Gadzirira Kununurwa Ndokupinda Munyika Itsva
“Rangarirai mukadzi waRoti.”—RUKA 17:32.
1. Muenzanisoi wenhau wokununura kwoumwari uyo chidzidzo chedu chanhasi chinotanhamarisa, uye unogona sei kutibetsera?
PASHURE pokutaura pamusoro pokununura kunoshamisa uko Jehovha akaita nokuda kwaNoa nemhuri yake, muapostora Petro akadudza mumwe muenzaniso wenhau. Akakwevera ngwariro kukuchengetwa kwaRoti akarurama apo Sodhoma neGomora zvakaroromeswa, sezvatinorava pana 2 Petro 2:6-8. Maudzame acho akachengetwa nokuda kwebetserwo yedu. (VaRoma 15:4) Kurangarira kwedu chakaitika pamusoro pokununura ikoko kunogona kubetsera kutiisa mumutsara wokuchengetwa ndokupinda munyika itsva yaMwari.
Kuita Kwatinoita Kunzira Yenyika Youpenyu
2. Mufambiroi muSodhoma neGomora wakatungamirira kukuparadzwa kwavo naMwari?
2 Neiko maguta iwawo navagari vawo zvakaparadzwa? Muapostora Petro anodudza kupinda mu“mufambiro usingadzorwi.” (2 Petro 2:7, NW) Sezvinoratidzirwa nokushandiswa kweshoko rechiGiriki munoshandurwa kutaura ikoko, vanhu veSodhoma neGomora vakapinda mukuita zvakashata nomutoo wakaratidza kusaremekedza kusina manyadzi, kunyange kuzvidzwa, kwomutemo nechiremera. Judhasi 7 inotaura kuti ivo ‘vakaita ufeve zvakanyanyisa uye vakatevera nyama nokuda kwamadonzo asiri omuzvarirwo.’ Ukuru hwomufambiro wavo hwakaoneka apo varume veSodhoma, “kubva kumukomana kusvika kumutana, vanhu vose muchikwata chimwe,” vakakomba imba yaRoti ndokuraira kuti ape vaeni vake kuti varume veSodhoma vagutse zvishuvo zvavo zvakaipa. Uye vakadanidzira zvishoro kuna Roti nemhaka yokuti akadzivisa zvikumbiro zvavo zvakashata.—Genesi 13:13; 19:4, 5, 9, NW.
3. (a) Roti nemhuri yake vakava vanogara sei mumhoteredzo yakaora kudaro seSodhoma? (b) Chii chakanga chiri kuita kwaRoti kumufambiro usingadzorwi wavanhu vaiva muSodhoma?
3 Pakuvamba Roti akanga atamira munharaunda iri pedyo neSodhoma nemhaka yebviro yayo yebudiriro yokunyama. Pashure penguva yakati, akagara muguta rimene. (Genesi 13:8-12; 14:12; 19:1) Asi haana kubvumirana nemiitiro yakaipa yavarume veguta, uye varume ivavo havana kumuona somumwe wavo, sezviri pachena nemhaka yokuti Roti nemhuri yake havana kugoverana muupenyu hwavo hwenzanga. 2 Petro 2:7, 8 (NW), inoti: “Roti . . . wakatambudzwa zvikuru nokusazvidzora kwavanhu vanozvidza mutemo mumufambiro usingadzorwi—nokuti munhu uya akarurama neizvo akaona nokunzwa paakanga achigara pakati pavo zuva rimwe nerimwe akanga achirwadzisa mweya wake wakarurama namabasa avo asino kururama.” Migariro iyoyo yakaumba muedzo wakakomba nokuda kwaRoti nemhaka yokuti, somunhu akarurama, aivenga mufambiro wakadaro.
4. (a) Munzirai migariro nhasi yakafanana neyeyo yaiva muSodhoma yekare? (b) Kana takafanana naRoti akarurama, tinoita sei kumigariro yazvino yakaipa?
4 Muzuva reduwo, mwero wetsika wechaunga chavanhu wakaipa. Munyika dzakawanda, vazhinji zvikuru vanopinda muvatano yapamberi peroorano kana kuti vatano yokunze kweroorano. Kunyange vanhu vaduku vazhinji muchikoro vanobatanidzwa zvikuru munzira iyi youpenyu, uye vanoseka avo vasingavakumbaniri. Vavatani vane mitezo yakafanana nenzira iri pachena vanozvizivisa vamene ndokufamba mumigwagwa yamaguta makuru vachida kuzivikanwa. Vakuru vakuru vorudzidziso vakakumbanira mukufara kwacho. Nenzira yapamutemo, haasati ari machechi akawanda anogadza vavatani vane mitezo yakafanana vanozivikanwa nezvifeve. Bva, zvamazvirokwazvo, sezvo mishumo yenhau yakaratidza yaratidzazve, hakuna kutongooma kuwana vavatani vane mitezo yakafanana, zvifeve, uye mhombwe muvakuru vakuru vorudzidziso. Kutaura idi, vamwe vatungamiriri vorudzidziso vakatamisirwa kuna mamwe maguta kana kuti vakatomanikidzirwa kurega basa nokuda kwemhaka dzevatano. Vadi vokururama havanzwiri tsitsi uipi hwakadaro, vano“venga zvakaipa.” (VaRoma 12:9) Vanorwadziwa zvikuru apo mufambiro wavanhu vanotaura kuti vanobatira Mwari unounza ruzvidzo pazita rake uye unoparira vanhu vasingazivi kubva murudzidziso rwose nokunyangadzwa.—VaRoma 2:24.
5. Mubvunzoi uyo kuparadza kwaJehovha Sodhoma neGomora kunopindura nokuda kwedu?
5 Gore negore mugariro wacho unoipa zvikuru. Kuchava nomugumo kwauri here? Hungu, uchavapo! Icho Jehovha akaita kuSodhoma neGomora zvakare chinoratidza zvakajeka kuti, panguva yake yakagadzwa, achaita rutongeso. Achaparadza zvachose chose vakaipa, asi achanunura vabatiri vake vakavimbika.
Ndiani Kana Kuti Chii Chinotanga Muupenyu?
6. (a) Chidzidzoi chakakodzera nguva chiripo munhauro pamusoro pavarume vaduku vakanga voda kuroora vanasikana vaRoti? (b) Chimiro chavakwanyina vavo vanokarirwa chakaedza sei vanasikana vaRoti?
6 Avo bedzi vanoratidzira kuzvipira kwoumwari kwechokwadi vachachengetwa. Muna ikoku, rangarira izvo ngirozi dzaJehovha dzakataura kuna Roti pamberi pokuparadzwa kweSodhoma neGomora. “Una vamwe pano here? Kana mukuwasha, kana vanakomana vako, kana vanasikana vako, navose vaunavo muguta; uvabudise muno. Nokuti toda kuparadza nzvimbo ino.” Naizvozvo Roti akataura kuvarume vaduku vaizoroora vanasikana vake. Akavakurudzira avakurudzirazve, achiti: “Simukai, ibvai muno, nokuti Jehovha uchaparadza guta rino.” Ukama hwavo kumhuri yaRoti hwakavagovera banza chairo rokununurwa, asi ivo somunhu oga vaifanira kuita chiito. Vaifanira kupa ufakazi hunooneka hwokuteerera Jehovha. Panzvimbo pezvo, mumeso avo Roti “akaita sounoita hake musere.” (Genesi 19:12-14) Unogona kufungidzira kuti vanasikana vaRoti vakanzwa sei apo vakaziva chakanga chaitika. Kwakaedza kuvimbika kwavo kuna Mwari.
7, 8. (a) Apo ngirozi dzakakurudzira Roti kutora mhuri yake ndokutiza, akaita sei, uye nei ikoku kwaiva kusachenjera? (b) Kuti vanunurwe, chii chaikosha nokuda kwaRoti nemhuri yake?
7 Mangwanani akatevera pamambakwedza, ngirozi dzakakurumidzisa Roti. Dzakati: “Simuka, uende nomukadzi wako, navakunda vako vaviri vari pano, kuti urege kuparadzwa kana guta rorohwa.” Asi “vakanonoka.” (Genesi 19:15, 16) Neiko? Chii chakamunonotsa? Dzaiva fariro dzokunyama here dzaaiva nadzo muSodhoma imomo—chinhu chimene chakanga chamukwezvera munzvimbo iyoyi pakutanga? Kudai akaomerera pana izvozvi, aizoparadzwa neSodhoma.
8 Nomutsa, ngirozi dzakabata ruoko avo vaiva mumhuri yake ndokuvakurumidzisa kubuda muguta. Kunze, ngirozi yaJehovha yakaraira kuti: “Tiza nokuda kwoupenyu hwako: usacheuka shure kwako kana kumira pabani rose; tizira kugomo kuti urege kuparadzwa.” Roti akangozengurira. Pakupedzisira, pashure pokunge kwabvumiranwa kuti aigona kuenda kunzvimbo yakanga isiri kure kwazvo, iye nemhuri yake vakatiza. (Genesi 19:17-22) Hapasati paigona kuva neimwe nonozeko; teerero yaikosha.
9, 10. (a) Neiko kuva nomurume wake kwakanga kusina kukwana kuva nechokwadi chokuponeswa kwomudzimai waRoti? (b) Apo mudzimai waRoti akaurawa, ndimumwe muedzoi wakaunzwa pana Roti navasikana vake?
9 Zvisinei, kununurwa kwakanga kuchigere kupera apo vakabuda muSodhoma. Genesi 19:23-25 inotiudza, kuti: “Zuva rakanga rabuda panyika, Roti achisvika paZoari. Ipapo Jehovha akaisa pamusoro peSodhoma neGomora surferi nomwoto, zvichibva kudenga kuna Jehovha; akaparadza maguta awo, nebani rose navose vakanga vagere mumaguta, nezvose zvakanga zvamera pavhu.” Asi mudzimai waRoti akanga ari kupi?
10 Akanga atiza nomurume wake. Zvisinei, akanga ari mubvumirano yakazara nezvaaiita here? Hapana chinhu chinoratidzira kuti munzira ipi neipi aitendera utere hweSodhoma. Asi rudo rwake nokuda kwaMwari rwaiva rwakasimba kupfuura batano yake nomusha wake nezvinhu zvokunyama zvaaiva nazvo imomo here? (Enzanisa naRuka 17:31, 32.) Mudzvinyiriro, chaiva mumwoyo make chakaoneka. Sezviri pachena vakanga vatova pedyo neZoari, zvichida papfundo rokupinda muguta, apo nenzira yokusateerera akatendeuka ndokutarira shure. Uye sezvinotaura chinyorwa cheBhaibheri, “akava shongwe yomunyu.” (Genesi 19:26) Zvino mumwe muedzo wokuvimbika wakatarisana naRoti navanasikana vake. Ko batano yaRoti nomudzimai wake akafa kana kuti mirangariro yavasikana nokuda kwamai vavo vakafa zvakanga zvakasimba zvikuru kupfuura rudo rwavo nokuda kwaJehovha, uyo akanga aparira iyi ngwavaira here? Vaizopfuurira kuteerera Mwari kunyange zvazvo mumwe munhu wapedyo zvikuru kwavari akabvumikisa kuva asina kuvimbika kwaari here? Nechivimbo chakazara muna Jehovha, havana kutarira shure.
11. Chii chatadzidza pano pamusoro pokununura uko Jehovha anogovera?
11 Hungu, Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo. Anoziva nzira yokununura nayo mhuri dzose dzakabatana mukunamata kwakachena, anozivawo nzira yokununura nayo vanhu vamwe navamwe. Apo vanomuda zvirokwazvo, anoratidza kurangarira kukuru mukubata navo. “Nokuti iye unoziva chatakaitwa nacho. Unorangarira kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:13, 14) Asi kununura kwake ndokwaavo bedzi vari vanhu vokuzvipira kwoumwari, avo vano kuzvipira kuri kwechokwadi, avo vano kuteerera kuri ratidzirwo yokuvimbika.
Gadziriro Dzorudo Dzokununura Kukuru
12. Igadziriroi dzorudo idzo Jehovha akanga achizoita asati aunza kununura kwatinokarira nokudisa kwazvo?
12 Kupfurikidza nezvaakaparira mumazuva aNoa uye aRoti, Jehovha haana kubvisa vakaipa vose nokusingaperi. Sokutaura kunoita rugwaro, kwakangogadza zvako muenzaniso wezvinhu zvichauya. Zvinhu izvozvo zvisati zvasvika, Jehovha airangarira zvakawanda zvikuru zvaakaita donzo kuita kubetsera vanhu vanomuda. Aizotuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, Jesu Kristu, kupasi. Pano, Jesu aizobvisira zita raMwari ruzvidzo kupfurikidza nokuratidzira rudzi rwokuzvipira urwo Adhama somunhu akakwana aifanira uye aigona kuva akapa kuna Mwari; asi Jesu aizokuita mumigariro yakaoma zvikuru. Jesu aizoradzika upenyu hwake hwakakwana hwohunhu sechibairo kuitira kuti vana vaAdhama vaishandisa kutenda vagogona kuva neicho Adhama akarasa. Ipapo, “boka duku” ravanhu vakavimbika raizosarudzwa naMwari kuti rigoverane naKristu muUmambo hwake hwokudenga, uye “boka guru” raizounganidzwa kubva mumarudzi ose kuumba hwaro hwechaunga chitsva chavanhu. (Ruka 12:32; Zvakazarurwa 7:9, NW) Ikoko kwaitwa, Mwari aizoita kununura kukuru kwakadeya kufananidzirwa nezvinoitika zvakabatana neBoporodzi nokuparadzwa kweSodhoma neGomora.
Chikonzero Nei Chiito Chaicho Chiri Chokukurumidzira Zvino
13, 14. Chii chatinogona kudzidza muidi rokuti Petro akashandisa ruparadziko rwavanhu vasina umwari mumazuva aRoti uye aNoa semienzaniso?
13 Vadzidzi veShoko raMwari vanoziva kuti Jehovha panhambo zhinji akaita mabasa okununurwa kwavabatiri vake. Zvisinei, muzvinoitika zvizhinjisa Bhaibheri harisati richiti, ‘Sezvazvakanga zvakaita panguva iyoyo, ndozvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu.’ Nei muapostora Petro, afuridzirwa nomudzimu mutsvene, achitsaura mienzaniso miviri bedzi? Chii chakanga chakasiana pamusoro pechakaitika mumazuva aRoti neaNoa?
14 Chiratidzo chaichoicho chinowanwa pana Judhasi 7, apo pinorava kuti “Sodhoma neGomora, namaguta akapoteredza . . . akaita chiratidzo, akarohwa nomwoto usingaperi.” Hungu, kuparadzwa kwavakaipa zvikuru vaiva mumaguta iwawo kwakanga kusingagumi, sezvichaita ruparadziko rwavakaipa pamugumo wetsika iripoyi yezvinhu. (Mateo 25:46) Mafashamo omuzuva raNoa nenzira yakafanana anonongedzerwa kwaari mumashoko akapoteredza anokurukura marutongeso asingagumi. (2 Petro 2:4, 5, 9-12; 3:5-7) Naizvozvo kupfurikidza nokuparadzwa kwavanhu vasina umwari mumazuva aRoti uye aNoa, Jehovha akaratidzira kuti iye achanunura vabatiri vake kupfurikidza nokuparadza nokusingaperi avo vanoita kusarurama.—2 VaTesaronika 1:6-10.
15. (a) Inyeveroi yekurumidziro inopiwa kuavo vanopinda mumiitiro yakaipa? (b) Nei ruramisiro ichizoitwa pana avo vose vanopfuurira mukusaruramisira?
15 Kuparadzwa kwavakaipa hakuunzi mufaro kuna Jehovha, uyewo hakuunzi mufaro kuvabatiri vake. Kupfurikidza neZvapupu zvake, Jehovha anokurudzira vanhu, kuti: “Tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko?” (Ezekieri 33:11) Kunyanguvezvo, apo vanhu vasingaratidzi chishuvo chokuteerera ichi chikumbiro chorudo asi vachipfuurira munzira yavo vamene youdyire youpenyu, ruremekedzo rwaJehovha nokuda kwezita rake amene dzvene norudo rwake nokuda kwavabatiri vake vakavimbika vanotambura kubatwa zvisakafanira pamaoko avanhu vasina umwari kunoda kuti aite ruramisiro.
16. (a) Neiko tichigona kuva nechivimbo chokuti kununurwa kwakadeya kutaurwa kwava pedyo zvikuru? (b) Kununurwa kuchava kwokubva muchii nokupinda muchii?
16 Nguva yaMwari yokuunza kununura yava pedyo zvikuru! Zvimiro nezvinoitika izvo Jesu akadeya kutaura sechiratidzo chokuvapo kwake nechemhedziso yetsika yezvinhu zvinooneka zvakajeka. Mativi echiratidzo ichocho akatanga kuoneka anopfuura makore 75 apfuura, uye Jesu akataura kuti “chizvarwa ichi” hachisati chaizotongopfuura kuita kwaMwari rutongeso panyika ino isina umwari kusati kwaitika. Apo Jehovha anosarudza kuti shoko roUmambo raziviswa kusvikira kutambanuko yakakwana mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose, ipapo mugumo wenyika ino yakaipa uchauya, uye naikoku kuchauya kununurwa kwavanhu vokuzvipira kwoumwari. (Mateo 24:3-34; Ruka 21:28-33) Kununurwa muchii? Mumiedzo yavakafanira kutambura pamaoko avakaipa, uye mumigariro yave iri manyuko enhamo zuva nezuva kwavari savadi vokururama. Kuchavawo kununurwa ndokupinda munyika itsva umo chirwere uye rufu zvichava zvinhu zvomunguva yakapfuura.
Betsero Youmwari Nokununurwa Mumurangariro
17. (a) Mubvunzoi wakakomba watinofanira kuzvibvunza timene? (b) Tinogona sei kupa ufakazi hwokuti, kufanana naNoa, tinosundwa “norutyo rwoumwari”?
17 Mubvunzo uyo isu somunhu mumwe nomumwe tinofanira kurangarira ndouyu, ‘Ndakagadzirira nokuda kwechiito ichocho chaMwari here?’ Kana tichizvivimba timene kana kuti murangariro wedu timene wokururama, hatina kugadzirira. Asi kana, kufanana naNoa, tichisundwa no“rutyo rwoumwari,” ipapo tiri kugamuchira nokutenda nhungamiro iyo Jehovha anotipa, uye ikoku kuchatungamirira kukununurwa kwedu.—VaHebheru 11:7.
18. Neiko kudzidza ruremekedzo rwapachokwadi nokuda kwechiremera choubati ushe hwoumwari ruri rutivi runokosha rwokugadzirira kwedu kununurwa ndokupinda munyika itsva?
18 Richirondedzera zvakaisvonaka avo vanofarikanya dziviriro iyo Jehovha anopa kunyange zvino, Pisarema 91:1, 2 rinoti: “Uyo ugere panzvimbo yokuvanda yoWokumusorosoro ucharambira pamumvuri woWamasimba ose. Ndichati pamusoro paJehovha: ‘Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Iye Mwari wangu, wandinovimba naye.’” Herino boka ravanhu rinotaviridzwa naMwari kufanana navaduku pasi pamapapiro ane simba eshiri mubereki. Chivimbo chavo chakazara chiri muna Jehovha. Ivo vanobvuma kuti ndiye Wokumusorosoro, waMasimba Ose. Somuuyo, vanoremekedza chiremera choubati ushe hwoumwari ndokuzviisa vamene pasi pacho, chingava chichishandiswa navabereki kana kuti no“muranda akatendeka nowakachenjera.” (Mateo 24:45-47, NW) Ikoko ndokwechokwadi nezvedu somunhu mumwe nomumwe here? Kufanana naNoa, tiri kudzidza kuita ‘zvose izvo Jehovha anotiraira’ uye kuita zvinhu nenzira yake here? (Genesi 6:22) Kana zvakadaro, tiri kugamuchira gadziriro iyo Jehovha ari kutipa nokuda kwokununurwa ndokupinda munyika itsva yake yakarurama.
19. (a) Chii chiri mwoyo wedu wokufananidzira, uye nei kuchikosha kuti tiupe ngwariro? (Zvirevo 4:23) (b) Tinogona sei kubetserwa nomuenzaniso waRoti pamusoro pokuita kwedu kuzvinonyengera zvenyika?
19 Gadziriro iyoyo inobatanidzawo kupa ngwariro kumwoyo wedu wokufananidzira. “Jehovha ndiye munzveri womwoyo.” (Zvirevo 17:3, NW) Anotibetsera kuziva kuti hachisati chiri chatinoratidzika kuva kunze chinokosha asi, panzvimbo pezvo, munhu womukati, mwoyo. Nepo tisingapindi mumasimba masimba kana kuti utere kufanana nenyika yakatipoteredza, tinofanira kungwarira kunyengerwa kana kuti kuvaraidzwa nezvinhu izvi. Kufanana naRoti, tinofanira kunzwa tichitambudzwa nokuvapo chaiko kwamabasa akadaro okusateerera mutemo. Avo vanovenga chiri chakashata havasati vachizova vachitsvaka nzira dzokupinda machiri; bva, vanhu vasingachivengi vangachirega nomuviri nepo mumurangariro vachishuva kuti kudai vaigona kugoverana. “Haiwa imi vadi vaJehovha, vengai chiri chakashata.”—Pisarema 97:10, NW.
20. (a) Munzirai umo Bhaibheri rinotinyevera pamusoro penzira yokudisa zvenyika youpenyu? (b) Tinogona sei kuziva kana zvidzidzo zvinokosha zveBhaibheri pamusoro pokudisa zvenyika zvakasimba mumwoyo wedu?
20 Jehovha norudo ari kutidzidzisa kudzivisa kwete bedzi mufambiro woutere wakashata asiwo nzira yokudisa zvenyika youpenyu. ‘Gutsikana nezvokudya nezvokufuka,’ Shoko rake rinopa zano richidaro. (1 Timotio 6:8) Noa navanakomana vake vaitofanira kusiya misha yavo apo vakapinda muareka. Roti nemhuri yakewo, vaitofanira kusiya musha nezvinhu kuti vaponese upenyu hwavo. Ndokupi kwatakaisa zvidakadaka zvedu? “Rangarirai mukadzi waRoti.” (Ruka 17:32) Jesu akakurudzira kuti: “Rambai, ipapo, muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.” (Mateo 6:33, NW) Tiri kuita izvozvo here? Kana mipimo yakarurama yaJehovha ichititungamirira uye kana kuziviswa kwamashoko akanaka oUmambo hwake kuri itiro hanya yokutanga muupenyu hwedu, ipapo tiri, zvirokwazvo, kugamuchira gadziriro yake yavanhu yokununurwa ndokupinda munyika itsva yake.
21. Neiko nenzira yakarurama tichigona kukarira kuti chipikirwa chaJehovha chokununurwa chichakurumidza kuzadzikwa?
21 Kuvanhu vokuzvipira kwoumwari vaizoona chichizadzikwa chiratidzo chokuvapo kwake musimba roUmambo, Jesu akati: “Mirai kuti tote musimudze misoro yenyu, sokuti kusunungurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.” (Ruka 21:28, NW) Wakaona chiratidzo ichocho sezvachakakura muudzame huri hwose here? Ipapo iva nechivimbo kuti kuzadzika kwechipikirwa chaJehouha chokununurwa kwava pedyo zvikuru! Pwiswa zvizere kuti “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo.”—2 Petro 2:9, NW.
Chii Chawadzidza?
◻ Kufanana naRoti, tinofanira kuita sei kunzira yenyika youpenyu?
◻ Roti nemhuri yake vakatarisana nemiedzoi kunyange pavaitiza Sodhoma?
◻ Mienzaniso yakashandiswa naPetro inosimbisa sei kurumidziro yokumira zvakasimba parutivi paJehovha zvino?
◻ Mukugadzirira vanhu vake nokuda kwokununura, zvidzidzoi zvinokosha izvo Jehovha ari kudzidzisa?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vanhu vaMwari vanodzivirirwa naye kufanana neshiri duku pasi pamapapiro ane simba omubereki wadzo