RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 12/1 pp. 19-22
  • Kudzivirira Mashoko Akanaka Zviri Pamutemo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzivirira Mashoko Akanaka Zviri Pamutemo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvaka Rusvingo Rwepamutemo Rwokudzivirira
  • Kusimbisa Rusvingo Rwacho
  • Kudzivirira Rusvingo Rwacho
  • ‘Kudzivirira Nokusimbisa Pamutemo Mashoko Akanaka’
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Dare Repamusorosoro Rinotonga Richitsigira Rusununguko Rwokutaura
    Mukai!—2003
  • Kukunda Mudare Rekodzero Dzevanhu rokuEurope
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Zvapupu zvaJehovha Zvakarevererwa Murwisano Yamaruramiro Okuchengeta Vana
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 12/1 pp. 19-22

Kudzivirira Mashoko Akanaka Zviri Pamutemo

CHERO bedzi munhu ave achivaka maguta, ave achivaka masvingo. Kunyanya mumazuva akapfuura, idzi nzvimbo dzisingapindiki dzakanga dzichidzivirira. Vari pamusoro peichi chinodzivisa, vadziviriri vaigona kurwa kuti vadzivirire masvingo kuti arege kuputswa kana kuti kucherwa nechepasi nevadenhi. Havasi vagari vomuguta racho bedzi vaidzivirirwa asi kazhinji avo vaigara mumataundi akapoteredza vaiwanawo pokutizira mukati memasvingo acho.—2 Samueri 11:20-24; Isaya 25:12.

Saizvozvowo, Zvapupu zvaJehovha zvakavaka rusvingo—rusvingo rwepamutemo—rwokudzivirira. Rusvingo urwu haruna kuvakwa kuti ruparadzanise Zvapupu nenzanga yose, nokuti Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nokuda kwokuva vanhu vakasununguka, vane ushamwari. Panzvimbo peizvi, rwunosimbisa kubvumirana kwepamutemo kwerusununguko rukuru rwevanhu vose. Panguva imwe chete, rwunodzivirira kodzero dzeZvapupu dzepamutemo kuitira kuti zvigone kunamata zvakasununguka. (Enzanisa naMateo 5:14-16.) Rusvingo urwu rwunodzivirira manamatire azvo uye kodzero yazvo yazvakapiwa naMwari yokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Rusvingo urwu chii, uye rwakavakwa sei?

Kuvaka Rusvingo Rwepamutemo Rwokudzivirira

Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvine rusununguko rwechitendero munyika dzakawanda, mune dzimwe nyika zvave zvichidenhwa pasina zvikonzero. Pakarwiswa rusununguko rwazvo rwokunamata zvichiungana pamwe chete kana kuti kuparidza paimba neimba, zvakaronda nhau dzacho zviri pamutemo. Mhaka dzepamutemo dzinobatanidza Zvapupu dzava zviuru munyika yose.a Hadzisi dzose dzakahwinhwa. Asi apo matare maduku akatonga mukupesana nazvo, kazhinji zvakakwidza nhau yacho kumatare epamusoro. Zvichiguma nei?

Mukati memakumi emakore ezana rechi20, kukunda zviri pamutemo munyika dzakawanda kwakatanga mienzaniso inogona kuvimbwa nayo iyo Zvapupu zvaJehovha zvakashandisa munhau dzakatevera. Kufanana nezvidhina kana kuti matombo anovaka rusvingo, izvi zvisarudzo zvakanaka zvinovaka rusvingo rwepamutemo rwokudzivirira. Zviri pamusoro peurwu rusvingo rwomuenzaniso, Zvapupu zvakapfuurira kurwira rusununguko rwokuti zvinamate.

