RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 1/8 pp. 30-32
  • Upenyu Huviri Ndiani Anofanira Kuziva?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Huviri Ndiani Anofanira Kuziva?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kurangarira Kusina Kururama
  • Hapana Chakavanzika
  • Manzwire Anoita Jehovha
  • Vabereki Vanokuvadzwa
  • Upenyu Huviri—Ndiani Anofanira Kuzviziva?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndinogona Sei Kusununguka Muupenyu Huviri?
    Mukai!—1994
  • Rarama Upenyu Huviri—Kwokona Nei?
    Mukai!—1994
  • Neiko Vabereki Vangu Vasingandinzwisisi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 1/8 pp. 30-32

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Upenyu Huviri Ndiani Anofanira Kuziva?

“Amai naBaba vakanga vachienda neni kumisangano yechiKristu, uye ndaiziva chakanaka nechakashata,” anobvuma kudaro Robert. “Asi ndaida kudiwa uye kugamuchirwa navamwe vana pachikoro. Naizvozvo kuti ndiwirirane navo uye kuva anodiwa, ndakatanga kusvuta ndiri mugiredhi rechitanhatu. Mugiredhi rechinomwe, ndakatanga kushandisa LSD uye kusvuta mbanje. Mugiredhi rechisere, ndakavamba kuzvibaya jekiseni romurimo unonzi speed. Ndainyengera munhu ari wose—asi ndakanga ndichitambura.”

PWERE zhinji nhasi—kubatanidza dzimwe dzinorerwa navabereki vechiKristu—dzinorarama upenyu huviri. Havasi vose vanova vashandisi vemirimo, sezvakaita Robert. Asi zvisingazivikanwi navabereki vavo, dzimwe pwere dzinoronga pachivande mivhakacho, kunwa, kupfeka zvipfeko zvisina kurovedzeka, kuteerera nziyo dzoupengo, kupinda mapati akashata oruzha, uye kupinda mumimwe mibato yakawanda iyo isingatenderwi kana kuti inorambidzwa navabereki vavo. Uri kutevera rudzi rwoupenyu rwakadaro iwe umene here?

Kana kwakadaro, sezvingabvira unoziva kuti chauri kuita chakashata. Kufanana naRobert, ungatotambura marwadzo ehana ine mhaka. (VaRoma 2:15) Zvakare, mufungo wokuwadzanyura zviito zvako zvisina kururama kuvabereki vako hausati uri unofadza. Uye apo unorangarira miuyo inobvira, kutaura kwokuti ‘Izvo vabereki vangu vasingazivi hazvisati zvichizovakuvadza’ kungaratidzika kuva kune mufungo. Asi kunogona kukukuvadza iwe.

Kurangarira Kusina Kururama

Unganzwa, somuenzaniso, kuti une nyunyuto dzapamaruramiro pamusoro penzira inoita nayo zvinhu vabereki vako. Zvichida unodaro. Asi kunyange padzimwe nguva vangava vanonyanyoraira nokusarangarira, vasingakurukurirani, kana kuti vanoshusha, ikoko kunoruramisa kusateerera kunopfuuridzirwa here? Kwete mukuwirirana neShoko raMwari, rinopa zano, kuti: “Teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti ndizvo zvakanaka munaShe.” (VaKorose 3:20) Uye zvakadiniko kana uchinzwa kuti une chikonzero chakanaka chokuva unotsamwira vabereki vako? Kunoita mufungo here kuratidzira kutsamwa ikoko kupfurikidza nokuputsa mipimo inopiwa naMwari? Zvamazvirokwazvo, ipapoka ungave uchiita sokunge kuti waiva waka“tsamwira Jehovha.” (Zvirevo 19:3) Chinhu chakarurama chokuita chingava kusvika vabereki vako ndokukurukura nomutoo wokudzikama navo zvigumbu zvipi nezvipi zvaunazvo.—Zvirevo 15:22.

Chikanganiso chinoenzanirana ndiko kudavira kuti kupfurikidza nokuramba wakanyarara unodzivirira vabereki vako kubva kukangaidziko yepfungwa. Mumwe mukomana wamakore 16 akati: “Ndaisataura pamusoro pechimwe chinhu chinoodza mwoyo [vabereki vangu].” Zvakare, kurangarira kwakadaro kunonyengera hakuzi chimwe chinhu kunze kwokuzvinyengedza umene. Seizvo Bhaibheri rinokutaura, chiito chomumwe munhu ano“zvibata kumeso kwake, achiti zvakaipa zvake hazvingazivikanwi zvikavengwa.” (Pisarema 36:2) Apo unoitira hanya chaizvoizvo pamusoro pokunzwa kwavabereki vako, unodzivisa kusateerera pakutanga. Kunze kwezvo, kuedza kupi nokupi kwokuvavanzira zvinhu zvichida kuchabvumikisa kuva kusina maturo, nokuti pasina panikiro vamwe vanotoziva pamusoro poupenyu hwako hwakavanzika.

Hapana Chakavanzika

VaIsraeri vekare vakawana ikoku apo vakaedza kudzivisa chirango kupfurikidza nokuvanza kutadza kwavo. Muporofita Isaya akanyevera, kuti: “Vane nhamo vanotsvaka kuvanzira Jehovha mano avo pakadzika, mabasa avo ari murima, vachiti: ‘Ndiani unotiona, ndiani unotiziva?’” (Isaya 29:15) VaIsraeri vakakanganwa kuti Mwari akaona zviito zvavo zvokusazvibata. Munguva yakafanira, akavashevedza kuzozvidavirira nokuda kwezvikanganiso zvavo.

Kumwe cheteko kwakabvumikisa kuva kwechokwadi nokuda kwamamwe maKristu muungano yomuzana rokutanga ramakore. Zviravire umene pana Mabasa 5:1-11 nhauro pamusoro paAnaniasi nomudzimai wake, Safira. Apo mari chaiyo yakasarudzwa kutarisira maKristu anoshaiwa, Ananiasi akatengesa munda uye noushingi akataura kuti akanga achipira mari yose yomutengo wawo. Muuchokwadi, kunyanguvezvo, Ananiasi akanga a“zvikamurira zvimwe pamutengo” nokuda kwemhindu yake amene. Mwari akanyengedzwa nouku kuedzesera kworupo here? Nyangwe napaduku hapo. “Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kuna Mwari,” akadaro muapostora Petro. “Ananiasi wakati achinzwa mashoko iwayo, akawira pasi, akabudisa mweya wake.” Safira, uyo akanga ari mukumbaniri muchakashata, akawira pasi nokukurumidza pashure paikoko. Vose vari vaviri vakakanganwa kuti Mwari, “unoziva zvakavanzika zvomwoyo.”—Pisarema 44:21.

Kufanana nanhasi, kunyange uri kubudirira kuvanzira vabereki vako mufambiro usakarurama, haungagoni kuvanzira meso anoona aJehovha Mwari mufambiro usakarurama wakadaro. “Hakune chisikwa chisingaonekwi naye,” anodaro VaHebheru 4:13, “asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.” Sezvinobvira unganzwa wakaratidzirwa kupfuura ikoko here? Uye pashure penguva yakati zvivi zvako zvakavanzwa zvichazivikanwawo kuvamwe. Zvirevo 20:11 inoti: “Kunyange nomwanakomana unozvizivisa nezvaanoita, kana basa rake rakanaka, kana rakarurama.” Chimwe chirevo chinoti: “Unofukidza kudarika kwake, haangavi nomufaro.”—Zvirevo 28:13.

Mukadzi muduku anonzi Tammy akadzidza ikoku sepwere. Kunyange zvazvo akarerwa navabereki vechiKristu, akavamba kusvuta, kunwa, uye kuronga muvhakacho naasingatendi. Tammy akaedza zvakasimba kuchengeta zvakaipa zvake zvakavanzika, asi anoyeuka, kuti: “Vabereki vangu vakacherekedza chinjo mandiri. Ndakava anopanduka ndokukudziridza chimiro chendangariro chokuzvimirira. Apo munhu anenge achirarama upenyu huviri, kuchatozikanwa bedzi paimwe nguva. Nokuda kwangu, kwaiva nokukurumidza. Baba vangu vakandibata ndichisangana nomukomana wangu pachikoro chiri pedyopo.”

Manzwire Anoita Jehovha

Naizvozvo, zvisingazivi vabereki vako zvinogona—uye sezvingabvira zvichavakuvadza—munguva yakafanira. Chinotokosha zvikurusa, wati wambozvibvunza here umene kuti, ‘Jehovha anonzwa sei pamusoro paavo vanorarama mukuwirirana nenhema?’ Pisarema 5:5, 6 inopindura, kuti: ‘Munovenga vose vanoita zvakaipa. Muchaparadza vanoreva nhema; Jehovha unosema munhu unoteura ropa nounonyengera.’ Usazvinyengera umene mukufunga kuti unogona kufupa Mwari kupfurikidza nokungopfeka kuedzesera kwokuzvipira apo unopinda misangano yorudzidziso. Anoziva apo vanhu ‘vanomukudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure naye.’—Marko 7:6.

Pwere inonzi Ricardo, iyo yakabatanidzwa mumufambiro usakachena wevatano, nokudaro yakabvuma, kuti: “Munhu ane kunzwa kwakashata apo anoziva kuti akarwadzisa Jehovha.” Asi kunobvira chaizvoizvo kurwadzisa Jehovha here—ndiko kuti, kumuita kuti anzwe akuvadzwa? Zvamazvirokwazvo kunobvira! Apo rudzi rwakare rwaIsraeri rwakasiya Mutemo waMwari, “vakarwadzisa kunyange Mutsvene waIsraeri.” (Pisarema 78:41, NW) Anofanira kuva anorwadziwa sei nhasi apo pwere dzinorerwa “pakuranga nokuraira kwaShe” dzinoita zvinhu zvakaipa pachivande!—VaEfeso 6:4.

Vabereki Vanokuvadzwa

Rangarira, ipapoka, kuti haugoni kuramba wakavanzika nokusingaperi. Une mhaka kuna Mwari, kuvabereki vako, kwauri umene kutaura chokwadi uye ndokubvuma izvo zvave zvichiitika muchivande. Sezvinobvumwa, ikoku kungaguma nokukwenudzwa uye miuyo inorwadza. (VaHebheru 12:10, 11) Kana wakapfuuridzira mutoo wokureva nhema nokunyengera, wakanetesa chivimbo chavabereki vako mauri. Naizvozvo usashamiswa kana vakakuganhurira zvikuru kupfuura kare. Tammy anoyeuka, kuti: “Pashure pokunge ndabatwa ndiine mukomana wangu, baba vangu vakakatyamadzwa. Zvino vakaziva kuti ndaisagona kuvimbwa. Kwakareva kuramba ndichirindwa nguva dzose.” Asi Tammy akaziva kuti akanga achikohwa bedzi icho akanga adyara.—VaGaratia 6:7.

Unogona kukarira vabereki vakowo kukuvadzwa uye kutsamwa. Zita ravo nomukurumbira zvashatiswa. (Enzanisa naGenesi 34:30.) Kana baba vako vari mumwe weZvapupu zvaJehovha, sezvinobvira vangatofanira kurega dzimwe dzeropafadzo dzavo dzeungano. (Tito 1:5-7) Hungu, seizvo Zvirevo 17:25 inotaura, pwere inopanduka inogona ku“chemedza baba vake, unoitira mai vakamubereka zvinovava.”

Munyori Joy P. Gage anotsanangura nomutoo wakajeka manzwire anoita vamwe vabereki apo mwana anopanduka. Anoti: “Vamwe vanochema chinyararire. Vamwe vanochema nomutoo usingadzoreki. Vamwe vanochema zvakavanzika. Vanochema nokuda kwenguva yakapfuura yavo. Vanochema nokuti kamwe kamwe hapachina nguva yemberi. Vanochema nokuda kwechingadai chakaitika. Vanochema chaizvoizvo nokuda kwezvazvichava. Vanochema nokuda kwehasha. Vanochema nokuda kwokukangaidzwa.” Nomutoo unonzwisisika, hakusati kuchizova nyore kutarisana uchinge waparira kurwadziwa kwakadaro kuvanhu vaviri vanokuda kupfuura zvinoita munhu upi noupi ari munyika. Tammy anotaura, kuti: “Ndinotarira shure ndokushuva kudai ndisina kuparira kusuruvara kwakadaro kuna baba naamai vangu.”

Zvisinei, haugoni kudzokera ndokubvisa zvakapfuura. Uye pasina panikiro sezvakuchava kunorwadza nokwakaoma, une musengwa wokuedza kururamisa zvinhu. (Enzanisa naIsaya 1:18.) Ikoko kunoreva kuudza vabereki vako zvokwadi, kubvuma kuvadziko yavo nehasha, uchigamuchira chirango chipi nechipi chavanotema. Kutaura kwako zvokwadi kunogona kuva nhano yokutanga mukuunza mufaro kumwoyo yavabereki vako, uye kumwoyo waJehovha Mwari, pamwe chete nokuwana gutsikano yomufaro yehana yakachena nokuda kwako.—Zvirevo 27:11; 2 VaKorinte 4:2.

Asi uchaita sei pamusoro pokuudza vabereki vako? Unogona sei kupukunyuka kurarama upenyu huviri? Iyi mibvunzo ichakurukurwa muchinyorwa chedu chinotevera.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kutaura zvokwadi kunogona kuunza sununguko kwauri nokuvabereki vako

Zvapupu zvaJehovha isangano renyika yose ravanopfuura vadzidzi veBhaibheri vana mamirioni mana avo vakazvipira kubetsera vanhu kudzidza zvakawanda pamusoro pamadonzo aMwari. Kana uchida kuva namamwe mashoko kana kuti fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota nyorera Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, kana kuti kero yakakodzera yakarongwa papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe