RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • T-19 pp. 2-6
  • Nyika Ino Ichapukunyuka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Ino Ichapukunyuka Here?
  • Nyika Ino Ichapukunyuka Here?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nyika Inoguma—Imwe Inoitsiva
  • Nguva Yemberi Yenyika Ino
  • “Chiratidzo”
  • Apo Nyika Itsva Ichauya
    Mukai!—1993
  • Mvura Inoparadza Nyika—Zvichaitika Zvakare Here?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Kuparadzwa Kwenyika Kwakadeya Kuziviswa Kuchasvika Rini?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Unoshurikidza Nyika Nokutenda Kwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Nyika Ino Ichapukunyuka Here?
T-19 pp. 2-6

Nyika Ino Ichapukunyuka Here?

Hakuna chimwe chizvarwa chakanzwa kutaura kukuru zvikuru pamusoro pomugumo wenyika. Vakawanda vanotya kuti nyika ichaguma mukuparadza kwenyukireya. Vamwe vanofunga kuti kushatswa kwemhepo kungaparadza nyika. Vamwezve vanozvidya mwoyo kuti nyongano yemari ichaita kuti vanhu vazhinjisa vamukirane.

Nyika ino ingaguma zvomenemene here? Kana ikadaro, kungarevei? Ko nyika yakamboguma here kare?

Nyika Inoguma—Imwe Inoitsiva

Hungu, nyika yakaguma. Rangarira nyika yakava yakaipa zvikuru mumazuva aNoa. Bhaibheri rinotsanangura, kuti: “Nyika yenguva iyeyo yakatambura ruparadziko apo iyo yakafukidzwa nemvura.” Bhaibheri rinotiwo: “[Mwari] haana kurega kuranga nyika yekare, asi akachengeta Noa, muparidzi wokururama, akakotsekana navamwe vanomwe apo iye akaunza boporodzi panyika yavanhu vasina umwari.”—2 Petro 2:5; 3:6.

Cherekedza icho kuguma kwenyika iyeyo kwakareva uye icho kusina kureva. Hakuna kureva kuguma kworudzi rwomunhu. Noa nemhuri yake vakapukunyuka Mafashamo enyika yose. Ndozvakaitawo nyika yaPasi namatenga akaisvonaka azere nenyeredzi. Yakanga iri “nyika yavanhu vasina umwari” yakaparara, tsika yakaipa yezvinhu.

Pakupedzisira, vana vaNoa zvavakawedzera, imwe nyika yakatanga. Nyika yechipiri iyeyo, kana kuti tsika yezvinhu, yavapo kusvikira kuzuva redu. Nhau yayo yave yakazadzwa nehondo, utsotsi, uye masimba masimba. Chii chichaitika kunyika ino? Ichapukunyuka here?

Nguva Yemberi Yenyika Ino

Pashure pokutaura kuti nyika muzuva raNoa yakatambura ruparadziko, nhauro yeBhaibheri inopfuurira, kuti: “Kupfurikidza neshoko rimwe chetero matenga nepasi zviripo zvino zvakachengeterwa mwoto.” (2 Petro 3:7) Zvamazvirokwazvo, sokutsanangura kunoita mumwe munyori weBhaibheri: “Nyika [iyo iripo nhasi] inopfuura.”—1 Johane 2:17.

Bhaibheri harisati richireva kuti pasi chairoiro kana kuti matenga azere nenyeredzi achapfuura, sezvo izvozvi zvisina kupfuura muzuva raNoa. (Pisarema 104:5) Panzvimbo pezvo, nyika ino, na“matenga” ayo, kana kuti vabati ushe vehurumende vanodzorwa nepesvedzero yaSatani, uye “pasi” rayo, kana kuti chaunga chavanhu, zvichaparadzwa sokunge nomwoto. (Johane 14:30; 2 VaKorinte 4:4) Nyika ino, kana kuti tsika yezvinhu, ichaparara kungofanana zvamazvirokwazvo sezvakaita nyika yapamberi paMafashamo. Kunyange Jesu Kristu akataura pamusoro pomugariro womu“mazuva aNoa” somuenzaniso weicho chaizoitika pamberi chaipo pokuguma kwenyika ino.—Mateo 24:37-39.

Nomutoo une revo, apo Jesu akataura nezvamazuva aNoa, kwakanga kuri mukupindura mubvunzo wavaapostora vake, wokuti: “Chii chichava chiratidzo chokuuya kwenyu, nechokuguma kwenyika?” (Mateo 24:3, King James Version) Vateveri vaJesu vaiziva kuti nyika ino yaizoguma. Iyi kariro yakavatyisidzira here?

Mukusiana, apo Jesu akarondedzera zvinoitika zvaizoitika pamberi pomugumo wenyika, iye akavakurudzira kuti vafare, ‘nokuti kununurwa kwavo kwakanga kuri kuswedera pedyo.’ (Ruka 21:28) Hungu, kununurwa pana Satani netsika yake yakaipa yezvinhu ndokupinda munyika itsva ine rugare!—2 Petro 3:13.

Asika nyika ino ichaguma rini? Jesu akapa “chiratidzo”i cho“kuuya [kwake], nechokuguma kwenyika”?

“Chiratidzo”

Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “kuuya” ndipa·rou·siʹa, uye rinoreva “kuvapo,” ndiko kuti, kuva pedyo chaizvoizvo. Naizvozvo apo “chiratidzo” chinoonwa, hachisati chaizoreva kuti Kristu aizouya nokukurumidza asi kuti iye akanga atodzoka uye kuti akanga aripo. Chaizoreva kuti iye akanga avamba kubata ushe nomutoo usingaoneki samambo wokudenga uye kuti iye aizounza nokukurumidza mugumo kuvavengi vake.—Zvakazarurwa 12:7-12; Pisarema 110:1, 2.

Jesu haana kupa chinoitika chimwe bedzi se“chiratidzo.” Akarondedzera zvinoitika zvakawanda zvenyika nemigariro. Izvozvi zvose zvaizoitika mukati menguva iyo vanyori veBhaibheri vakaidza kuti “mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1-5; 2 Petro 3:3, 4) Rangarira zvimwe zvezvinhu izvo Jesu akadeya kutaura kuti zvaizoratidzira “mazuva okupedzisira.”

“Rudzi ruchamukirana norudzi uye umambo huchamukirana noumambo.” (Mateo 24:7) Hondo munguva dzazvino uno dzave dziri dzoukuru hukuru zvikuru kupfuura nakare kose. Mumwe wezvenhau akati: “Hondo Yokutanga yeNyika [kuvambira muna 1914] yakanga iri hondo ‘yakakwana’ yokutanga.” Bva, hondo yenyika yechipiri yakanga ichiparadza zvikuru kwazvo. Uye hondo inopfuurira kuparadza pasi. Hungu, mashoko aJesu akazadzika munzira inoorora!

“Kuchava nokuperevedza kwezvokudya.” (Mateo 24:7) Pashure peHondo yeNyika I pakasvika zvimwe nzara hurusa munhau yose. Nzara yakaipisisa yakateverawo Hondo yeNyika II. Denda rokudya zvisina kuringana rinotapura chinosvika kuchikamu chimwe chezvishanu zvechiverengero chavagari vapasi, richiuraya vana vane mamirioni 14 gore riri rose. Zvamazvirokwazvo, kwave kune “kuperevedza kwezvokudya”!

“Kuchava nokudengenyeka kwapasi kukuru.” (Ruka 21:11) Pamwero wapakati, vanenge vakawanda nekane gumi vakafa gore rimwe nerimwe nokudengenyeka kwapasi chifo cha 1914 kupfuura mumazana amakore akapfuura. Rangarira bedzi kumwe kukuru kushomanene: 1920, China, 200 000 vakaurawa; 1923, Japan, 99 300 vakakuvadzwa; 1939, Turkey, 32 700 vakaurawa; 1970, Peru, 66 800 vakaurawa; uye 1976, China, vanenge 240 000 (kana kuti, mukuwirirana namamwe manyuko, 800 000) vakakuvadzwa. Zvamazvirokwazvo, “kudengenyeka kukuru kwapasi”!

“Munzvimbo imwe neimwe nhenda.” (Ruka 21:11) Pashure chaipo peHondo yeNyika I, vanhu vane mamirioni 21 vakafa nomurakatira weSpania. Science Digest yakashuma, kuti: “Munhau yose rufu haruna kutongodenha vakawanda nomutoo wakakomba zvikuru, unokurumidza.” Chifo chaipapo, hosha yomwoyo, kenza, AIDS, uye mamwe matenda akawanda akauraya mazana amamirioni.

“Kuwedzera kwokusateerera mutemo.” (Mateo 24:12) Nyika yedu chifo cha 1914 yakava inozivikanwa seiyo youtsotsi namasimba masimba. Munzvimbo dzakawanda hakuna munhu anonzwa akakotsekana pamigwagwa kunyange mukati mezuva. Usiku vanhu vanogara mudzimba dzavo seri kwamasuo akakiiwa naakaiswa mipingo, vachitya kubuda kunze.

Zvimwe zvinhu zvakawanda zvakadeya kutaurwa kuti zvaizoitika mukati mamazuva okupedzisira, uye izvozvi zvose zviri kuzadzikawo. Ikoku kunoreva kuti mugumo wenyika wava pedyo. Asi, nomufaro, pachava navapukunyuki. Pashure pokutaura kuti “nyika inopfuura,” Bhaibheri rinopikira, kuti: “Iye unoita kuda kwaMwari unogara nokusingaperi.”—1 Johane 2:17.

Naizvozvo tinodikanirwa kudzidza kuda kwaMwari ndokukuita. Ipapo tinogona kupukunyuka mugumo wenyika ino kuti tifarikanye nokusingagumi zvikomborero zvenyika itsva yaMwari. Bhaibheri rinopikira kuti panguva iyeyo: “Mwari . . . achapukuta musodzi uri wose pameso [avanhu], uye rufu haruchazovipozve, kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazovipozve.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Kutoti kwakaratidzirwa nomumwe mutoo, kunokorwa mashoko kose kweBhaibheri kunobva muNew World Translation of the Holy Scriptures.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 6]

Manyuko Emifananidzo: Ndege: USAF photo. Mwana: WHO photo by W. Cutting. Kudengenyeka Kwapasi: Y. Ishiyama, Hokkaido University, Japan.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe