Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kusununguka Muupenyu Huviri?
“Ndaizvidza chinhu chiri chose chaitaurwa navabereki vangu,” anobvuma kudaro Ann.a “Ndakanga ndichipanduka uye ndakatanga kuvarevera nhema. Ndaivaudza kuti ndakanga ndichienda kundotenga, asika ndakanga ndichienda chaizvoizvo kundoona mukomana.”
ANN akanga achirarama upenyu huviri, uye nokukurumidza akanga achizvidza kwete bedzi vabereki vake asiwo hana yake yakarovedzwa neBhaibheri. Ann, waonaka, muchivande akanga achivatana nomukomana wake. Anoyeuka, kuti: “Ndakaedza kubvisa Jehovha mundangariro mangu chose chose.” Hunyanguvezvo, nokukurumidza akagombedzerwa kutarisana neiri idi chairoiro rakakomba rokuti ‘chipi kana chipi vanhu vari kudyara, ivo vachachekawo ichochi.’ (VaGaratia 6:7) Ann akava nepamuviri. “Ndinoda mwana wangu nomwoyo wangu wose,” anodaro, “asika hapana munhu anotofanira kutambura ikoku. Kwete asina kuroorwa. Kwete oga.”
Munzira yakati wati wambobatwa muupenyu huviri here—uchivanzira zvauri vabereki vako namaKristu biyako? Zvichida uri kungofamba-famba hako neshamwari dzako dzokuchikoro avo unoziva kuti vabereki vako vangasatendera. Kana kuti zvimwe wakatopinda mumufambiro usina kunaka wakakomba zvikuru, wakadai sokusvuta, kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo, kana kuti vatano yapamberi peroorano. Muchinoitika chipi nechipi, sezvakaitika kuna Ann, inongova nguva bedzi migariro yakakomba isati yava muuyo.b
Kunyange zvakadaro, pwere dzakati hadziregi iri idi richitongodzidzivisa panzira yadzo yokupanduka. Dzakafanana nomunhu anozviona amene muchionioni uye “ndokukanganwa pakarepo kuti wakadini iye.” (Jakobho 1:23, 24) Itariro yedu kuti iwe uri worudzi rwakasiana. Zvichida wakatovamba kuzvinzveresesa umene—uye haudi zvaunoona. Unoda kuchinja. Unoona kufanira kwokuchinja. Mubvunzo ndouyu, unochinja sei?
Rupfidzo—Nhano Yokutanga
Kutanga, unofanira kuita chisarudzo chine donzo chokuchinja. Mabasa 3:19 (NW), inokurudzira, kuti: “Pfidzai, naizvozvo, uye tenderukai kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti mwaka yokuzorodza igouya kubva kuna Jehovha.” Zvisinei, rupfidzo runopfuura chiito chokuchenjera. Kupfidza kunoreva ku“zvidemba, kuputsika mwoyo, kana kuti kukwenudzwa, nokuda kweicho munhu aita.” Munyori weBhaibheri Jakobho akaraira, kuti: “Shuwai, mucheme, murire; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nokufara kwenyu dzive shungu. Muzvininipise pamberi pa[Jehovha, NW], agokukudzai.” (Jakobho 4:9, 10) Unogona sei kunzwa urombo pamusoro pechimwe chinhu chawakafarikanya kutozosvikira zvino? Funga pamusoro pamashatire achiri. Funga pamusoro pamagumbusire achakaita Mwari. Funga nezvezvinetso nzira yako yakavanzika yakakuparira nenhema dzawaitofanira kutaura kuti uivanze. Zviyeuchidze umene kuti Mwari anosema muitiro wenyengedzo! (Pisarema 5:6) Kufungisisa pamusoro paaya maidi kunogona kukubetsera kuramba mufambiro usina kururama mose muri muviri muungwaru nomumurangariro.
Kungonzwa urombo bedzi pamusoro pechauri kuita hakuna kukwana, kunyanguvezvo. Rimwe jaya rinonzi Robert, iro rakabatanidzwa mumuitiro wakavanzika wokushandisa zvisina kufanira mirimo, rinobvuma, kuti: “Ndakanzwa urombo. Ndaiziva zvakarurama kubva pane zvisina kururama. Asi, ndakapfuurira kurarama upenyu huviri.” Chiito choushingi nokudaro chinodikanwa! Pana 2 Makoronike 7:14, Mwari akataura kuti kudai vatadzi vaizo“zvininipisa, vakanyengetera nokutsvaka chiso [chake], nokurega nzira dzavo dzakaipa; ipapo [iye amene anga]nzwa kudenga ndichavakanganwira zvivi zvavo.”
‘Kutsvaka chiso chaMwari’ kunoreva kumusvika mumunyengetero, kubvuma chisina kururama chako, uye kukumbira kanganwiro. Ikoku kungasava kuri nyore kuita, asi pasina panikiro uchanzwa wasununguka zvikuru nokuda kwokuve wakaita kudaro. Akataura kudaro wezvamapisarema: “Panguva yandakaramba ndinyerere, mafupa angu akasakara nokuuura kwangu zuva rose. Nokuti ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu masikati nousiku; . . . Ndakakuzivisai chivi changu, handina kuvanza chakaipa changu.”—Pisarema 32:3-5.
Kuudza Vabereki Vako
Mumwe munhuwo zvake anofanira kuziva pamusoro pezvinetso zvako. Asi ndiani? Anobvuma kudaro mumwe achiri kuyaruka anonzi Brian: “Chimwe chezvikanganiso zvangu zvikurusa chakanga chiri chokuenda kune dzinonzi shamwari dzangu nezvinetso zvangu panzvimbo pokuenda kuna amai vangu vechiKristu. Asi ndaitya kukurukura navo nemhaka yamafungire andaiita kuti vaizoita, naizvozvo ndakatendeukira kushamwari dzangu, idzo dzakanditsausirazve kure nezvokwadi.” Usaita chikanganiso chakafanana. Ipa mwoyo wako kuvabereki vako voumwari. (Enzanisa naZvirevo 23:26.) Vanamaruramiro okuziva chawave uchiita. Ganhuro 2 yebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda rine chiverengero chakati chezvikarakadzo pamusoro pamasvikire aungaita vabereki vako muna ikoku.c
Nomutoo womuzvarirwo, havasati vachizofara chaizvoizvo pamusoro pokuva kwako wakavarevera nhema. Asi vabereki nomutoo usingadzivisiki vane chidakadaka chakasimba nokuda kwavana vavo. Munyori Clayton Barbeau anoti: “Havasati vachizokuramba nemhaka yokuti wakaita chikanganiso kana kuti wakapinda murudzi rwakati rwechinetso. Vana vakava nepamuviri, vakabatira hosha inopfuudzwa muvatano, vakatanga chinetso chechinwiwa chinodhaka kana kuti chemirimo kana kuti vakapinda mune imwe nhamo ndokudeya kutaura kuti vabereki vavo vaizoita zvimwe zviito zvakakomba. Asi apo ivo vakanga vaudza vabereki vavo, vakazviwana vamene vachimbundirwa kana kuti vachigumbatirwa, uye vachiudzwa kuti, ‘Eya, uri munhamo chaizvoizvo, uye tichatofanira kuona chatingagona kuita kukubudisa mairi.’” Hungu, apo katyamadzo yokutanga nokutsamwa zvinorasikirwa noukombi, vabereki vazhinjisa vanoedza kuva vanotsigira. Ikoku ndokwechokwadi zvikuru sei apo vabereki vari vanotya Mwari! Itiro hanya yavo huru inofanira kuva, kwete kukunyadzisa kana kuti kukukuvadza, asi kururamisa zvinhu. (Enzanisa naIsaya 1:18.) Muna ikoku vangakugadzirirawo kuti utaure navarume vakuru veungano.—Jakobho 5:14, 15.
Chokwadi, pachava nechirango chakati chakafanirwa chinobva kuvabereki vako chokutsungirira uye zvichida ganhuriro dzakati dzorumano zvikuru. Asi ikoku kunogona zvomenemene kukubetsera kudzivisa kudzokerazve munzira dzako dzekare. Kunze kwezvo, kutaura zvinhu navabereki vako uye kuona itiro hanya yavo yorudo kungasanochinja zvikuru murangariro wako nezvavo. Kutozosvikira zvino, zvichida waiitira pfundepfunde mirau yavo neganhuriro. Anobvuma kudaro mumwe musikana anonzi Paulette: “Kwakaoma kugamuchira zano nenhungamiro zvinopiwa kwatiri navabereki vedu. Asika ndakazoziva kuti izvi ndezvebetsero yedu timene nomufarwa usingaperi.”
Kuchinja Songaniro Dzako
Pwere haiwanzoronda upenyu huviri pachayo imene. Ungatove wakava neboka ravezera rako richikupesvedzera mukupanduka kwako! Kuti udzivise kudzokerazve kuupenyu hwakavanzika, uchafanira kuchinja songaniro dzako. Akataura kudaro wezvamapisarema, kuti: “Handina kugara navanhu venhema, handingafambidzani navanyengeri.” (Pisarema 26:4) Kugura songaniro dzekare hakuziri nyore. Kufanana nowezvamapisarema ungafanira kunyengetera, kuti: “Ndirwirei pamunhu unonyengera usina kururama.” (Pisarema 43:1) Shanda mutsinhirano nouyu munyengetero kupfurikidza nokuudza vasonganiri vako vekare kuti wachinja uye watsunga kuita chiri chakarurama. Panzvimbo pokuva mudzidzi akavanzika waJesu, udza vamwe nezvokutenda kwako. (Enzanisa naJohane 19:38.) Kazhinji kazhinji, vasonganiri vakashata vachakurumidza kutsvaka dzimwe shamwari.
Tevere, unoda kutsiva songaniro dzakashata neshamwari dzinovaka. Kune perevedzo yepwere dzinotya Mwari here? Ipapo funga nezvomuporofita Jeremia, uyo akati: “Handina kugara pakati peungano yavanoseka, kana kufara navo; ndakagara ndiri ndoga nokuda kworuoko rwenyu.” (Jeremia 15:17) Kungava kuri nani kuti ugare uri woga pano kuti urambe wakabatikana nepwere dzichakunetesa mumudzimu. Kazhinji kazhinji, hunyanguvezvo, shamwari chaidzo dzinogona kuwanwa kana ukaita nhamburiko. Tammy, somuenzaniso, akavamba kusonganirana nehama yake iyo yaiva muparidzi weevhangeri wenguva yakazara. “Takava pedyo zvikuru,” anoyeuka kudaro Tammy. “Pamazuva andakanga ndisiri kuchikoro, ndaibuda naye mubasa rokuparidzira. Ikoku kwakandibetsera kuita chinjo muupenyu hwangu.”
Asi “dziviriro hurusa zvikuru,” inodaro imwe pwere yeGermany, “ihana yakanaka, inobva muukama hwapedyo naJehovha Mwari.” Mumwe musikana muduku akapinda mukurarama upenyu huviri anobvuma, kuti: “Handina kutongotanga ukama hwapedyo naBaba vangu, Jehovha.” Kupfurikidza nomunyengetero nefundo yomunhu oga, akavamba kuchinja zvinhu. “Zvino ndine ukama naJehovha uhwo husina munhu angambogona kuhutora,” anotaura kudaro norudado. Iwewo unogona kufarikanya ushamwaridzani hwapedyo hwakadaro naMwari. Achakutungamirira nokukutsigira, kunyange apo unowana kuti kuchinja nzira dzako dzekare kwakaoma. Inodaro Pisarema 37:24 yomuranda akatendeka waMwari, kuti: “Kunyange akawa, haangawiswi chose; nokuti Jehovha unomutsigira noruoko rwake.” Hungu, kupfurikidza nebetsero yaJehovha, unogona kusununguka mukurarama upenyu huviri.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe amazita akachinjwa.
b Ona “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ” nyaya dzinowanikwa muchinyorwa chaJanuary 8, 1994.
c Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]
“Ndakaedza kubvisa Jehovha mundangariro mangu chose chose”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]
Unofanira kuita chisarudzo chine donzo chokuchinja
[Mufananidzo uri papeji 13]
Tsanangurira shamwari dzakodzekare kuti iwe wachinja uye hausati uchizodzikumbanirazve mune chakaipa