RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 12/8 pp. 29-30
  • Kanganwiro yaMwari Yakakwana Zvakadini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kanganwiro yaMwari Yakakwana Zvakadini?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kubvisa Dzvinyiriro
  • Kudzima Chivi
  • Kubvisa Vara
  • Tsigiro Inobva Kuna Vamwe
  • Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Jehovha, Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Unobatsirwa Sei Nekuregererwa Kwatinoitwa naJehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Kuzvipa Mhosva​—⁠“Ndichenesei Pachivi Changu”
    Dzoka Kuna Jehovha
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 12/8 pp. 29-30

Murangariro weBhaibheri

Kanganwiro yaMwari Yakakwana Zvakadini?

“Ndinonzwa kuti Mwari haasati achizotongokanganwira zvivi zvangu. Haasati achizotongondida nemhaka yezvandakaita.”—Gloria.

GLORIA akanga asina chinetso chokuudza vamwe kuti Jehovha aigona kukanganwira zvivi zvavo.a Asi apo akarangarira zvikanganiso zvake amene, Gloria akanzwa ashurikidzwa. Kanganwiro yaJehovha yairatidzika kuva isingawaniki.

Kuziva chiito chisina kururama kana kuti nzira youpenyu kunogona kutambudza hana. “Ndakaneta nokuchema zuva riri rose,” akanyora kudaro Dhavhidhi pashure pokunge aita chivi. “Simba rangu rakapera chose chose.” (Pisarema 32:3, 4, Today’s English Version; enzanisa nePisarema 51:3.) Nomufaro, Jehovha anofarira kukanganwira chikanganiso. “Anofarira kukanganwira.”—Pisarema 86:5; Ezekieri 33:11.

Zvisinei, Jehovha anoona mwoyo. Kanganwiro yake haina kuvakirwa pamufungowo zvawo. (Eksodho 34:7; 1 Samueri 16:7) Mutadzi anofanira kubvuma pachena chikanganiso chake, kuratidza kuzvidemba kwapachokwadi, uye kuramba nzira yake yakashata sechimwe chinhu chinonyangadza nechinovengwa. (Pisarema 32:5; VaRoma 12:9; 2 VaKorinte 7:11) Ipapo bedzi mutadzi anogona kukanganwirwa ndokuwana “nhambo dzezorodzo” dzinobva kuna Jehovha.—Mabasa 3:19.

Asi kunyange pashure pokupfidza, vamwe vachiri vanonzwa vakashurikidzwa. Vanofanira kutakura musengwa wokuva nemhaka nokusingaperi here? Inyaradzoi inogona kuwanwa muBhaibheri nokuda kwaavo vakapfidza zvivi zvavo ndokuzvisiya shure asi avo vachiri vanonzwa vachitambudzwa pamwoyo?—Pisarema 94:19.

Kubvisa Dzvinyiriro

Achiodzwa mwoyo nemhaka yezvikanganiso zvake, Dhavhidhi akanyengetera kuna Jehovha, kuti: “Tarirai kutambudzika kwangu nokurwadziwa kwangu; mundikanganwire zvivi zvangu zvose.” (Pisarema 25:18) Pano Dhavhidhi akakumbira kuti Jehovha aite zvinopfuura kukanganwira. Akakumbira kuti Jehovha a“kanganwire” zvivi zvake. Ikoku kunoreva kubvisa, kutsungirira, kurega. Chivi chine miuyo yakakomba, uye nenzira isingapanikirwi nokuda kwaDhavhidhi ikoku kwakabatanidza mutwaro wehana inotambudzwa.

Gore rimwe nerimwe vaIsraeri vaiyeuchidzwa muchiono kuti Jehovha aigona kubvisa zvivi zvorudzi rwacho. PaZuva reYananisiro muprista mukuru aiisa maoko ake pambudzi, aireurura zvivi zvavanhu pairi, uye ipapo kudzingira kure mbudzi murenje. Munhu upi noupi aivapo aigona kuona muchiono kubviswa kwezvivi zvorudzi.—Revhitiko 16:20-22.

Vanhu vamwe navamwe vakapfidza zvivi zvavo naizvozvo vanogona kunyaradzwa. Zviito zveZuva reYananisiro zvakadeya kufananidzira gadziriro huru zvikuru yokubvisa chivi—chibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu. Isaya akanyora nenzira youporofita nezvaJesu, kuti: “Wakatakura zvivi zvavazhinji.” (Isaya 53:12) Nokudaro, zvivi zvomunguva yakapfuura hazvifaniri kuremedza hana. Asi Jehovha acharangarira izvi zvivi panguva yapashure here?

Kudzima Chivi

Mumunyengetero wake womuenzaniso, Jesu akati: “Mutikanganwirei mhosva dzedu.” (Mateo 6:12) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kanganwira” chimiro chechiito chinoreva “kurega chichienda.” Nokudaro, kanganwiro yechivi inofananidzwa nokurega chichienda, kana kuti kudzima, chivi.—Enzanisa naMateo 18:23-35.

Petro akakudziridza pana ikoku apo akataura, kuti: “Pfidzai, naizvozvo, uye tendeukai kuti zvivi zvenyu zvibviswe.” (Mabasa 3:19, NW) “Zvibviswe” kunoreva kuparadza, kana kuti kudzima. Kunokarakadza kudzimwa kwechinyorwa chakanyorwa, kudzima zvikanganiso zvakare.—Enzanisa naVaKorose 2:13, 14.

Naizvozvo, avo vakapfidza vanofanira kusatya kuti Mwari achada muripo wechikanganiso chaakadzima. Iye anotaura, kuti: “Handicharangariri zvivi zvako.” (Isaya 43:25; VaRoma 4:7, 8) Ikoku kunorevei nokuda kwomuiti wechivi anopfidza?

Kubvisa Vara

Kupfurikidza nomuporofita Isaya, Jehovha akataura, kuti: “Kunyange zvivi zvenyu zvakaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.”—Isaya 1:18.

Nhamburiko dzokubvisa vara rakakura pachipfeko dzinowanzova dzinokundikana. Pakuedza kwakanakisisa vara racho rinodzimaidzika asi kwete zvokusatongooneka. Kunonyaradza sei kuti Jehovha anogona kutora zvivi zviri kupenya senguwo yakatsvuka kana kuti zvakatsvukuruka zvikuru uye kuita kuti zvive zvakachena sechando.—Enzanisa nePisarema 51:7.

Nokudaro, muiti wechivi anopfidza haafaniri kunzwa kuti ane vara kwoupenyu hwake hwose. Jehovha haasati achingoita bedzi kuti zvikanganiso zvioneke zvishoma, achiparira munhu anopfidza kurarama munyadzi dzisingaperi.—Enzanisa naMabasa 22:16.

Tsigiro Inobva Kuna Vamwe

Kunyange zvazvo Jehovha achibvisa dzvinyiriro yacho, achidzima chikanganiso, uye achibvisa vara rechivi, munhu anopfidza anganzwazve pane dzimwe nguva achikurirwa nokuzvidemba. Pauro akanyora pamusoro pomuiti wechakaipa anopfidza aiva muungano paKorinte akakanganwirwa naMwari asi aigona kuve aka“odzwa mwoyo neshungu huru [“kusuruvara zvikuru zvokurega chose chose,” TEV].”—2 VaKorinte 2:7.

Munhu uyu aigona sei kubetserwa? Pauro anopfuurira kuti: “Ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti musimbise rudo rwenyu kwaari.” (2 VaKorinte 2:8) Shoko iro Pauro akashandisa nokuda kwo“kusimbisa” ishoko rapamutemo rinoreva “kuroverera.” Hungu, vanhu vanopfidza vane kanganwiro yaJehovha vanodawo simbiso, kana kuri simbisiro yetendero, inobva kumaKristu biyawo.

Nenzira inonzwisisika, ikoku kungatora nguva. Munhu anopfidza anofanira kurarama zvakarurama kuti abvise kuyeukwa kworuzvidzo rwechivi chake ndokuumba chinyorwa chinopwisa chokururama. Anofanira kutsungirira nenzira yokushivirira kunzwa kwomunhu upi noupi akatapurwa somunhu oga nezvikanganiso zvake zvakapfuura. Munguvayi, angava nechivimbo chekanganwiro yakakwana yaJehovha, sezvakanga zvakaita Dhavhidhi: “Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo wakabvisa [Jehovha] kudarika kwedu kwose kure nesu.”—Pisarema 103:12.

[Mashoko Omuzasi]

a Zita rakachinjwa.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 29]

Return of the Prodigal Son wakaitwa naRembrandt: Scala/Art Resource, N.Y.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe