RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 6/8 pp. 29-31
  • Ndinogona Sei Kurega Kufarira Mumwe Munhu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kurega Kufarira Mumwe Munhu?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuwana Betsero
  • Kugumisa Kwakakwana
  • Kukurira Marwadzo Acho
  • Zvakadiniko Kana Ndikadanana Naasingatendi?
    Mukai!—1994
  • Ndinogona Sei Kusununguka Muupenyu Huviri?
    Mukai!—1994
  • Munhu Uyu Ndiye Akandikodzera Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Neiko Vabereki Vangu Vasingandinzwisisi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 6/8 pp. 29-31

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinogona Sei Kurega Kufarira Mumwe Munhu?

“NDINE makore 20 okukura uye ndiri Chapupu chakabhapatidzwa chaJehovha. Asi ndakavamba kuronga misi yemibvakacho na[asingatendi] ane makore 28 okukura. Ndaimuda, uye ndaidavira kuti aindida. Vabereki vangu havana kuziva pamusoro pako, nokuti ndaiziva kuti vaisazokutendera. Apo vakakuziva, vakakuvadzwa nokukatyamadzwa. Vaisagona kunzwisisa kuti ndaigona kubatanidzwa sei mumirangariro nomurume wokunyika.”

Akanyora kudaro mumwe mukadzi muduku wechiKristu watichadana kuti Monique.a Zvinosuruvarisa kutaura, chiverengero chavanhu vaduku chakazviwana chimene chiri mumigariro yakafanana—vaine rudo rwoufuza kana kuti vakanamatidzwa murudo kuasingatendi, mumwe munhu asingagoverani zvitendero zvavo zvechiKristu nemipimo yetsika. Nyaya yatangireyi muiyi nhevedzano (muchinyorwa chino) yaratidza kuti ukama hwakadaro haufadzi bedzi Mwari asi ityisidzirowo yakakomba kumufarwa negarikano zvako. Ruth muduku akasvika pakuziva iri idi. “Ndakava pedyo zvikuru kumukomana akanga asiri mutendi,” anobvuma kudaro. “Ndakaziva, kunyange zvazvo, kuti kana ndaizofanira kuva noukama hworudzi rupi norupi naJehovha, ndaifanira kugura ukama hwacho nomurume wacho.”

Kana uri muKristu, unogona zvimwe kunokora mashoko eBhaibheri ari pana Jakobho 4:4, anoti: “Hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika hunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe, unoda kuva shamwari yenyika, unozviita muvengi waMwari.” Asi kana wakabatanidzwa mumurangariro naasingatendi, aya mashoko angasava ari nyore zvikuru kushandisa. Zvamazvirokwazvo, pfungwa yokugura ukama hwacho ingakukurira. Unganzwa wodokuparadzaniswa mukati. ‘Ndinogona sei kurega kufarira—kana kuti kuda—mumwe munhu?’ ungabvunza kudaro.

Muapostora Pauro akamboti: “Ndinofarira murairo waMwari nomunhu womukati; asi ndinovona mumwe murairo pamitezo yangu, unorwa nomurairo womurangariro wangu, unonditapira kumurairo wezvivi uri pamitezo yangu. Ndiri munhu uri pakutambudzika!” (VaRoma 7:22-24) Kufanana naPauro, ungave uchiva nerwisano nokunzwa kwako. Bva, chiverengero chepwere dzechiKristu chakakunda iyi hondo uye chave, ‘chichibvutwa pamwoto’ sokunge zvakadaro. (Enzanisa naJudhasi 23.) Sei? Kupfurikidza nokugumisa ukama hunoparadza kuvadziko isingarapiki isati yaitika.

Kuwana Betsero

Mark, somuenzaniso, akakudziridza icho akadana kuti “rudo rwokuhunguka rwakakomba” pamusoro paasingatendi apo akanga achingova namakore 14 bedzi okukura. Panzvimbo pokutsvaka betsero, akaedza kuchengeta kunzwa kwake kwakavanzika. Asi kunzwa kwake nokuda kwomusikana wacho kwakangosimba bedzi. Nokukurumidza akanga achiridza runhare pachivande kwaari. Apo akavamba kumuridzirawo runhare, pakanga pasina nguva refu vabereki vake vasati vaziva chakanga chichiitika.

Usaita chikanganiso chimwe chetecho chokuedza kupedza chinetso pachako umene. Zvirevo 28:26 inoti: “Unotenda mwoyo wake, ibenzi; Asi unofamba nouchenjeri, ucharwirwa.” Chaizvoizvo, waizova muuyu mugariro pakutanga kudai chisarudzo chako chakanga chisina kuparadzwa here? Padzimwe nguva mirangariro yedu inokurira kurangarira, uye tinoda betsero yomumwe munhu akachenjera zvikuru neasina kwaakarerekera. Zvimwe vabereki vako vanokwanisa kukubetsera zvikurusa, zvikurukuru kana vari vanotya Mwari. Sezvinobvira, vanokuziva zviri nani kupfuura zvinoita munhu upi noupiwo zvake. Vaichimbova vaduku uye vanogona kubetserwa kunzwisisa zvauri kutambura. Pana Zvirevo 23:26, munyori weBhaibheri Soromoni anopangira, kuti: “Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako; meso ako ngaafarire nzira dzangu.” Kuregererei kupa mwoyo wako kuvabereki vako, ndokuvaita kuti azive kuti unoda betsero?

Jim muduku akaita chinhu ichocho chimene. Akanga ari murwisano yorudo rwoufuza rwakasimba nomusikana pachikoro. Anoti: “Pakupedzisira ndakakumbira vabereki vangu nokuda kwebetsero. Uku kwakanga kuri chinhu chinokosha kukukurira uku kunzwa. Vakandibetsera zvikuru.” Achiva akava netsigiro yorudo yavabereki vake, Jim anopa iri zano: “Ndinofunga kuti vamwe vaKristu vaduku havafaniri kuzengurira kutaura kuvabereki vavo. Kurukurai navo. Vachakunzwisisai.”

Mumugariro wakafanana, pwere inonzi Andrew yakazviita imene inowanika nokuda kweimwezve nzira yebetsero. Pamusoro pokupinda kwake gungano redunhu romunzvimbomo reZvapupu zvaJehovha, anoti: “Imwe yehurukuro dzacho yakandiita ndifunge zvakakomba. Mutariri wedunhu akapa zano rakasimba mukurwisana nokutanga ukama navanhu vemitezo yakasiyana yokubereka nayo vasiri vaKristu. Ndaiziva kuti ndaifanira kururamisa kufunga kwangu pakarepo.” Naizvozvo akaitei? Kutanga akataura naamai vake, mubereki mumwe chete, ndokubetserwa nezano ravo. Ipapo akasvikawo mukuru muungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha, uyo akanga achikwanisa kugovera yamuro yokuwedzera. Vakuru veungano vanogona kuva “sovutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura” nokuda kwavanotambura. (Isaya 32:2) Kuregererei kusvika mumwe wavo, ndokuvaita kuti vazive chiri kukunetsa?

Kugumisa Kwakakwana

Apo vabereki vaMark vakawana ukama hwake hwakavanzika, vakaita chiito nokukurumidza. “Vakanga vakananga zvikuru mukundiudza kurega uhu ukama,” anodaro Mark. “Chiito changu chokutanga chakanga chiri chokupandukira. Takapopotedzana nenzwi guru, uye ndakazvipfigira mukamuri rangu. Asi nokukurumidza ndakafunga pamusoro pechokwadi chomugariro wacho, uye ndakaziva kuti musikana wacho neni takanga tiine nharidzano dzakasiyana. Hwakanga husati huchizobudirira.” Hungu, kufungisisa pachokwadi chomugariro wacho kunogona kubetsera kudzikamisa kunzwa kwako. Zvibvunze umene, kuti: ‘Uyu munhu anogoverana nharidzano dzangu, kupwiswa kwangu, mipimo yangu yetsika here? Kudai taizoroorana, uyu munhu aizotsigira nhamburiko dzangu dzokunamata Mwari here? Uyu munhu anogoverana mbavarira yangu nokuda kwezvinhu zvomudzimu here? Chaizvoizvo, iwiriranoi inogona kuvapo muukama hwakadaro?’—Enzanisa na 2 VaKorinte 6:14-18.

Kugumisa kwakakwana kuchava kusiri nyore, kunyange zvazvo. Monique, adudzwa pamavambo, anobvuma, kuti: “Ndakaedza panhambo mbiri kugumisa ukama hwacho asi mukusabudirira. Ndakanga ndisingadi kumusiya chose chose. Ndakaedza kupupurira kwaari, ndichikarira kuti aizogamuchira Jehovha. Akatombouya kumusangano weSvondo kamwe chete. Asi akanga asina fariro chaiyoiyo muna Jehovha. Ndakaziva kuti nzira yakafanira yakanga iri yokumusiya chose chose.”

Ikoku kunotiyeuchidza nezvamashoko aJesu ari pana Mateo 5:30. Ipapo akataura nezvezvinhu izvo zvaigona kudzongonyedza kupinda kwomunhu muUmambo hwaMwari—zvinhu zvingave zvichikosha soruoko rworudyi. Kunyange zvakadaro, Jesu akapa zano, kuti: “Urugure, ururashire kure kwauri, nokuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena [chiratidzo choruparadziko rwokusingagumi].” Mukutsinhirana neiyi nheyo, noushingi svika munhu wacho uyo wawakabatanidzwa naye uye “mutaure zvokwadi.” (VaEfeso 4:25) Mumugariro wapamhene—kwete moga kana kuti mumugariro worudo—muite kuti azive zvakasimba uye zvakajeka kuti ukama hwacho hwapera. Sheila muduku anoyeuka, kuti: “Chakashanda nokuda kwangu chakanga chiri kuita chiito chaicho. Hapachinazve kudya pamwe chete kudya kwamasikati. Hapachinazve kuonana mukati menhambo dzokufunda pasina mudzidzisi. Ndakaita chimiro changu chakajeka kwaari chete.” Musikana wechiKristu anonzi Pam akanga akajeka zvikuru: “Ndakamuudza pakupedzisira kuti andisiye ndiri ndoga, uye ndaingomufuratira.”

Kukurira Marwadzo Acho

Mutapuro yapashure yokuparadzana kwakadaro, unganzwa sowezvamapisarema uyo akati: “Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kwazvo, Ndinofamba ndichichema zuva rose.” (Pisarema 38:6) Nhambo yokuva nenhamo inongova bedzi yomuzvarirwo. Bhaibheri rinobvuma kuti pane “nguva yokuchema.” (Muparidzi 3:4) Asi haufaniri kuva nenhamo nokusingaperi. Marwadzo acho achapera pashure penguva yakati. “Hungu,” anobvuma kudaro Mark, “ndakapfuura nomunhambo yenhamo. Vabereki vangu vakaziva ikoku ndokuwedzera songaniro dzangu nedzimwe pwere dzechiKristu. Ikoku kwakanga kuchibetsera zvikuru.” Andrew, uyo akanzwa kuora mwoyo nomutoo wakafanana pashure pokuparadzana kwake, anoti: “Vakuru vakabetsera. Ndakabatanidzwawo zvikuru mubasa rokuparidzira ndokuva pedyo nehama dzechiKristu dzandaiva noukama hwakanaka nadzo.” Hungu, iva akabatikana mumabasa okumudzimu. (1 VaKorinte 15:58) Basa ramaoko kana kuti kurovedza zvingava zvingabetserawo. Dzivisa kuva woga. (Zvirevo 18:1) Chengeta ndangariro yako pazvinhu izvo zviri zvinofadza nezvinovaka.—VaFiripi 4:8.

Yeukawo, kuti Jehovha achafadzwa nechimiro chako choushingi. Inzwa wakasununguka kumusvika mumunyengetero nokuda kwebetsero netsigiro. (Pisarema 55:22; 65:2) “Ndakanyengetera minyengetero mizhinji,” anoyeuka kudaro Sheila muduku. Aiwa, hakusi nyore kugumisa ukama hunokuvadza. Sheila anobvuma, kuti: “Kunyange zvazvo zvakapera, padzimwe nguva ndinofunga pamusoro pake ndokushamisika pamusoro peicho ari kuita. Asi unonamatira kuchisarudzo chako, uchiziva kuti uri kufadza Jehovha.”

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji ]

Ita kuti munhu wacho azive zvakasimba uye zvakajeka kuti ukama hwacho hwapera

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe