RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 11/8 pp. 18-20
  • “Kupfuura Ganhuriro” Kunosvika Papi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kupfuura Ganhuriro” Kunosvika Papi?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rutivi Rwokukura Here?
  • Chii Chiri Mukutsvoda?
  • Chii Chiri “Kupfuura Ganhuriro”?
  • Ndepapi Pazvinonzi Zvapfurikidza?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Kuita Bonde Vanhu Vasati Varoorana
    Mukai!—2013
  • Kutamba Noutere Chii Chiri Kuvadziko?
    Mukai!—1994
  • Kurangarira Kwako Vatano—Kunoita Mutsaukanoi?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 11/8 pp. 18-20

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

“Kupfuura Ganhuriro” Kunosvika Papi?

“Ndapota unganyevera vanhu here pamusoro pengozi dzokupfuura ganhuriro? . . . ‘Kwamirano’ yose inoda kukurukurwa, nemhaka yokuti ndiyo inotungamirira kuvatano. Mubvunzo wangu ndouyu, ndepapi pane ganhuriro yacho?”

Ndizvo izvo mumwe musikana akabvunza magazini yavachiri kuyaruka. Asi zvimwe mubvunzo iwe wakamboshamisika pamusoro pawo.

Kana uri muKristu, unorangarira zvakakomba mashoko ari pana 1 VaTesaronika 4:3-6, anoti: “Nokuti kuda kwaMwari ndihwo utsvene hwenyu, murege upombwe; . . . munhu ngaarege kuitira hama yake zvakaipa kana kumunyengera pachinhu ichi, nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvinhu izvozvo zvose.”

Nokudaro kunyange zvazvo ungaziva kuti vatano inoitwa namaKristu asina kuroorana yakashata, ungashamisikazve kuti Mwari anorangarira sei kutsvodana, kumbundirana, kana kuti kubata mumwe munhu womutezo wakasiana wokubereka nawo.

Rutivi Rwokukura Here?

Kutanga, kwakanaka kuyeuka kuti Bhaibheri harishurikidzi ratidzirwo dzakafanira dzorudo, dzisina zvikarakadzo zvokunyanyisa zvevatano. MaKristu apakuvamba airatidzira kwazvo rudo rwavo nokuda kwomumwe nomumwe. Nenzira yakarovedzeka vai“kwazisana nokusveta kutsvene.” (VaRoma 16:16; 1 VaKorinte 16:20) Kunyange maKristu omutezo wokubereka nawo wakafanana aitsvodana nokumbundirana.—Enzanisa naMabasa 20:37.

Muchiverengero chetsika, kutsvodana nokumbundirana zvichiri kurangarirwa senzira dzakakodzera kuratidzira rudo nokuda kwomumwe munhu. Zvisinei, pwere dzakawanda nhasi dzinoratidzira rudo munzira idzo dzinopfuura rondedzero ine mwero yeizvo zviri zvakakodzera. Imwe nzvero yeUnited States yakawana kuti vanopfuura zvikamu zviviri muzvitatu zvavachiri kuyaruka vakanzverwa vakataura kuti vakanga vapinda murudzi rwakati rwokubhabhadzira runobatanidza kubata mitezo yakavanzika yomuviri. Vakawanda vakavamba kuita kudaro pakuvamba sapazera ramakore 14. Sezvakawanwa mune kumwe kunzvera, 49 muzana yakanga yapinda mukubhabhadzira kusvikira kupfundo romugumo wevatano.

Vamwe vanoruramisa kuedza kwakadaro vatano sorutivi zvarwo rwokukura. Mukuwirirana nebhuku rinonzi The Family Handbook of Adolescence, “kutamba nevatano nokuongorora kunozivikanwa navose pavanodokusvika vayaruki vosewo zvavo.” Vamwe vanorumbidza kubhabhadzira. Bhuku rinonzi Growing Into Love, rakanyorwa naKathryn Burkhart, rinoti: “Nemhaka yokuti hakusviki vatano, kubhabhadzira kwakawanda kunogona kuitwa pasina funganyo uye kubatira sechibudiso chinoshamisa chesimba revatano.”

Mubvunzo ndouyu, kunyange zvakadaro, Mwari anorangarira sei muitiro wakadaro?

Chii Chiri Mukutsvoda?

Apo unenge “watokura kwazvo,” chishuvo chevatano chinosimba. (1 VaKorinte 7:36) Naizvozvo, kunongova bedzi kwomuzvarirwo kuva anodisa pamusoro pokunzwika kunoita kutsvoda kana kubata mumwe munhu womutezo wakasiana wokubereka nawo. Asi The Family Handbook of Adolescence rinonongedzera kuti: “Simba revatano rinotangira, padzimwe nguva makore akawanda, ukuru hwokunzwa.” Chaizvoizvo, pwere dzakawanda hadzinzwisisi zvakazara kuti kutsvoda kana kuti kubata kune simba rokunyandura kunzwa kworudo kana kuti kurudziro dzevatano.

Nenzira yokuchenjera, naizvozvo, unofanira kurangarira miuyo yokupinda mumufambiro uyo unonyandurira kunzwa kwevatano. Zvakadiniko kana uri muduku zvikuru zvokusagona kuroora? Ipapo kutsvoderei kana kuti kuita chinhu chipi nechipi munzira iyo yaizokunyandurira kuvatano? Zvaizoitwa naikoku kwose ndiko kukuparira kukangaidzika. Kunodaro nemhaka yokuti hapana nzira yokuti iwe somuKristu wechokwadi usvitse kunzwa ikoko kworudo kumhedziso yako inowirirana—vatano. Bhaibheri rinojekesa kuti ukama hwakadaro hwakakodzera bedzi muroorano.—1 VaKorinte 6:18.

Rangarirawo mumwe munhu, uyo angava anonyandurwa muvatano nokuita kwako kworudo. Hakusi kunyengera here, kunyange utsinye, kutsvoda kana kuti kubata mumwe munhu wausati uchikwanisa kuroora kana kuti ungasarangarira zvakakomba somukwanyina anobvira weroorano? (Enzanisa naZvirevo 26:18, 19.) Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Asi usine tsitsi unotambudza nyama yake.”—Zvirevo 11:17.

Hakufaniri kuva chakavanzika chipi nechipi kumudzidzi weBhaibheri kuti kubata kana kuti kutsvoda kunogona kunyandura chishuvo chakasimba chevetano. Bhaibheri rinotiudza nezvokunyengedzwa kwejaya nehure. Rinoti: “Zvino iye akamubata, akamusveta.” (Zvirevo 7:13) Kutsvoda kana kuti kubata kwakadaro kunogona kunyandura zvakadzama muviri. Sezvo kwamirano inoenderera mberi mukomana nomusikana vanova vanonyandurwa zvikuru. Nenzira yakajeka, muviri uri kugadzirira nokuda kwevatano.

Kana vaviri vakaroorana, vanogona kugutsa zvishuvo zvavo munzira inofadza neinokudzwa. Asi apo vaviri vasina kuroorana vanopinda mukutamba kunomutsa zvishuvo zvevatano, zvinetso zvine chokwadi chokuvapo. Mune imwe nzvero, munyori Nancy Van Pelt akawana kuti pwere dzakawanda dzakabatanidzwa mukubhabhadzira dzakabvuma pachena kuti, sezvadzinotaura, dzakanga dzango“rasikirwa nokuzvidzora.” Muenzaniso chaiwoiwo ndewomusikana muduku uyo akadzvinyirirwa kupinda mukuita zvinopfuura zvaasakamboita kare. Kunyange zvazvo asina kupinda muvatano, akabvumira mukomana wacho kumubata mativi ake akavanzika. Iye akati: “Zvino ndinonzwa zvisina kunaka.” Zvaakabvumira mukomana wacho kuita kwaari zvakanga zvakaipa zvomenemene here?

Chii Chiri “Kupfuura Ganhuriro”?

Dzimwe pwere dzinodavira kuti chero bedzi dzisingapindi muvatano, hadzina kupfuura ganhuriro, kuti zvadzinoita hazvina kushata zvomenemene. Bhaibheri rinoratidza zvakasiana. Pana VaGaratia 5:19-21, muapostora Pauro akati: “Zvino mabasa enyama anoonekwa, anoti: Upombwe, netsvina, utere, . . . vanoita zvakadai havangadyi nhaka youshe hwaMwari.”

Ufeve chii? Shoko rechiGiriki rapakuvamba nokuda kwoufeve ndipor·neiʹa. Rinonongedzera kuchiito chevatano kubatanidza kushandiswa kwemitezo yokubereka nayo kunoitwa kunze kwezvisungo zveroorano. Mumwe musikana akanokorwa mashoko muSeventeen akabvumira mukomana wake kumumanikidzira kuita vatano yomukanwa. “Ndakanzwa ndiri benzi,” akadaro, “nokuti shamwari dzangu dzose dzaitaura kuti dzaikuita navakomana vadzo uye ndicharasikirwa naye kana ndikasakuita.” Nzvero inoratidza kuti chiverengero chinokatyamadza chepwere chakapinda muchimiro ichecho choutere. Kunyanguvezvo, zviito zvakadaro zvinoita por·neiʹa ndokuunza kusatendera kwaMwari.

Muapostora Pauro akabatanidza ufeve no“kusachena.” Shoko rapakuvamba rechiGiriki, a·ka·thar·siʹa, rinofukidza kusachena kworudzi rupi norupi, mukutaura kana kuti muchiito. Zvamazvirokwazvo kwaizova kusachena kubvumira maoko ako kufamba-famba muchipfeko chomumwe munhu, kubvisa chipfeko chomumwe munhu, kana kuti kubata mativi akavanzika omumwe, samazamu. Chokwadi, muBhaibheri kubatwa kwamazamu kwaibatanidzwa nemifarwa yakachengetwa nokuda kwavaviri vakaroorana.—Zvirevo 5:18, 19, enzanisa naHosea 2:2.

Dzimwe pwere kunyanguvezvo dzinozvidza noushingi iyi mipimo youmwari. Dzinopfuura ganhuriro namaune, kana kuti dzinotsvaka nenzira yamakaro vasonganiri vakawanda avo navo vanogona kuita kusachena kwevatano. Dzine mhaka yeicho muapostora Pauro akaidza “utere.”

Zviremera zvakasiana-siana zvinoratidza kuti shoko rapakuvamba rechiGiriki nokuda kwa“utere” (a·selʹgei·a) rinoreva ‘zviito zvinopfuura mwero, kunyanyisa, kuvirima, ruchiva rusingadzorwi, uye kupfuura mwero.’ Pwere dzinoita utere dzakafanana navahedheni Pauro akanongedzera. “Nemhaka youkukutu hwemwoyo yavo;” vahedheni ivavo “vakazvipa vasine hanya kuutere, kuti vabate mabasa ose etsvina nokuchiva.” (VaEfeso 4:17-19) Zvamazvirokwazvo waizoda kudzivisa kuva pasi peshurikidzo yakadaro!

Ziva, ipapoka, kuti mumwe haafaniri kubatanidzwa muutere hwevatano kuti “apfuure ganhuriro” mukuona kwaJehovha. Kana uri muduku zvikuru zvokusagona kuroora, kubata kana kuti kutsvoda kworudo kunofanira kusapindwa makuri. Uye avo vari kuita nyengano vanofanira kungwarira kuti kuratidza kwavo rudo hakusati kuchiva kusachena. Sezvinobvumwa, kuomerera kumipimo youmwari hakusi nyore. Asi Mwari anoti pana Isaya 48:17: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.”—Onawo VaGaratia 5:16.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Kana usina kuroora, kupinda mumufambiro unonyandura zvishuvo zvevatano kunogona kutungamirira kukangaidziko uye zvakatoipisisa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe