RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 5/8 pp. 27-29
  • Ndinogona Sei Kuva Mutete?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kuva Mutete?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kunyanyodyisa, Kusarovedza Muviri Zvakakwana
  • Musungo Wokuderedza Zvokurumwa Nenzara
  • Nzira Yakanaka Yokuva Mutete
  • Kuchinja Zvokudya Zvako Namararamire Ako
  • Apo Kuva Mukobvu Kusiri Nani
    Mukai!—1997
  • Ndingaita Sei Kuti Ndive Nemuviri Mutete?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ko Kana Ndichivenga Chitarisiko Changu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Kufutisa Kunoderedzwa Nei?
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 5/8 pp. 27-29

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinogona Sei Kuva Mutete?

“KUVA mukobvu ndicho chinhu chimwe chisingafadzi zvikurusa chingagona kuitika muupenyu hwemukomana achiri kuyaruka.” Akachema kudaro mukomana muduku anonzi Judd. Kana uri mukobvu, ungaziva kunzwa chaiko kwaanoita.

Zvisinei, mafuta omuviri akawandisa anogona kukukuvadza zvikuru kwazvo kupfuura kungoderedza bedzi chitarisiko chako. Kunyanyofuta kunogona kukuisa pangozi yezvinetso zvakawanda zvoutano—zvinetso muzvipfundo, zvirwere zvokufema, uye zvirwere zveshuga, pamwe chete nehosha dzinouraya dzakadai sechirwere chemwoyo nekenza yesusu zvinogona kukutambudza pashure muupenyu.a

Chokwadika, kana une muviri wakati futei, ikoku hakurevi hako kuti unofanira kuva mutete. Vamwe vedu takangogara zvedu nhaka muviri mukobvu; tinoratidzika kuva vakobvu zvikuru kupfuura zvatingafarira kunyange pakurema kwedu kwakakodzera.b Asi kana chiremba wako akaona kuti une mafuta omuviri akawanda kupfuura akanaka nokuda kwoutano, chiverengero chezvimwe zvinhu chingabatanidzwa. Rinodaro bhuku rinonzi The Healthy Adolescent: “Kusashanda zvakanaka kweshwanu dzeguvhu dzakadai serwatata, gurokuro, uye itsvo kwave . . . kuchibatanidzwa nokunyanyofuta muvamwe vanhu.”

Kunyanyodyisa, Kusarovedza Muviri Zvakakwana

Muzvinoitika zvakawanda, kunyanyofuta kunongova bedzi muuyo wetsika dzisina kunaka dzokudya zvokudya zvinovaka muviri uye kushaikwa kwokurovedza muviri. Judd muduku anoyeuka, kuti: “Sezvo amai vangu vaifanira kuenda kubasa kuti vatitsigire, mukoma wangu neni . . . taidya. Taidya mapakiti ezvigodo zvamasiwiti, panguva imwe cheteyo tichinwa soda yaiva mumabhodhoro emarita mairi.” Kunonzwika sokwakarovedzeka here?

Nokuda kwedzimwe pwere, kunyanguvezvo, kudya hakusiri zvikuru kwazvo nokuda kwenzara sezvakuri pamusoro pokugutsa chinodikanwa chezvokudya uye mufaro. Pwere dzakadaro dzinganyanyodyisa munhamburiko yakaipa yokuderedza funganyo, zvakadai sechatanuro yavabereki, rufu rwomudikani, kana kuti imwe nhamo yakati.

Chinetso chokunyanyodyisa kazhinji kazhinji chinowedzerwa nekushaikwa kwerovedzo yomuviri. A Parent’s Guide to Eating Disorders and Obesity, rinoti: “Terevhizheni haidi bedzi kusashanda kwomuviri, asi zviri mukati mepurogiramu yayo nezviziviso zvinosimudzirawo kudya. . . uye kudya . . . uye kudyisa.”

Musungo Wokuderedza Zvokurumwa Nenzara

Vamwe vanoti muAmerica mumwe pavana vanavari vose vari pakuderedza zvokudya kworudzi rwakati. Bva, inopfuura 90 muzana yevanhu vanova vatete nokuderedza zvokudya vanofuta zvakare. Chinoipa chii?

Muviri wako wakaita sechoto; uropi hwako ndihwo thermostat. Apo unodya, gadziriro yako yokushandiswa kwezvokudya mumuviri inopisa zvokudya kubudisa simba rayo. Apo zvokudya zvakawanda zvinodyiwa kupfuura izvo muviri unoda, zvinochengetwa samafuta. Zvino, kana ukazvinyima zvokudya kuti uve mutete, uchava mutete—pakutanga. Asi muviri wako nokukurumidza unochinjira kuchiito chokubata ne‘chinetso’ chomuviri wako usiri kuwana zvokudya zvakawanda zvaiwanwa munguva yakapfuura ndokuparira muviri wako kusapisa zvokudya zvakawanda. Unotanga kuva mukobvu zvakare, kunyange kana uri kuderedza zvokudya, uye zvakawanda zvezvaunodya zvinochengetwa samafuta. Unowana kirogiramu riri rose rawakarasikirwa naro uye ipapo mamwe. Mukukangaidzika, unoderedza zvakare zvokudya. Asi ukarasikirwa neakawanda—unowana akawanda.

Nokudaro unogona kuona chikonzero nei gadziriro dzoungwaru dzokuderedza zvokudya dzisingamboshandi. Mapiritsi okuderedza chishuvo chokudya angaganhurira chishuvo chako chokudya kwechinguvana, asi muviri unochinjira nokukurumidza kwaari uye chishuvo chako chokudya chinodzokera. Kana kuti gadziriro yako yokushandiswa kwezvokudya mumuviri inoderera uye unova mukobvu zvisinei hazvo. Tisingadudzi hedu miuyo yakashata iyo vamwe vakatambura, yakadai sedzungu, hypertension, denho dzefunganyo uye kupindwa muropa. Zvimwe chetezvo zvinogona kutaurwa nokuda kwamapiritsi anobvisa mvura kana kuti anokurumidzisa gadziriro yako yokushandiswa kwezvokudya mumuviri. Dr. Lawrence Lamb anotaura zvakananga, kuti: “Hapana chinhu chakadai sepiritsi rakanaka, rinoshanda rinokuparira kurasikirwa namafuta omuviri.”

Somunhu muduku, muviri wako unoda mwero wakati wemacalorie nezvokudya zvinovaka muviri zuva rimwe nerimwe. Kuderedza zvokudya kwokurumwa nenzara kunogona kumisa chaizvoizvo kukura kwako. Rangarirawo, icho Bhaibheri rinotaura pamusoro paMambo Sauro pana 1 Samueri 28:20: “Kwakanga kusine simba maari, nokuti wakanga asina kudya zvokudya zuva iro rose, kunyange nousiku hwose.” Nenzira yakafanana, mukuwirirana nomumwe chiremba, pwere dzinoedza kuzvinyima zvokudya dzinogona kutambura “kuneta . . . kuora mwoyo, kupindwa nechando mumuviri, kusaita zvakanaka muzvidzidzo zvechikoro, kufufutirwa, funganyo, [kusaenda kumwedzi], uye kunonoka kufunga.”

Nzira Yakanaka Yokuva Mutete

Nzira yakanaka yokuva mutete inotanga nenzvero yakakwana nachiremba wemhuri yenyu. Anogona kunzvera nokuda kwezvinetso zvipi nezvipi zvoutano izvo zvingakunda gadziriro yakapfava yokuderedza zvokudya. Anogonawo kukubetsera kugadza nharidzano yakati yokuva mutete ndokuronga nzira yokungwaririra yokusvitsa nharidzano iyoyo mukati menhambo yakati yenguva yeiyi nharidzano.

Bhaibheri, rinoti: “Hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakubata kwake.” (Muparidzi 2:24) Nokudaro kuderedza zvokudya kunokutorera mufaro wokudya hakuna bviro yebudiriro mukati menhambo refu yenguva. Kunze kwezvo, ndiko kunyanyodyisa uko Bhaibheri rinoshurikidza. (Zvirevo 23:20, 21) Hezvino, ipapoka, zvikarakadzo zvishomanene zvokukubetsera kuva “ane mwero mumiitiro” mukudya kwako.—1 Timotio 3:11.

Usapotsa kudya kwamangwanani! “Nzara uye kunzwa kwokurasikirwa zvichakukurira,” rinonyevera kudaro bhuku rinonzi The New Teenage Body Book. “Uchava anoda kunyanyodyisa zvokudya—uye macalorie—mumasikati makuru.”

Inwa mukombe mukuru wemvura pamberi pokudya kumwe nokumwe. Iyoyi ichazadza dumbu rako. Kunwa zvitsama zvakaringanira zvemvura kunoratidzikawo kuva kunoita rutivi mukuderedza mafuta omuviri. Vanachiremba naizvozvo vanorumbidza kunwa inenge mikombe misere yemvura pazuva.

Usadya uchitarira TV. Anodaro Dr. Seymour Isenberg: “Kana wakabatikana mukuona TV . . . , uno[gona] kuvamba kudya semuchina.”

Nyengetera usati wadya. Yeuka: “Mwari akasika [zvokudya] kuti zvidyiwe nokuonga naavo vane kutenda navanoziva zvakarurama zvokwadi.” (1 Timotio 4:3, NW) Ichichengeta mundangariro ukama hwayo hwapedyo noMusiki, pwere inotya Mwari haingadi kupinda mukunyanyodyisa kusvika papfundo rokuva inononoka mukufunga nomukuita. Munyengetero unogona kusimbisa kutsunga kwako kudya zvine mwero.

Idya zvishoma nezvishoma. Kunotora maminiti 20 kuti dumbu ripe chiratidzo kupfungwa kuti razara. Kudya zvishoma nezvishoma nokudaro kuchakubetsera ku“dya [kusvikira w]aguta,” asi kwete kupfuura!—Revhitiko 25:19.

Wana zvinotsiva zvoutano zvokudya—zvikurukuru kana wave une tsika yokudya nguva iri yose paunenge wakafinhwa, funganyo, ukata, kana kuti kuora mwoyo. Taura kuno mumwe munhu waunovimba naye. Famba famba, kana kuti rovedza muviri. Ita basa rokuzvivaraidza naro. Teerera nziyo. Zviri nani zvikuru, edza kugutsa chishuvo chako chokudya chomudzimu. (1 Petro 2:2) Pashure pokurangarira zvose, zvokudya hazvivaki kutenda. (Enzanisa naVaHebheru 13:9.) Asi kurava Bhaibheri kunodaro, uye ikoku kunobetsera kuita kuti ndangariro yako ibve pachishuvo chako chokudya.

Kuchinja Zvokudya Zvako Namararamire Ako

Chinjo dzingadawo kuitwa muizvo wave uchidya. Mutemo waMosesi wairambidza kudyiwa kwamafuta. (Revhitiko 3:16, 17) Kunyange zvazvo ikoku kwaiva nokuda kwezvikonzero zvorudzidziso, kudzivisa zvokudya zvine mafuta—zvakadai senyama ine chizi kana kuti zvokudya zvakakangwa mumafuta—zvine mufungo wezvokudya wakanaka. Zvinwiwa zvisingadhaki zvine shuga nezvipapata zvine mafuta akawanda nenzira yakafanana zvakaderera muzvokudya zvinovaka muviri uye zvakakwirira mumacalorie. Uye kunyange zvazvo munyu wakawanda panhindi yenyama yakaoma unganzwika sounovava, unoparira muviri wako kuchengetedza mvura.

Nyanzvi dzemirairo yezvokudya zhinjisa dzinobvuma kuti kufarikanya zvishoma zvokudya zvako zvaunofarira panhambo nenhambo hazvingakukuvadzi. Asi kana uchida kuva mutete chaizvoizvo, unofanira kusakurira fariro muzvokudya zvoutano zvakadai semichero, nzungu, zvokudya zvakamhazhika, uye mirivo. “Idya mhatsa yezvokudya kudzivisa kuva anofinhwa,” inorumbidza kudaro imwe nyanzvi yemirairo yezvokudya. Haubiki mumhuri menyu here? Ipapo taura kuna mai wako uye ona kana angabetsera. Chaizvoizvo, mhuri yose inobetserwa kana chinjo dzoutano dzikaitwa muzvokudya zvezuva nezuva.

Nepo kudya kwakarurama kuchikosha, haungaderedzi makirogiramu kutoti ukakwidza “thermostat” yako yeuropi. Seiko? Kupfurikidza nokupinda mukurovedza muviri kuno mwero kwaanenge maminiti 20 kanenge katatu pavhiki. (1 Timotio 4:8) Chimwe chinhu chakapfava sokufamba nesimba kana kuti kukwira masitepisi zvingava zvakaringanira. Kurovedza muviri kunobetsera kuti uratidzike kuva akaonda uye uve nomuviri wakanaka pasinei zvapo nechiri kurema kwako kana kuti rudzi rwomuviri. Sezvakunokuchidzira choto chegadziriro yokushandiswa kwezvokudya, unopisa macalorie, uye unopisa mafuta. Kupfurikidza nokurovedza muviri unogona kuchinja makemikoro omuviri wako. Unogona kuwedzera ukuru hwetsandanyama yomuviri wako, uye tsandanyama dzinopisa macalorie kunyange apo unenge wakarara.

Nenhamburiko nokutsunga, unogona kukunda hondo yako yokurwisana nokunyanyofuta.c Sezvinobvumwa, kurasikirwa nemakirogiramu mashomanene hakungapedzi zvinetso zvako zvose, asi ungaratidzika uye kunzwa zviri nani. Ungatovamba kuzvinzwa umene kunyange uri nani.

[Mashoko Omuzasi]

a Inenge 80 muzana yevechiduku vakanyanyofuta vanoramba vakanyanyofuta savakuru.

b Ona “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Neiko Ndiri Mukobvu Kwazvo?” iri muchinyorwa chino.

c Vanhu vamwe navamwe vane vhiringidzo dzokudya dzakakomba vangada betsero yenyanzvi kugonana nenhamo yavo.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Kurovedza muviri nezvokudya zvinovaka muviri chinhu chinokosha kukuva mutete nenzira isingakuvadzi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe