Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Neiko Kwakaoma Zvikuru Kurega Kufunga Pamusoro Peane Mutezo Wakasiyana Wokubereka Nawo?
“Chishuvo chako pamusoro pevatano chinhu chinokosha apo unenge uri muduku,” akatsanangura kudaro Lorraine muduku. “Unova akabatikana zvikuru nenhau dzevatano.”
UNOPEDZA akawanda—kana asati ari akawandisa—amaawa ako okusvinura uchifunga, uchitaura, kana kuti kutarira avo vane mutezo wakasiyana wokubereka nawo here? Unogara pasi kuti upedze basa rako rinoitirwa kumba, kungokukurirwa mukurota masikati pamusoro pomukomana akanaka kana kuti musikana anokwezva wawaona masikati iwayo here? Kurukurirano dzako dzinodzongonyedzwa nokutarira kwapachivande mupfuuri anokwezva here? Kwakakuomera here kurava, kufunda, kana kuti kunyange kupa ngwariro pamisangano yechiKristu nekokorodzano—nemhaka bedzi yokuti haugoni kurega kufunga pamusoro peane mutezo wakasiyana wokubereka nawo?
Kana zvakadaro, ungatya kuti uri kupenga! Imwe pwere yakabvuma, kuti: “Ndinofunga kuti ndingabatwa nevatano kana kuti chimwe chinhu. Ndinoreva kuti, ndinofunga kazhinji kazhinji pamusoro pavasikana, ndichiita fungidziro . . . Munofunga kuti ndinofunga zvakanaka here?” Seizvo munyori Lynda Madaras anotaura, apo unenge uri muduku, “kunzwa kworudo kana kuti kwevatano kunogona kuva kwakasimba zvikuru. Padzimwe nguva, kungatoratidzika sokunge kuti rudo kana kuti vatano ndizvo bedzi zvaunogona kufunga pamusoro pazvo!”a
Kunzwa kwevatano hakuna kuipa makuri kumene. Mwari akasika mukadzi nomurume vane kukwezva kwakasimba kuno mumwe nomumwe. Ikoku kwakawirirana nedonzo rake rokuti varoorane ndoku“zadz[a] pasi” navana vakarurama. (Genesi 1:28) Bhaibheri rakajekawo zvikuru mukuratidza kuti vatano inogona kuva manyuko omufarwa mukuru nokuda kwavaroorani.—Zvirevo 5:19.
Chinetso ndechokuti, savanhu vasina kukwana tinova kazhinji kazhinji nechinetso chokudzora kunzwa kwedu. (Enzanisa naGenesi 6:5.) “Kuchiva kwenyama” kunogona kuratidzika kuva kune simba zvikuru! (1 Johane 2:16) Uye nemhaka yokuti uri muduku, kungava kwakakuomera zvikurukuru kurega kufunga pamusoro peane mutezo wakasiyana wokubereka nawo. Neiko kwakadaro?
Dzvinyiriro Dzokuyaruka
Chikonzero chimwe ndechokuti uri kusvika “[kuva] atokura kwazvo”—nguva apo zvishuvo zvevatano zviri zvakakwirira. (1 VaKorinte 7:36) Dr. Bettie B. Youngs anotsanangura, kuti: “Mukati mokuyaruka, mwero yamahormone inowedzera nomutoo unoshamisa. Iwaya anoparira kutanga chinjo dzose dzomuviri idzo dzinochinja muviri womwana kuva womukuru. Mwero inowedzera yamahormone inova pamwe chete nokuyaruka inounza chinjo zhinji dzemirangariro nedzokuzvibata.”
Rudziiko rwechinjo? Eya, chinjo hurusa kazhinji kazhinji dzinobatanidza kunzwa kwomunhu kune ane mutezo wakasiyana wokubereka nawo. Munyori Ruth Bell anoti: “Chinjo dzomuviri dzokuyaruka dzinounza kazhinji kazhinji kunzwa kwakasimba zvikuru kwevatano. Ungazviwana umene uchifunga zvakanyanya pamusoro pevatano, uchinyandurwa nomutoo wevatano nyore nyore zvikuru, kunyange padzimwe nguva kunzwa wakabatikana nevatano. Vachiri kuyaruka vanoverengeka [avo takabvunzurudza] vakarondedzera kufamba mumugwagwa kana kuti kugara mubhazi vachinzwa sokunge kuti muviri wavo wose wakanga uri mumwoto nesimba revatano nenyanduko.” Kubatikana kwakadaro neane mutezo wakasiyana wokubereka nawo ndokumwe kwo“kuchiva kwoujaya” kuzhinji uko vanhu vaduku vanofanira kugonana nako.—2 Timotio 2:22.
Pesvedzero yeZvinobudisa Nhau neShamwari
Rimi reichi chishuvo, zvisinei, rinokuchidzirwa kazhinji kazhinji nepesvedzero dzokunze. Tinorarama muchaunga icho chinoratidzika kuva chakatsunga kunyandura vatano kupfurikidza namapurogiramu eterevhizheni, kuzivisa, mabhuku, magazini, nziyo, uye mafirimu. Imwe pwere Chapupu iyo yakawira mumufambiro usakarurama wevatano inoshuma, kuti: “Mabhuku outere akarovedzeka zvikuru kuchikoro, uye ikoku kunoita chishuvo chaichoicho chevatano. Ndaiziva chakanga chakarurama, asi kunzwa kwangu kwevatano kwakanga kwakasimba.”
Bhuku rakanyorerwa vabereki naizvozvo rinoti: “Zvinobudisa nhau [zvine] pesvedzero huru. Vechiduku vedu vanoona mienzaniso yezera ravo vamene ichiita zvinokarakadzira vatano nokutengesa zvipfeko zvinokarakadzira vatano; vanoona vatano yavayaruki ichisimudzirwa mumabhaisikopo nomuterevhizheni.” Kutaura idi, terevhizheni yecable namarekodha amavhidhiyokaseti zvakapa pwere zhinji kusvika kuri nyore kuzvinhu zvoutere zvevatano. “Zvinobudisa nhau zvinonyandura chishuvo chokuda kuziva uye zvishuvo zvomunhu muduku,” inobvuma kudaro imwe pwere.
Zvisinei, bhuku haridikanirwi kuva routere papeji riri rose kuti rive risina kunaka. Rangarira chakaitika chomumwe musikana wechiKristu. Anoyeuka, kuti: “Ndakarava bhuku rakati nakei iro rakanga riine ndima imwe chete kana kuti mbiri dzaibata nevatano. Ndakatanga kudarika ndima idzodzo, asi chimwe chinhu chakandiita ndidzokere ndokudzirava. Chakanga chiri chikanganiso chakadini! Ndakava nezviroto zvakaipa somuuyo.”
Shamwari dzako navasonganiri vanogonawo kuva pesvedzero huru pakufunga kwako. Rimwe bhuku pamusoro pokukura kwavayaruki rinoti: “Kutarirana kwomusikana nomukomana ivaraidzo yakarovedzeka uko kunoitika mumakona emigwagwa, mumahoro ezvikoro, makefiteriya, uye nzvimbo dzezvitoro.” Uye apo vanhu vaduku vanenge vasiri kuringa ane mutezo wakasiyana wokubereka nawo, vanowanzova vari kutaura pamusoro pavo. “Apo ndakanga ndiri muduku,” anobvuma kudaro Robert ane makore 18 okukura, “dzvinyiriro dzokuva nevatano dzakanga dziri huru zvikuru . . . Mukamuri rokuchinjira zvipfeko ndizvo zvaikurukurwa bedzi.” Imwe pwere inobvuma, kuti: “Vatano yakanga iri musoro mukuru wekurukurirano pakati pavokuchikoro biyako, naizvozvo yaiwanzoiswa pakufunga kwako.”
Kwakaoma kuva akasiyana. Apo vaenzani vako vanenge vachitaura nguva dzose pamusoro peane mutezo wakasiyana wokubereka nawo—zvichida munzira inonyadzisa, inoshatisa tsika—kunogona kuva kunoedza kuvakumbanira. Asi Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.”—Zvirevo 13:20.
Kudikanwa Kwedzikamo
Ikoku kwose kunoreva here kuti kwakaipa kucherekedza kana kuti kuda kutaura pamusoro peane mutezo wakasiyana wokubereka nawo? Aiwa, kunyange vanyori veBhaibheri vakacherekedza nezveidi rokuti varume navakadzi vakati vaikwezva mumuviri. (Enzanisa na 1 Samueri 9:2; Estere 2:7.) Jesu, naizvozvo, haana kushurikidza mumwe munhu nemhaka bedzi yokungocherekedza kuti mukadzi anokwezva. Asi akapangira vaKristu kusa‘ramba vakatarira mukadzi kuti vagova nechishuvo nokuda kwake.’ (Mateo 5:28) Munzira yakafanana, haugoni kuzvibvumira umene kutungamirirwa nechishuvo choupofu. Pana 1 VaTesaronika 4:4, 5 tinoudzwa, kuti: “Mumwe nomumwe wenyu anofanira kudzidza kudzora muviri wake amene munzira tsvene neinokudzwa, kwete muchishuvo chakasimba kufanana navahedheni, vasingazivi Mwari.”—New International Version.
Nepo mifungo yorudo ingapinda mundangariro nguva nenguva, kufungisisa pamusoro payo kungachinjira mukuva kudokupenga, uye ipapo zvinetso zvakakomba zvingamuka. Muparidzi 5:3 inoti: “Nokuti kurota kunouya namabasa mazhinji.” Hungu, munhu akabatikana nezvishuvo zvomunhu oga kazhinji kazhinji anovamba kukudziridza fungidziro nokurota masikati.b
Nepo kuri kwomuzvarirwo kuva nemifungo yorudo nguva nenguva, kufungisisa pamusoro payo imwe nhau. Munyori Ruth Bell anotaura kuti “panhambo nenhambo munhu achazviwana amene achipedza rinodokuva zuva rose nousiku mufungidziro. Dzingasvika pakuratidzika kuva chaidzoidzo zvikuru kupfuura zvokwadi.” Rangarira mumwe musikana muduku uyo akabatwa murudo rwokuhunguka. Anoti: “Ndine makore 12 1/2 okukura, uye ndinonzwa zvakasimba zvikuru pamusoro pomukomana anopinda muHoro yoUmambo yangu. Ndinoziva kuti handisati ndakura zvakakwana zvokugona kunyengwa, asi ndiri kuva nenguva yakaoma zvikuru yokudzora kunzwa kwangu kwaari.” Nenzira yakafanana, dzimwe pwere dzinokuwana kwakaoma kurava, kufunda, kupa ngwariro mukirasi, kana kuti kugadzirira misangano yechiKristu apo ndangariro dzavo dzinenge dzizere nemifungo inonyandura rudo kana kuti vatano.
Zvinetso zvakakomba zvinogona kumuka apo pwere inoedza kuderedza kunyanduka kwakadaro nebonhora. Bhaibheri rinokurudzira vaKristu, kuti: “Urayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Upombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva.” (VaKorose 3:5) Bonhora muitiro usina kuchena unofanira kudziviswa navaKristu uye ndiwo mhesano chaiyo yo‘kuuraya kushumba.’ Mukupesana, rinomutsa ndokukukudziridza. Kazhinji kazhinji zvikuru, chishuvo chakadaro chinova chokwadi. Munyori weBhaibheri Jakobho anotsanangura, kuti: “Munhu mumwe nomumwe unoidzwa kana achikwehwa nokuchiva kwake achinyengerwa. Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi.”—Jakobho 1:14, 15.
Chii, ipapoka, chaunogona kuita kuti urege kufunga ane mutezo wakasiyana wokubereka nawo? Tapota rava nyaya inotevera muiyi nhevedzano.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuno rumwe rutivi, munyori Alvin Rosenbaum anoyeuchidza pwere, kuti: “Kunzwa kwevatano nezvimiro zvendangariro zvinosiyana zvakafara. Vamwe vanhu havaratidziki kuva vanorega kufunga pamusoro pevatano nepo vamwe havatongonzwi nomutoo wevatano. . . . Kunzwa kwose kuri kuviri ndokwomuzvarirwo.” Anowedzera, kuti: “Munhu mumwe nomumwe anokura pamwero wakasiyana.”
b Ona nyaya pamusoro pokufungidzira dzakabuda muzvinyorwa zvemagazini ino zvaJuly 8 naAugust 8, 1993.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 23]
“Kunzwa kworudo kana kuti kwevatano kunogona kuva kwakasimba zvikuru”
[Mufananidzo uri papeji 24]
Kuratidza kweTV nokuzivisa kwamagazini kunosimudzira kazhinji kazhinji fariro yakashata mune ane mutezo wakasiyana wokubereka nawo