RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 10/8 pp. 19-20
  • Vafundisi—Vanofanira Kuvei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vafundisi—Vanofanira Kuvei?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mufundisi Chii?
  • Vafundisi Vakasanotevera Sei?
  • Pachine Dikanwo Here?
  • Mamishinari Ari ‘Kusvika Kunzvimbo Dziri Kure Dzenyika’
    Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
  • Vafundisi Vanokurumidzisa Kukura Munyika Yose
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kukohwa kwechiKristudhomu muAfrica
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Vafundisi—Ndivanaani Vanofanira Kugadza Muenzaniso?
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 10/8 pp. 19-20

Vafundisi—Vanofanira Kuvei?

SHOKO rokuti “mufundisi” rinogona kunyandura mirangariro yakasimba. Muna vamwe vanhu, rinokuchidzira ruyemuro, richiyeuchidza vanhu vakafanana naMai Teresa kana kuti mushakabvu Albert Schweitzer.

Mukupesana, vamwe vanoita chiito nokusakendenga, kusemburwa, kana hasha apo nyaya yavafundisi inodudzwa. Kwavari shoko racho rinokarakadza nyengedzwo yendangariro ndokunyandura zviono zvenyika inotongwa nevokumwe.

Pakureva nezvavafundisi, mubvunzo wakakodzera ndouyu, Vave vari vatumwa vechiedza here kana vatumwa verima?

Mufundisi Chii?

Hwaro hwebasa roufundisi rechiKristu hwakagoverwa naJesu Kristu apo iye akaudza vateveri vake, kuti: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose.” Ikoku kunoda kuparidza shoko rechiKristu munyika yose.—Mateo 28:19.

Jesu amene akanga ari mufundisi, akatumwa naBaba vake, Jehovha, kubva kudenga kuenda kumugove wokumwe, pasi. (VaFiripi 2:5-8) Nenzira ine mufungo, mufundisi wechiKristu anofanira kusanotevera muenzaniso wakagadzwa naJesu Kristu. Mumwe mufundisi womuzana rokutanga ramakore akaita izvozvo chaizvo akanga ari muapostora Pauro, uyo akava muenzaniso nokuda kwavafundisi vechiKristu vapashure kuti vatevedzere.—1 VaKorinte 11:1.

Kunyange zvazvo ainzwira tsitsi zvinetso zvamagariro avanhu zvinotambudza rudzi rwomunhu, Jesu haana kupa nzvimbo yokutanga yapamusoro kukuzvipedza apo aiva pasi pano. Kuve akaita kudaro kungadai bedzi kwakaunza sununguko yechinguvana yakanakisisa. (Johane 6:26, 27; 12:8) Chimwe chinhuzve chakanga chiri choukoshi hukuru zvikuru. “Nokuti ndakaberekerwa izvozvi, uye ndakauyira izvozvi munyika,” Jesu akaudza Pirato, “kuti ndinofanira kupupura zvokwadi.” Ukoshi hwokuva nezivo yezvokwadi yakadaro hahugoni kunyanyosimbiswa kupfuurezvi, sezvo Jesu akanga ataura pakuvamba vamba mumunyengetero, kuti: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyouyo wamakatuma, Jesu Kristu.”—Johane 17:3; 18:37, NW.

Vafundisi vechiKristudhomu vakasanotevera muenzaniso wakagadzwa naJesu here? Vakabvumikisa kuva vatumwa vechiedza seizvo akanga ari, vachiratidzira chiedza cheShoko raMwari, zivo yaro inotungamirira kuupenyu husingaperi here? Kana kuti vakasiya vanhu vari murima here? Mhinduro yeiyi mibvunzo inofanira kuva yefariro kunesu tose nokuti zvibereko zvakaberekwa navanonzi vafundisi vechiKristu kwamazana amakore zvinotibetsera kuziva rudzidziso rwechokwadi, pamwe chete norudzidziso rwenhema.

Vafundisi Vakasanotevera Sei?

Vafundisi vakaita betsero dzinokosha mukuparadzira shoko raKristu. Somuenzaniso, vamwe vakashandurira Bhaibheri mumitauro yomunzvimbomo, nokudaro vachigonesa vanhu kuzviravira vamene.

Mazuva ano, zvisinei, kunooneka kuti vamwe vafundisi vanorangarira kuti kuita zvinodikanwa zvamagariro avanhu kunofanira kurangarirwa sokunokosha zvikuru kupfuura nhamburiko dzokuparidza kana kushandura. Imwe nyaya iri mumagazini inonzi Time ine musoro unoti “Mufundisi Mutsva” yakati: “Pakati pavaPurotesitendi, pave pane chinjo kukubatanidzwa kukuru zvikuru nezvinetso zvikuru zvemari namagariro avanhu izvo vafundisi vari kuedza kusvika.” Kana vari vaKaturike, musoro wamabasa eJesuit akatumwa kubva kuUnited States akataura kuti kugoveranwa kwezvitendero zvechiKristu “kwakava kusingakoshi zvikuru kupfuura kuva vebetsero kuvanhu.” Uye munyori webasa reKaturike akataura, kuti: “Munguva yakapfuura, takanga tine chinonzi vavariro yokuponesa mweya. . . . Zvino, nokuda kwaMwari, tinodavira kuti vanhu vose namarudzidziso ose vari kutorarama munyasha norudo zvaMwari uye vachaponeswa kupfurikidza nenyasha dzaMwari.”

Ikoku kunoreva here kuti hapachinazve dikanwo ipi neipi yokudzidzisa Shoko raMwari seizvo Jesu akaita?

Pachine Dikanwo Here?

Muna 1985 imba dzine 18 000 muHamburg, Germany, dzakaridzirwa runhare navazvipiri vane mazana anoverengeka muicho pepanhau rakaidza kuti “basa gurusa roufundisi rinoitwa norunhare.” Sezviri pamhene rakabereka zvibereko zvishoma. December apfuura The European rakanyora, kuti: “Chechi yePurotesitendi muGermany . . . yakaona vapindi vachiderera navanopfuura 500 000 kubvira muna 1991.”

Boka rinoderera harisi rechienzi kuchechi dzeGermany. Mamiriyoni avanhu munyika yose akaramba rudzidziso, asingacharurangaririzve sorunowirirana noupenyu muma 1990 chaiwoiwo. Asi zivo yechiKristu inokosha kana tichizogonana murubudiriro nerima renyika yanhasi uye tichizotsigirwa netariro yenyika iri nani nokuda kwenguva yemberi. Murayiro waJesu wokuita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose inzira inoshanda yokuita nayo chinodikanwa chokukurumidzira.

Jesu Kristu aida kuti vafundisi vechiKristu vave vatumwa vechiedza, kwete vatumwa verima. Vafundisi vechiKristudhomu vakasanotevera sei? Muenzanisoi wavakatevera?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 19]

Culver Pictures

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe