RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 6/15 pp. 20-23
  • Chechi yeLatin America yava Munhamo Neiko Mamirioni Ari Kubuda?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chechi yeLatin America yava Munhamo Neiko Mamirioni Ari Kubuda?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsvaka Tsananguro
  • Vezvamatongerwe Enyika Zvikuru Kupfuura Vaparidziri Here?
  • Makwai Asina Mufudzi
  • Chii Chaunofanira Kuita?
  • Neiko Chechi Iri Kurasikirwa Nepesvedzero?
    Mukai!—1996
  • Chii Chiri Kuitika Kumachechi?
    Mukai!—2007
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 6/15 pp. 20-23

Chechi yeLatin America yava Munhamo Neiko Mamirioni Ari Kubuda?

KUBVA kumuganhu wokuchamhembe kweMexico kusvikira kumugumo wokumaodzanyemba kweChile, hakutongorina guta reLatin America kana kuti musha usati uchidada nechechi yeRoma Katurike munzvimbo yayo huru yavose. Zvisinei, “chinjo huru iri kuitika muLatin America,” anobvuma kudaro Joseph E. Davis, mutungamiriri wepurogiramu yesangano rinosimudzira mibato yeKaturike. Iye akabvumawo kuti Latin America, nharaunda iyo kwaanopfuura mazana matatu amakore yave iri mupesvedzero yeChechi yeRoma Katurike, zvino yodokuva nechinjo huru.

Hachisati chiri chakavanzika kuti udzori hweChechi yeKaturike huri kuneta nokukurumidza. Misi ichangobva kupfuura iyi, chiverengero chavaKaturike vanoshingaira chakafungidzirwa kuva 15 muzana bedzi yechiverengero chose chavagari vomuLatin America. 1991 Britannica Book of the Year yakashuma, kuti: “MaBhishopi eRoma Katurike napapa amene vakataura rutyo rwokuti mune zvenhau Latin America yeKaturike yakanga ichibva nenzira ine ngozi mukutenda kwekare.” Neiko ikoku kuri kuitika? Neiko vazhinji kwazvo vari kubuda mudanga reKaturike? Chiiko chakaitika kuavo vanobva?

Kutsvaka Tsananguro

Vatungamiriri veKaturike vanoshora zvinetso zvavo pakuwanda kwa“masekete.” Mumwe muprista weEurope anoshanda muBolivia akanyunyuta, achiti: “Chechi yakafanana nomuti une simba riri kupedzwa nezvipembenene zvakafanana nesora.”

MuArgentina, marudzidziso matsva 140 anoshumwa gore rimwe nerimwe, uko kungabetsera kutsanangura derero muumutezo hweChechi yeKaturike kubva pa 90 muzana kusvikira ku 60 kana kuti 70 muzana chifo chapakati pama 1970. MuTijuana, Mexico, 10 muzana yavagari vemo vane mamirioni maviri vakaenda kumarudzidziso asati ari eKaturike 327 ari imomo. Magazini yeTime yakashuma, kuti: “Nenzira inoshamisa, zvamazvirokwazvo kunodokuva navaPurotesitendi veBrazil vakawanda muchechi pamaSvondo kupfuura vaKaturike.” Hakushamisi kuti, sezvakataura rimwe pepanhau, apo “makadhinaro eLatin America akasangana napapa muGuta reVatican kuzokurukura nhau mbiri dzoukoshi hukuru nokuda kwechechi nhasi,” imwe yadzo yakanga iri “chinetso chamasekete.”

Mumumwe musangano namabhishopi eMexico, papa akataura kuti budiriro yamarudzidziso matsva akawanda “iri nemhaka yokudziya nokusakendenga kwavanakomana vechechi vasingaiti basa ravo romuevhangeri.” Neiko “vanakomana vechechi” vasingakendengi kuita zvinodikanwa zvomudzimu zvavaLatin America apo vakawanda kwazvo vaivava vachiremekedza Bhaibheri? Chikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau muÚltima Hora, cheLa Paz, Bolivia, chinotsanangura, kuti: “Chechi yakapinda munyika kusvikira kutambanuko yakadaro zvokuti zuva rimwe nerimwe inoratidzika kuva iri kusiyazve nzvimbo yayo. Hakufaniri kuva kunoshamisa kuti tiwane, sezviri kuitika chaizvoizvo, kuti vaprista vazivi vamagariro avanhu, vezvemari, vanyori venhau, kana kuti vezvamatongerwe enyika zvikuru kupfuura kuva vafundisi.”

Vezvamatongerwe Enyika Zvikuru Kupfuura Vaparidziri Here?

Kupindira mune zvamatongerwe enyika kwechechi mukati mama 1970 nama 1980 pasina panikiro kwakagovera kukusemburwa vaLatin America vazhinji zvino vanonzwa nokuda kwechiKaturike. Imwe fundo yakabudiswa muna 1985 yakaita tsinhiro inotevera pamusoro peMaryknoll, Catholic Foreign Mission Society of America, nemishoni dzayo dzakawanda dzeLatin America: “Maryknoll yakapinza nenzira inobudirira shoko raMarx naLenin rokumukira kwamasimba masimba mukugamuchirwa navose chaizvoizvo nemhaka yokuti yakabvumirwa kushanda soruoko rweChechi yeKaturike. Shoko rayo rakasvikawo kwete bedzi muendiwo zvake kuchechi, asi vaiti vemiitiro vakuru veAmerica.”

Rangarirawo inonzi hondo yakaipa umo, nenzira inoshamisa, kuvambira pavaArgentina 10 000 kusvika ku 30 000 vakatorwa ndokuurawa pasina kutongwa mukupera kwama 1970. Chikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau muNational Catholic Reporter, pasi pomusoro mukuru unoti “Blood Taints Church in Argentina,” chakati: “Chinoitika cheArgentina chakasanofanana nokuita kwechechi yeKaturike muNazi Germany, chinomutsazve mubvunzo wokuti simba rinokosha zvikuru here kuchechi kupfuura murairo weEvhangeri wokuva chapupu kuzvokwadi.”

Chishuvo chechechi chesimba muhurumende dzenyika chinoratidza zvakajeka seisiri shamwari yaMwari. Bhaibheri rinoti: “Hamuzivi here kuti kuita kuti nyika ive shamwari yenyu kuita kuti Mwari ave muvengi wenyu? Munhu upi noupi anosarudza nyika kuti ive shamwari yake anozvichinja amene kuva muvengi waMwari.” (Jakobho 4:4, Jerusalem Bible yeKaturike) Hakushamisi, ipapoka, kuti vazhinji havasati vachatarira kuChechi yeKaturike nokuda kwenhungamiro yomudzimu. Asi chii chakaitika kuvanhu vakabuda mudanga reKaturike?

Makwai Asina Mufudzi

Ivo vakafanana zvikuru navanhu avo vatungamiriri vomudzimu vomuzana rokutanga ramakore vechiJudha vakakundikana kutarisira. Bhaibheri rinoti Jesu “akavanzwira urombo nemhaka yokuti vainetswa ndokuora mwoyo, kufanana namakwai asina mufudzi.” (Mateo 9:36, JB) Vazhinji vakabva muChechi yeKaturike vachienda kuanonzi marudzidziso eevhangeri. Ko iwaya akatarisira zviri nani here makwai akarasika? Ko vaPurotesitendi vanodisa zvikuru here kuva seizvo Jesu akataura nezvavateveri vake vechokwadi, kuti: “Ivo havasati vari rutivi rwenyika, seni ndisati ndiri rutivi rwenyika”?—Johane 17:14, NW.

Marudzidziso akawanda asiri eKaturike anoedza kuratidza chimiro chokuteerera Bhaibheri panzvimbo pavateveri vegamuchidzanwa rorudzidziso. Kazhinji kazhinji ikoku kunongova zvako kwapamusoro. Dzidziso huru dzamasangano ePurotesitendi dzakafanana kwazvo neidzo dzeChechi yeKaturike zvokuti vacherechedzi vakawanda vangagona nyore nyore kushandisa kutaura kwechiAndes, kwokuti: “Es la misma cholita con otra pollera” (Mukadzi muduku mumwe cheteyo weIndia ane rokwe rakasiana).

Somuenzaniso, anodokuva mapoka ose ePurotesitendi anodzidzisa kuti Mwari Utatu, bva iyi haisati iri dzidziso yeBhaibheri. The Encylopedia of Religion inobvuma, kuti: “Vadudziri navafundisi nhasi vanobvumirana kuti Bhaibheri rechiHebheru harina dzidziso yoUtatu . . . Testamente Itsva hainawo dzidziso yakajeka yoUtatu.”a

VaPurotesitendi vakabatanidzwa nenzira yakajeka nenyika ino namatongerwe enyika ayo zvikuru savaKaturike. Encyclopedia of Latin America inoti: “ChiPurotesitendi muLatin America chakazvichinjirawo chimene ku . . . kusarudzwa mune zvamatongerwe enyika kwavanotsigira fariro dzavoruzhinji. Vafudzi vakaberekerwamo kazhinji kazhinji vanova vatsigiri vavasimudziri vezvamatongerwe enyika ndokugoverawo mavhoti nokuda kwezvizivano zvehurumende kuchechi dzavo.” Latin American Research Review inoti: “ChiPurotesitendi chakashatiswa navamatongerwe enyika muGuatemala chifo chaapo chakatanga kusvika munyika macho,” chichiwedzera kuti icho “chave chiri zvikuru chokupa nacho mifambiro yezvamatongerwe enyika neyenzanga sechimiro chorudzidziso.”

Kutora rutivi kwechiPurotesitendi mune zvamatongerwe enyika kazhinji kazhinji kwakatungamirira kukutora rutivi kwechiPurotesitendi muhondo. Mushakabvu Harry Emerson Fosdick, airangarirwa somumwe wavafundisi vane pesvedzero zvikurusa vePurotesitendi munhau yeAmerica, akabvuma, kuti: “Nhau yedu yokuMadokero yave iri yehondo imwe pashure peimwe. Takabereka varume nokuda kwehondo, takarovedza varume nokuda kwehondo; takarumbidza hondo; takaita varwi magamba edu uye kunyange muchechi dzedu takaisa mireza yehondo . . . Nekona rimwe romuromo wedu takarumbidza Muchinda Worugare uye nerimwe takarumbidza hondo.”

Chii Chaunofanira Kuita?

Pashure pokurondedzera rudzidziso rwenhema semhombwe yokufananidzira iyo inoita ufeve nehurumende dzapasi, bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinoti: “Budai, vanhu vangu, mariri, kuti murege kugoverana mumhaka dzaro ndokuva namatambudziko mamwe chetewo okutsungirira.”—Zvakazarurwa 18:4, JB.

Vazhinji vanoziva kuti muchechi mune ushati hwakawanda, bva vanozengurira kubuda nemhaka yokuti Chechi yeRoma ine nhauro yekare kwazvo. Yeuka, zvisinei, kuti tsika yechiJudha yokunamata yakanga yava yekare zvikuru; bva Mwari akaramba vaJudha savanhu vake vakasarudzwa apo vakabva padzidziso dzake dzechokwadi. Vabatiri vakatendeka vaMwari vakabva muchiJudha apo vakaziva kuti Mwari zvino akanga achishandisa ungano yechiKristu panzvimbo pacho. Iwe unogona sei kuziva ungano yechiKristu yechokwadi nhasi?

VaLatin America vanodokusvika mirioni imwe vakava Zvapupu zvaJehovha mumakumi maviri amakore apfuura. Neiko vakaita iyi chinjo? Rimwe pepanhau muMartínez de la Torre, Veracruz, Mexico, rakaongorora uyu mubvunzo. Rakati: “Ava vadzidzi veBhaibheri vakaumbwa neinodokuva 100 muzana yavaichimbova vashingairi vamarudzidziso akasiana-siana, zvikurukuru vaKaturike, avo vakacherechedza kuenda kworudzidziso kumatongerwe enyika nokugamuchira kwarwo nokutendera miitiro yose isati iri yeBhaibheri yakafanana nokutenda kwakavhengana, utere, uye masimba masimba. Ave ari manyuko egutsikano nokuda kwavo kuwirirana nenheyo dzapaMagwaro dzomufambiro pasina kutendeukira kukunamata zvidhori kana kuti magamuchidzanwa amavambo asina kupfeka. Ikoku kwakavapa chinzwano chinorumbidzwa chokutenda icho chinoratidzika kuva chinovasianisa kupi kana kupi kwavanowanwa.”

Rimwe pepanhau reLatin America rakataura neiyi nzira: “Zvapupu zvaJehovha vanhu vanoshanda zvakaoma, vakatendeseka, vanotya Mwari. Izvo zvine mwero uye zvinoda gamuchidzanwa uye rudzidziso rwazvo rwakavakirwa padzidziso dzeBhaibheri.” Tinokukumbira kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha munzvimbo iri yose unogara. Uchadzidza kuti tariro yazvo nenzira yazvo yose youpenyu zvakavakirwa paBhaibheri. Hungu, uchadzidza nzira yokunamata nayo Mwari “nomudzimu nezvokwadi.”—Johane 4:23, 24, NW.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona bhukwana raUnofanira Kudavira Utatu Here? rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.

[Chati iri papeji 21]

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUDZIMWE NYIKA DZELATIN AMERICA

1971 1992

Nyika Vaparidzi Vaparidzi

Argentina 20 750 96 780

Bolivia 1 276 8 868

Brazil 72 269 335 039

Chile 8 231 44 067

Colombia 8 275 55 215

Costa Rica 3 271 14 018

Dominican Republic 4 106 15 418

Ecuador 3 323 22 763

El Salvador 2 181 20 374

Guadeloupe 1 705 6 830

Guatemala 2 604 13 479

Honduras 1 432 6 583

Mexico 54 384 354 023

Panama 2 013 7 732

Paraguay 901 4 115

Peru 5 384 43 429

Puerto Rico 8 511 25 315

Uruguay 3 370 8 683

Venezuela 8 170 60 444

HWERENGEDZO 212 156 1 143 175

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe