RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 7/1 p. 22
  • Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingaendi Kuhondo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingaendi Kuhondo?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingaendi Kuhondo?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • VaKristu Vechokwadi neHondo
    Mukai!—1994
  • Itariroi Iripo nokuda Kwokuguma Kwehondo?
    Mukai!—1993
  • VaKristu Vanofanira Kubatanidzwa Muhondo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 7/1 p. 22

Vaverengi Vanobvunza Kuti

Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingaendi Kuhondo?

Kubvira kare, pasinei nekwazvinogara, Zvapupu zvaJehovha hazvipindiri muhondo dzenyika kana dzevarwi vomunyika imwe chete. Makore 50 apfuura, Australian Encyclopædia yakati, “Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsoramba zvisina kwazvakarerekera munguva yehondo.”

Chimwe chikonzero chikuru nei Zvapupu zvisingapindiri muhondo ndechokuti kupindira muhondo dzakadaro kunokanganisa hana yavo yechiKristu. Hana dzeZvapupu dzakachinjwa nemirayiro nomuenzaniso wakanaka waIshe Jesu Kristu. Akarayira vateveri vake kuti vade vavakidzani vavo. Akarayirawo kuti: “Rambai muchida vavengi venyu, muchiitira zvakanaka vaya vanokuvengai.” (Ruka 6:27; Mateu 22:39) Mumwe wevadzidzi vake paakaedza kumudzivirira achishandisa bakatwa, Jesu akamuudza kuti: “Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro, nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Mateu 26:52) Saka neshoko nomuenzaniso wakanaka, akaratidza pachena kuti vateveri vake havafaniri kushandisa zvombo zvehondo.

Chimwe chikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvisingaendi kuhondo ndechokuti iboka rechitendero rine vatendi vari munyika yose. Kurwa kungaita kuti varwisane nehama dzavo, uye izvi zvingapesana nomurayiro waJesu wokuti vave ‘norudo pakati pavo.’—Johani 13:35.

Mirayiro iri pamusoro apa inoratidza zvinorehwa norudo, haisi dzidzisowo zvayo kuZvapupu zvaJehovha. Somuenzaniso, chimboongorora zvazvakaita munguva yeHondo yeNyika II, muna 1939-1945. MuUnited States, Zvapupu zvaJehovha zvaipfuura 4 300 zvakaiswa mumajeri ehurumende nokuti zvakanga zvaramba kuita basa rechiuto. MuBritain, vanhu vanosvika 1 500 kusanganisira vakadzi vanopfuura 300, vakaiswa mujeri nokuti vakanga varamba kuita mabasa echiuto. MuNazi Germany, Zvapupu zvinosvika 270 zvakaurayiwa neHurumende nokuti zvakanga zvaramba kuenda kuhondo. Paitonga hurumende yeNazi, Zvapupu zvinopfuura 10 000 zvakaiswa mumajeri kana kuti mumisasa yevasungwa. Zvapupu zvokuJapan zvakatamburawo zvakaipisisa. Chero ani naani zvake akafirwa nomunhu waaida muHondo yeNyika II kana imwe hondo ipi zvayo yakazotevera, ngaazive kuti hapana kana mumwe chete zvake weZvapupu zvaJehovha akakonzera rufu irworwo.

Maonero anoita Zvapupu zvaJehovha hondo anonyatsoratidzwa nemashoko akapedzisira kutaurwa naWolfgang Kusserow. Muna 1942 vaNazi vakauraya mukomana uyu wokuGermany aiva nemakore 20 nokuti akanga aramba kuenda kuhondo. (Isaya 2:4) Akaudza dare remauto kuti: “Kubvira ndichiri muduku ndakarerwa somumwe weZvapupu zvaJehovha, ndichidzidziswa kuita maererano neshoko raMwari rinowanikwa muMagwaro Matsvene. Mutemo mukuru uye mutsvene kupfuura yose waakapa vanhu ndouyu unoti: ‘Unofanira kuda Mwari wako kupfuura zvinhu zvose uye muvakidzani wako sezvaunozviita.’ Mumwe murayiro wacho unoti: ‘Haufaniri kuuraya.’ Musiki wedu akanyorera miti here mirayiro iyi?”—Mako 12:29-31; Eksodho 20:13.

Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti Jehovha chete, Mwari wemasimbaose, ndiye achaunza rugare rwechigarire panyika. Zvinotarisa kwaari kuti achazadzika chipikirwa chake chokuti “anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika.”—Pisarema 46:9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe