwe mudare rimwe chetero chairo—nhau yaKokkinakis v. Greece, iyo yakasimbisa kuti Greece yakanga yarwisa maruramiro omunhu okudzidzisa Shoko raMwari paimba neimba. Vadi vorusununguko munyika yose vanofara apo kuedza kwakadaro kwokudzvinyirira rusununguko rworudzidziso kunorambidzwa uye maruramiro omunhu oga okunamata Mwari nokurera mhuri mukuwirirana nenheyo dzeBhaibheri zvinodzivirirwa.