Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kurega Kufunga Pamusoro Peane Mutezo Wakasiyana Wokubereka Nawo?
‘ZUVA nezuva, zvinobudisa nhau zvinopedza simba retsika ravachiri kuyaruka nezvishoro nekurudziro pamusoro pevatano; nziyo dzerock dzinorira nenzwi guru munzeve dzavo pamusoro pevatano; murwi wamanovhero orudo anotengwa zvikuru anoita kuti zvinoitika zvevatano zviratidzike kuva zvinofadza zvikuru.’ Akadaro munyori Lesley Jane Nonkin. Hungu, seachiri kuyaruka, unorovanywa nekurudziro dzinobva muzvinobudisa nhau kuti ufunge pamusoro peane mutezo wakasiyana wokubereka nawo.
Chokwadika, ndokwomuzvarirwo kuva nefariro yakati mune ane mutezo wakasiyana wokubereka nawo.a Asi apo mifungo yorudo, kurota masikati, uye fungidziro zvinodzora mifungo yako zvikuru zvokuti zvinodzongonyedza kurara kwako, minyengetero, basa rinoitirwa kumba, kurava Bhaibheri, kana kuti mabasa apamba, ipapo kunoratidzira kuti mugariro wacho wave une ngozi kwenguva refu. Zvamazvirokwazvo, kubatikana kwakaipa kwakadaro kunogona kutungamirira mumufambiro wakashata.—Jakobho 1:14, 15.
Hakusati kuri kuti unofanira kurega kucherekedza kuti vasikana—kana kuti vakomana—varipo. Asi seizvo Zvirevo 23:12 inotaura, unodikanirwa kuti “mwoyo wako ushingaire kudzidziswa.” Aiwa, hapana chigadzikiso chiri nyore, hapana kurapa kwapakarepo kwokukubetsera kuita ikoku. Nenhamburiko, kunyanguvezvo, unogona kupinza kufunga kwako mudzikamo zvikuru. Ngatitarirei nzira shomanene dzinoshanda dzaunogona kuita nadzo ikoku.
Ngwarira Vasonganiri Vako
Sanonzvera vaunosonganirana navo. Mumwe murume muduku anobvuma, kuti: “Munhu ari wose akakupoteredza anotaura pamusoro poutere hwevatano sokunge hwakanga huri hwomuzvarirwo sokudya.” Kuratidzirwa nguva dzose kukutaura kwakadaro kunogona kukutapura here? Pasina panikiro. Mukuwirirana nokumwe kunzverwa kwepwere, zvikamu zvitatu muzvina zvakabvuma kuti “kuva akafanana (kana kuti asina kufanana) neboka kunodzora zvimiro zvavo zvendangariro pamusoro pevatano.”
Zvakadiniko neshamwari dzako? Kurukurirano iri yose inoperera mukuva kurukurirano huru pamusoro pomumwe munhu ane mutezo wakasiyana wokubereka nawo here? Kutaura kwakadaro kunogona kutungamirira kukuva kusingadzoreki ndokuva kwakashata kana kuti kunokarakadzira here? Kana zvakadaro, kukumbanira—kana kuti kungoteerera bedzi—kuchakuita kukuomere kuchengeta ndangariro dzako dzakanangidzirwa pazvinhu zvakachena. Bhaibheri rinopa zano, kuti: “Bvisai izvi zvose, zvinoti: Hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu.”—VaKorose 3:8.
Kuchava kwakaoma kushandisa iri zano, zvisinei, kana shamwari dzako dzisingakoshesi nheyo dzeBhaibheri; zvimiro zvadzo zvendangariro zvine chokwadi chokukutapura pakupedzisira. (Zvirevo 13:20) Rangarira chakaitika chomumwe musikana wechiKristu, uyo akati: “Handina kuda kuudza vana muchikoro kuti ndakanga ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Naizvozvo vakataura norusununguko kwandiri pamusoro pevatano nguva dzose.” Nguva refu isati yapera akava anobatanidzwa muutere hwevatano ndokuva napamuviri. Zvirevo 9:6 inopa zano nokuchenjera, kuti: “Siya songanirano navanhu vasingazivi, ndokurarama. Tevera nzira yezivo.” (Today’s English Version) Hungu, zvipoteredze umene neshamwari dzine tsika dzako nemipimo zvakafanana zvechiKristu, shamwari dzichakuvaka mumudzimu—kwete kukupaza.
Chokwadika, kunyange vaKristu vaduku avo vanoratidza chimiro chendangariro choumwari vanga“gumburw[a] pakutaura” panguva nenguva. (Jakobho 3:2) Apo ikoko kunoitika uye kurukurirano inotanga kuenda murutivi rwakashata, unogona kuitei? Bhaibheri rinotiudza kuti Mambo Soromoni akava norudo rwoufuza nomusikana muduku mufudzi. Iye, zvisinei, haana kudzorera fariro yorudo rwacho. Apo dzimwe shamwari duku dzakaedza kunyandura kunzwa kwake nokuda kwaSoromoni, haana kuzvibvumira amene kukukurwa nokutaura kworudo. Akataura nesimba, achiti: “Ndinokupikirai . . . kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, kusvikira irwo rwada rumene.” (Rwiyo rwaSoromoni 2:7) Munzira yakafanana, ungadikanirwa kutaura nesimba apo kutaura kunosadzoreka. Aiwa, haudikanirwi hako kupa shamwari dzako hurukuro. Asi ungangoedza bedzi kuchinja nhau yacho, kunangidzira kurukurirano yacho murutivi rwakanaka zvikuru.
Varaidzo—Dikanwo Yokuva Anosarudza
Imwe nharaunda yeitiro hanya ivaraidzo. Bhaisikopo razvino uno, vhidhiyo, kana kuti disc zvingaratidzika kuva zvinofadza. Zvisinei, Bhaibheri rinotiyeuchidza, kuti: “Zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi panyika.” (1 Johane 2:16) Sezvadudzwa pamavambo, yakawanda yevaraidzo yanhasi inogadzirirwa kumutsa kunzwa kwevatano. Nziyo dzakakurumbira namafirimu, somuenzaniso, zvazova zvakajeka nomutoo unowedzera—kazhinji kazhinji zvoutere.
Kungakutapura sei kuti uzviratidzire umene kuvaraidzo yakadaro? Munyori John Langone anoti: “Chiverengero chakati chefundo chakaratidza . . . kuti apo tinenge takaratidzirwa kuzvinhu zvinonyandura kunzwa kwevatano, tinotungamirirwa kukutaura zvakawanda pamusoro pevatano. Pane dzimwe nguva, uku kuratidzirwa kunotitungamirira kukuedza zvinhu zvataisazowanzoedza.” Hungu, ‘kuisa ndangariro dzako pazvinhu zvenyama’ kuchangokukuvadza bedzi. (VaRoma 8:5) Kuchadzongonyedza murangariro wako worudo nevatano ndokuzadza ndangariro dzako nefungidziro dzisina kuchena. Zano reBhaibheri? “Ngatizvinatse pamatsvina ose enyama noomweya, tikwanise utsvene pakutya Mwari.” (2 VaKorinte 7:1) Naizvozvo dzivisa mafirimu, mavhidhiyo, uye madisc ayo anonyandura chishuvo chorudo.
Murume wechiKristu asina kuroora akambopa ichi chikamu chezano rinoshanda: “Usazvidyisa zvinhu zvakashata usati waenda kunorara. Kuratidza kuzhinji kweTV kwapakati pousiku kunokarakadzira zvikuru.” Ndizvo zvakaitawo mabhuku mazhinji. MuKristu muduku anonzi Sherry anobvuma, kuti: “Ndaisirava manovhero orudo. Ndaigona kuita fungidziro pamusoro pevatano, kurota pamusoro poupenyu hunofadza nokuva navakwanyina vakasiyana-siyana vevatano.” Ndangariro dzake dzakazara nefungidziro dzorudo, akawira nyore nyore mukupuruzira kworudo nokurova-rova nerimwe jaya. Zvinetso zvakafanana naizvozvo zvinogona kudziviswa kana ukanamatira kukurava zvinhu zvakanaka—zvakafanana namagazini ino nomubiyayo, Nharireyomurindi. Kurava kwakadaro kwakabetsera pwere zhinji ‘kuisa ndangariro dzadzo pazvinhu zvomudzimu,’ panzvimbo penyama inotadza.—VaRoma 8:5.
Bvisa Fungidziro Idzodzo!
Padzimwe nguva mifungo pamusoro peane mutezo wakasiyana wokubereka nawo ingangopinda mundangariro dzako pasina nyevero. Scott ane makore 17 okukura anobvuma, kuti: “Pane nguva apo kunova kwakandiomera zvikuru kurega kufunga pamusoro peane mutezo wakasiyana wokubereka nawo.” Kana kuti zvichida unongoona mukomana kana kuti musikana akanaka. Usati wakuziva, unozviwana umene uchifunga pamusoro pake. Asi kucherekedza kuti mumwe munhu anokwezva ndechimwe chinhu uye chinhu chakasiyana chose chose kuita izvo Jesu akanyevera kudzivisa, ndiko kuti, ku‘ramba wakatarira mukadzi kuti ugova nechishuvo nokuda kwake.’ (Mateo 5:28; enzanisa naZvirevo 6:25.) Apo unenge uri muduku zvikuru zvokusagona kuroora, kuumburuka mufungidziro dzorudo dzinotambudza kunogona bedzi kukutsamwisa nokukuodza mwoyo.—Enzanisa naZvirevo 13:12.
Nokudaro Scott anoti: “Chinondibetsera kuchinja nhau yacho—kubvisa ndangariro dzangu pamifungo iyo inondiparira kunzwa ndichinyandurwa. Ndinozviyeuchidza ndimene kuti kunzwa kana kuti kurudziro dzacho dzichabva pakupedzisira.” (Enzanisa naVaFiripi 4:8.) Muapostora Pauro akati: “Ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda.” (1 VaKorinte 9:27) Nenzira yakafanana, ungatofanira kuzviomesera umene apo mifungo pamusoro peane mutezo wakasiyana wokubereka nawo inoedza kukura. Kana mifungo yacho ikapfuurira, edza kurovedza muviri. “Kurovedza muviri kunobetsera zvishoma,” uye kufamba kwokukurumidza kana kuti maminiti mashomanene okuimba zvingava zvose izvo unoda kukubetsera kudzosera ndangariro dzako pazvakanaka.—1 Timotio 4:8.
Pwere zhinji dzakawanawo kuti “kuva nezvakawanda zvokuita mubasa raShe” kunobetsera zvikuru. (1 VaKorinte 15:58) Debra muduku anokutaura neiyi nzira: “Ndinowana kuti chigadzikiso chacho kuramba wakabatikana kusvikira waneta.” Kuva anosanobatanidzwa neungano yechiKristu nemibato yayo yose kunogona kuita zvakawanda kukubetsera kuchengeta kufunga kwako kuri mudzikamo.
Sokuedza kwaungaita, kunyanguvezvo, kungava kuchiri kwakakuomera padzimwe nguva kurega kufunga pamusoro peane mutezo wakasiyana wokubereka nawo. Kana zvakadaro, wana tsigiro yomukuru. Zvichida ungagona kutaura nhau nomumwe wavabereki vako. Rangarira izvo Carl muduku akataura: “Kwakandibetsera kutaura zvinhu nomumwe munhu mukuru naane ruzivo rwokuzviwanira. Kana kurukurirano yacho ikava yakajeka, kungava kwakanaka.” Kupfuura zvose, usafuratira betsero yaunogona kuwana kubva kuna Baba vako vokudenga. “Apo ndinonzwa kurudziro dzevatano dzichiuya,” anodaro mumwe murume asina kuroora wechiKristu, “Ndinozviita ndimene chaizvoizvo kuti ndinyengetere.” Bhaibheri rinodudza, kuti: “Naizvozvo, ngatiswederei tisingatyi kuchigaro choushe chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira.” (VaHebheru 4:16) Aiwa, Mwari haasati achizobvisa fariro yako mune ane mutezo wakasiyana wokubereka nawo. Asi nebetsero yake, unogona kuwana kuti pane zvinhu zvakawanda zvokufunga pamusoro pazvo.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Neiko Kwakaoma Zvikuru Kurega Kufunga Pamusoro Peane Mutezo Wakasiyana Wokubereka Nawo?” muchinyorwa chedu chino.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kana kutaura pamusoro peane mutezo wakasiyana wokubereka nawo kukasadzoreka, iva noushingi hwokuchinja nhau yacho