Apo Nyika Itsva Ichauya
NYIKA itsva yaMwari ichauya apo iyi iripo inopfuura. Asi ungabvunza kuti, ‘Tinogona kudavira chaizvozvo here kuti iyi nyika ichaguma?’ Eya, rangarira, ko imwe yakamboguma here kare?
Hungu, mukuwirirana noufakazi hwemhedziso, nyika yakamboguma. “Nazvo nyika, yaivapo nguva iyo, [zuva raNoa] yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa,” rinodaro Bhaibheri. Mwari “akasaregawo nyika yekare, asi wakaponesa Noa muparidzi wokururama pamwe chete navamwe vanomwe, nguva yaakauyisa mvura zhinji panyika yavanhu vasingadi Mwari.”—2 Petro 2:5; 3:6.
Cherechedza kuti yakanga iri “nyika yavanhu vasingadi Mwari,” kana kuti tsika yakashata yezvinhu, iyo yakaparara. Rakanga risati riri Pasi renyika, matenga akazara nenyeredzi, kana kuti mhuri yohunhu iyo yakaguma. Sezvo vapukunyuki vaMafashamo vakawedzera muchiverengero, imwe nyika (yedu iripo) yakavapo. Chii chichaitika kwairi?
Pashure pokutaura kuti nyika yezuva raNoa yakaparadzwa, Bhaibheri rinopfuurira, kuti: “Asi denga, riripo zvino, nenyika, zvakavigirwa mwoto neshoko ireri.” (2 Petro 3:7) Mwoto unoratidzira ruparadziko nokuda kwenyika. Zvamazvirokwazvo, “nyika [iripo nhasi] inopfuura.” (1 Johane 2:17) Asi rini?
Vaapostora vaJesu vaida kuziva, naizvozvo vakabvunza, kuti: “Tiudzei, ndirini apo zvinhu izvi zvichaitika? uye chii chichava chiratidzo chokuuya kwenyu, nechokuguma kwenyika?” (Mateo 24:3, King James Version) Mumhinduro Jesu akapa chiratidzo icho chaizogonesa vanhu vanorarama panguva yokuzadzika kwacho kuziva kuti nyika yakanga ichizokurumidza kuguma; nyika itsva yaizotora nzvimbo yayo. Chii chaiva chiratidzo ichocho?
Chiratidzo Chacho
Chiratidzo chacho chaibatanidza mativi akawanda, hungu, zvinoitika zvakawanda zvakadeya kutaurwa. Kuti chiratidzo chigozadzikwa, zvose zvaizvozvi zvaifanira kuitika munzira inooneka panguva imwe chete inokosha, muchizvarwa chimwe chete. (Mateo 24:34) Ndezvipi zvinoitika izvozvi?
Zvimwe zvakadudzwa naJesu zvakanga zviri: “Rudzi rumwe ruchamukira rumwe rudzi, noushe humwe huchamukira humwe ushe. Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo, nokune dzimwe nzvimbo nzara nehosha.” “Zvino vachakuisai kumadambudziko, vachakuurayai, muchavengwa nokuda kwezita rangu. . . . Rudo rwavazhinji ruchatonhora, nokuti kusarurama kuchawanda.”—Ruka 21:10, 11; Mateo 24:7-9, 12.
Muapostora Pauro akapa mimwe migariro iyo yaizoratidza “mazuva okupedzisira” eiyi nyika. Akanyora, kuti: “Zvino uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, . . . vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, . . . vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari; vano mufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako.”—2 Timotio 3:1-5.
Chokwadi, wakaona kana kuti wakanzwa pamusoro peizvi zvinhu zvose—rwisano dzamarudzi ose dzinopfuura hondo dzapakuvamba, kudengenyeka kwapasi kukuru, hosha dzinopararira uye kuperevedza kwezvokudya, ruvengo nokutambudzwa kwavateveri vaKristu, kuwedzera kwokusateerera mutemo, uye nguva dzokutambudzika dzisingapfuuri mwero mukuru. Kunze kweizvi zvinhu, Bhaibheri rinodeya kuzivisa kuti Mwari acha“paradza avo vanoparadza nyika.” (Zvakazarurwa 11:18) Uye vanhu vari kuparadza nyika iko zvino!
November apfuura uyu, mapepanhau akanga ane misoro yakadai souyu: “Masayendisiti Akatanhamara Anonyevera Nezveruparadziko Rwapasi.” Dr. Henry Kendall, mudetembedzi weNobel nasachigaro weUnion of Concerned Scientists, akati: “Iyi nyevero haisi yokukatutsira, uye haisi tyisidziro.” Imwe nyaya yepepanhau yakashuma, kuti: “Ndaza yamasayendisiti ane 1 575 avo vakaronga nyevero yacho vanosanozivikanwa munzanga yamarudzi ose ezvesayenzi.” Nyevero yavo yokuparadzwa chose chose kwapasi redu haifaniri kufuratirwa!
Hapagoni kuva nepanikiro pamusoro pakwo. Chiratidzo mumativi acho ose chiri kuzadzikwa kubatanidza kudeya kuzivisa kukuru kwaJesu, kwokuti: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika,” hungu, mugumo weiyi nyika. (Mateo 24:14) Ichauya, Jesu anodaro, apo mashoko akanaka oUmambo hwaMwari anenge aparidzirwa mupasi rose. Uye kuparidzira ikoko kuri kuitwa zvino pamwero wakadeya kuziviswa neZvapupu zvaJehovha!
Chaunofanira Kuita
Ufakazi hwose, naizvozvo, hunonongedzera kuidi rokuti nyika itsva yaMwari yava pedyo zvikuru. Bva, kana uchizopukunyuka mugumo weiyi nyika uye kufarikanya upenyu munyika itsva, unofanira kuita chimwe chinhu. Pashure pokutaura kuti “nyika iri kupfuura,” Bhaibheri rinoratidza chinodikanwa kwauri, richitsanangura, kuti: “Iye unoita kuda kwaMwari unogara nokusingaperi.”—1 Johane 2:17.
Naizvozvo unofanira kudzidza kuda kwaMwari uye ndokukuita. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubetsera kuita ikoku. Ipapo unogona kupukunyuka mugumo weiyi nyika ndokufarikanya nokusingagumi zvikomborero zvenyika itsva yaMwari.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]
NASA photo
[Mufananidzo uri papeji 31]
Nguva yenhamo huru pakarepo inotangira nyika itsva