Hatisati Tiri Vezvamashiripiti Kana Kuti vaMwari
SEYAKATAURWA NAMERCY UWASI, NIGERIA
KURWADZA mukati mangu kwakatanga pamasikati anopisa zvikuru, eWest Africa muna March 1992. Ndakanga ndaenda nemhuri yedu kupuroti redu romunda kuti tikohwe mufarinya. Apo taiveko, kurwadza kwakavamba kubanda mudumbu mangu. Pakazosvika nguva yatakadzokera kumba, kurwadza kwakanga kwava kubanda zvikuru. Ndakanga ndichirutsa; ndakava nechinetso chokufema. Kunyange zvazvo kurwadza kwakakuita kuti kundiomere kumira kana kuti kufamba, amai vangu vakakwanisa kundipinza mutekisi, iyo ipapo yakamhanyira kuchipatara chavose chiri pedyopo.
Kuchipatara chiremba akanga ari pabasa akanga ari murume wandakanga ndambopupurira kwaari pamusoro petariro yeBhaibheri. Chiremba akabata dumbu rangu; rakanga razvimba. Akabvunza kana ndakanga ndave ndichibudisa ropa, uye amai vangu vakati hongu ndakanga ndiri kumwedzi.
“Mwanasikana wenyu ane mimba yemwedzi mishanu,” chiremba akataura kudaro. “Chikonzero nei ari kubuda ropa ndechokuti akaedza kubvisa mimba.”
Amai vakapindura, kuti: “Kwete, Chiremba! Haazi rudzi irworwo rwomusikana.”
“Regai kutaura izvozvo. Vasikana mazuva ano vanonyengedza vabereki vavo. Ane mimba.”
Ipapo ndakataura nenzwi guru. Ndakataura kuti ini ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha uye ndakarererwa muimba yechiKristu uye kuti hana yangu yakarovedzwa neBhaibheri yaisazondibvumira kutora rutivi muchiito choutere.
Mukupindura chiremba akati kuna amai vangu: “Amai, ngatisiyei rudzidziso parutivi ndokuva vechokwadi. Ini ndinokuudzai kuti uyu musikana ane mimba yemwedzi mishanu.”
“Muka,” Amai vakataura kudaro kwandiri, “Tava kuenda kune chimwe chipatara.” Sezvatakabva pachivako, ndakagara pasi pauswa ndichichema nemhaka yokuti kurwadza kwakanga kwakomba zvikuru. Amai vakandiendesa kumba nokukurumidza uye vakaudza baba vangu izvo chiremba akanga ataura.
Vakasarudza kundiendesa kuchipatara chikuru zvikuru uye chazvino uno zvikuru, chipatara chinodzidzisa. Ndichienda ikoko, ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andiponese kuti vanhu vagorega kuzvidza zita rake dzvene kupfurikidza nokutaura kuti ini ndakafa somuuyo wemimba isingadikanwi. Ndakataura kuti kana ndikafa, apo chiremba iyeyo aizoona Zvapupu zvaJehovha zvichiuya kuzoparidza kwaari, iye aizoti: ‘Akanga asati ari mumwe wavanhu venyu here akauya pano ane mimba paimwe nguva yakapfuura?’ Ndakanyengeterawo kuti ndigokwanisa kudzoka kuna chiremba iyeyo ndokupupurira kwaari zvakare.
“Achiri Mhandara!”
Pachipatara chikuru zvikuru, kusabvumirana kumwe cheteko kwakaitika muchipatara chokutanga kwakaitikazve; vanachiremba vakafunga kuti ndakanga ndine mimba. Kurwadza kwakanga kwakakasharara. Ndakanga ndichichema. Mumwe chiremba akataura nehasha, achiti: “Ndozvamunoita nguva dzose imi vasikana. Munova nemimba, ipapo munotanga kuridza mhere.”
Vakaita kunzvera kwakati. Munguvayo vakatanga kundibvunza mibvunzo. “Wakaroorwa here?”
“Kwete,” ndakataura kudaro.
“Una makore mangani okukura?”
“Gumi namasere.”
“Une zvikomba zvingani?”
“Handina zvikomba zvipi nezvipi.”
Ipapo chiremba mukuru akavamba kudanidzira kuti, “Unoreveiko? Uri kundizivisa here kuti pamakore 18 ezera hauna zvikomba zvipi nezvipi?” Zvakare, sapachipatara chokutanga, ini ndakatsanangura chimiro changu chechiKristu. Iye ipapo akabvunza kana ndakanga ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ini ndakati hungu. Pashure paikoko, haana kubvunza mumwe mubvunzo.
Kunzvera kwakabvumikisa kuti ini ndakanga ndisina mimba. Amai vakanzwa mumwe wavanachiremba achitaura kuna vamwe, kuti: “Achiri mhandara!” Vanachiremba vakakumbira ruregerero, vachiti: “Hamungagoni kutishora nokuda kwokufunga izvo taita. Tinowana rudzi irworwo rwechinhu kuna vasikana zuva riri rose.” Zvisinei, dambudziko irero rakanga riri bedzi mavambo emiedzo yangu.
‘Iwe Uchaisirwa Ropa’
Kunzvera kweultrasound kwakaratidza bundu guru pane imwe yeNzira yechizvaro. Rakanga rakakura somuchero webhuratifuru duku. Kuvhiya kwakanga kuchidikanwa.
Nomutoo wokusazengurira ndakavaudza kuti ndaisazoisirwa ropa kunyange zvazvo ndaizobvuma mvura dzinotsiva. Vakaomerera kuti ropa rakanga riri madikanwa.
Mumwe wavanachiremba vanodzidzira akanditsiura, achiti: “Zvauri kutaura ndizvo izvo mumwe wemitezo yenyu akataura paimwe nguva yapfuura. Asi apo mugariro wake wakaipa zvikuru, akabvuma kuisirwa ropa.”
“Chinoitika changu chakasiyana,” ndakapindura kudaro, “nokuti hungu wangu ndihungu uye kwete wangu ndikwete. Handisati ndichizotongobvumiranisa perero yangu pane zvisina kufanira.”
Gare gare, vanachiremba vatatu vakasvika parutivi rwomubhedha wangu vachibvunza pamusoro pechimiro changu pamusoro peropa. Ndakatsanangura kuti Bhaibheri rinoti vaKristu vanofanira ku“rega . . . ropa.”—Mabasa 15:20, NW.
“Asi hausati uchizoisirwa nomukanwa mako,” vakataura kudaro. “Uchaisirwa nomutsinga.”
Ndakataura kuti hazvinei nokuti waisirwa nomukanwa kana kuti nomutsinga here, chinongova chinhu chimwe chetecho.
PaChitanhatu, March 14, vhiki rimwe pashure pokunge kurwadza kwatanga, chiremba mukuru wokuvhiya akandinzvera. Akarongwa parudungwe kuita kuvhiyiwa kwangu. Pakazosvika nguva iyoyo kuzvimba kwakasvika muchipfuva changu.
Iye akabvunza, kuti: “Vakuzivisa here kuti uchafanira kuisirwa ropa?”
“Vandiudza kudaro, Chiremba, asi handisati ndichizoisirwa ropa,” ndakapindura kudaro.
“Rega ndikuudze chimwe chinhu,” akapfuurira kudaro. “Ucharigamuchira. Kana usingarigamuchiri, uchafa. PaMuvhuro, pandinouya, kana pasina ropa ragadzirirwa nokuda kwako, handisati ndichizoita kuvhiya. Kana pasina ropa, hapana kuvhiya.”
Iye ipapo akaona bhuku parutivi pomubhedha wangu ndokubvunza, kuti: “Iri iBhaibheri rako here?” Ndakati kwete; asi yakanga iri kopi yangu yaMunhu Mukurusa Ati Amborarama.a Akati ndinofanira kushandisa bhuku kunyengetera kuti ndisafe. Ndakamutsanangurira kuti hatiravi minyengetero yedu mumabhuku. Nguva ipi neipi yatinova nechinetso, tinonyengetera kuna Jehovha zvichibva pamwoyo wedu.
Mukati mamazuva maviri akatevera, vanachiremba navakoti vakaramba vachiuya kuzondigombedzera kubvuma kuisirwa ropa. Vakandiudza kuti ndakanga ndiri muduku zvikuru zvokuti ndife. “Isirwa ropa ndokurarama!” vakataura kudaro.
“Jehovha Ari Kurutivi Rwangu”
Mukati menguva idzodzo dzokutambudzika, ndakarava Pisarema 118, iro rinoti murutivi: “Ndakadanidzira kuna Jehovha pakutambudzika kwangu: Jehovha akandipindura, akandiisa pakafarikana. Jehovha uri kurutivi rwangu; handingatyi; munhu ungandiiteiko?”—Pisarema 118:5, 6.
Pashure pokunge ndafungisisa pamusoro peidzi ndima, kutenda kwangu muna Jehovha kwakasimbiswa. Mangwanani iwawo vabereki vangu vakauya kuchipatara. Ndakavaratidza pisarema irero, uye ivo vakasimbiswawo mukutenda.
