Rudzidziso Runotsigira
PANA September 1, 1939, Germany yakavhozhokera Poland, kuchitanga Hondo yeNyika II. Vhiki nhatu gare gare The New York Times yakanga ine musoro mukuru, waiti: “Varwi veGermany Vanokurudzirwa Kurwa Nesimba neChechi.” Chechi dzeGermany dzakatsigira chaizvoizvo here hondo dzaHitler?
Friedrich Heer, purofesa weRoma Katurike wenhau paVienna University, akabvuma kuti dzakadaro: “Muzvokwadi dzisinganzvengeki dzenhau yeGermany, Muchinjikwa neswastika zvakabatira pamwe chete zvikuru kupfuura nakare kose, kutozosvikira swastika yazivisa shoko rorukundo iri mushongwe dzechechi dzeGermany, mireza yeswastika yakaoneka yakapoteredza atari uye nyanzvi dzezvorudzidziso dzechiKaturike nedzechiPurotesitendi, vafundisi, mitezo yechechi navakuru vakuru vehurumende vakagamuchira batano naHitler.”
Zvamazvirokwazvo, vatungamiriri vechechi vakapa tsigiro yakazara kunhamburiko yehondo yaHitler, seizvo purofesa weRoma Katurike Gordon Zahn akanyora, kuti: “MuKaturike weGermany uyo akatarira kuvakatanhamara vake vorudzidziso nokuda kwenhungamiro nomurayiridzo zvomudzimu pamusoro pebasa muhondo dzaHitler akagamuchira mhinduro dzinodokuva dzimwe chetedzo idzo aizodai akagamuchira kubva kumutongi weNazi amene.”
Marudzidziso Ari Kuno Rumwe Rutivi
Asi chechi dzakanga dzichitii munyika idzo dzakanga dzichishora Germany? The New York Times yaDecember 29, 1966, yakashuma, kuti: “Munguva yakapfuura mitumbi yavafundisi veKaturike yomunzvimbomo yaitsigira inodokuva nguva yose hondo dzamarudzi avo, vachikomborera mapoka avarwi nokupa minyengetero nokuda kworukundo, nepo rimwe boka ramabhishopi kuno rumwe rutivi rainyengetera pachena nokuda kwomugumisiro wakasiyana.”
Iyi tsigiro yamauto anoshorana yaiitwa netendero yeVatican here? Rangarira: Pana December 8, 1939, mwedzi mitatu bedzi pashure pokugundika kweHondo yeNyika II, Pope Pius XII akabudisa tsamba ine chiremera yaienda kuvafundisi yaiti Asperis Commoti Anxietatibus. Tsamba yacho yakanyorerwa vafundisi vaiva mumauto amarudzi akanga achirwa, uye yakakurudzira avo vaiva pamativi ose ari maviri kuva nechivimbo namabhishopi avo echiuto akasiyana-siyana. Tsamba yacho yakapa zano vafundisi vacho “savanorwira nyika dzavo kuti varwirewo Chechi.”
Rudzidziso runowanzotungamirira nokumukira noukono mukuunganidza nyika nokuda kwehondo. “Kunyange muchechi dzedu takaisa mireza yehondo,” akabvuma kudaro mushakabvu Harry Emerson Fosdick, mufundisi wePurotesitendi. Uye pamusoro pehondo yokutanga yenyika, mutungamiriri wamapoka eBritain Frank P. Crozier akati: “Chechi dzechiKristu ndidzo vasimudziri vakaisvonaka vokudeurwa kweropa vatinavo, uye nezvavo takaita kushandisa kwapachena.”
Zvisinei, ndicho chakanga chiri chinyorwa chorudzidziso munguva yakapfuura. Zvakadiniko norutivi rwarwo rwamazuva achangobva kupfuura aya muhondo munyika dzinozvitonga dzeyaichimbova Yugoslavia, umo vanhu vakawanda vari zvichida vaRoma Katurike kana kuti zvimwe vaOrthodox?
Mutoro woRudzidziso
Musoro mukuru muAsiaweek yaOctober 20, 1993, wakazivisa, kuti: “Bosnia Musimboti weRwisano Dzorudzidziso.” Musoro mukuru nokuda kwetsinhiro muSan Antonio Express-News yaJune 13, 1993, wakazivisa, kuti: “Vatungamiriri voRudzidziso Vanofanira Kugumisa Nhamo dzeBosnia.” Nyaya yacho yakati: “Marudzidziso eRoma Katurike, Eastern Orthodox neMuslim . . . haagoni kuramba mutoro wezviri kuitika. Kwete nguva ino, kwete nenyika yose inonzwa nhau manheru ari ose. Ihondo yawo. . . . Nheyo yokuti vatungamiriri vorudzidziso vane mutoro nokuda kwehondo yakajeka. Kuzvipira kwavo kuri pachena kunoinyandura. Vanoita kudaro kupfurikidza nokukomborera rumwe rutivi kupfuura rumwe.”
Neiko, somuenzaniso, ruvengo ruri pakati pemitezo yeChechi yeRoma Katurike neChechi dzeEastern Orthodox rwakakura zvikuru? VanaPapa, mabhishopi, uye vamwe vatungamiriri vechechi vane mutoro. Chibviro chapakuparadzana kwokupedzisira pakati paaya marudzidziso muna 1054, vatungamiriri vechechi vakasimudzira ruvengo nehondo pakati pemitezo yavo. Pepanhau reMontenegro rinonzi Pobeda, September 20, 1991, rakanongedzera kukuparadzana kwamarudzidziso nemigumisiro yako munyaya pamusoro pokurwisana kwamazuva achangobva kupfuura aya. Pasi pomusoro unoti “Vaurayi Muzita raMwari,” nyaya yacho yakatsanangura, kuti:
“Haisati iri nhau yezvamatongerwo enyika pakati [papurezidhendi weCroatia] Tudjman no[mutungamiriri weSerbia] Milošević asi panzvimbo pezvo ihondo yorudzidziso. Kunofanira kududzwa kuti makore ane chiuru akatopfuura chibviro chaapo Papa akasarudza kubvisa rudzidziso rweOrthodox sekwikwidzano. . . . Muna 1054 . . . Papa wacho akazivisa Chechi yeOrthodox kuva ine mutoro nokuda kweparadzano yacho. . . . Muna 1900 musangano wokutanga weKaturike wakarondedzera zvakajeka chinangwa chezana ramakore rechi 20 chokuparadza kwamaune mukurwisana neOrthodox. [Ichi] chinangwa chiri kuitika zvino.”
Zvisinei, rwisano yamazuva achangobva kupfuura aya haisati iri muenzaniso wokutanga wegakava rorudzidziso muzana rino ramakore. Makore makumi mashanu akapfuura, mukati meHondo yeNyika II, vaRoma Katurike vakaedza kubvisa kuvapo kweChechi yeOrthodox munharaunda yacho. Netsigiro yapapa, sangano rezvourudzi reCroatia rinonzi Ustashi rakasvika pakudzora nyika yakazvimirira yeCroatia. The New Encyclopædia Britannica inoshuma kuti uyu mutemo wakatenderwa neVatican waishandisa “miitiro youtsinye yechienzi, iyo yaibatanidza kuurawa kwamazana ezviuru avanhu veSerbia navaJudha.”
Mubhuku rinonzi The Yugoslav Auschwitz and the Vatican, uku kuuraya kukurusa hakusati kuchingorondedzerwa bedzi—kunobatanidza makumi ezviuru zvavananyajambwa—asi kubatanidzwa kweVatican makuri kunorondedzerwawo.
Kuno rumwe rutivi, Chechi yeOrthodox yakatsigira vagari veSerbia mukurwa kwavo. Kutaura idi, mumwe mutungamiriri worutivi rweuto akanokorwa mashoko seanoti: ‘Bhishopi ndiye mutungamiriri wangu.’
Chii chaigona kuve chakaitwa kumisa kuuraya kwacho, uko muBosnia neHerzegovina bedzi kwakasiya vakawanda savane 150 000 zvichida vafa kana kuti vachishayikwa? Fred Schmidt akazivisa muSan Antonio Express-News kuti UN Security Council inofanira kupa “chisarudzo chapamutemo chokupa zano papa, bhishopi weConstantinople, na[vamwe vatungamiriri] vechechi dzeKaturike, Eastern Orthodox, uye Muslim vari kuva noudzori muBosnia neHerzegovina kurayira kumisa nokukurumidza kurwa ndokusangana pamwe chete kuti vasarudze kuti vatsigiri vavo vanogona sei kuzviita kuti vararame savavakidzani naavo vokumwe kutenda.”
Mumufungo wakafanana, tsinhiro iri muProgress Tribune yeScottsdale, Arizona, yakagumisa kuti hondo “ingamiswa kana vatungamiriri vorudzidziso vari ikoko vakaita nhamburiko pamusoro pokuimisa.” Nyaya yacho yakakarakadza kuti vaite kudaro “kupfurikidza nokudzinga mutezo weungano upi noupi uyo unokanda bhomba paSarajevo.”
Hapana Simba ChairoiroNokuda kwoRugare
Zvisinei, vanapapa vakaramba nguva dzose kudzinga akashatisisa amatsotsi ehondo, kunyange apo vaKaturike biyavo vakakumbira nokuda kwechiito chakadaro kuti chiitwe. Somuenzaniso, Catholic Telegraph-Register yeCincinnati, Ohio, U.S.A., pasi pomusoro unoti “Akarerwa somuKaturike asi Anoputsa Kutenda Inodaro Cable Kuna Papa,” yakashuma, kuti: “Chikumbiro chakaitwa kuna Pius XII chokuti Reichsfuehrer Adolph Hitler adzingwe. . . . ‘Adolph Hitler,’ [cable yacho] yakarava murutivi, ‘akaberekwa navabereki vari vaKaturike, akabhapatidzwa somuKaturike, uye akarerwa nokudzidziswa saiye.’” Bva Hitler haana kutongodzingwa.
Rangarirawo, mugariro uri mumativi eAfrica umo hondo youtsinye yakapararira nenzira isingadzoreki. Mabhishopi eRoma Katurike gumi namashanu anobva munyika dzeAfrica dzeBurundi, Rwanda, Tanzania, Uganda, uye Zaire akabvuma kuti, pasinei zvapo nokuvapo kwa“vaKristu” vazhinji vakabhapatidzwa munharaunda yacho, “rwisano dzomukati dzakatungamirira kukuuraya kwoutsinye, kuparadzwa nokubviswa kwokumanikidzwa kwavanhu.” Mabhishopi acho akabvuma kuti chisakiso chikuru chechinetso “ndechokuti kutenda kwechiKristu hakuna kupesvedzera zvakakwana ndangariro dzavanhu vacho.”
National Catholic Reporter yaApril 8, 1994, yakati “papa . . . akanzwa ‘marwadzo makuru’ pamusoro pemishumo mitsva yerwisano munyika duku zvikuru yeAfrica [yeBurundi], iyo chiverengero chavagari vayo chiri zvikurukuru vaKaturike.” Papa akataura kuti muRwanda, umo inenge 70 muzana yechiverengero chavagari vemo iri vaKaturike, “kunyange vaKaturike vane mutoro” wokuuraya kwacho. Hungu, vaKaturike pamativi ose ari maviri vakaurayana, kunyange sezvavakaita muhondo dzisingaverengeki dzakapfuura. Uye, sezvatacherekedza, mamwe marudzidziso akaita zvimwe chetezvo.
Nokudaro tinofanira kugumisa kuti marudzidziso ose anotsigira hondo here? Pane here rudzidziso rupi norupi ruri pesvedzero yechokwadi nokuda kworugare?
[Mufananidzo uri papeji 23]
Hitler, anooneka pano napapa nuncio Basallo di Torregrossa, haana kutongodzingwa
[Kwazvakatorwa]
Bundesarchiv Koblenz