Kutarisana Nemamiriro Ezvinhu Anoda Kurumidziro Ezvokurapa
“NDICHAJEKESA; chaunacho ibundu rinouraya. Kana tikasaribvisa nokukurumidza, richakuvadza mimwe mitezo inokosha. Ndicho chikonzero nei ndichirumbidza kudimburwa kwegumbo rako.”
Mashoko achiremba akandirovanya, semataurire edu kuno muPeru, sokuvhunduka. Ndakanga ndine makore 21 bedzi. Mwedzi mumwe izvi zvisati zvaitika ndakanga ndavamba kunzwa kurwadza muibvi rangu rokuruboshwe uye rakarapwa serheumatism. Mukati memazuva mashomanene, zvisinei, ndakanga ndisingagoni kunyange kumira.
Panguva yacho, ndakanga ndichibatira somushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha muAndes nechapakati pePeru. Mushure mokudzoka kutaundi rokumusha kwangu reHuancayo, ndakaperekedzwa namai vangu kudzika kuguta reLima riri pamhenderekedzo yegungwa. Ikoko, pana July 22, 1994, ndakapinda muchipatara checancer chakanakisisa munyika yacho, umo ndakaziva kuti chirwere changu chakanga chichinzi osteosarcoma.
Nhau Yehana
Nokukurumidza ndakaziviswa kuti chipatara chaisaita kuvhiya pasina kushandiswa kweropa. Mumwe chiremba akatoti: “Ndinosarudza kuti ufire kumba pane kuti ufire mumaoko angu.” Asi Dare Rokubata Nechipatara (HLC) romunzvimbomo, boka reZvapupu zvaJehovha zvinosimudzira batira pamwe yechipatara nomurwere, rakapindira nokuda kwangu. Somugumisiro, chiremba mukuru wechipatara chacho akapa mvumo nokuda kwachiremba upi noupi ari pavashandi vake kuti avhiye kana iye aida kugamuchira denho yacho. Mumwe chiremba akanga achidisa, uye ndakagadzirirwa pakarepo nokuda kwekuvhiya.
Ndakanga ndine vashanyi vakawanda kuvhiya kusati kwaitwa. Mumwe muprista, neBhaibheri mumaoko, akauya kuzondiona ndokutaura kuti kurwara kwangu kwakanga kuri chirango chakabva kuna Mwari. Akandikurudzira kuzviyamura ndimene nekurapa kupi nokupi kungaponesa upenyu hwangu. Ndakamuudza kuti ndakanga ndakatsunga kuchengetwa nemurayiro weBhaibheri woku‘rega ropa.’—Mabasa 15:19, 20, 28, 29.
Vakoti vaiuyawo ndokutaura nenzwi rakaderera: “Hupenzi hwakadini, hupenzi hwakadini!” Mapoka avanachiremba akauyawo zvakare. Vakanga vachida kuona jaya rakanga raramba kugamuchira kuisirwa ropa nokuda kwerudzi rwokuvhiya uko vairangarira ropa kuva chinodikanwa. Shanyo dzakakosha zvikurusa kwandiri, zvisinei, dzakanga dziri dziya dzavaKristu biyangu nehama dzokunyama. Vakoti vakaororwa zvikuru neidzi shanyo dzakawanda dzaikurudzira.
Kurapwa Kunobudirira Pasina Ropa
Maminiti mashomanene bedzi ndisati ndavatiswa, ndakanzwa mumwe wevatindivadzi achiti: “Handisati ndichizova nomutoro wezvichaitika!” Asi mumwe mutindivadzi, pamwe chete nachiremba navatungamiriri vapachipatara, vakaremekedza chikumbiro changu chokusagamuchira ropa. Chinhu chakatevera chandakanzwa akanga ari mumwe mutindivadzi achiti: “Samuel, muka. Kuvhiyiwa kwako kwapera.”
Kunyange zvazvo gumbo rangu rose rakanga rabviswa, ndakavamba kunzwa kurwadza kwakakomba apo rakanga riri. Ndakanga ndichida kunyaradza marwadzo kupfurikidza nokutsukuta chidya changu, icho, chokwadika, chakanga chisisipo. Ndakanga ndichitambura chiitiko chechienzi chinozivikanwa sekurwadza kwegumbo richisiripo. Ndainzwa chaizvoizvo kurwadziwa, uye kwakanga kuchirwadza zvikuru, kunyange zvazvo gumbo iro kurwadza kwacho kwairatidzika kuva kunobva rakanga rabviswa.
Tevere, ndakarongerwa kugamuchira kurapwa kwemakemikari. Kuvadziko yapashure yokurapwa uku kurasikirwa nemasero matsvuku nemachena uye maplatelets eropa, ayo anokosha kukugwambisa ropa. Ikoku kwakareva kuti rimwe boka idzva ravanachiremba raifanira kuziviswa nezvokuramba kwangu kugamuchira kuisirwa ropa. Zvakare HLC yakakurukura neavo vane mutoro, uye vanachiremba vakabvuma kurapa pasina ropa.
Kuvadziko dzapashure dzenguva dzose dzakaitika pashure pokurapwa kwemakemikoro—vhudzi rangu rakavamba kudonha uye ndakatambura kusvotwa, kurutsa, uye kuora mwoyo. Ndakanga ndanyeverwawo kuti kwaizova ne35 muzana yengozi yokubuda kweropa muuropi. Hapana zvandaigona kuita kunze kwokubvunza mumwe wavanachiremba chaizondiuraya—cancer yacho kana kuti kurapwa kwemakemikari.
Pashure pacho, vanachiremba vakataura kuti vaisagona kurapa kechipiri nemakemikoro pasina kutanga kurangarira kuwedzera uwandu hweropa nokuisira ropa. Mumwe chiremba akandiudza nehasha kuti kudai aikwanisa, aizondipa hope ndokundipa ropa. Ndakamuudza kuti ndisati ndarega izvozvo zvichiitika, ndaizogumisa chose chose kurapwa kwemakemikoro. Chiremba wacho akaratidzira kuororwa nokumira kwangu kwakasimba.
Ndakabvuma kushandiswa kweerythropoietin kuwedzera uwandu hweropa rangu. Apo yakashandiswa, uwandu hweropa rangu hwakawedzera. Pashure pacho, kushandiswa kwemakemikoro kwakapiwa kwandiri nomutsinga kwenhambo yemazuva anoverengeka. Ndakarara ipapo ndichifunga, ‘Aya ndiwo marapirwe anondipa kurasikirwa kweropa muuropi here?’ Ndinoonga kuti ndakapedza kushandisa mushonga wacho wose pasina migumisiro ine ngwavaira.
Ndisati ndavhiyiwa wakanga uri muitiro wechipatara chacho wokudzinga vanhu kana vasingazogamuchiri kuisirwa ropa. Asi muitiro uyu wakachinja. Kutaura idi, zuva rimwe chetero pashure pokuvhiyiwa kwangu chiremba wangu akaita kumwe kuvhiya pasina kushandisa ropa, uye panguva ino murwere wacho akanga asiri mumwe weZvapupu zvaJehovha! Zvino vanachiremba vakati kuti muchipatara ichocho vari kubatira pamwe neHLC, uye vakabvuma kugamuchira varwere vanoda kuvhiyiwa pasina ropa.
Kuchinjira Kuganhuriro
Chibviro chaapo ndakanga ndiri mwana, ndakanga ndadzidziswa nzira dzaMwari. Ndine chokwadi chokuti ikoku kwakandibetsera kuomerera kuzvitendero zvangu zveBhaibheri mumamiriro ezvinhu ezvokurapwa anoda kurumidziro. Zvisinei, nguva pfupi yapfuura ndave ndichitambudzika kuti ndave ndisingakwanisi kuita zvakawanda sezvandingada mubasa raMwari. Ndakadudza kunzwa kwangu kuna sekuru vangu avo vari murume mukuru wechiKristu. Vakandiyeuchidza kuti kunyange muapostora Pauro akanga ane icho aiti ‘munzwa munyama yake’ uye kuti ichocho chaimudzivisa kubatira Mwari zvizere sezvaaida kuita. Asi Pauro akaita sezvaaigona. (2 VaKorinte 12:7-10) Tsinhiro dzasekuru vangu dzakandibetsera zvikuru.
Nguva pfupi yapfuura ndakaisirwa gumbo rokuisira. Ndinokarira kuti irori richaita kuti kundibvirire kupa rimwe basa guru zvikuru kuna Mwari wedu, Jehovha. Ndinoonga kuti ndakachengeta hana yakanaka mukati memamiriro ezvinhu anoda kurumidziro ezvokurapwa. Ndine chivimbo chokuti kana ndikapfuurira ndakatendeka, Jehovha achanditusa nomuviri wakanaka noupenyu husingaperi muparadhiso yapasi, umo kurwadziwa nokutambura zvichava zvisisimo.—Zvakazarurwa 21:3, 4.—Yakataurwa naSamuel Vila Ugarte.