Munguvayo, Amai naBaba vakanga vasati vachingotsigira bedzi chisarudzo changu chokusaisirwa ropa asi vakanga vachindinyengeterera. Mitezo inobva kuungano yangu yakaramba ichinyengetera uye ichindikurudzira muMagwaro.
“Hatisati Tiri Vezvamashiripiti”
PaMuvhuro, March 16, mangwanani ayo kuvhiya kwakanga kwarongwa kuti kuitwe, mumwe wavanachiremba akapinda mukamuri mangu ndokundiona ndakabata kadhi rangu reMedical Directive, iro rinotsanangura chimiro changu pamusoro pokuisirwa ropa. Akati, “Chii ichi? Unoreva chaizvoizvo zvawave uchitaura here?”
“Hungu, handisati ndichizoisirwa ropa.”
“Eya,” akadaro, “ikoko kunoreva kuti ticharega kuvhiyiwa kwako. Hapana kuvhiyiwa.”
Ipapo chiremba akaridzira runhare amai vangu ari mukamuri rangu. Vakati: “Akura zvakaringanira kuzvisarudzira amene. Handingagoni kumusarudzira. Anotaura kuti hana yake yakarovedzwa neBhaibheri haisati ichizomubvumira kuisirwa ropa.”
Pana ikoko iye akakandira zvinyorwa zvangu patafura ndokubuda mukamuri. Kwamaawa mashanu hatina kunzwazve chimwe chinhu. Ndakanga ndichirwadziwa uye ndaisagona kudya. Uye kwakanga kusina chimwe chipatara munharaunda.
Ipapo, ndakashamiswa, hwanyanza hwakaunzwa kuti hundiendese kukamuri rokuvhiyira. Ndakanga ndakabatisisa kadhi rangu re“No Blood.” Pakuenda kukamuri rokuvhiyira ndakaona midziyo yokuvhiya nayo iri pamwe chete nehomwe dzeropa. Ndakatanga kuchema zvikurusa ndichitaura kuti handisati ndaizoisirwa ropa. Mumwe wavakoti akataura kuti ndinofanira kudonhedza kadhi pahuriri. Akataura kuti ndaisagona kupinda naro mukamuri rokuvhiyira. Ini ndakataura kuti ndaisazopinda ndisina kadhi uye kuti ndaida kuriratidza kuna chiremba mukuru wokuvhiya. Ipapo mukoti akandibvutira kadhi ndokupinda naro mukamuri rokuvhiyira uye akariratidza kuna chiremba wokuvhiya. Pakarepo chiremba mukuru wokuvhiya navamwe vanachiremba vashanu vakapfeka nguvo dzavo dzokuvhiya vakabudira pandakanga ndiri.
Chiremba mukuru wokuvhiya akanga akashatirwa. Akadana amai vangu, akanongedzera kudumbu rangu, ndokuti kwavari: “Tarirai, Amai. Hatizivi chatichawana mukati make. Kana tichizofanira kuita kucheka kwakawanda, kuchatungamirira kukubuda ropa kwakakomba. Munoda here kuti abude ropa kusvikira afa?”
Mukupindura Amai vakati kwaari: “Chiremba, ndinoziva kuti Jehovha achava nomusikana. Uye achavawo nemi. Ingoitai bedzi zvakanakisisa zvamunogona ndokusiyira zvasara kuna Jehovha.”
Ipapo chiremba akati: “Isu hatisati tiri vezvamashiripiti kana kuti tsamitombo. Tinorarama mukuwirirana nezvatakadzidza. Handigoni kuita uku kuvhiya pasina ropa.”
Amai vangu vakamutetererazve kungoita bedzi zvakanakisisa zvaangagona. Pakupedzisira, akabvuma kuvhiya pasina ropa. Akandibvunza kana ndakanga ndichitya. Mukupindura ndakati: “Handityi rufu, ndinoziva kuti Jehovha uneni.”
“Pfuurira Kubatira Mwari Wako”
Kuvhiya kwakaitwa mukati meawa. Vakandivhura ndokubvisa zibundu nomutoo uri nyore, kuchishamisa vashandi vapachipatara.
Pashure pacho mumwe wavanachiremba akaudza Amai kuti vanachiremba vanodzidzira vanotaura pamusoro pechinoitika changu usiku mudzimba dzavo. Zvino apo Amai kana kuti ini tinoenda kuchipatara ichecho, vanotibata zvakanaka chaizvo.
Mazuva maviri pashure pokuvhiyiwa kwangu, chiremba wokuvhiya akapinda mukamuri rangu, akabvunza kuti ndakadini, ipapo ndokuti: “Unofanira kupfuurira kubatira Mwari wako. Akakubetsera chaizvoizvo.”
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.