RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 93
  • Ndingaita Sei Kuti Ndive Nemuviri Mutete?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kuti Ndive Nemuviri Mutete?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nezvandiri izvi, ndiri kufanira kudzikira muviri here?
  • Nzira yakanakisisa yekudzikira muviri nayo ndeipi?
  • Zvekuita
  • Ndingaita Sei Kuti Ndidye Zvekudya Zvinovaka Muviri?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndinogona Sei Kuva Mutete?
    Mukai!—1994
  • Kufutisa Kunoderedzwa Nei?
    Mukai!—2004
  • Apo Kuva Mukobvu Kusiri Nani
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 93
Mukomana ari kutarisa dumbu rake mugirazi

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Ndive Nemuviri Mutete?

  • Nezvandiri izvi, ndiri kufanira kudzikira muviri here?

  • Nzira yakanakisisa yekudzikira muviri nayo ndeipi?

  • Zvekuita

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Nezvandiri izvi, ndiri kufanira kudzikira muviri here?

Vamwe vechidiki vanoti vanoda kuva vatete. Asi . . .

  • Vakawanda vanofunga nezvechitarisiko chavo kupfuura utano hwavo. Vamwe vanowanzopedzisira vava kuita zvinhu zvinoita kuti vakurumidze kudzikira muviri, zvakadai sekurega kudya dzimwe nguva kana kunwa mapiritsi anoondesa. Kazhinji kacho nzira idzi hadzishandi uye dzimwe nguva dzinotokuvadza.

    “Vamwe vasikana vanozviuraya nenzara kuti zvikurumidze kuita. Izvi zvinowanzovadzokera, zvozotora nguva yakareba kuti muviri wavo uve neutano zvakare.”—Hailey.

  • Vazhinji vanoda kuonda havatombofaniri havo kuzvinetsa nenyaya iyi. Muviri wavo unenge wakanaka, asi pamwe vanofunga kuti vakafuta pavanozvienzanisa nevamwe kana kuti nevanonzi “vatete” vanobuda paIndaneti, paTV kana mumamagazini.

    “Pandaiva nemakore 13, ndaizvienzanisa neshamwari dzangu. Ndaifunga kuti vaizowedzera kundifarira kana ndikafanana navo. Izvi zvaireva kuti ndaifanira kuva katete-tete kunge kamuti.”—Paola.

Asiwo, pane vamwe vechidiki vanofanira kudzikira miviri yavo zvechokwadi. Maererano nezvakawanikwa neWorld Health Organization . . .

  • Pasi rese, vechidiki vanenge mamiriyoni 340 vane makore ari pakati pe5 ne19 vakafuta kupfuura zvavanotarisirwa.

  • Muna 1975, pavadiki vezera iri, 4 chete pa100 vega vega ndivo vaiva vakafutisa. Pakazosvika 2016 nhamba iyi yakanga yasvika ku18 pa100 vega vega.

  • Munyika dzakawanda, vanhu vakafutisa ndivo vakawanda kupfuura vanenge vakanyanyisa kuonda.

  • Kunyange munyika dzinotambirwa mari shoma kana mumhuri dzisingawani zvekudya zvinovaka muviri munotova nevakawanda vakafuta.

Nzira yakanakisisa yekudzikira muviri nayo ndeipi?

Ungasarudza zvipi?

  1. Kurega kudya panguva dzaunofanira kudya.

  2. Kuita maekisesaizi uye kudya zvekudya zvinovaka muviri.

  3. Kunwa mapiritsi anoondesa.

Mhinduro yakanaka: Nzira yechi2: Kuita maekisesaizi uye kudya zvekudya zvinovaka muviri.

Kusadya panguva yaunenge uchifanira kudya kana kuti kusadya rumwe rudzi rwechikafu zvinogona kukurumidza kukuondesa. Asi nzira idzodzo dzingasava neutano, uye uchafuta zvakare kana ukatangazve kudya sezvawaimboita kare.

Asi, kana ukavavarira kuva neutano hwakanaka, uchatarisika zvakanaka uchinzwa uine utano hwakanaka. Dr. Michael Bradley akanyora kuti, “Nzira isingakuvadzi kupfuura dzese, ine utano kupfuura dzese, uye inoshanda kwenguva refu ndeyekuchinja mararamire ako woita zvinhu zvaunogona kuzoramba uchiita kweupenyu hwako hwese.”a Nyaya yacho chaiyo iri papi? Kana uchida kudzikira muviri, usafunga nezvekuzvinyima zvekudya asi chinja mararamiro aunoita.

Zvekuita

Bhaibheri rinoti tiite “zvinhu zvine mwero” uye izvozvo zvinobatanidza madyiro atinoita. (1 Timoti 3:11) Rinototaura zvakajeka kuti tisadyise. (Zvirevo 23:20; Ruka 21:34) Uchifunga nezvemazano aya, edza zvinotevera kuti utange mararamiro ane utano:

  • Mukomana ari kunyatsotarisisa chikafu

    Ziva kuti kudya zvine utano kuita sei.

    Haufaniri hako kubva wanyanya kuzviomesera pane zvaunodya, asi kuva neruzivo rushomanana panyaya yezvekudya zvinovaka muviri kunogona kukubatsira chaizvo. Uye kudya chikafu chakadai ndiyo imwe nzira yakanakisisa yekuti usafutisa kana kunyanya kuonda.

  • Mukomana ari kufamba

    Gara uchiita maekisesaizi.

    Funga zvinhu zvaunogona kuita mazuva ese kuti usava munhu anoramba akangogara. Semuenzaniso, pane kukwira elevator, famba nemasitepisi. Pane kungogara uchitamba mavideo game unogona kumbofamba-famba.

  • Mukomana wechidiki anoramba zvekudya zvisina utano achisarudza zvine utano

    Pane kudya zvinhu zvisina utano idya zvimwewo zvinovaka muviri.

    “Ndinoedza kugara ndiine chimwe chinhu chekudya chine utano chakadai semuchero. Ndikadaro handizonzwi mwoyo wekuda kudya zvinhu zvisina utano,” anodaro wechidiki anonzi Sophia.

  • Mukomana ari kuramba kuwedzera chikafu

    Idya zvishoma nezvishoma.

    Vamwe vanodya vachikurumidza zvekuti “havanzwi” kuti vaguta! Saka usadye uchimhanya-mhanya. Chimbomira zvishoma usati wawedzera chikafu. Unogona kutozoona kuti hauna nzara yakakura sezvawanga uchifunga.

  • Mukomana ari kuverenga kapepa kakanamirwa pazvekudya

    Ngwarira kuti uri kudya macalories akawanda zvakadini.

    Verenga zvakanyorwa pachikafu kuti chine macalories akawanda zvakadini. Zvaunofanira kuziva: Madhiringi, machipisi, nemakeke zvine macalories akawanda, saka zvinofutisa.

  • Mukomana ari kunakirwa neice cream apedza kutamba bhora

    Usanyanyise.

    Sara, ane makore 16, anoti: “Pane imwe nguva zvekuverenga macalories ndandakuzvinyanya zvekuti ndaiti ndikangotarisa ndiro ine zvekudya chete, chandaingoona chete imomo manhamba!” Usagara uchingoverenga macalories. Apo neapo unogona kumbodyawo zvaunofarira.

Zano: Taura nachiremba wako kuti uri kuda kudzikira muviri. Anogona kukubatsira kuronga zvaungaite zvinonyatsoshanda kwauri.

Zvinotaurwa nevezera rako

Nikki

“Zviri nyore kutanga kufunga kuti muviri wakanaka ndeuya unonzi nemamagazini, Indaneti neTV ndiwo wakanaka. Paunozozvitarisa pagirazi unobva wazvishora. Chokwadi ndechekuti, maumbirwe akaitwa miviri yedu nekukura kwayo hazvina kufanana. Chero bedzi tichingoita zvese zvatinogona kuti tirambe tiine utano, tinofanira kufarira chitarisiko chedu.”—Nikki.

Lorenzo

“Kana ndikasaronga kuti ndichadyei, ndinopedzisira ndangodya zvinhu zvakaita semachipisi, izvo zvisingawanzovi neutano uye kazhinji kacho zvinodhura. Ndinofarirawo maekisesaizi anoita kuti ndifemeruke. Pese pandinoapedza ndinonzwa ndava nesimba. Asi ndikasazvironga, ndinopedzisira ndava kuita zvimwewo zvinhu.”—Lorenzo.

Kudzokorora: Ndingaita Sei Kuti Ndive Nemuviri Mutete?

Usafunga nezvekuzvinyima zvekudya asi tanga kurarama nenzira inoita kuti uve neutano hwakanaka. Kuti udaro, edza zvinotevera:

  • Ziva kuti chikafu chine utano ndechipi. Ruzivo rushomanana panyaya yezvekudya zvinovaka muviri runogona kukubatsira chaizvo.

  • Gara uchiita maekisesaizi. Funga nezvezvinhu zvaunogona kuita mazuva ese kuti usava munhu anoramba akangogara.

  • Pane kudya zvinhu zvisina utano idya zvimwewo zvinovaka muviri. Gara uine chimwe chinhu chekudya chine utano kuti urege kuzonzwa mwoyo wekuda kudya zvinhu zvisina utano.

  • Idya zvishoma nezvishoma. Usadye uchimhanya-mhanya, uye chimbomira zvishoma usati wawedzera chikafu. Unogona kutoona kuti waguta.

  • Ngwarira macalories aunodya. Verenga zvakanyorwa pachikafu kuti chine macalories akawanda zvakadini.

  • Usanyanyise. Kunyange zvazvo uchifanira kungwarira macalories, usabva wazonyanya kunetseka nezvechikafu chese chaunodya.

a Kubva mubhuku rinonzi When Things Get Crazy With Your Teen.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe