Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Vanamai Vasina Kuchata Vanogona Sei Kubata Namamiriro Avo Ezvinhu Nenzira Yakanakisisa?
MIRANGARIRO yaLinda yaibatanidza kukatyamadzwa, kurambwa, rutyo, hasha, kushaya tariro, uye kupera mwoyo.a Kunzvera kwakanga kwasimbisa rutyo rwake rukurusa—akanga ane pamuviri pemwedzi mitatu. Asina kuchata uye achingova bedzi namakore 15 okukura, Linda anongova mumwe chete wavaduku vane miriyoni imwe gore rimwe nerimwe muUnited States avo vanova napamuviri. Kuva napamuviri kwavaduku, zvisinei, chinetso chenyika yose, chinobatanidza mapoka ose edzinza nenzanga nomugariro wezvemari.
Vamwe vasikana vaduku vanofunga kuti pamuviri pachavasunungura muupenyu hwapamba husingafadzi kana kusimbisa ukama nomukomana. Vamwe vanoona mwana sechiratidzo chenzvimbo kana sechimwe chinhu chavo vamene chokubata nokuda. Zvomene inorwadza youbereki humwe, zvisinei, inokurumidza kudzinga pfungwa dzakadaro dzefungidziro. Mai vasina kuchata vanomanikidzirwa kuita zvisarudzo zvakaoma, zvinowanzova zvinorwadza. Vangarwisanawo nezvinetso zvemari, kupera mwoyo kwemirangariro, ukata, uye funganyo dzokurera mwana pasina mukwanyina. Nechikonzero chakanaka, ipapoka, Musiki wedu anorayira vaKristu ku“tiza upombwe,” kubatanidza vatano yavasati vachata.—1 VaKorinte 6:18; Isaya 48:17.
Utere hwevatano hauregererwe pakati peZvapupu zvaJehovha. (1 VaKorinte 5:11-13) Kunyange zvakadaro, pakati pazvo pane vanamai vaduku vasina kuchata. Vamwe vakava napamuviri vasati vadzidza mipimo yaMwari. Vamwe vakarerwa savaKristu, asi vakawira muunzenza. Vamwe, vachiva vakarangwa neungano, vanopfidza zvakashata zvavo. Ibetseroi nenhungamiro izvo Shoko raMwari rinopa nokuda kwepwere dzakadaro?b
Ndinofanira Kuchata naBaba Vacho Here?
Bhaibheri rinokujekesa kuti kubvisa pamuviri kunorwisana nomutemo waMwari. (Eksodho 20:13; enzanisa naEksodho 21:22, 23; Pisarema 139:14-16.) Rinodzidzisawo kuti mai vamwe vane mutoro wokugovera mwana wavo, pasinei zvapo nemigariro isingadikanwi yokunambwa kwemwana wacho. (1 Timotio 5:8) Muzvinoitika zvizhinji, kwakanakisisa nokuda kwomusikana kurera mwana wacho amene panzvimbo pokumureresa.c
Nemhaka yenhamo idzo kurera mwana amene dzinogona kuunza, vamwe vanamai vanganzwa kuti kwaizova kuchenjera kuchata nababa vomwana wacho. Asi vanababa vaduku vazhinji vanonzwa musengwa muduku zvichida kumwana wacho kana mai vake. Kunze kwezvo, vanababa vaduku vakawanda vachiri vezera rechikoro uye havashandi. Vachipinda mune icho mumwe munzveri anodana kuti “muchato usina kudzikama unobvira unopindwa mauri kungodzivisa bedzi kubereka kusiri kunze kwomuchato” ungangoita bedzi kuti mamiriro ezvinhu akashata ave akashatisisa. Yeukawo kuti Bhaibheri rinorayira vaKristu kuchata “munaShe.” (1 VaKorinte 7:39) Achiziva ikoku, Linda (adudzwa pamavambo) akasarudza kusachata nababa vomwana wake vane makore 18 okukura. Anotsanangura, kuti: “Akanga asina fariro muna Mwari kana Bhaibheri.”
Ikoku hakurevi hako kusatombofunga zvachose pamusoro pababa vacho vaduku. Sezvo mwana muduku wacho anova mukuru, angada kuziva baba vake vokubereka. Kana kungava kuti baba vaduku vacho kana vabereki vake vanonzwa musengwa wetsika wokuva noukama nomwana wacho kana kugovera tsigiro yemari yakati. Kunyanguvezvo, vabereki vomusikana vangada kuti asava neonano nomurume muduku wacho. (1 VaTesaronika 4:3) Mune dzimwe nyika, kunyanguvezvo, matare akapa vanababa vokubereka vasina kuchata kodzero dzapamutemo dzakafanana neidzo dzavanababa vakachata. Kuchengeta ukama hwakanaka nababa vasina kuchata nemhuri yavo kungadzivisa hondo yakakasharara youtarisiri.d Nepo onano dzakati nababa vaduku vacho dzingava madikanwa, hakufaniri kuva mumugariro worudo kana unobvira kubvumirana pane zvisina kufanira. Tarisiro youkuru inowanzova inokurudzirwa.
Kuwana Betsero
Bhuku rinonzi Surviving Teen Pregnancy, rinoti: “Apo unosarudza kuchengeta ndokurera mwana wako, unosarudza ukuru hwapakarepo. . . . Unosarudza kusiya shure rutivi rwako umene urwo rwakanga rusina nhamo, rwakanga rune misengwa mishomanene kana mitoro.” Mubereki muduku nokudaro anoda betsero netsigiro. Kurava zvakakodzera mabhuku ezvokurapa (ayo angava anowanika nyore nyore mumaraibhurari avose) kungaita zvakawanda kubetsera mai vaduku vanotya kukudziridza chivimbo muunyanzvi hwake hwokutarisira mwana.
Inokosha zvikurukuru itsigiro yavabereki. Mai vomumwe vangava denhe roruzivo rwokuzviwanira rwokurera mwana. Chokwadika, kungava kwakaoma kukumbira betsero. Vabereki vomusikana vangava vachakakuvadzwa navakatsamwa. Vangatyawo kuti pamuviri pacho pachaunza tapuro dzakashata pamuraramire wavo vamene. “Vabereki vangu vakavhiringidzwa nemhaka yokuti vakanga vane izvi zvose zvavaida kuita,” anoyeuka kudaro Donna ane makore 17 okukura. “Zvino vanoti havagoni nemhaka yokuva kwangu nouyu mwana.” Pashure penguva yakati vabereki vakawanda vanokurira mirangariro yavo inorwadza uye vanoda kubetsera munzira yakati. Pwere inopfidza inogona kuita zvakawanda kupfavisa marwadzo kupfurikidza nokubvuma marwadzo ayakaparira nokukumbira ruregerero rwapachokwadi.—Enzanisa naRuka 15:21.
Zvakadiniko kana vabereki vomusikana vakaramba kubetsera kana vasingakwanisi kumubvumira kupfuurira kugara navo? Munyika umo yamuro yavoruzhinji inogoverwa, mai vasina kuchata vangava nechisarudzo chiduku asi kushandisa betsero yacho—panodokuva pakutanga. Bhaibheri rinobvumira vaKristu kushandisa gadziriro dzakadaro. Zvisinei, ikoku kuchareva kurarama norutsuta rwakaoma. “Kunoratidzika kuti chinetso changu chikuru imari,” anodaro Sharon ane makore 17 okukura. “Ndinogona kutenga zvokudya namanapukeni, asi ndipo painoperera ipapo.” Pashure penguva yakati kungava kunobvira kushanda. Kuedza kudzikamisa umai, basa, uye mibato yomudzimu kuchava kusiri nyore, asi vamwe vakakwanisa kukuita.
Kushandisa Uchenjeri NenzwisisoMukugara Pamwe Chete
Kana vabereki vomumwe vachibvuma, pangava nebetsero chaidzoidzo dzokugara pamusha panzvimbo pokuedza kuzviraramira. Kugara pamba kunowanzova kunodhura zvishoma. Kupfuurirazve, mhoteredzo dzakarovedzeka dzomusha dzingagovera pfungwa yekotsekano nechengeteko. Kugara pamusha kungakuitawo kuri nyore zvikuru kuti musikana apfuuridzire dzidzo yake. Kupfurikidza nokupedza kudzidza pachikoro chesekondari, musikana anovandudza zvikuru mikana yake yokupukunyuka upenyu hwourombo.e
Chokwadika, kuva nezvizvarwa zvitatu zvinogoverana musha kunogona kumutsa nhamo nokurwadziwa nokuda kwomunhu ari wose anobatanidzwa. Mai vari voga vangafanira kubata nemigariro yokurarama yakamanikana. Vabereki navanun’una vangatofanira kurovedzana nokudzongonyedzwa kurara kwavo nokuchema kwomwana. Muitiro wemhuri ungadzongonyedzwa. Asi Zvirevo 24:3 inoti: “Imba inovakwa nouchenjeri; inosimbiswa nenjere.” Hungu, kana vose vanobatanidzwa vakaratidzira rudo rusina udyire nerangariro, kusabvumirana mukati memhuri kunogona kuderedzwa.
Zvinetso zvichamukawo kana mai vaduku vakaedza kunzvenga kutakura mutwaro wavo vamene womutoro ndokukarira mbuya kuita basa rose. (Enzanisa naVaGaratia 6:5.) Kana kungava kuti mbuya vane kariro dzakanaka vanodokuva vanorayira tarisiro yomuzukuru wavo. Bhuku rinonzi Facing Teenage Pregnancy, rinoti: “Vanambuya navanasekuru vanorera mwana wamai vasina kuchata sokunge kuti ndowavo vamene vangawedzera rwisano yemhuri nekangaidziko yorutivi.” Nepo betsero netsigiro zvambuya kana sekuru zvichikosha zvikuru, Magwaro anopa mutoro wokurera mwana kuvabereki. (VaEfeso 6:1, 4) Kurukurirano yakajeka nebatira pamwe zvinogona naizvozvo kuita zvakawanda kudzivisa kusanzwisisana.—Zvirevo 15:22.
Hausi Woga
Kunyange zvazvo kuva nomwana wokunze kwomuchato kwakaoma, hakusati kuri kuguma kwoupenyu hwomumwe. Mwari ‘anokanganwira zvikuru’ avo vanopfidza zvisakarurama zvavo. (Isaya 55:7) Kufungisisa paizvi kunogona kubetsera mai vamwe kukurira kunzwa kwokuzvisema uko kungauya pavari padzimwe nguva. Pakunzwa vaodzwa mwoyo, vanogona kutsamira pana Jehovha ndokumusvika mumunyengetero. Vanogona kukumbirawo betsero yaMwari mukurera mwana wavo.—Enzanisa naVatongi 13:8.
Jehovha anogoverawo tsigiro kupfurikidza neungano yechiKristu. Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvisingaregereri utere, zvinorangarira avo vanoita chinjo nomutoo wokupfidza muupenyu hwavo kuti vagofadza Mwari. (VaRoma 15:7; VaKorose 1:10) Vamwe muungano vangasundwa kutsvaka nzira dzouchenjeri dzokupa yamuro inoshanda kumubereki mumwe. (Enzanisa naDheuteronomio 24:17-20; Jakobho 1:27.) Pachinoitika chipi nechipi, vanogona kugovera ushamwaridzani nokusanoteerera apo kunodikanwa. (Zvirevo 17:17) Kunyange zvazvo vabereki vakapara chivi chakakomba, mwana wacho haana mhaka. Naizvozvo ungano inogona kubetsera kana mai vacho vachiratidza chimiro chakarurama.
Kuri nani zvikuru sei kusaputsa mitemo yaMwari pakutanga! Asi vanotadza avo vakapfidza nzira yavo yokusazvidzora, ndokuita zvinowirirana, vanogona kuvimbiswa betsero yaJehovha mukuita zvakaisvonaka mumugariro wavo.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe amazita akachinjwa.
b Iyi nyaya hainongedzerwi kuvananyajambwa vevatano yamakunakuna kana chibharo, kunyange zvazvo mamwe amapfundo ari muno angabvumikisa kuva anobetsera kuvakadaro.
c Ona “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Mimba Dzavechiduku—Musikana Anofanira Kuitei?” muchinyorwa chedu chaMay 8, 1990.
d Ona “Ndiani Anowana Mwana?” muchinyorwa chedu chechiNgezi chaOctober 22, 1988.
e Vamwe vakashandisa zvirongwa zvehurumende izvo zvinodzidzisa unyanzvi hwebasa hunogona kugovera basa. Pangava kunyange negadziriro idzo dzinogovera tarisiro yavacheche panzvimbopo apo mai vanenge vari mukirasi.
[Mufananidzo uri papeji 17]
Mai vasina kuchata vanoda betsero netsigiro