Kukamuraniswa Kwenharo
MUKADZI anoda kutaura kunzwa. Murume anoda kupa zvigadzikiso. Mamirioni enharo dzeroorano kupfuura nomunguva angave akava nokunzwika kwakawanda kwakasiana-siana, asi kazhinji kazhinji anguve ari misiano pamisoro mikuru mishomanene. Kunzwisisa murangariro wakasiana womukwanyina wako kana kuti mutoo wekurukurirano kungabetsera kuderedza mwoto unobvira wesango kusvikira kumarasha anopenya muchoto chomusha unofara.
“Usatarisira Upenyu Hwangu!”
Mupimo unogamuchirwa womudzimai anoshusha, anonetsa ungava wechokwadi muchinoitika chavarume vakawanda vanozviwana vamene vaganhurirwa zvakakomba nepangiro, mikumbiro, uye tsoropodzo. Bhaibheri rinobvuma kunzwa kwakadaro, richiti: “Kakavaro dzomudzimai dzakaita sedenga rinodonha rinodzingira munhu kure.” (Zvirevo 19:13, NW) Mudzimai angaita chikumbiro icho murume wake anodzivisa chinyararire nokuda kwezvikonzero zvisingazivikanwi kwaari. Achifunga kuti haana kunzwa, nguva ino anomuzivisa chokuita. Kudzivisa kwake kunova kukukutu. Mudzimai anonetsa here kana kuti murume anotongwa nomukadzi? Kana kuti vanhu vaviri vasina kumbokurukura zvakajeka here?
Mumurangariro womudzimai, anoratidzira zvakanakisisa rudo rwake nokuda kwomurume wake apo anopa pangiro inobetsera. Mumurangariro womurume wake, ari kumuraira uye kuratidza kuti iye haakwanisi. “Musakanganwa bhirifikesi renyu” kwaari kutaura kwokuitira hanya, achiva nechokwadi chokuti iye ane zvaanoda. Kunomuyeuchidza nezvaamai vake vanodanidzira napasuo shure kwake kuti, “Watora ngowani yako here?”
Mudzimai aneta angataura nounyoro kuti, “Munoda kundodya kuhotera madeko here?” achireva chaizvoizvo kuti, “Hamungandiendesi kuzvokudya here? Ndakaneta zvokusagona kubika.” Asi murume wake akazvipira angashandisa nhambo kurumbidza kubika kwake ndokuomerera pakuti iye anosarudza kubika kwake kupfuura kumwe kupi nokupi. Kana kuti angafunga kuti, ‘Ari kuedza kunditonga!’ Munguvayo, mudzimai angataura mupfundepfunde kwaari amene kuti, ‘Ndinofanirirei kukumbira?’
“Haundidi!”
“Anogona sei kufunga izvozvo?” anodaro mumwe murume akangaidzwa, atambudzwa. “Ndinoshanda, ndinogovera mari yokuripira ndyiko dzedu, kunyange kumuunzira maruva pane dzimwe nguva!”
Nepo vanhu vose vachifanira kunzwa vachidiwa, mukadzi ane chinodikanwa chokuvimbiswa avimbiswazve nezvaikoku. Haangatauri hake kudaro zvinonzwika, asi nechomukati anganzwa somutwaro usingadiwi, zvikurukuru apo nhambo yake yokuva kumwedzi ingamuita anzwe akapera mwoyo kwechinguvana. Panhambo dzakadaro murume wake angamusiya, achifunga hake kuti anoda nguva yakati yokuva oga zvake. Angadudzira kushaiwa kwake hupedyo sesimbisiro yorutyo rwake rwakaipisisa—iye haasati achamudazve. Angataura mukutsamwa kwaari, achitsvaka kumugombedzera kumuda nokumutsigira.
“Chii Chaipa, Mudiwa?”
Nzira yomurume yokubata nayo chinetso chinotambudza ingava kutsvaka nzvimbo yakanyarara yokufungisisa pamusoro pacho. Mukadzi angafunga nomutoo wokunzwisisa nhamo yakati ndokuita nomutoo womuzvarirwo kupfurikidza nokuedza kumukurudzira kuti akurukure. Pasinei hapo nechingasanorehwa neidzi nhamburiko, murume angadziwana kuva dzinodzongonyedza nedzinodukupisa. Zvaanobva kuti arangarire chinetso chake, anoringa napapfudzi pake kuti aone mudzimai wake anovimbika achimutevera nomutoo woushingi. Anonzwa inzwi rorudo irero rinopfuurira, kuti: “Mudiwa, uri nani here? Chii chaipa? Ngatitaurei pamusoro pacho.”
Kana pasina mhinduro, mudzimai anganzwa akuvadzika. Apo anova nechinetso, anoda kuchitaura naye. Asi murume waanoda haadi kugoverana kunzwa kwake. “Anofanira kusachandidazve” ingava mhedziso yake. Naizvozvo apo murume asingakariri anobuda mukunyarara kwake, agutsikana nechigadzikiso chaawana, anowanawo, kwete mukwanyina ane rudo anoitira hanya waasina kubatanidza mukutarisirwa kwokupedzwa kwechinetso, asi mudzimai akatsamwa akagadzirira kumudenha nokuda kwokusamubatanidza mukunzwa kwake.
“Hautongonditeereri!”
Pomero inoratidzika kuva isina mufungo. Inoratidzika kwaari kuti zvose zvaanoita nguva dzose ndiko kuteerera. Asi sezvo mudzimai wake anotaura, ane kunzwa kwakajeka kwokuti mashoko ake ari kunzverwa nokukamuraniswa nekomupiyuta inopedza chinetso chamasvomhu. Kunyumwira kwake kunosimbiswa apo, mukati chaimo momutsetse wamashoko, iye anoti: “Eya, unoregerereiko kungo . . . ?”
Apo mudzimai anouya kumurume wake aine chinetso, kazhinji kazhinji zvikuru haasiri kumupomera kana kuti kutsvaka chigadzikiso kwaari. Chaanoda zvikurusa inzeve inonzwira urombo ichanzwa, kwete bedzi maidi okusaitira hanya, asi kunzwa kwake pamusoro pacho. Ipapo anoda, kwete pangiro, asi kushanda kwokunzwa kwake. Ndokusaka varume vakawanda vane vavariro dzakanaka vakanyandura pfundepfunde apo zvose zvavakataura zvakanga zviri: “Mudiwa, haufaniri kunzwa nenzira iyeyo. Hachina kukomba saizvozvo.”
Kazhinji kazhinji, vanhu vanokarira vakwanyina vavo kuva vanoziva zvavari kufunga. “Tave takaroorana kwamakore 25,” mumwe murume akadaro. “Kana asingazivi zvandinoda pakuzosvika zvino, anofanira kusaitira hanya kana kuti haasiri kupa ngwariro.” Mumwe munyori anotaura mubhuku rake pamusoro poukama hweroorano, kuti: “Apo vakwanyina vanosazivisana zvavanoda uye nguva dzose vachitsoropodzana nokuda kwokupotsa banza rechiito chakakodzera, hakushamisi kuti mudzimu worudo nebatira pamwe zvinotsakatika. Munzvimbo yakwo munouya . . . makwikwi, umo mukwanyina mumwe nomumwe anogombedzera mumwe kusvitsa zvinodikanwa zvake.”
“Hauna Mutoro Zvikuru!”
Mudzimai haangataure zvakananga kudaro kumurume wake, asi anogona kukuratidzira nomutoo wakajeka zvikuru muchimiro chake chenzwi. “Neiko manonoka zvikuru?” kungagona kuva kunooneka somukumbiro nokuda kwamashoko. Sezvingabvira zvikuru, hunyanguvezvo, chitarisiko chake chokupomera noruoko rwakabata muchiuno zvinotaura kumurume wake, kuti: “Iwe kakomana kasina mutoro, wandiita kuti ndinetseke. Waregerereiko kuridza runhare? Haurangariri zvikuru! Zvino zvokudya zvashatswa!”
Chokwadika, akarurama pamusoro pezvokudya. Asi kana nharo dzikamuka, ukama hwavo huri pangoziwo here? “Nharo zhinjisa dzinoitika neisati iri mhaka yokuti vanhu vaviri havabvumirani, asi nemhaka yokuti murume anonzwa kuti mukadzi haatenderi murangariro wake kana kuti zvimwe mukadzi haatenderi nzira yaari kutaura nayo kwaari,” anodaro Dr. John Gray.
Vamwe ndevomufungo wokuti pamusha mumwe anofanira kuva akasununguka kutaura izvo munhu anoda asingaganhurirwi. Asi mukurukurirani akanaka anotsvaka kuwana bvumirano ndokuwana rugare, achirangarira kunzwa kwomuteereri. Tingadokuenzanisira kutaura kwakadaro nokupa mukwanyina wako mukombe wemvura inotonhora sokwakasiana nokuipfachaidzira muchiso chake. Tingagona kutaura kuti musiano uri mumataurirwe amashoko.
Kushandisa mashoko aVaKorose 3:12-14 kuchapedza nharo ndokutungamirira kumusha unofadza: “Fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu; muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; [Jehovha, NW] sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo. Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.”
[Mufananidzo uri papeji 25]
Murume ari kudzivirira maidi, mukadzi ari kudzivirira kunzwa