Somuenzaniso, chimbofunga nhau yaMurdock v. Commonwealth of Pennsylvania, iyo yakatongwa neDare Repamusorosoro reUnited States musi wa3 May 1943. Mubvunzo wakabvunzwa munhau iyi waiva uyu: Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kuwana rezinesi rezvokutengeserana kuti zviparadzire mabhuku echitendero chazvo here? Zvapupu zvaJehovha zvakaomerera pakuti hazvifaniri kurayirwa kuita kudaro. Basa razvo rokuparidza harisi—uye harina kutombova—rezvokutengeserana. Vavariro yazvo haisi yokuwana mari, asi kuparidza mashoko akanaka. (Mateo 10:8; 2 VaKorinte 2:17) Pachisarudzo chenhau yaMurdock, Dare rakabvumirana neZvapupu, richitonga kuti kudikanwa kupi nokupi kwokuripira mutero werezinesi sechinodiwa usati waparadzira mabhuku echitendero hakuwirirani nemutemo.b Uku kutonga kwakagadza muenzaniso unokosha, uye Zvapupu zvakaushandisa nenzira inobudirira sechiremera munhau dzakawanda kubvira panguva iyeyo. Chisarudzo chenhau yaMurdock chakava muenzaniso wakasimba murusvingo rwepamutemo rwokudzivirira.

Nhau dzakadaro dzakaita zvakawanda pakudzivirira kuzvisarudzira chitendero kwevanhu vose. Nezvezvakaitwa neZvapupu zvaJehovha mukudzivirirwa kwekodzero dzevagari vemuUnited States, University of Cincinnati Law Review yakati: “Zvapupu zvaJehovha zvakava nezvazvakaita zvine simba zvikuru pakuchinja kwemutemo wenyika, kunyanyanyanya nokuwedzera panoperera kudzivirirwa kwokutaura uye chitendero.”

Kusimbisa Rusvingo Rwacho

Nokukunda zviri pamutemo kumwe nokumwe, rusvingo rwacho runosimba zvikuru. Funga nezvekutonga kushoma kwakaitwa muma1990 uko kwakabetsera Zvapupu zvaJehovha, pamwe nevamwe vose vanoda rusununguko, munyika yose.

Greece. Musi wa25 May 1993, Dare reEurope Rekodzero Dzavanhu rakatsigira kodzero yomugari wemuGreece yokudzidzisa vamwe zvaanodavira muchitendero chake. Nhau yacho yaibatanidza Minos Kokkinakis, aiva nemakore 84 panguva iyoyo. SeChapupu chaJehovha, Kokkinakis akanga asungwa kanopfuura ka60 kubvira muna 1938, akanga aitwa kuti amire pamberi pematare eGreece ka18, uye akanga apedzera makore anopfuura matanhatu mujeri. Akanga awanirwa mhaka zvikurukuru mumutemo weGreece wemuma1930 uyo unorambidza kutendeutsa—mutemo wakaparira kusungwa kweZvapupu zvaJehovha kunoda kusvika 20 000 kubvira muna 1938 kusvika muna 1992. Dare reEurope rakatonga kuti hurumende yeGreece yakanga yarwisa rusununguko rwechitendero chaKokkinakis ndokumuripa mari inosvika $288 000. Muchisarudzo charo, Dare racho rakatonga kuti Zvapupu zvaJehovha zvechokwadi “chitendero chinozivikanwa.”—Ona Nharireyomurindi yaSeptember 1, 1993, mapeji 27-31.

Mexico. Musi wa16 July 1992, kubudirira kukuru mukudzivirirwa kwerusununguko rwechitendero kwakaitwa muMexico. Musi iwoyo Law of Religious Associations and Public Worship yakatangwa. Nouyu mutemo, boka rechitendero rinogona kuva repamutemo sesangano rechitendero kupfurikidza nokuwana kunyoresa kunodiwa. Munguva yakapfuura, Zvapupu zvaJehovha, kufanana nezvimwe zvitendero munyika yacho, zvaivapo zvechokwadi asi zvakanga zvisingazivikanwi zviri pamutemo. Musi wa13 April 1993, Zvapupu zvakanyorera nokuda kwokunyoresa. Nenzira inofadza, musi wa7 May 1993, zvakava zvakanyoreswa zviri pamutemo seLa Torre del Vigía, A. R., uye Los Testigos de Jehová en México, A. R., ose ari masangano echitendero.—Ona Mukai! yechiNgezi, yaJuly 22, 1994, mapeji 12-14.

Brazil. Muna November 1990, National Institute of Social Security yeBrazil (INSS) yakazivisa hofisi yebazu reWatch Tower Society kuti vashumiri vanozvipira vepaBheteri (zita rezvivako zvebazu reZvapupu zvaJehovha) vaisazoonekwazve sevashumiri vechitendero uye naizvozvo vaifanira kuva pasi pemitemo yebasa yeBrazil. Zvapupu zvakakwirira chisarudzo chacho. Musi wa7 June 1996, Judicial Advisory of the Office of the Attorney General muBrasília yakapa chisarudzo chaitsigira nzvimbo yevashumiri vari paBheteri semitezo yenzanga yechitendero chepamutemo, kwete sevashandi vokunyika.

Japan. Musi wa8 March 1996, Dare Repamusorosoro reJapan rakaita chisarudzo panhau yedzidzo norusununguko rwechitendero—kuti munhu wese ari muJapan abetserwe. Dare racho rakatonga richibvumirana kuti Kobe Municipal Industrial Technical College yakaputsa mutemo nokudzinga Kunihito Kobayashi nemhaka yokuramba kwake kubatanidzwa mukurovedza unyanzvi hwokurwa. Uku kutonga ndekwekutanga uko Dare Repamusorosoro rakaitira chisarudzo chakavakirwa parusununguko rwechitendero runovimbiswa neMutemo weJapan. Chichiita zvinodiwa nehana yacho yakarovedzwa neBhaibheri, ichi Chapupu chiduku chakafunga kuti uku kurovedza kwaisawirirana nenheyo dzeBhaibheri dzakadai seinowanika pana Isaya 2:4, inoti: “Vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.” Chisarudzo cheDare racho chakaita muenzaniso nokuda kwemhaka dzomunguva yemberi.—Ona Nharireyomurindi, yaNovember 1, 1996, mapeji 19-21.

Musi wa9 February 1998, Dare Repamusoro reTokyo rakaita chimwe chisarudzo chikuru chinotsigira kodzero yechimwe Chapupu chinonzi Misae Takeda yokuramba kurapwa kusingatsinhirani nomurayiro weBhaibheri woku‘rega ropa.’ (Mabasa 15:28, 29) Nhau iyi yakakwirirwa kuDare Rapamusorosoro, uye chasara kuona kana chisarudzo cheDare Rapamusoro chichatsigirwa.

Philippines. Muchisarudzo chakaitwa musi wa1 March 1993, Dare Repamusorosoro rePhilippines rakatonga richibvumirana kutsigira Zvapupu zvaJehovha munhau yaibatanidza pwere dziri Zvapupu idzo dzakadzingwa pachikoro nemhaka yokuramba nenzira yokuremekedza kukwazisa mureza.

Kutonga kumwe nokumwe kwedare kwakanaka kwakafanana nedombo kana kuti chidhina chakawedzerwa chinosimbisa rusvingo rwepamutemo urwo runodzivirira kodzero kwete dzeZvapupu zvaJehovha chete asi dzevanhu vose.

Kudzivirira Rusvingo Rwacho

Zvapupu zvaJehovha zvakanyoreswa zviri pamutemo munyika 153, zvichiva nokusununguka kwakawanda kuri pamutemo, sezvakaita zvimwe zvitendero. Kwapera makumi emakore okutambudzwa uye kurambidzwa muEastern Europe uye yaimbova Soviet Union, Zvapupu zvaJehovha zvino zvava kuzivikanwa zviri pamutemo munyika dzakadai seAlbania, Belarus, Czech Republic, Georgia, Hungary, Kazakstan, Kyrgyzstan, Romania, uye Slovakia. Zvisinei, mune dzimwe nyika nhasi, kubatanidza mune dzimwe nyika dzokuWestern Europe idzo dzakatanga gadziriro dzezvamatare kare kare, kodzero dzeZvapupu zvaJehovha dziri kurwiswa zvakakomba kana kuti kurambwa. Vashori vari kuedza nokushingaira ku‘ronga chinetso nomutemo’ mukurwisana neZvapupu. (Pisarema 94:20) Izvi zvinoita sei?c

Zvapupu zvaJehovha zvinoda kushandira pamwe nehurumende dzose, asi zvinodawo kuva norusununguko rwepamutemo kuti zvinamate. Zvinodavira zvakasimba kuti mitemo ipi neipi kana kuti zvisarudzo zvedare zvingazvidzivisa kuteerera mirayiro yaMwari—kubatanidza murayiro wokuparidza mashoko akanaka—hazvishandi. (Marko 13:10) Kana vasingagoni kubvumirana zvine rugare, Zvapupu zvaJehovha zvichazvidzivirira zvichishandisa matare emutemo, zvichironda kukwirira kwose kunodiwa kuti zviwane kudzivirirwa kwapamutemo nokuda kwekodzero yazvo yokunamata. Zvapupu zvaJehovha zvinovimba zvizere nechipikirwa chaMwari chokuti: “Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu.”—Isaya 54:17.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uwane mashoko akazara enhau yepamutemo yeZvapupu zvaJehovha, tapota ona ganhuro 30 rebhuku rinonzi Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

b Pachisarudzo chenhau yaMurdock, Dare Repamusorosoro rakachinja maonere aro munhau yaJones v. City of Opelika. Munhau yaJones, muna 1942, Dare Repamusorosoro rakanga ratsigira kutonga kwedare duku iro rakanga rati Rosco Jones, chimwe Chapupu chaJehovha, aiva nemhaka yokuparadzira mabhuku mumigwagwa yeOpelika, Alabama, pasina kuripira mutero werezinesi.

c Ona nyaya dzinoti “Kuvengerwa Kutenda Kwavo” uye “Kudzivirira Kutenda Kwedu,” dziri pamapeji 8-18.

[Bhokisi riri papeji 21]

KUDZIVIRIRA KODZERO DZEZVAPUPU ZVAJEHOVHA

Kutambudzwa kwakaitwa Zvapupu zvaJehovha kwakaguma nokuendeswa kwazvo pamberi pevatongi nevakuru vehurumende mupasi rose. (Ruka 21:12, 13) Zvapupu zvaJehovha zvakabishaira mukudzivirira kodzero dzazvo zviri pamutemo. Kukunda mumatare munyika dzakawanda kwakabetsera kudzivirira rusununguko rwepamutemo rweZvapupu zvaJehovha, kubatanidza kodzero yazvo yo:

◻ kuparidza paimba neimba zvisingadzorwi nezvinodzora mutengesi wezvokutengeserana—Murdock v. Commonwealth of Pennsylvania, Dare Repamusorosoro reUnited States (1943); Kokkinakis v. Greece, Dare reEurope Rekodzero Dzavanhu (ECHR) (1993).

◻ kuungana zvakasununguka kuti zvinamate—Manoussakis and Others v. Greece, ECHR (1996).

◻ kusarudza maratidzire azvingaita kuremekedza mureza wenyika kana kuti mufananidzo nenzira yokutungamirirwa nehana—West Virginia State Board of Education v. Barnette, Dare Repamusorosoro reU.S. (1943); Dare Repamusorosoro rePhilippines (1993); Dare Repamusorosoro reIndia (1986).

◻ kuramba basa rehondo iro rinorwisana nehana yazvo yechiKristu—Georgiadis v. Greece, ECHR (1997).

◻ kusarudza kurapwa nemishonga isingarwisani nehana dzazvo—Malette v. Shulman, Ontario, Canada, Appeal Court (1990); Watch Tower v. E.L.A., Superior Court, San Juan, Puerto Rico (1995); Fosmire v. Nicoleau, New York, U.S.A., Court of Appeals (1990).

◻ kurera vana vazvo maererano nezvazvinodavira zvakavakirwa paBhaibheri kunyange apo izvi zvazvinodavira zvinopikiswa mukukakavadzana kwekuchengetwa kwevana—St-Laurent v. Soucy, Dare Repamusorosoro reCanada (1997); Hoffmann v. Austria, ECHR (1993).

◻ kuva uye kushandisa masangano epamutemo ayo asingabatanidzwi zvakafanana mukubvisiswa mitero uko kunopiwa masangano anoshandiswa nezvimwe zvitendero zvinozivikanwa—People v. Haring, New York, U.S.A., Court of Appeals (1960).

◻ kugamuchira avo vakagadzwa kurudzi rwakati rwebasa renguva yakazara chairo kuitirwa zvakanaka mune zvemitero zvinoitirwa vashandi vechitendero venguva yakazara vezvimwe zvitendero—National Institute of Social Security yeBrazil, Brasília, (1996).

[Mufananidzo uri papeji 20]

Minos Kokkinakis nemudzimai wake

[Mufananidzo uri papeji 20]

Kunihito Kobayashi

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 19]

The Complete Encyclopedia of Illustration/J. G. Heck

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe