VaKristu Vechokwadi neHondo
JESU akaudza vadzidzi vake, kuti: “Ndinokupai murayiro mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo.” (Johane 13:34) VaKristu vechokwadi vanogona kuratidzirana rudo rwakadaro here uye panguva imwe chete vachienda kuhondo ndokuurayana?
Rangarirawo mubvunzo wakabvunzwa nomuapostora Pauro, kuti: “Kristu akaparadzaniswa here?” (1 VaKorinte 1:13, Revised Standard Version, Catholic Edition) Zvibvunze umene, kuti: ‘Panogona kuva nokukamukana kupi nokupi kukuru kupfuura uko kunoguma nemitezo yorudzidziso rumwe cheterwo ichiurayana here?’
Chaizvoizvo, hatifaniri kushamiswa kuziva kuti vaKristu vapakuvamba havana kuenda kuhondo. Encyclopædia of Religion and Ethics yakakurumbira yaHastings, yakati: “Murangariro wacho wakanga wakapararira zvikuru muChechi yapakuvamba kuti hondo chivi chakarongwa icho Chechi navateveri vaKristu vanofanira kudzivisa chose.”
VaKristu vapakuvamba vakararama maererano nomurayiro waJesu wokudanana. Mufundisi weGermany Peter Meinhold akatsanangura, kuti: “Nepo Testamende Itsva isingakurukuri nhau yacho kana vaKristu vangava kana kuti vangasava varwi uye kana vachifanira kurega chiuto apo vanova vaKristu, chechi yekare yakaita chimiro chakati munhau yacho. Kuva muKristu nomurwi kwairangarirwa sokusingawirirani.” Pane here munhu upi noupi nhasi anoita chimiro chakafanana neicho che“chechi yekare”?
Pane vaKristu Vapi NavapiVechokwadi Nhasi Here?
Encyclopedia Canadiana inoti: “Basa reZvapupu zvaJehovha kumutsidzirwa nokutangwazve kwechiKristu chapakuvamba chaiitwa naJesu navadzidzi vake mukati mezana ramakore rokutanga nerechipiri renhambo yedu. . . . Vose ihama.”
Ikoko kunoitwa sei chaizvoizvo? “Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta kusatora rutivi chose munguva yehondo,” inodaro Australian Encyclopædia. Nepo savanhu vamwe navamwe vangasarudza kutora ichi chimiro, havapindiri munhau dzehurumende dzavanogara madziri. Nokudaro havana kutsigira hondo yaHitler, uye naizvozvo hapana mumwe wavo akatongwa mukati mokutonga kweNuremberg samatsotsi ehondo.
Mumwe mugari weGermany akawanwa ane mhaka ndokuurawa akanga ari Alfred Rosenberg, mukuru mukuru weNazi Party’s Foreign Affairs Department. Achidzivirira muitiro weNazi wokuisa Zvapupu zvaJehovha mumisasa yezvibharo, Rosenberg akapupurira mukati mokutongwa kwake, kuti: “Mufundisi weAmerica akandipa nenzira yomutsa zvikuru pepa rechechi rakabva kuColumbus [Ohio] muchitokisi changu. Ndakagumisa kubva imomo kuti United States, yakasungawo Zvapupu zvaJehovha mukati mehondo uye kuti kutozosvikira December 1945, 11 000 vavo vakanga vachakachengetwa mumisasa.” Ichokwadi kuti Zvapupu zvaJehovha zvave zvisingatori rutivi chose, zvisingatori rutivi mukakavadzano dzezvamatongerwe enyika. Hazvina kuteura ropa ripi neripi, muHondo yeNyika II kana kuti muimwe hondo ipi neipi.
MuHungary, mumwe munyori mumagazini inonzi Ring yaNovember 4, 1992, akati pamusoro peZvapupu zvaJehovha: “Zvaizosarudza kufa pane kuuraya mumwe munhu. Naizvozvo, ndine chokwadi chokuti kudai Zvapupu zvaJehovha zvairarama papasi bedzi ipapo hondo dzaisazogundika munzvimbo iri yose.” Reo M. Christenson, purofesa wesayenzi yezvamatongerwe enyika, akakurukura muThe Christian Century kana muKristu wechokwadi angagona kutora rutivi muhondo, uye akagumisa, kuti:
“Munhu upi noupi anogona here kufungidzira zvakakomba nezvaJesu achikanda magirinedhi pavavengi vake, achishandisa pfuti, achitekenya flamethrower, achidonhedza mabhomba enyukireya kana kukanda ICBM iyo yaizouraya kana kuremadza zviuru zvavanamai navana? Mubvunzo wacho ndewoupenzi zvikuru zvokuti hauna kufanirwa nemhinduro. Kudai Jesu aisagona kuita izvi ndokuva wechokwadi kukariro dzake, ipapo tinogona kukuita sei ndokuva vechokwadi kwaari?” Uyu mubvunzo unonyandura mufungo.
Bva, marudzidziso enyika anopfuurira kutsigira hondo. VaKaturike vanoramba vachiuraya vaKaturike, uye avo vamamwe marudzidziso vanouraya zvichida vanhu vokutenda kwavo vamene kana kuti mitezo yedzimwe chechi. Kutevera dzidziso dzaJesu Kristu, kupwiswa kwakasimba noushingi zvinodikanwa, seizvo nhau yechokwadi inotevera inozivisa.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Munhu upi noupi anogona kufungidzira zvakakomba nezvaJesu achishandisa pfuti muhondo here?
[Kwazvakatorwa]
U.S. National Archives photo