Murangariro weBhaibheri
Jehovha ndiMwari Wehondo Here?
VAMWE varavi veBhaibheri vakanguve vapomera Jehovha nezvokuva mwari wehondo, uye anodisa kuteura ropa pana ikoko. Somuenzaniso, George A. Dorsey, mubhuku rake rinonzi The Story of Civilization—Man’s Own Show, anotaura kuti Mwari weBhaibheri, Jehovha, “ndiMwari wavapambi, wavatambudzi, wavarwi, worukundo, wechishuvo chiri chose choutsinye.” Mutsoropodzi weBhaibheri Roland H. Bainton nomutoo wakananga, anoti: “Hondo inova ine ngoni zvikuru apo Mwari asina rutivi mairi.”
Chaizvoizvo Jehovha ndimwari wehondo here? Ko iye, sokukarakadza kunoita vamwe, anofarikanya zvomenemene kuuraya vanhu vasina mhaka here?
Rutongeso Rwomunguva Yakapfuura
Chokwadi, Bhaibheri nomutoo wakajeka rinorondedzera rutongeso rwakashata rwomunguva yakapfuura rwaJehovha Mwari. Zvisinei, irwo nguva dzose rwairwisana navanhu vasina umwari. Somuenzaniso, kwakanga kusati kuri kutozosvikira pasi romuzuva raNoa ra“zadzwa namasimba masimba,” apo Jehovha akati: “Ndinouyisa panyika mvura zhinji, kuti iparadze zvipenyu zvose, zvino mweya woupenyu.” (Genesi 6:11, 17) Pamusoro porumwe rutongeso, rwakanga rwuri bedzi nemhaka yokuti maguta eSodhoma neGomora akanga “akazvipa amene kuutere hwevatano uye akanga akakombamira pakugutsa nyama kwakashata” zvokuti Mwari akaparira ku“naya surferi nomwoto.”—Judhasi 7, The New Berkeley Version; Genesi 19:24.
Mwari akafarira zvikuru kuparadza nyama yose muzuva raNoa here? Kana kuti akawana mufaro wakati woutsinye mukuparadza vagari veSodhoma neGomora here? Nokuda kwemhinduro, ngatitarirei zvinoitika zvakapoteredza Mafashamo ezuva raNoa. Pashure pokutaura kuti Mwari aizoparadza rudzi rwomunhu rwakaipa pamusoro papasi kuti achenese pasi ramasimba masimba, Bhaibheri rinoti: “Jehovha . . . akava neshungu pamwoyo pake.” Hungu, kwakarwadza Mwari kuti “ndangariro dzokufunga kwomwoyo [womunhu] dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.” Nokudaro, kuti aponese vakawanda savanobvira paBoporodzi rinoswedera pedyo, Mwari akatuma Noa, “muparidzi wokururama,” kuti azivise shoko renyevero uye kuvaka areka nokuda kwokuchengetwa.—Genesi 6:5-18; 2 Petro 2:5.
Nomutoo wakafanana, pamberi pokutuma ngirozi kundoparadza Sodhoma neGomora, Mwari akati: “Ndinoronga kudzika pasi ndokuona kana ivo vakaita zvose zvinopomerwa kana kuti kwete mukudanidzira pamusoro pavo . . . ndatsunga kuziva.” (Genesi 18:20-32, The Jerusalem Bible) Jehovha akapikira Abrahama (ane mwana womukoma wake Roti aigara muSodhoma) kuti kana kunzvera Kwake kukazivisa vanhu vakarurama gumi bedzi, maguta aizochengetwa. Mwari anofanira kuteura ropa aizova neitiro hanya yakadaro yengoni here? Mukupesana, hatigoni here kutaura kuti rimwe ramavara makuru ohunhu aJehovha ingoni? (Eksodho 34:6) Iye amene anoti: “Ndinofarira, rusati ruri rufu rwomunhu akaipa, asi mukuti mumwe munhu akaipa atendeuke panzira yake ndokuramba achirarama zvomenemene.”—Ezekieri 33:11, NW.
Rutongeso rwakaipa runobva kuna Mwari rwanguve ruchiparirwa nemhaka yavanhu vakaipa vanoramba chose chose kusiya nzira yakashata, kwete nemhaka yokuti Jehovha anofarikanya kuuraya vanhu. Asika ungabvunza kuti, ‘Jehovha haana kukurudzira vaIsraeri kurwa navaKanani uye kuvaparadza here?’
Hondo dzaMwari Dzaidikanwa nokuda Kworugare
Nhau inojekesa mufananidzo une tsvina woupenyu hwavaKanani—vakanga vakaipa zvakanyanyisa. Kutaura nemidzimu, kubaira vana, masimba masimba outsinye, uye zvimiro zvakasiana-siana zvokunamata vatano kwakashata zvakanga zvakapararira. SaMwari weruramisiro anoda kuzvipira kwapoga, Jehovha haasati aizobvumira iyi miitiro inonyangadza kuvhiringidza rugare nechengeteko zvavanhu vasina mhaka, zvikurukuru Israeri. (Dheuteronomio 5:9) Somuenzaniso, fungidzira kudai nzanga yaunogara mairi yakanga isina mupurisa ane mukurumbira wakanaka kana kuti mauto anogombedzera kuchengetwa kwemitemo yenyika—ikoko hakuzati kwaizotungamirira kunyongano namasimba masimba orudzi rwakaipisisa here? Nomutoo wakafanana, Jehovha akagombedzerwa kurwisana navaKanani nemhaka yoruchiva rwavo uye ngozi chaiyoiyo yavakaparira kukunamata kwakachena. Naizvozvo, iye akati: “Nyika haina kuchena, uye ndichaunza chirango nokuda kwechikanganiso chayo.”—Revhitiko 18:25, NW.
Ruramisiro youmwari yakaitwa apo mauto anouraya aMwari—mauto echiIsraeri—akaparadza vaKanani. Idi rokuti Mwari akasarudza kushandisa vanhu kuita urwu rutongeso, panzvimbo pomwoto kana kuti mafashamo, harina kuderedza tongerwo. Nokudaro, pakurwa namarudzi manomwe aKanani, mauto echiIsraeri akarairidzwa, kuti: “Hamusati muchifanira kuchengeta chinhu chipi nechipi chinofema chiri chipenyu.”—Dheuteronomio 20:16, NW.
Zvisinei, somuremekedzi woupenyu Mwari haana kubvumira kuuraya kwokusasarura. Somuenzaniso, apo vagari vomuguta reKanani, Gibheoni, vakakumbira nyasha, Jehovha akavapa. (Joshua 9:3-27) Mwari wehondo anorura aizoita ikoku here? Aiwa, asi Mwari anoda rugare neruramisiro aizodaro.—Pisarema 33:5; 37:28.
Mipimo yaJehovha Inosimudzira Rugare
Nomutoo wokudzokorora radzokororazve, Bhaibheri rinobatanidza chikomborero chaMwari norugare. Ikoko imhaka yokuti Jehovha mudi worugare, kwete hondo. (Numeri 6:24-26; Pisarema 29:11; 147:12-14) Naizvozvo, apo Mambo Dhavhidhi akashuva kuvakira tembere yokunamata Jehovha, Mwari akamuudza, kuti: “Iwe hausati uchizovakira zita rangu imba, nokuti wakateurira pasi ropa rakawanda kwazvo pamberi pangu.”—1 Makoronike 22:8, NW; Mabasa 13:22.
Achingunoveri pasi pano, Dhavhidhi Mukuru, Jesu Kristu, akataura nezvenguva apo kuda kwaMwari ruramisiro kusati kwaizomubvumirazve kushivirira uipi hwomuzuva razvino uno hwatinoona. (Mateo 24:3, 36-39) Sezvaakaita muMafashamo ezuva raNoa nomuruparadziko rweSodhoma neGomora, Mwari achakurumidza kuita chiito chokutonga kuti abvise pasi pano vanhu vane udyire, vakaipa, nokudaro ndokugadzirira nzira yemigariro ine rugare kuti ivepo mukutonga kwake kwoUmambo hwokudenga.—Pisarema 37:10, 11, 29; Dhanieri 2:44.
Nomutoo wakajeka, Jehovha haasati ari mwari wehondo anoshuva ropa. Kuno rumwe rutivi, haadzokeri shure pakuita chirango chokutonga apo chinenge chakafanira. Kuda kwaMwari runako kunoda kuti iye aite nokuda kwaavo vanomuda kupfurikidza nokuparadza tsika yakaipa inovadzvinyirira. Apo anoita kudaro, rugare rwechokwadi ruchatekeshera mupasi rose sezvo vanyoro vapachokwadi vanonamata Jehovha nomutoo wakabatana, “Mwari worugare.”—VaFiripi 4:9.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]
David and Goliath/The Doré Bible Illustrations/Dover Publications, Inc.