Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndiani Anogona Kundibetsera Kupedza Zvinetso Zvangu?
“MUNHU unoberekerwa nhamo.” Akataura kudaro mumwe murume aitambudzika anonzi Jobho zviuru zvinenge zvina zvamakore zvakapfuura. (Jobho 5:7) Upenyu hwako zvimwe hahusati huchitongova hwokutambura sohwaJobho. Asi pasina panikiro une zvinetso zvako zvakawanda nezvitambudzo.
Apo rimwe boka repwere dzeAmerica rakabvunzwa kuti, “Chii chinokunetsai zvikurusa?” zhinji dzakadudza chikoro, vabereki, mari, shamwari, uye vakoma navanun’una samanyuko efunganyo. Zvakadiniko newe? Unonangana nedzvinyiriro yavaenzani, funganyo dzemari, kana kuti zvinetso zvokuchikoro here? Uri kukuwana kwakaoma kugonana nezvinetso zvomuviri nendangariro zvokukura here? Unonetseka pamusoro penguva yako yemberi here?
Nezvinetso zvose izvi mumusoro mako, kuri nyore kuremerwa ndokuodzwa mwoyo. Kutaura idi, kana ukachengeta funganyo dzakadaro kwauri umene, ungazviwana umene wakaparadzana mumurangariro navamwe. (Enzanisa naZvirevo 18:1.) Ipapoka, unofanira kuitei pamusoro pokupedza zvinetso zvomunhu oga? Unofanira zvomenemene kunangana nazvo uri woga here?
Aiwa, nemhaka yokuti zvinetso zvako—kunyange zvazvo zvingaratidzika kuva zvakakura—hazvisi zvechienzi. Pashure pokusanonzvera mufambiro wavanhu, Mambo akachenjera Soromoni akagumisa kuti “hapana chitsva pasi pezuva.” (Muparidzi 1:9) Hungu, vamwe vakanangana ndokupedza nokubudirira zvinetso zvakangofanana nezvako. Naizvozvo haufaniri nguva dzose kugadziridza zvinhu iwe umene; pane dzimwe nguva unogona kuwana betsero kune mumwe munhu akatoita saizvozvo. Pashure pokurangarira zvose, kana wakange uchifamba kunzvimbo yausingazivi, hausati here waizoedza kuwana nhungamiro kune mumwe munhu akatosvika ikoko? Mubvunzo ndowokuti, Ndikunaani kwaunofanira kutendeukira nokuda kwebetsero yakadaro?
Vaenzani—Manyuko Akanakisisa Ezano Here?
Pwere dzakawanda dzinosarudza kugoverana zvinetso zvadzo navaenzani vadzo. “Pane dzimwe nguva ndinofunga kuti dzimwe dzechinjo dzandiri kupfuura nomadziri ndedzechienzi,” anotsanangura kudaro Anita muduku. “Ndinorangarira kuti, ‘Munhu upi noupi anopfuura nomuna ikoku here?’ Ndinozvibvunza ndimene kana ndiri fuza nokuda kwokunzwa neiyi nzira.” Ungarangarira kuti mumwe munhu wezera rako umene anganzwisisa kunzwa kwako uye kuti munhu akura—zvikurukuru mubereki—angava anonyanya kutongera, kana kuti anotsoropodza.
Asi nepo vaenzani vako vanganzwisisa, kuva nounyoro, uye kunzwira tsitsi, vangasapa nguva dzose zano rakanakisisa. Sokutsanangura kunoita Bhaibheri, “vanhu vakura . . . vane masimba avo okunzwisisa akarovedzwa kusianisa zvose zviri zviviri chakarurama nechisina kururama.” Sei? Bhaibheri rinopindura, kuti: “Kupfurikidza nokushandisa kwenguva refu,” ndiko kuti, ruzivo rwokuzviwanira! (VaHebheru 5:14; The New English Bible) Vasina ruzivo rwokuzviwanira rwakadaro, vanhu vaduku havana kutongokudziridza “uchenjeri [hwavo] hunoshanda namano okufunga” kusvikira kumwero womunhu akura. (Zvirevo 3:21, NW) Kutetekera zano repwere biyako naizvozvo kune ngozi. Zvirevo 11:14, (NW) inonyevera, kuti: “Apo kunenge kusina nhungamiro younyanzvi, vanhu vanowa.”
Kukosha Kwavabereki Vanotya Mwari
Vanhu vakura kazhinji kazhinji vanokwanisa zviri nani kupa nhungamiro younyanzvi. Jobho akarurama akakutaura neiyi nzira: “Vatana ndivo vakangwara, vanamazuva mazhinji ndivo vanonzwisisa.” (Jobho 12:12) Sezvingabvira, vanhu vanokwaniriswa zvikurusa kukubetsera muna ikoku ndivo vabereki vako vanotya Mwari. Kutanga, vanokuziva zviri nani kupfuura zvinoita munhu upi noupi. Vachiva vakanangana nemimwe yemigariro yezvinetso yakafanana neyaunotarisana nayo zvino, vanogona kuita zvakawanda kukubetsera kudzivisa nhamo. Achitaura somubereki, Soromoni akapa zano, rokuti: “Imi, vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; teererai muzive njere. Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka.”—Zvirevo 4:1, 2.
Rangarira murume muduku wokuGhana anonzi Samuel. Achiri pachikoro chesekondari (chikoro chapamusoro), aifanira kusarudza kupfuurira kuronda dzidzo yokunyika kana kuti basa somushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha. “Sezvo yangu yakanga iri mhuri yakasanobatanidzwa nekurukurirano yakanaka,” iye anotsanangura kudaro, “kwakanga kuri nyore kuvimba navabereki vangu.” Vabereki vaSamueri vakamukuchidzira kubasa renguva yakazara—basa raanopfuurira kuita. Samuel anorumbidza kuti vanhu vaduku vabatanidze vabereki vavo mukupedza zvinetso zvomunhu oga nemhaka yokuti “vane ruzivo rwokuzviwanira zvikuru muupenyu uye vangave vakatarisana nezvinetso zvimwe chetezvo . . . uye vanokwanisa zviri nani kupa murangariro wakajeka wamativi ose ari maviri enhau.”
Nenzira inofadza, mukuwirirana nokunzvera kwazvino uno kweGallup, chiverengero chikuru chepwere chinoda nhungamiro yavabereki—kunyange panhau dzakadai semirimo, chikoro, uye vatano.
‘Havandinzwisisi!’
Nomutoo unosuruvarisa, kunyange zvakadaro, pwere dzakawanda dzinobva pavabereki vadzo apo dzinopinda mumakore adzo okuyaruka. Dzimwe dzinonzwa nenzira yakafanana nomukomana achiri kuyaruka uyo akati: “Ndakaedza kutaura navabereki vangu pamusoro pokutya kwandinoita pamusoro pamamakisi uye ndinofunga kuti ichi chikoro chakaoma zvikuru, asi vanongondiudza bedzi kuti ndine usimbe uye ndinofanira kufunda zvikuru.” Musikana muduku wechiKristu muAfrica akataura kuitira hanya kwakafanana, achiti: “Mukati mangu makadzika, ndinoziva kuti ndine zvinetso zvomunhu oga zvandinoda betsero, asi ndinotya kuti vabereki vangu havasati vachizondinzwisisa.”
Chokwadika, kunyange vabereki vanotya Mwari vanokanganisa pane dzimwe nguva. Vanganyanyisa kune zvimwe zvinhu, kukundikana kuteerera, kusakunzwisisa zvakanaka, kana kuti kuva vanotongera. Zvisinei, ikoku hakusati kuchireva kuti unofanira kusavarangarira muupenyu hwako. Jesu Kristu akarerwa navabereki vakanga vasina kukwana. Bva, Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu “akavateerera.” Pasina panikiro pesvedzero yavo yakamubetsera kupfuurira “achienda mberi pakuchenjera . . . napakufadza Mwari navanhu.”—Ruka 2:51, 52.
Uri kubetserwa here nouchenjeri noruzivo rwokuzviwanira zvavabereki vako umene? Kana usati, rangarira chinotaurwa mubhuku rinonzi Adolescence, rakanyorwa naEastwood Atwater: “Apo vachiri kuyaruka vanova vanopesvedzerwa zvisiri madikanwa navaenzani vavo, sezvinobvira zvikuru mhaka yokuti chimwe chinhu chiri kushaika muukama hwavabereki navayaruki kupfuura kuti nemhaka yokukwezva kukuru kwavaenzani.” Rudzii rwoukama rwaunarwo navabereki vako? (VaGaratia 6:5) Kungava here kuti wakadzivisa kukurukurirana navo misi ichangobva kupfuura iyi? Ipapo kuregererei kuita zvaunogona kuvandudza zvinhu?a Ikoku rutivi rweizvo Soromoni akaidza kuti kuva “mwanakomana chaiye” kana kuti mwanasikana kuvabereki vako.—Zvirevo 4:3, NW.
Malcolm, pwere yokuGhana zvino inogara muUnited States, yaimbofunga kuti vabereki vayo vaisanzwisisa mirangariro yake. Asi vakapfuurira kumugovera zvose zviri zviviri ruzivo rwavo rwokuzviwanira rwoupenyu nechirango chinobva muShoko raMwari. Mutsamba yemisi ichangobva kupfuura iyi kuvabereki vake, Malcolm akanyora, kuti: “Ndinoziva kuti takava nokusabvumirana kwedu munguva yakapfuura. Asi ndichifunga zvokumashure, ndinoshamiswa nenzira yamakandishivirira nayo nokuoma musoro kwangu ndokugamuchira nounyoro zvimwe zvezvisarudzo zvandakaita. Ndidavirei, ndinoziva zvinoitika mune mimwe misha, uye Bhaibheri chokwadi rakaita musiano [mune wedu]. Ndinokuongai zvakare.”
Zviwanire Umene Uchenjeri Hunoshanda!
Usingatongodzvinyiriri kukura kwako, kugamuchira nhungamiro yavabereki vako kungava nzira yokukurumidza zvikurusa kukukura kwoukuru. Mukufambira mberi kwenguva unogona nenzira yakafanana kukudziridza ‘uchenjeri, zivo, uye mano okufunga.’ (Zvirevo 1:4) Uchashongedzerwa kukamuranisa zvinetso uye kuwana mhedziso dzine mufungo pamusoro penzira yokuzvipedza nayo.
Sezvinobvumwa, hadzisati dziri pwere dzose dzakakomborerwa nokuva navabereki vanotya Mwari. Chingava chikanganiso, kunyange zvakadaro, kugumisa kuti unofanira kuteerera zvishoma kune icho vabereki vako vanotaura nemhaka bedzi yokuti vangasava maKristu. Vachiri vabereki vako, uye vanofanira kukudzwa savakadaro. (VaEfeso 6:1-3) Kunze kwezvo, kana ukavapa banza, ungangowana bedzi kuti vane zvakawanda zvokugovera munzira yezano rinoshanda. Apo unoda nhungamiro yomudzimu, edza kuvimba nomutezo unovimbwa nawo weungano yechiKristu. Ikoko kunofanira kusava kwakaoma kuwana munhu akura anotya Mwari achateerera nokudisa, nomwoyo unonzwisisa nounonzwira tsitsi.
Yeukawo kuti mudzimu waJehovha manyuko asingaperi ebetsero nesimba nokuda kwaavo vanoukumbira. (Ruka 11:13) Jehovha akagoverawo pfuma yamashoko anowanika kwauri muBhaibheri uye muzvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri zveWatch Tower Society. Chokwadika, iyi nhevedzano imene yakabetsera zviuru zvepwere kuwana mhinduro dzinoshanda kuzvinetso zvadzo! Kupfurikidza nokudzidza kutsvaka nokunzvera, ungakwanisa kupedza zvinetso zvakawanda pachako.—Zvirevo 2:4.
Chokwadika, kuwana zvinetso rutivi rwoupenyu. Asi kunobetsera kuva nomurangariro wakanaka uyo waiva nowezvamapisarema. Iye akanyora, kuti: “Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike; kuti ndidzidze mitemo yenyu.” (Pisarema 119:71) Hungu, kupedza zvinetso kunogona kukuumba nokukurovedza. Asi haufaniri kutarisana nazvo zvose woga. Wana betsero. Kazhinji kazhinji iripo kuti nokuda kwavanobvunza.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwechiverengero chezvikarakadzo zvinobetsera muna ikoku, ona ganhuro 2 rebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kugamuchira nhungamiro yavabereki kungava nzira yokukurumidza zvikurusa kukukura kwoukuru